RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/1 pp. 27-29
  • Ganhuriro Dzinokuodza Mwoyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ganhuriro Dzinokuodza Mwoyo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Umusoro hwapaMagwaro
  • Ganhuriro Pavaduku
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chengetai Rugare Mumhuri Yenyu
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Murume Uye Mukuru—Kudzikamisa Mabasa Acho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Gadziriro Yorudo Yemhuri yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/1 pp. 27-29

Ganhuriro Dzinokuodza Mwoyo Here?

GANHURIRO! Hapana munhu anodzida chaizvoizvo; bva tose zvedu tinofanira kudzishivira kusvika kutambanuko yakati. Iwe, kunyanguvezvo, unoodzwa mwoyo here pane dzimwe nguva nemhaka yokuti upenyu hwako hunoratidzika kuva hwakanyanyoganhurirwa? Zvichida waizonzwa zviri nani kana ukachinja murangariro wako. Panzvimbo pokuzvinetsa pamusoro pechinhu chausingagoni kuita, huregererei kushandisa zvakazara zvikurusa rusununguko rupi kana rupi rwaunofarikanya?

Somuenzaniso, vazhinji vari varombo mune zvemari vanoshuva kuti dai vaiva vapfumi. Zvisinei, nepo urombo huchiganhurira izvo tinogona kuita mutsika ino yezvinhu, zvinhu zvinokosha muupenyu zvinowanika kuna vose. Vanhu varombo pamwe chete nevapfumi vanodanana, vanochata, vanorera vana, vanofarikanya ushamwari hwakanaka, uye zvichingodaro. Chinokosha zvikuru, vanhu varombo pamwe chete navapfumi vanoziva Jehovha uye vanotarira mberi kunyika itsva yakapikirwa. Vanhu varombo pamwe chete navapfumi vanoita fambiro mberi muuchenjeri nezivo zvechiKristu, izvo zviri nani kupfuura pfuma. (Zvirevo 2:1-9; Muparidzi 7:12) Vose—vapfumi navarombo—vanogona kuzviitira vamene zita rakaisvonaka naJehovha. (Muparidzi 7:1) Muzuva raPauro ungano yechiKristu yakanga yakaumbwa zvikurukuru navanhu vaiva nenzvimbo yakaderera munzanga—vamwe vavo varanda—avo vakashandisa nokuchenjera rusununguko rupi kana rupi urwo migariro yavo yakabvumidza.—1 VaKorinte 1:26-29.

Umusoro hwapaMagwaro

Mumuchato wechiKristu, mudzimai ari pasi pomurume wake—gadziriro yakarongwa kubetsera mhuri yose. (VaEfeso 5:22-24) Mudzimai anofanira kunzwa adukupiswa here nemhaka yaikoku? Nyangwe. Murume nomudzimai itimu. Umusoro hwomurume, apo hunobatwa nomutoo wakafanana nowaKristu, hunoisa ganhuriro shomanene zvikuru pamudzimai wake ndokumusiyira mikoto mizhinji yokuziva mano ake. (VaEfeso 5:25, 31) “Mukadzi anoita zvakanaka” waZvirevo ganhuro 31 akanga akabatikana namabasa akawanda anofadza uye anodenha. Nenzira yakajeka, kuzviisa pasi pomurume wake kwakanga kusingamukangaidzi.—Zvirevo 31:10-29.

Nenzira yakafanana, hakuna gadziriro yokuti mukadzi atungamirire varume vakakwaniriswa muungano yechiKristu. (1 VaKorinte 14:34; 1 Timotio 2:11, 12) Ko vakadzi vechiKristu vanofanira kusagutsikana muganhuriro iyoyo here? Aiwa. Vazhinjisa vanoonga kuona rutivi irworwo rwebasa rechiKristu ruchitarisirwa nomutoo woubati ushe hwaMwari. Vanofara kubetserwa nokufudza uye kudzidzisa kwavakuru vakagadzwa uye vanozvibatikanisa vamene nebasa rinokosha rokuparidza nokuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Vakadzi vechiKristu vanoita zvizhinji muiyi nharaunda, uye ikoku kunovaunzira rukudzo mumeso aJehovha Mwari.—Pisarema 68:11; Zvirevo 3:35.

Ganhuriro Pavaduku

Vadukuwo padzimwe nguva vanonyunyuta kuti upenyu hwavo hwakanyanyoganhurirwa, kazhinji kazhinji nemhaka yokuti vari pasi pechiremera chavabereki vavo. Bva ikokuwo ndokwapaMagwaro. (VaEfeso 6:1) Panzvimbo pokutsamwiswa neganhuriro vabereki vavo vanoisa pavari, vaKristu vanonangidzira ngwariro pakufarikanya rusununguko rwavanarwo—kubatanidza, kazhinji kazhinji, rusununguko pamitoro inorema. Nokudaro vanogona kushandisa simba nemigariro zvavo zvouduku kuzvigadzirira vamene nokuda kwoupenyu hwomukuru.

Aichimbova mutariri wedunhu muBrazil anosanoyeuka mukomana aiva namakore 12 okukura murimwe boka duku riri roga uyo akanga akaganhurirwa muizvo aigona kuita. Uyo aitarisira zvinyorwa akanga akabatikana mubasa rake uye aisagona kupa ngwariro huru kuboka, asi akaronga kuti iri jaya rimubetsere. Raiziva uko mafomu ose akanga ari uye rakanga richiwanika nguva dzose kuti ribetsere. Fariro yaro yakanga ichikurudzira, uye rakanga riri shamwari yakatendeka mubasa romumunda. Jaya iroro zvino mukuru akagadzwa.

Kune migariro mizhinji ingaganhurira rusununguko rwomunhu. Vamwe vanoganhurirwa nechirwere. Vamwe vanogara mumhuri dzakakamukana uye vanowana rusununguko rwavo rwakaganhurirwa nezvido zvomukwanyina asingatendi. Nepo avo vanogara neganhuriro vangashuva kuti dai zvinhu zvaive zvakasiyana, vachiri vanogona kurarama upenyu hunofadza. Magazini ino yakava nenhauro zhinji dzavanhu vakadaro avo vave vachikurudzira zvikurusa kuna vamwe nemhaka yokuti vanovimba naJehovha uye vakashandisa zvikurusa migariro yavo.

Achitaura nezvemugariro wavose muzuva rake amene, muapostora Pauro akati: “Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya mwoyo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani kuti udaro hako.” (1 VaKorinte 7:21) Murangariro wakadzikama zvakadini! Mimwe migariro inochinja. Vechiduku vanokura. Vakwanyina vanoshora pane dzimwe nguva vanogamuchira zvokwadi. Migariro yezvemari yave ichizivikanwa kuva inovandudzika. Vanhu vanorwara vanganaya. Mune zvimwe zvinoitika, zvinhu zvingasachinja kutozosvikira nyika itsva yaJehovha yasvika. Kunyanguvezvo, chii chingawanwa mukunetseka nemhaka yokuti munhu haagoni kuita izvo vamwe vanogona?

Wati wambotarira shiri dzichibhururuka mudenga pamusoro papasi ndokuyemura runako norusununguko zvokufamba kwadzo here? Zvichida wakashuva kuti dai waigona kubhururuka saizvozvo. Eya, haugoni uye hauzombokwanisi kubhururuka sezvinoita shiri! Asi sezvingabvira haunyunyuti. Panzvimbo pezvo, unofara mumano ako akapiwa naMwari. Unokwanisa zvakanaka zvikuru kufamba-famba pamusoro papasi. Nenzira yakafanana, upi kana upi ungava mugariro wedu muupenyu, kana tikaisa ngwariro pane zvatinogona kuita panzvimbo pokuzvinetsa pamusoro pezvatisingagoni kuita, upenyu huchava hunogutsa, uye tichawana mufaro mubasa raJehovha.—Pisarema 126:5, 6.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Unonzwa kuti vabereki vako vanokuganhurira here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe