Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Weruzivo Rwemakomupiyuta
1 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu muzana rokutanga ramakore kuti vasatsauswe, nemhaka yokuti “nguva yasara yatapudzika.” (1 VaK. 7:29, NW) Sezvo mugumo wetsika ino yekare yezvinhu unoswedera pedyo, ndekwokukurumidzira sei kuti ti‘tange kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari’ uye ku‘tenga nguva yakafanira’! Nguva inokosha.—Mat. 6:33; VaEf. 5:15, 16.
2 Ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakarumbidzwa somuchengetedzi mukuru wenguva. Somuenzaniso, pakungobaya bhatani rekomupiyuta, mushandisi anogona pakarepo kusvika kuzvitsama zvikuru zvamashoko. Makomupiyuta anogona kuita kazhinji kazhinji mumasekondi izvo zvaizodai zvakada maawa kana kuti vhiki dzakawanda kuita nemimwe mitoo. Apo anoshandiswa nenzira yakakodzera, iwo chishandiso chinobetsera.
3 Ruchachengetedza Nguva Chaizvoizvo Here?: Pane rumwe rutivi, ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakadaro haruuyi kumushandisi pasina ndyiko dzakati kuti—zvose zviri zviviri mumari nomunguva. Maawa angadikanwa kudzidza nzira yokuita nayo kuti komupiyuta iite mabasa akati. Uyezve, munhu anova anofadzwa neruzivo rwokugadzira zvinhu irwo rumene angapedza nguva yaigona kushandiswa zviri nani. Tinofanira kuchengeta murangariro wakajeka, tichiyeuka nheyo inobatanidzwa muzano romuapostora Pauro rokufamba “savakachenjera; mungwarire nguva yenyu.”—Ona 1 VaK. 7:31.
4 Vanhu vakati kuti vane vavariro dzakanaka vakagadzira purogiramu dzemakomupiyuta nokuda kwokuchengeta zvinyorwa zveungano. Chokwadika, chisarudzo chomunhu oga pamusoro pokuti munhu anoshandisa sei komupiyuta yake. Zvisinei, zvinyorwa zveungano zvine mafomu akagoverwa nokuda kwazvo hazvifaniri kuchengetwa mumakomupiyuta, sezvo vana kana kuti vamwe vanhu vasina kubvumidzwa vangagona kusvika pazviri. Zvinyorwa zvose zveungano—zvinyorwa zveakaunzi, makadhi eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano, uye zvichingodaro—zvinofanira kuchengetwa pamafomu anogoverwa neSosaiti, uye mashoko ari paaya mafomu eungano haafaniri kuchengetwa mukomupiyuta. Neiyi nzira, zvinyorwa zvakavanzika zveungano zvichadzivirirwa.
5 Vatariri vakavimbika vanofanira kuva vanonzwisisa mukuita migove yepurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa. Vanofanira kurangarira mashoko achafukidzwa murutivi rwakati. Muchikoro, somuenzaniso, mamwe mashoko angasava akakodzera kuti mudzidzi upi noupiwo zvake atarisire. Chinangwa chehurukuro pamwe chete nezvikwaniriso zvomunhu wacho norudzi rwamashoko acho zvinofanira kurangarirwa. Hakufaniri kusiyirwa kukomupiyuta kusarudza.
6 Hama inogoverwa rutivi runofanira kupiwa pamisangano yeungano haifaniri kutsamira pamashoko akagadzirwa nomumwe munhuwo zvake, zvikurukuru munhu asingazivikanwi, nemhaka chete yokuti akaitwa kuti awanikwe panetwork yemakomupiyuta uye kuashandisa kuchaita kuti asave nebasa. VaKristu vakavimbika havarerutsi kugadzirira hurukuro dzeBhaibheri kana kuti mativi emisangano ndokuita kuti awanikwe pamanetwork emakomupiyuta kuti vamwe vashandise. Zvisinei komupiyuta neWatchtower Library yeSosaiti iri muCD-ROM zvingava zvishandiso zvinokosha zvinoshandiswa nehama imwe neimwe, zvichibetsera kukunzvera kunobudirira munguva yakaganhurirwa inowanikwa.
7 Kana kuri kuitazve nokuparadzira purogiramu dzemakomupiyuta, ndaza, uye mashoko anowirirana pakati pehama, uye kugadzirira nokuparadzira mativi paMusangano Webasa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neelectronic kana kuti mimwe mitoo, kazhinji kazhinji kuri nani kuti hama dzigadzirire mashoko adzo dzimene, dzichirangarira betsero dzomunzvimbomo. (1 Tim. 4:13, 15) Vazivikanwi vomuungano havatongofaniri kushandiswa nokuda kwokuita chimuko chemari.
8 Zvakadiniko nokuparadzirwa kwemapepa akadhindwa nekomupiyuta amagwaro anoshandiswa muFundo yeNharireyomurindi kana kuti muFundo yeBhuku yeUngano? Eya, kungava kuri nani kuti vaparidzi vaite zvinonyorwa zvavo zvomunhu mumwe nomumwe nokutara muBhaibheri nezvinyorwa zviri kufundwa chaimo. Pamusangano, kushandiswa kwemapepa akadhindwa eMagwaro anodudzwa muzvinyorwa kungagona kusakurudzira kushandiswa kweBhaibheri iro rimene mukuwana magwaro. Bva kutarira Magwaro mukati mefundo yeBhaibheri kana kuti pamusangano weungano rutivi rwerovedzo inogamuchirwa, ichitishongedza nokuda kwokushandiswa kunobudirira kweBhaibheri muushumiri hwomumunda. Muzviitiko zvizhinjisa, uye zvikurukuru nokunokorwa kwamashoko kurefu, kurava zvakananga muBhaibheri kunobudirira zvikuru, zvikurukuru apo vateereri vanokurudzirwa kutevera muBhaibheri.
9 Mimwe Misungo Yakakomba: Sezvinoratidzwa papeji 17 yechinyorwa chaAugust 1, 1993, cheNharireyomurindi, kubatanidza komupiyuta nebulletin board yeelectronic kunogona kudziurira ngozi dzakakomba dzomudzimu. Sezvo munhu asina kururama achigona kuisa virus mubulletin board—purogiramu yakarongedzerwa kushatisa nokuparadza mafaira emakomupiyuta—vakaramba kutenda, vafundisi, uye vanhu vanotsvaka kushatisa vamwe mutsika kana kuti neimwe nzira vanogona kuisa vakasununguka pfungwa dzavo dzisina kururama mumabulletin board. Kutoti bulletin board, kunyange iyo ine chiratidzo chokuti “JW Only,” ichitarisirwa nenzira yakanaka, kushandiswa kwayo kuchiganhurirwa kuavo vari vabatiri vaJehovha vakakura mumudzimu, vakatendeka, ingagona kuratidzira vashandisi vechiKristu ku“songaniro dzakashata.” (1 VaK. 15:33, NW) Sosaiti yakagamuchira mishumo yokuti dzinonzi network dzavanhu dzakadaro dzakashandiswa kwete bedzi kufungidzira pamusoro penhau dzomudzimu asiwo kupa zano rakashata, kuparadzira guhwa nemashoko enhema, kudyara pfungwa dzakaipa, kumutsa mibvunzo nepanikiro zvinoshatisa kutenda kwavamwe, uye kuparadzira dudziro dzakavanzika dzoRugwaro. Nechepamusoro, mamwe mashoko angaratidzika kuva anofadza uye anodzidzisa, bva angave akashongedzwa nezvinhu zvine chepfu. VaKristu vanotarira ku“muranda akatendeka uye akachenjera” nokuda kwezvokudya zvomudzimu zvakakodzera nguva uye nokuda kwejekeso. (Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1994, mapeji 9-11.) MuKristu ane mutoro wakakomba wokudzivirira kutenda kwake papesvedzero dzose dzinoshatisa uye, chikuru kuna iwoyo, anofanira kuziva nguva dzose kuti ari kusonganira navanaani.—Mat. 24:45-47, NW; 2 Joh. 10, 11.
10 Nyaya imwe cheteyo yeNharireyomurindi yakasimbisa ukoshi hwokuremekedza mitemo yecopyright. Kambani dzakawanda zvikurusa idzo dzinogadzira nokutengesa purogiramu dzemakomupiyuta dzinoita kuti idzodzi dzive necopyright, uye dzinogovera rezenisi inoratidza kuti purogiramu dzacho dzinogona sei kushandiswa zvapamutemo. Rezenisi yacho kazhinji kazhinji inotaura kuti muridzi haagoni kupa kuvamwe makopi epurogiramu yacho; kutaura idi, mutemo womunyika dzakawanda unoita kuti kuve kusiri kwapamutemo kuita saizvozvo. Vanhu vakawanda vane makaro havana matyira pamusoro pokuputsa mutemo wacho. VaKristu, kunyange zvakadaro, vanofanira kutungamirirwa nehana munhau dzapamutemo, vachipa kuna Kesari zviri zvaKesari.—Mat. 22:21; VaR. 13:1.
11 Dzimwe femu huru dzinotengesa makomupiyuta ane purogiramu dzakafanoiswa nedzine rezenisi. Zvisinei, zvimwe zvitoro zvemakomupiyuta hazvigoveri marezenisi nemhaka yokuti purogiramu dzavanofanoisa makopi asiri apamutemo, kuchireva kuti mutengi anoputsa mutemo mukushandisa purogiramu dzacho. Mukuwirirana naikoku, vaKristu vanofanira kudzivisa kuisa, kana kuti kubvisa, mumabulletin board eelectronic mashoko ari ecopyright (sezvakaita zvinyorwa zveSosaiti) uye zviri kukopiwa pasina mvumo yapamutemo inobva kuvaridzi vacho.—VaH. 13:18.
12 Ukoshi hwokushandiswa kupi nokupi kwemabasa ounyanzvi hunofanira kuenzaniswa nengozi dzinobvira dziri mukushandiswa kwawo. Sezvo terevhizheni ichigona kushandiswa kubetsero yakanaka, tapuro isina kunaka yairi kuva nayo parudzi rwomunhu nhasi yakaparira kunyange manyuko enyika kuratidzira kuitira hanya kwakakomba. Network dzemakomupiyuta dzinotambanuka munyika yose uye dzinogona kupinza mashoko anokosha asina kuganhurirwa mumusha kana kuti nzvimbo yebasa. Dzinogovera betsero dzinodikanwa zvikuru kumabhizimisi nemasangano pamwe chete nokuvanhu vamwe navamwe avo vanoda kuvambirana nefariro dzomunhu oga kana kuti dzebhizimisi munzanga inofamba nokukurumidza yavanorarama mairi. Panguva imwe cheteyo, network dzemakomupiyuta dzinozadzwa nezvinetso zvakadai sezvevatano, mashoko anoparadzirwa okuvenga anokamuranisa, uye mashoko oudzame pamusoro penzira yokuita nayo mabasa anonyangadza neakaipa.
13 Kune zvikonzero zvinokosha zvakawanda, naizvozvo, nei vaKristu vachifanira kuchengeta murangariro wakadzikama wemabasa ounyanzvi emakomupiyuta. Vanhu vakawanda vari kufarikanya New World Translation, mavhoriyamu aInsight, uye purogiramu yeGetVerse, izvo Sosaiti yakaita kuti zviwanikwe pamadiskette emakomupiyuta. Vamwe vakabetserwa nokushandisa Watchtower Library inogoverwa neSosaiti iri paCD-ROM, iyo inobatanidza zvinogonesa kunzvera zvokuwedzera. Nepo achibvuma ukoshi hwemabasa ounyanzvi akati, munhu anoshandisa mabasa ounyanzvi akadaro azvino uno nokuda kwezvinangwa zvinobetsera anofanira kungwarirawo kuzvidzivirira amene navamwe pamativi api naapi akashata. Tinofanira kushandisa dzikamo zvokuti kunyange kushandiswa kusingakuvadzi kwemabasa ounyanzvi hakupedzi chitsama chikuru chenguva yedu yakatsaurirwa ndokutitsausa pabasa redu guru nenharidzano.—Mat. 6:22; 28:19, 20.