Govera Kuzvinyoresa Panhambo Iri Yose
1 Tine chikonzero chakanaka chokuonga Nharireyomurindi neMukai! Ndeapi mamwe magazini anofadza marudzi akawanda zvakadaro? Mwedzi uno kuzvinyoresa kuchave kuchisimbiswa mumubato wedu wokuparidza, uye mashoko ane simba zvakadini ayo magazini anotevera anawo! Kazhinji kazhinji, tinogovera kuzvinyoresa kwedu kwakawanda zvikurusa mubasa rapaimba neimba; zvisinei, tichada kuva vakagadzirirawo kukugovera paimwe nhambo iri yose yakakodzera.
2 Pakugovera kuzvinyoresa uchishandisa “Nharireyomurindi” yaOctober 1, unganyandura fariro munyaya inoti “Nyika Isina Hondo—Rini?” kupfurikidza nokuti:
◼ “Vanhu vakawanda vanoshamiswa kuti nei nyika isina hondo ichiratidzika kuva isingabviri pasinei hapo nenhamburiko dzose dzavanhu. Munofungei nezvouku kutaura kuri papeji 5 yeNharireyomurindi yaOctober 1? [Rava mutsetse wokutanga muimwe neimwe yendima mbiri dzokutanga pasi pomusoro muduku unoti “Rudzidziso—Mhinganidzo Huru,” uye bvumira mhinduro.] Chokwadika, ikoku hakusati kuchireva kuti kuchagarova nehondo. Cherekedzai chipikirwa chaMwari chiri pano pana Isaya 9:6, 7.” Ungarava urwu rugwaro muBhaibheri rako kana kuti sezvarwakanokorwa munyaya yeNharireyomurindi. Tsanangura nokupfupikisa kuti Nharireyomurindi inoreverera Umambo hwaJehovha setariro bedzi yenyika ine rugare, uye kurudzira munhu wacho kuti azvinyorese.
3 Pakushandisa “Mukai!” yaNovember 8 ungati:
◼ “Munofungei pamusoro pomubvunzo uri pabutiro reiyi magazini, unoti: ‘Neiko Upenyu Huri Hupfupi Zvikuru?’ [Bvumira mhinduro.] Iyi nhevedzano yenyaya inodanira ngwariro kuizvo vasayendisiti vazvino uno uye vamwe vanotaura pamusoro pokukwegura, uye ipapo inonangidzira ngwariro paicho Musiki wedu akapikira pamusoro pekariro dzoupenyu husingaperi.” Tsanangura nzira yokuzvinyoresa nayo.
4 Apo unowana vanhu vanoda zvorudzidziso, kuregerereiko kusimbisa nyaya iri mu“Nharireyomurindi” yaOctober 15? Iyi mharidzo inganyandura mhinduro yakanaka:
◼ “Ndingada kuwana murangariro wenyu pamubvunzo uno: Kunobvira kuda Mwari ndokumutya panguva imwe cheteyo here?” Bvumira mhinduro, uye ipapo rava mashoko akapoteredza enyaya inoti “Kutyirei Mwari Wechokwadi Zvino?” (Mup. 12:13) Shandisa mumwe wemienzaniso iri papeji 427-8 yebhuku raKurangarira, uye govera kuzvinyoresa.
5 Pakushanda paimba neimba, musapfuura zvitoro zviduku nemashopo. Vanoshanya nguva dzose pazvitoro vanorondedzera uyu mubato sounofarikanywa uye unobudirira. Ungagona kuedza mharidzo yakapfava seiyi, uchishandisa “Mukai!” yaOctober 8:
◼ “Tinoziva kuti vanhu vebhizimisi vanoonga kuchengetwa vachivambirana nezvinhu zvinotapura nzanga yavo. Ndine chokwadi chokuti idzi nyaya dzichakufadzai.” Ipapo goverana nokupfupikisa pfundo riri munyaya inoti “Mhuri Dzine Mubereki Mumwe—Dzinogona Sei Kuva Dzinobudirira?” Govera kuzvinyoresa.
6 Kana munhu waunosvika akabatikana zvechokwadi, ungagona kuratidza magazini acho ndokuti:
◼ “Ndinoziva kuti manga musingakariri mushanyi nhasi, naizvozvo ndichapfupikisa. Ndingada kukupai mukana wokurava chimwe chinhu chakakosha.” Ratidza nyaya yawasarudza, uye govera kuzvinyoresa. Kana ikoku kukarambwa, govera magazini mamwe namamwe.
7 Chengeta chinyorwa chokungwarira chapaimba neimba, uye dzokera kwose kune zvakagoverwa. Kana fariro yapachokwadi ikawanikwa pashanyo yokudzokerera, karakadza fundo yeBhaibheri. Ngativei vakagadzirira uye vakasvinurira kugovera kuzvinyoresa panhambo iri yose yakakodzera.