RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/94 p. 8
  • Itira Hanya Magazini Mukati maOctober

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Itira Hanya Magazini Mukati maOctober
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Govera Kuzvinyoresa Panhambo Iri Yose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 10/94 p. 8

Itira Hanya Magazini Mukati maOctober

1 Nharireyomurindi neMukai! ane shoko rinonyaradza nerinokurudzira ramashoko akanaka asingaperi. Kuitira hanya magazini kunobatanidza kuwana nguva yokusanoarava nokurangarira nzira iyo nyaya dzacho dzingafadza nayo kuvanhu vari mundima yedu.

2 Kutanga, iva akarovedzana nenyaya dzakatanhamariswa pabutiro. Mifanikiso yepabutiro imene kazhinji kazhinji inogovera magazini acho. Sarudza nyaya dzaunorangarira kuti dzingafadza kuvanhu vari mundima yenyu. Ko vanhu vacho zvikurukuru ndevekutenda kumwe kworudzidziso here? Ndedzipi dziri itiro hanya dzavo huru? Une iyi mifungo mundangariro, unofanira kuva anokwanisa kugadzirira mharidzo inobudirira. Cherekedza idzo dzarongwa pazasi.

3 Kana uri kugovera “Nharireyomurindi” yaOctober 1, ungatanhamarisa nyaya inoti “Bhaibheri—Chii Chiri Ukoshi Hwaro Chaihwoihwo?” Ungagona kuti:

◼ “Munogona kuwana Bhaibheri muunenge musha uri wose munzanga yedu. Vakawanda vanaro vanorangarira kuti rine chimwe chinhu choukoshi chaihwo.” Ipapo ungabvunza mubvunzo wakananga, sowokuti: “Munofunga kuti chii chinoita kuti Bhaibheri rive rakasiyana?” kana kuti, “Munofunga kuti chii chichabetsera vanhu vakawanda kubetserwa neBhaibheri?” Pashure pemhinduro yasaimba, ungakwanisa kupfuurira netsinhiro dzakafanira, sedzinoti: “Pane ufakazi hwakasimba hwokubvumikisa kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari uye inhungamiro yedu yakavimbika. Rine zivo inogona kutitungamirira kuupenyu husingaperi. [Rava Joh. 17:3.] Vanhu vakawanda vanoriremekedza asi havazivi mashandisirwe aro. Nyaya ino iri muNharireyomurindi inotsanangura nzira iyo imi somunhu oga munogona kushandisa nayo Bhaibheri kuwana mhinduro kumibvunzo yenyu pamusoro penguva yemberi.” Govera kuzvinyoresa kweNharireyomurindi kwegore rimwe nokuda kwe$38,00 kana kuti kwemwedzi mitanhatu nokuda kwe$19,00. Kana kuzvinyoresa kusina kugamuchirwa, govera magazini maviri nokuda kwe$3,20.

4 Uchishandisa “Nharireyomurindi” yaOctober 15, ungada kusvika kwakapfava souku:

◼ “Anenge munhu ari wose akarasikirwa nomudiwa murufu. Nyaya ino inomutsa mubvunzo wokuti, ‘Ndaupi Uri Mugariro Wavakafa?’ Munofunga kuti chii chinoitika apo munhu anofa? [Bvumira mhinduro.] Kana mungada kuziva nzira iyo Bhaibheri rinopindura nayo mubvunzo iwoyo, ndingafara kukusiyirai kopi ino yamagazini.” Gadzirira kugovera turakiti raKo Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa? kana saimba achida mashoko mapfupi zvikuru.

5 “Mukai! yaNovember 8 inonzvera humwe hwohufakazi hwakawanda hunoratidza kukundikana kworudzidziso rwenhema. Uchishandisa nyaya dzinoti “Apo Rudzidziso Runotsigira Hondo,” ungabvunza uyu mubvunzo, unoti:

◼ “Kudai Jesu aiva pano nhasi, munofunga kuti aizorangarira sei pamusoro pamasimba masimba ose akatipoteredza? [Bvumira mhinduro.] Jesu akatidzidzisa kuda munhu ari wose, kunyange vavengi vedu. Bva, marudzidziso mazhinji anotaura kuva echiKristu anotsigira mukurwisana kwezvamatongerwe enyika. Munofunga kuti ikoko kunotapura sei vanhu vanoda kurarama maererano neizvo Jesu akadzidzisa? [Bvumira mhinduro.] Chinyorwa chino cheMukai! chinokurukura mubvunzo iwoyo uye chinotsanangura nzira iyo Umambo hwaMwari huchagovera nayo mhinduro yacho.”

6 Edza kugovera kuzvinyoresa kana magazini pasuo riri rose, kunyange kana usingakwanisi kukurukura Bhaibheri. Pasinei zvapo nokukwira kwemitengo yezvokurarama nazvo, magazini edu ari pamutengo une mufungo, unogoneka kuvanhu vane mwoyo yakarurama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe