Rwiyo 131
Kunamatira Kuna Jehovha Mwari Wedu
1. Isu “veimba” yaMwari tinom’batira;
Tinochengetedza kuzvipira kwapoga.
Tazoneta navamwari vamarudzi.
Tovakuna Mwari; ti’te kuda kwake.
Tiroverere zvokwadi m’mwoyo yedu.
2. Zvinhu zva’kapikira nezva’kataura,
Zviri kuitika—dzvinyiriro ichabva!
Umambo huchagumisa hondo dzose.
Torambira kwa’ri; mbiri iwedzere.
NdiMwari wedu; anounza rugare.
3. Ngatirave Bhuku rezvokwadi yaMwari.
Tonamatira kunaJa tichim’terera.
Tidzidze kumuda nokumubatira.
Toziva madonzo ake nokutenda,
Uye namatwo yake ikoshe kwazvo.