Rwiyo 31
Kushingairira Imba yaJehovha
1. Imba yaJehovha Jesu
Akashingairira
Somwoto yakamupisa,
Akafukura chivi.
Wouya kuzoparidza,
Ruponeso noUshe.
Nokuda kwaBaba vake
Akashingairira.
2. Vapostora navadzidzi
Vakashingairawo.
Nebetsero yomudzimu,
Ungano dzakakura!
Ivo vakaparidzira,
Kubva paimba nemba.
Vakaparidzira kwose
Kuti vanhu vapfidze.
3. Nhasi tinoona vanhu
Vanoshingairira.
Hapana chovakonesa
Munyika yakaipa
Vanosundwa naJehovha;
Uyo vanoshandira.
Vanoparidza Umambo
Neshingairo kwazvo.