Rumbidza Jehovha “Zuva Rimwe Nerimwe”
1 Pisarema 145:2 rine vimbiso iyo Mambo Dhavhidhi akaita kuna Jehovha: “Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi.” Isuwo tine chikonzero chokurumbidza ndokukudza Baba vedu vokudenga! Asi tinogona sei kutevedzera muenzaniso waDhavhidhi mukukudza uchangamire hwaJehovha “zuva rimwe nerimwe”?
2 Zadza Mwoyo Yedu Nokuonga Jehovha: Fundo yenguva dzose yeShoko raMwari inokudza kuonga kwedu izvo Jehovha akaita, ari kuita, uye achatiitira. Sezvo tinokura mukuonga mabasa ake anoshamisa, tichazviwana timene tichipfachukira pamusoro pokunaka kwake. (Pisarema 145:7) Ticharumbidza Jehovha nenzira yokudisa panhambo iri yose yakafanira.
3 Rumbidza Jehovha Mukukurukurirana Kwezuva Nezuva: Pakukurukura nevavakidzani, vokuchikoro biyako, vashandi biyako, uye vamwe vatinosangana navo zuva nezuva, tingawana mikana yokugoverana tariro yedu navo. Muvakidzani angataura itiro hanya pamusoro poutsotsi munzanga; wokuchikoro biyako anganetseka pamusoro pokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo kana kuti unzenza; mushandi biyako angataura mumwe murangariro pamusoro penhau yakati yezvematongerwe enyika. Tinogona kunongedzera kunheyo uye zvipikirwa zviri muShoko raMwari izvo zvinoratidza nzira yakarurama yokutora zvino uye mushonga wokupedzisira weizvi zvinetso. Mashoko akadaro anotaurwa pa“nguva yakafanira” anogona kuva chikomborero!—Zvir. 15:23.
4 Taura Pamusoro paJehovha Nguva Yakazara: Munhu anoonga Jehovha zvikuru anoda kugoverana mashoko akanaka nevamwe vakawanda sevanobvira. (Pis. 40:8-10) Muna ikoku tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndiri kuita zvose izvo mamiriro angu ezvinhu achabvumira here?’ Vakawanda vakawana kuti negadziridzo dzakati dzine mufungo, vakakwanisa kuva mapiyona enguva dzose. Kana mamiriro ezvinhu azvino asingabvumiri ikoko, tinogona kunyoresa samapiyona ebetsero here? Sezvo mwaka uri kuuya weChirangaridzo iri nguva yomubato wakawedzerwa, mwedzi yaMarch naApril ingava nguva yakaisvonaka yokuwedzera basa redu kupfurikidza nokuita upiyona hwebetsero.
5 Betsera Vatsva Kutikumbanira Mukurumbidza Jehovha: Kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu nguva dzose kunotiyeuchidza nezvezvikonzero zvokuva vanoonga Jehovha uye kurumbidza zita Rake. Iyi inguva yakanaka zvikuru yokukurudzira vadzidzi vedu veBhaibheri kutikumbanira mukutaura pachena nezvoumambo hwaJehovha. Vakurudzire kurangarira nenzira yokunyengetera pane zvakanyorwa mundima 7-9 pamapeji 173-5 mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vachikwanirisa, havana chikonzero chokurega nemhaka chete yokuti havana ruzivo rwokuzviwanira. Vaparidzi vanokwanisa vanowanika kuti vavaratidze nzira iyo basa rokuparidza Umambo rinoitwa nayo. Kana vatsva vachigona kuva noushingi hwokutaura mashoko akanaka, vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achavabetsera.—Mabasa 4:31; 1 VaT. 2:2.
6 Tinounza betsero dzisingagumi kwatiri timene pamwe chete nokuna vamwe apo tinotsvaka kurumbidza Jehovha muswere wose wezuva.