Kurega Basa Isuo Rakazarukira Kumubato Woubati Ushe hwaMwari Here?
KUREGA basa—nokuda kwavazhinji kunopfiga suo renhambo refu yedzvinyiriro nekutsamwiswa. Pashure pekuva vakapfigirwa murudungwe rwunonetesa kana kuti rwusina kugadzikana, vazhinji vanotarira mberi kukuva nekurega basa kuchizarura suo kumakore ekuzorora nerusununguko rwemunhu oga. Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyange zvakadaro, suo iroro rinotungamirira kukufinhwa nekusafadza. Nhandaro nemabasa okuzvifadza hazvigoveri pfungwa yegutsikano iyo basa rinopa.
Nokuda kweZvapupu zvaJehovha, kurega basa kunogona kuzarura “mukova mukuru une basa guru.” (1 VaKorinte 16:9) Kunyange zvazvo kukwegura kune zvinetso zvako neganhuriro, vamwe vakura vakawana kuti nebetsero yaJehovha vanogona kuwedzera basa ravo kwaari. Rangarira zvakaitika zvevamwe vaKristu vakura muNetherlands. Mukati megore rebasa ra1995, 269 vemapiyona (vazivisi venguva yakazara voUmambo) anopfuura 1 223 vakanga vane makore 50 okukura kana kuti kupfuura. Pana ivava, 81 vakanga vane makore 65 ezera kana kuti kupfuura.
Vamwe vanokwanisa kupayona chete kupfurikidza nekupfuuridzira mwero wekubatikana wavakatanga vachiri kushanda. (Enzanisa naVaFiripi 3:16.) Mumwe muKristu akarega basa anonzi Karel anoyeuka, kuti: “Apo ndaishanda kubasa rangu rekunyika, ndaisitanga kushanda na7:30 mangwanani. Apo ndakavamba kugamuchira penjeni yangu, ndakasarudza kuchengeta rudungwe rumwe cheterwo. Ndaitanga zuva kupfurikidza nokuita kupupura nemagazini mumugwagwa pamberi pezviteshi zveraruwe mangwanani mamwe nemamwe na7 kiroko.”
Kuronga kwekungwarira chinhu chikuruwo kukubudirira. (Zvirevo 21:5) Somuenzaniso, vamwe vakakwanisa kuchengeta mari yakakwana yokuzvitsigira vamene nayo muushumiri hwavo. Vamwe vakasarudza kuderedza ndyiko dzemunhu oga ndokuwana basa renguva isina kuzara. Rangarira Theodore naAnn. Vakatanga upenyu hweroorano samapiyona kutozosvikira misengwa yemhuri yada kuti varege kupayona. Asi mudzimu wavo weupiyona wakaramba uri mupenyu! Sezvo vanasikana vavo vakakura, nguva dzose vaivakurudzira kupayona. Zvinokosha zvikuru, Theodore naAnn vakagadza muenzaniso wakanaka, vachiwanzobatira samapiyona ebetsero. Sezvo vasikana vaikura, Theodore naAnn vakavamba kuderedza basa rokunyika kuitira kuti vave nenguva zhinji yebasa romumunda.
Pashure pokunge vanasikana vavo vapinda muushumiri hwenguva yakazara ndokubva pamusha, Ann akavamba kupayona. Rimwe zuva akakurudzira Theodore kurega basa rake. “Tose tiri vaviri tinogona kupayona,” akakarakadza kudaro. Theodore akazivisa mushandirwi wake nezvevavariro dzake. Kukushamiswa kwake bhasa wake akakarakadza kubetsera kupfurikidza nekumupa basa renguva isina kuzara, achiti: “Ndinofungidzira kuti unoda kushandira bhasa wako kumusoro uko [mudenga] nguva yakazara.” Theodore naAnn zvino vanofarikanya kupayona pamwe chete.
Vamwe vakavamba kupayona mukuita chimwe chinhu kumamiriro ezvinhu akatanga muupenyu hwavo. Rufu rune ngwavaira rwemwanasikana wavo nemuzukurusikana rwakaita kuti vamwe varoorani vakura varangarire zvakakomba nzira iyo vakanga vachishandisa nayo makore avo asara. (Muparidzi 7:2) Panzvimbo pokukundwa nenhamo, vakatanga basa renguva yakazara, iro ravakafarikanya zvino kwemakore anopfuura masere!
Sezvinobvumwa, kunoda kutsunga chaikoiko kuramba uri muushumiri hwenguva yakazara. Somuenzaniso, Ernst nemudzimai wake, Riek, vakavamba kupayona nokukurumidza pashure pekunge vana vavo vabva pamusha. Nokukurumidza pashure paikoko aichimbova musonganiri mune zvebhizimisi akapa Ernst basa rinobhadhara zvikuru. Ernst akapindura, kuti: “Tine mushandirwi akanakisisa watati tambova naye, uye hatidisi kumusiya!” Nemhaka yokuti Ernst nemudzimai wake vakaramba vari mu“basa” raJehovha, dzimwe ropafadzo dzebasa dzakavazarukira. Vakabatira mubasa redunhu kwemakore anopfuura 20 uye vanopfuurira samapiyona kusvikira kuzuva rino. Vanodemba chiito chavo chokurega zvimwe zvinhu here? Imwe nguva yapfuura varoorani vacho vakanyora, kuti: “Kana kuri kuda kwaJehovha, mumwedzi mitatu tinokarira kuchengeta makore edu 50 eroorano, uko kunowanzonzi kuchengeta kunokosha. Asi nokupwiswa kwakazara tinotaura kuti makore edu chaiwoiwo anokosha akavamba apo takatanga kupayona.”
Vazhinji vanowana kuti suo rinotungamirira kumubato wakawedzerwa rinotungamirirawo kumufaro wakawedzerwa! Imwe hama iyo yakavamba kupayona vhiki mbiri pashure pokusvika zera ramakore 65 inoti: “Ndinofanira kutaura kuti handisati ndatongova nenhambo muupenyu hwangu yakazadzwa zvikuru kwazvo nezvikomborero semakore gumi apfuura ekupayona.” Vamwe varoorani avo vakapayona kweanopfuura makore manomwe vanoti: “Chiizve icho varoorani vezera redu uye nemamiriro edu ezvinhu vanofanira kuve vachiita? Tinowanzoona rudzi rwedu mundima—vakagara zvakanaka pamusha, vachingofuta, vachikwegura, uye vachiomarara. Basa rinotichengeta takasimba mundangariro nemumuviri. Nguva dzose tiri pamwe chete. Tinoseka zvikuru ndokufarikanya upenyu.”
Chokwadika, havasi vakura vose vane mamiriro ezvinhu anovabvumira kupayona. VaKristu ava vanogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoonga chipi kana chipi chavanokwanisa kuita mubasa rake. (Enzanisa naMarko 12:41-44.) Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakaremara yakaganhurirwa kumusha unochengeterwa vakwegura. Zvisinei, suo remubato richakaizarukira! Mumwe chiremba akamubvunza kuti anokwanisa sei kushandisa nguva yake. Anorondedzera, kuti: “Ndakamutaurira kuti nguva dzose ndinopererwa nenguva. Aisagona kunzwisisa ikoku. Ndakamuudza kuti ikoku imhaka yekuti mazuva angu akazadzwa nemibato inogutsa. Handina ushoma, asi ndinotsvaka vamwe vane ushoma ndokuedza kuvaudza icho Mwari akachengetera rudzi rwemunhu.” Anopedzisa zvinhu kupfurikidza nokuti: “Kune mumwe munhu ane makore anodokuva 80, munhu haagoni kukarira zvizhinji zvikuru. Ndinyengetererei kuitira kuti ndigogona kupfuurira kutungamirira vazhinji kuna Jehovha.”
Uri wezera rokurega basa here? Suo rekuzorora ringava rinoedza zvikuru, asi harisati riri suo rekuchikomborero chomudzimu. Rangarira mamiriro ako ezvinhu nenzira yokunyengetera. Kungava kuti unogona kupfuura napasuo rinotungamirira kumubato mukuru zvikuru mubasa raJehovha.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Kurega basa kunogona kutungamirira kumubato wakawedzerwa muushumiri