Zvakadini Nehama Dzako Dzokunyama?
1 Vazhinjisa vedu tine hama dzokunyama dzinoverengeka dzisiri muchokwadi. Tinoshuva sei kuti vadiwa vakadaro vatikumbanire munzira inoenda kuupenyu! Kuitira hanya kwedu nguva yavo yemberi isingaperi kungava kukuru zvikuru apo vanenge vari mitezo yemhuri yedu timene. Kunyange zvazvo takaedza kwemakore kuvaita kuti vafarire chokwadi, hatifaniri kugumisa kuti mamiriro acho ezvinhu haana tariro.
2 Apo Jesu akaparidza, “vanun’una vake vakanga vasingatendi kwaari.” (Joh. 7:5) Pane imwe nguva, hama dzake dzokunyama dzakafunga kuti aipenga. (Marko 3:21) Bva, Jesu haana kuvarega. Pashure penguva yakati, vanun’una vake vakagamuchira chokwadi. (Mabasa 1:14) Munun’una wake nokuna mai Jakobho akava mbiru muungano yechiKristu. (VaG. 1:18, 19; 2:9) Kana uchida kuva nomufaro wokuona hama dzako dzokunyama dzichigamuchira chokwadi, usarega kuedza kuvasvika nemashoko akanaka oUmambo.
3 Iva Anozorodza, Kwete Anowanzira: Apo Jesu akaparidzira vamwe, vateereri vake vakanzwa vazorodzwa, kwete vanetswa. (Mat. 11:28, 29) Haana kuvawanzira dzidziso dzavakanga vasingagoni kunzwisisa. Kuti uzorodze hama dzako dzokunyama nemvura dzechokwadi, vape kapu imwe panguva, kwete mugomo wakazara! Mumwe mutariri anofambira akati: “Migumisiro yakanakisisa inowanwa naavo vanomutsa fariro muhama dzavo dzokunyama kupfurikidza nokupupura zvishoma nezvishoma.” Nenzira iyi, kunyange vashori vangavamba kubvunza mibvunzo pakupedzisira ndokuvamba kuva nenyota yechokwadi.—1 Pet. 2:2; enzanisa na1 VaKorinte 3:1, 2.
4 VaKristu vazhinji vakachata vakapupura zvinobudirira kuvakwanyina vavo vasingatendi kupfurikidza nokusiya zvinyorwa zvakavhurika pamashoko angavafadza. Imwe hanzvadzi yakaita ikoku yakaitisawo vana vayo fundo murume wayo achinzwa, achipa tsananguro dzingamubetsera. Pane dzimwe nguva yaimubvunza kuti: “Ndadzidza zvakati nezvakati mufundo yangu nhasi. Munofungei nezvazvo?” Murume wayo pakupedzisira akagamuchira chokwadi.
5 Iva Anoremekedza, Kwete Asingashiviriri: Mumwe muparidzi akatsinhira kuti “kunyange hama dzokunyama dzine maruramiro emirangariro yadzo dzimene nepfungwa.” Naizvozvo tinofanira kuratidza ruremekedzo apo dzinotaura mifungo yadzo kana kuti apo dzinotikumbira zvakananga kusataura kwadziri nezvechokwadi. (Mup. 3:7; 1 Pet. 3:15) Kupfurikidza nokuva vanoshivirira nevane rudo uye nokuva vateereri vakanaka, tinogona kutsvaka mikana yakakodzera yokupa uchapupu nokungwarira. Shiviriro yakadaro inogona kuva inotusa, sezvakaonekwa muchiitiko chemumwe murume wechiKristu uyo akatsungirira nokushivirira kubatwa zvisina kufanira nomudzimai wake asingatendi kwemakore 20. Paakangovamba kuchinja, iye akati: “Ndinoonga sei kuna Jehovha kuti akandibetsera kusakurira mwoyo murefu, nemhaka yokuti zvino ndinogona kuona muuyo wacho: Mudzimai wangu atanga kufamba munzira youpenyu!”
6 Zvakadini nehama dzako dzokunyama? Kungava kuti kupfurikidza nemufambiro wako wakanaka wechiKristu nokudzinyengeterera kwako, “ungadziisa kuna Jehovha.”—1 Petro 3:1, 2, NW, mashoko omuzasi.