RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/97 p. 2
  • Misangano Yebasa yaFebruary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaFebruary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 3
  • Vhiki Inotanga naFebruary 10
  • Vhiki Inotanga naFebruary 17
  • Vhiki Inotanga naFebruary 24
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 2/97 p. 2

Misangano Yebasa yaFebruary

Vhiki Inotanga naFebruary 3

Rwiyo 27

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko oUshe.

15 min: “Goverana Mubasa Risati Richizotongodzokororwa.” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, batanidzai mapfundo anobva muinoti “Keeping on the Watch—How?” pamapeji 714-15 ebhuku raProclaimers.

20 min: “Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro.” (Ndima 1-5) Pashure petsinhiro pfupi pandima 1, muitisi anokurukura ndima 2-5 nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu. Vanohwirudzura mapfundo makuru emharidzo dzakakarakadzwa ndokutsinhira pamusoro pechikonzero nei idzi mharidzo kana kuti dzakafanana dzingava dzinobudirira mundima yomunzvimbomo. Vaparidzi vanoita madzoro kurovedza mharidzo dzacho. Muitisi anopa rumbidzo, anokarakadza nzira dzokudziita kuti dzibudirire zvikuru. Ipapo anobvunza vateereri pamusoro penzira idzo vavariro yavo yokutanga fundo inogona kusvikwa. Anopa pfungwa dzakananga dzenzira yokutanga nayo fundo mubhuku raZivo pakupedzisira.

Rwiyo 34 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 10

Rwiyo 29

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

10 min: “Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro.” (Ndima 6-8) Enzanisirai mharidzo dziri mundima 6-7. Simbisai kudikanwa kwokuita shanyo yedzokerero uko fariro inoratidzwa.

30 min: “Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000.” Kufukidza nemibvunzo nemhinduro kunoitwa nomutariri webasa. Simbisai bhokisi riri papeji 3. Hwirudzurai marudungwe omuenzaniso ari papeji 6. Muparidzi mumwe nomumwe akabhabhatidzwa anofanira kurangarira somunhu oga uye nenzira yokunyengetera kana achikwanisa kunyoresa kwemwedzi mumwe kana kuti inopfuura. Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanogona kukudza goverano yavo muushumiri kupfurikidza nokuisa vavariro yavo vamene yemaawa mwedzi mumwe nomumwe.

Rwiyo 43 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 17

Rwiyo 30

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Dudzai mapfundo anofadza okutaura ari mumagazini azvino uno anogona kushandiswa mubasa vhiki ino.

13 min: “Chirangaridzo—Chiitiko Choukoshi Hukuru!” Mibvunzo nemhinduro. Ipai kurudziro yokuita kuti mwedzi wose waMarch uve chaiwo kupfurikidza nokuita upiyona hwebetsero. Simbisai kushandiswa kwekokero dzeChirangaridzo.

22 min: Kutanga Fundo dzeBhaibheri Dzapamusha. Mumwedzi ichangobva kupfuura, mazana ezviuru emabhuku makuru akagoverwa. Ikoku kunogovera hwaro hwokutanga dzimwe fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakawanda. Hwirudzurai zvakaitwa munzvimbomo mukugovera mabhuku nezvimwe zvinyorwa. Kurudzirai vaparidzi kutevera fariro yose. Itai kuti vaparidzi vanoverengeka varondedzere zvakananga nhamburiko inodikanwa kwavari kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha itsva. Simbisai kuti rutivi rwunokosha rwebasa redu nderwokuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Ikoku kunogona kuitwa nenzira inobudirira kana tikaedza kushandisa zvikarakadzo zvakaratidzwa muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996.

Rwiyo 47 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 24

Rwiyo 32

18 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zivisai mazita avose vari kuita upiyona hwebetsero muna March. Tsanangurai kuti hakusati kwave kunyanyononoka kupinza kumbiriso. Kurudzirai vose kuva negoverano yakazara mubasa romumunda paChitanhatu, March 1. Ratidzai gadziriro dzokuwedzera dziri kuitwa munzvimbomo dzemisangano yebasa mukati memwedzi wacho. Hwirudzurai nokungwarira Bhokisi Remibvunzo.

12 min: “Zvakadini Nehama Dzako Dzokunyama?” Murume nomudzimai vanokurukura nyaya yacho pamwe chete ndokusarudza nzira yokusvika nayo hama dzokunyama dzisingatendi nemashoko akanaka.—Onai Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1990, mapeji 25-7.

15 min: Hwirudzurai Bhuku Rinogoverwa Nokuda kwaMarch—Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Kurukurai nokupfupikisa zvikonzero zvokuputsika kwemhuri munzanga yazvino uno. (Onai Nharireyomurindi yaOctober 15, 1992, mapeji 4-7.) Hwirudzurai zviri mukati mebhuku, papeji 3. Kumbirai vateereri kusarudza maganhuro angagona kugovera hwaro hwemharidzo. Ratidzirai bhokisi rokudzidzisa rinobetsera rinooneka pamugumo weganhuro rimwe nerimwe. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire nzira yokusuma nayo bhuku racho. Yeuchidzai vose kutora makopi okushandisa kupera kuno kwevhiki.

Rwiyo 48 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe