Rwiyo 89
Muenzaniso Woumwari Worudo
1. Jehovha Mwari akatigovera
Tose’su,
Kuvose,
Muenzaniso wokutevedzera,
Tisambowa,
Tisambowa.
Nzira yakanaka yanochengeta,
Yaanotikokera kuiedza,
Hatingabvi’mo, kwete, ha’tisiyi,
Iye rudo;
Jehovha rudo.
2. Nokufamba naJa rudo rwehama
Runobva
Rwadziya,
Rwunotiita tibetseranewo
M’basa redu,
M’basa redu.
Ngatiratidze rudo rwechokwadi,
Tibetserane kusambotsauka,
Kuti dzimwe nguva tingazorambwa;
Ndirwo rudo;
Rudo rwehama.
3. Jehovha rudo Sangano rake’ri
Munguva
Dzose’dzi,
Rinobatira revererwo yake,
Richiimba,
Richiimba.
Ngatidanidzire zita kuvanzwi,
“Makwai” ojekerwa nezvokwadi,
Basa rake rirambe richidiwa;
Urwu rudo;
Rudo chairwo!