Rwiyo 63
Chiedza Ngachipenye
1. Mwari waraira
Kuti kupenye
Achibvisa rima
Ramausiku.
Kubva mutembere
Mheni dzopenya,
Titungamirirwe
Nemwenje wake.
2. Neshoko roUshe
Tinonyaradza
Vafirwi m’tariro
Yorumuko’yi.
Simba roUmambo
Nderake Mwari.
Unotizivisa
Zvebasa rake.
3. Tibatsirei She
Kutendeseka,
Tive vakasimba,
Vakaperera.
Isu vanhu vake,
Todanidzira
Mbiri, nerumbidzo,
Kuzita rake.