RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/98 pp. 3-6
  • Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuziviswa kwoUmambo Kupfurikidza Nemashoko Akadhindwa
  • Mari Yacho Inobva Kupi?
  • Kukwira Kwemitengo—Dambudziko Remari Riri Munyika
  • Kukwira Kwemitengo Kunotapura Sei Basa Redu?
  • Kukwira Kwemitengo Kuchamisa Basa Rekupupura Here?
  • Rinowanirwa Mari Sei Rose?
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kubudisa Mabhuku Ebhaibheri Okushandisa Muushumiri
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Mari Yacho Inobvepi?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nzira Iyo Jehovha Anobudiririsa Nayo Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 2/98 pp. 3-6

Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo

1 Apo vadzidzi vakatumwa muzana rokutanga ramakore kunoparidza shoko rinofadza zvikuru rokuti, “Ushe hwokudenga hwaswedera,” vakapiwa mimwe mirayiridzo yakananga ine chokuita netsigiro yemari yebasa ravo. Musatora ndarama kana sirivheri, kana ndarira muzvikwama zvenyu,” akadaro Jesu, “kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo.” (Mat. 10:7-10) Ngwariro yavo isina kutsauswa yaifanira kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga, kupa uchapupu hwakakwana pamusoro poUmambo hwaMwari. Kana vaizoisa fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu hwavo, zvinodikanwa zvavo zvokunyama zvaizogoverwa. “Mubati wakafanirwa nomubayiro wake.”—Mat. 6:32, 33; Ruka 10:4, 7.

2 Munguva dzazvino uno zvave zvakafanana kuvanhu vaJehovha, sezvinoratidza nhau yemakore 100 apfuura. Panzvimbo pokukumbira mari kana kuti kutsigira zvirongwa zvekutsvaka mari yokuvaka macathedral makuru kana kuti madzimbahwe evafundisi anoorora, vanhu vaJehovha vakasimbisa kunyaradza vanhu vakaodzwa mwoyo neshoko rakaisvonaka roUmambo hwaMwari kupfurikidza naKristu—tariro bedzi yenyika. (Mat. 12:21) Murangariro uyu weMagwaro wezvinofanira kutanga wakaratidzwa zvakajeka muchinyorwa chechipiri (August 1879) chemagazini ine mvumo yeSosaiti. Imomo makataurwa kuti: “‘Tinodavira kuti, ‘Zion’s Watch Tower,’ inotsigirwa naJEHOVHA, uye chero bedzi izvi zvakadaro haisati ichizopemha kana kuti kukumbira vanhu kuti vaitsigire. Apo Uyo anoti: ‘Ndarama yose nesirivheri yemakomo ndezvangu,’ anokundikana kugovera mari inodikanwa, tichanzwisisa kuti ichava nguva yokurega kubudisa chinyorwa chacho.”

3 Gadziriro iyi yakashanda zvakanaka senhungamiro yedu kubva panguva iyoyo. “Zvigaro Zvisingabhadharwi—Pasina Kutora Mari” kwave kuri kutaura kwedu kwose kwose kwataiita misangano yedu, uye Jehovha akawedzera chikomborero chake. Munguva dzazvino uno, somuzana rokutanga ramakore, basa redu rekuparidza rave richitsigirwa kumwero mukuru nemipiro isingakumbirwi uye yokuzvidira. (VaR. 15:26; 2 VaK. 9:13) Munhau iyi Hama Russell pachavo vakatungamirira. Vakagumisa chibvumirano chavo chebhizimisi nababa vavo ndokushandisa pfuma yavo yemunhu oga yemadhora mamiriyoni matatu mubasa roUmambo. Vamwe vakatendeka vakawanda vane kuzvipira kwakafanana kuna Jehovha vakatevera muenzaniso uyu.

Kuziviswa kwoUmambo Kupfurikidza Nemashoko Akadhindwa

4 VaKristu vapakuvamba vakanga vasingagutsikani nokungoudza vamwe “mashoko akanaka” nomuromo. Vakaronga kukopa makopi eMagwaro ndokuaparadzira kwose kwose. Zvinopfuura kungokopa makopi emanyoro enguva dzose, vaKristu ivavo vapakuvamba vanorumbidzwa nokuburitsa Magwaro muchimiro chekodhekisi; mabhuku, hongu, ane mapeji anogonesa kurava kuri nyore mukupesana nemanyoro ekare uye airema zvikuru. Hungu, mupfungwa yokufananidzira, ‘chiKristu chakadhindwa’ shure munguvayo muzana rokutanga ramakore.

5 Zvakadarowo, muma1800, apo basa rekuparidza Umambo rakatanga. Zvakanga zvisingashamisi kuti hama dzakavamba kuparadzira “mashoko akanaka” akadhindwa akawanda zvikuru. Mamiriyoni emakopi eThe Object and Manner of our Lord’s Return uye mamwe maturakiti akaparadzirwa zvakafara. Pakasvika 1884 makopi anopfuura miriyoni eturakiti Food for Thinking Christians akanga agoverwa kuvanhu, pachena. Vhoriyamu rokutanga (mapeji 356) renhevedzano ye“Millennial Dawn” (gare gare rakazozivikanwa seStudies in the Scriptures) rakabudiswa muna 1886. Pashure pezvo, mumakore 40 akatevera, makopi mamiriyoni matanhatu emavhoriyamu aya akabudiswa mumitauro yakati.

6 Sezvo basa rakawedzera zvakava zvakafanira kuwana nzvimbo yakakura muPittsburgh, Pennsylvania muna 1889. Chivako ichi chaizivikanwa se“Bible House” uye chakashanda sedzimbahwe reSosaiti kwemakore 20 akatevera.

7 Rutivi runokosha rwebasa kare ikako, uye urwo rwakabetsera mukuwedzera kwekuparidza Umambo, rwakanga rwuri kutumira nhamba huru yemacolporteur kana kuti vaevhangeri vaitsigirwa nemari. Nhasi ava vanozivikanwa se“mapiyona.” Ipapo, muna 1897, basa re“kufambira” rakatanga. Vamiriri ivavo vanofambira vaishanyira nhamba yairamba ichikura yeungano nguva dzose kuti vavake nokusimbisa hama dzavo mumudzimu. Nhasi basa rimwe chete riri kuitwa nezviuru zvevatariri vanofambira uye vemaruwa, vanotsigirwa, murutivi, neSosaiti.

8 Pakunopera kwezana ramakore, mapazu ekudzimwe nyika akatangwa muGreat Britain, Germany, Australia, South Africa zvichingodaro. Nouku kuwedzera kwenyika dziri mhiri kwemakungwa zvairatidzika kuva zvinoshanda kuchinjira dzimbahwe reSosaiti kuguta riri pedyo negungwa. Naizvozvo muna 1909 nzvimbo yakatengwa muBrooklyn, New York, uye dzimbahwe rakatamisirwa ikoko kubva kuPittsburgh.

9 Chibvumirano chinokosha chemabhaisikopo chakatangwa muna 1912. Kubvira muna January 1914 horo dzaizadzwa uye mapoka aidzoswa sezvo “Photo-Drama of Creation” yakatanga kuratidzwa pachena munyika yose mumitauro yakati.

10 Mwedzi mishomanene pashure pokunge yatanga kuratidzwa, Hondo Yenyika I yakatanga muEurope musi waJuly 28, 1914. Izvi zvaizorevei kubasa revanhu vaJehovha? Kwemakore 40 shoko roUmambo rakanga raparidzwa nendyiko huru yenguva nemari zvevanhu vakazvitsaurira vaJehovha. Mabhuku anenge 10 000 000 nemabhukwana uye mamiriyoni ematurakiti akanga aparadzirwa. Naizvozvo mubvunzo wakanga uri wokuti, Basa iri raizomira here ndokuguma? Mhinduro yakanga iri yokuti ‘Aiwa.’ Kutaura idi, gore rakatevera racho, muna 1915, mupurogiramu yemibvunzo nemhinduro muVancouver, Canada, Hama Russell vakati: “Kune basa guru rinofanira kuitwa, uye richada zviuru zvehama nemamiriyoni emadhora kuti riitwe. Kuti izvi zvichabva kupi handizivi—Ishe anoziva basa rake pachake.”

11 Mashoko ake akabvumikisa kuva ouporofita sei—‘basa guru rinofanira kuitwa richada zviuru zvehama nemamiriyoni emadhora’! Uye mashoko ake ndeechokwadi sei, “Ishe anoziva basa rake pachake”! Nokuti Ishe Jehovha akagovera zvose zviri zviviri zviuru zvehama nemari—chokwadika, munguva yake yakafanira.

Mari Yacho Inobva Kupi?

12 Uyu mubvunzo unowanzobvunzwa nevanhu venyika ino inodisa pfuma. Hachisi chakavanzika. Dzimwe ndyiko dzekudhinda nokutumira dzinofukidzwa nemipiro inogamuchirwa yemabhuku anogoverwa mumunda. Asi mari inowanwa nenzira iyi haitombosviki pedyo nokufukidza ndyiko dzeSosaiti munguva yekukwira kwemitengo. Ndyiko idzi hadzisi idzo dzinobatanidza michina nezvinhu zvemabhuku bedzi (mapepa, ingi, makavha, ndyiko dzekutumira, zvichingodaro) asiwo dzinobatanidza mari yokushandisa yemapiyona chaiwo, vafundisi, mitezo yemhuri dzeBheteri, uye vatariri vematunhu uye vemaruwa. Ndyiko huru dzinobatanidzwawo sezvo zvivako zvitsva, michina mitsva uye ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakavandudzwa zvichidikanwa kuti kuwedzera kwebasa raJehovha kupfuurire. Kudai yakanga isiri mipiro yokuwedzera inoitwa neZvapupu zvakazvipira zvaJehovha uye vamwe vanhu zvingadai zvisingabviri kuwanira mari kufambira mberi kwouchapupu uhu hwakakura mupasi rose mu“mazuva [ano] okupedzisira.”—Mat. 24:14.

13 Tinoyeuchidzwa nezvemunguva yakapfuura apo vabatiri vakazvipira vaMwari vakavaka tabhernakeri murenje iyo yainamatirwa Jehovha. Vanhu vaJehovha vaingofanira kuziviswa nezvokudikanwa kwacho uye nokuzvidira vakapa ndarama, sirivha, mhangura, matombo anokosha uye zvimwe zvinokosha zvaipfuura zvaidikanwa kuitira kuti chivako chacho chigopedzwa. Hapana zvirongwa zvekutsvaka mari zvaishandiswa. Panzvimbo pezvo, sokuratidza kunoita chinyorwa chiri pana Eksodho ganhuro 35, simba rinosunda romudzimu waJehovha raishanda mundangariro dzemwoyo yakazvitsaurira yevanhu vacho. Kokero yakaitwa yokuti: “Ani naani ane mwoyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha.” (Ndima 5) Ndeipi yakanga iri mhinduro? Nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, mumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo kuna Jehovha, chokubata basa retende rokusongana namabasa aro ose, nenguo tsvene.” (Ndima 21) “Murume mumwe nomumwe nomukadzi waitendiswa nomwoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarayirwa naJehovha, kuti riitwe naMosesi.”

14 Makore 475 gare gare, Jehovha akaisa mumwoyo maDhavhidhi kuti avake tembere yakaisvonaka yokurumbidzira Jehovha pamusoro peGomo reMoria. Zvakare kokero yakapiwa yokuti: “Ndianiko unoda kupa nhendo dzake nomwoyo wake wose kuna Jehovha nhasi?” Mukupindura, “vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama.” Ndarama yoga yakapiwa naDhavhidhi pachake uye nevanhu yaizosvika kumabhiriyoni emadhora pamitengo yakakwidzwa yezuva ranhasi.—1 Mak. 29:5-9.

15 Mukutsigira kwakadaro kwokuzvidira, vaipa vakazvirumbidza here? Nyangwe napaduku zvapo! Cherekedza kuita kunofanira kurumbidzwa kwaDhavhidhi. Akati: “Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu. . . . Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu, zvose ndezvenyu; ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidza mwoyo, . . . Kana ndirini, ndakapa zvose nemwoyo wakarurama nomwoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomwoyo wose.”—1 Mak. 29:14-17.

Kukwira Kwemitengo—Dambudziko Remari Riri Munyika

16 Ndeapi ari mamiriro ezvinhu emari sezvatinopinda mugore ra1998? Munhambo pfupi yenguva, mitengo yemarudzi ose ezvinhu yakakwira zvikuru kupfuura zvakaipisisa zvaikarirwa nenyanzvi dzezvemari dzakangwara.

17 Ukoshi hwakaderera hwemari hwakatapura chaizvoizvo zvinhu zvose zvinodikanwa nemari kuti aya mashoko akanaka oUmambo aparidzwe. Ndyiko dzepositi dzemagazini uye ndyiko dzekutumira mabhuku dziri kuramba dzichikwira mudenga. Hungu, munyika dzakawanda mupasi rose Sosaiti zvino iri kushandisa motokari dzayo dzinoenda kuungano kuitira kuti ndyiko dzemagazini dzirambe dzakaderera zvokukwanisa kuwanwa nemapoka ose evanhu avo vanoda kwazvo mabhuku oUmambo.

18 Nokukwira kwemitengo uku, panofanira kuva nokuwedzerwa kwakati kwemari yokushandisa yokubetsera mapiyona chaiwo nevafundisi mumigove yavo. Nenzira yakafanana, mari yokushandisa inopiwa kuzviuru zvemitezo yemhuri dzeBheteri munyika yose yakawedzerwa kanoverengeka mumakore apfuura kuvabetsera kuti vashongedzwe zvine mwero uye vawane mari yokushandisa yezvokufambisa zvavo pakuenda kumisangano uye mubasa.

Kukwira Kwemitengo Kunotapura Sei Basa Redu?

19 Tinoramba tichiparidza sei “mashoko akanaka” kumarudzi ose? Mari yokufukidza ndyiko idzi dzekudhinda nokuparadzira dziri kukwira inobva kupi? Eya, Jehovha akawedzera nhamba yeZvapupu zvake kakawanda mumakore 60 apfuura, uye nemibhadharo yavo yakawedzerwa nokukwira kwemitengo vakawanda vavowo, vanowedzera mipiro yavo isingakumbirwi uye yokuzvidira. Vanhu vaJehovha nhasi vane kuzvipira netsauriro zvakafanana mukunamatwa kwake uye mubasa sezvavakanga vanazvo pakavakwa tabhernakeri murenje uye tembere paGomo reMoria. Havasi vose vanokwanisa kupa chitsama chakafanana, uye hapana muitiro wokupa zvegumi unoshandiswa. Panzvimbo pezvo, kungofanana nevaKristu vomuzana rokutanga ramakore, mipiro yavo iri “maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” Hungu, “kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika” mukuwirirana nokukomborera kunoita Jehovha mumwe nomumwe.—2 VaK. 8:12, NW.

20 Nemhaka yenheyo iyi yeBhaibheri, tinowana kuti kutsigirwa kukuru mumari kwebasa renyika yose rekuparidza kwakabva kuhama dziri mumarudzi akapfuma zvikuru enyika. Asi, zvikurukuru, wedzero hurusa muvaparidzi hadzisi munyika dzakapfuma asi, panzvimbo pezvo, pakati pevanhu vakaderera vasina zvinhu zvokunyama zvakawanda.—1 VaK. 1:26-29.

21 Zvisingashamisi, nenzira inowedzera zvave zvakaoma kufukidza ndyiko dzakawedzerwa dzemitengo yepepa nokutumira uye dzimwe ndyiko huru dzemitengo yakakwira kubva mumipiro yokuzvidira chete. Nokudaro, hama, mukuwedzera kuvanhu vose, vanofanira kupa zvakawanda kundyiko dzemabhuku. Hazvichabviri kugovera mabhuku edu ane butiro pamipiro yemunguva dzakapfuura. Zvave zvakafanira kuwedzera mitengo iyi kuitira kudzikamisa kusvika kumwero wakati simba rokutenga remari riri kuderera.

22 Sosaiti yakashandisawo mamwe matanho ezvemari munhamburiko yekurwisa kukwira kwemitengo. Kungofanana nokusada kwatinoita kushandisa pepa nezvimwe zvinhu zvounaku hwakaderera, izvi zvave zvakafanira murutivi mumamwe mamiriro ezvinhu. Uyewo, Sosaiti yakatenga michina yokudhinda inoderedza mapepa anopambadzwa nemhaka yokugadzirwa kwayo kunoita kuti ishande zvakanaka zvikuru. Kupfurikidza nokuchinjira kukudhindwa kunoitwa nekombiyuta tinogona kuderedza dzose dziri mbiri ndyiko dzesimbi dzinoshandiswa mukudhinda uye dzevanhu vanoshanda. Mabasa aya aidhura pakutanga, asi mukufamba kwenguva akabvumikisa kuva kushandisa mari kwokuchenjera.

23 Mimwe misha yemapazu nemafekitari munyika yose zvakatsvikinyidzana uye zvinoda kukudzwa zvikuru. Zvimwe zvirongwa zvokuvaka zviri kupfuurira asi zvave zvakafanira kusundira mberi zvimwe nemhaka yemitengo yekuvaka yakakwira mumakore mashomanene apfuura.

Kukwira Kwemitengo Kuchamisa Basa Rekupupura Here?

24 Gadziriro yemari yeSosaiti yenguva refu inofanira kuchinjwa here kana kuti kuregwa kuti zvinetso zvemari zvenyika zvikurirwe? Hatifungi kudaro. Tinodavira kuti gadziriro yacho ichiri yakanaka nhasi sezvayakanga yakaita payakatanga kubudiswa makore anopfuura zana apfuura, yokuti: “Apo Uyo anoti: ‘Ndarama yose nesirivha yemakomo ndezvangu,’ anokundikana kugovera mari inodikanwa, tichanzwisisa kuti ichava nguva yokurega kubudisa” mabhuku edu nemagazini. Tinopwiswa zvakakwana kuti iri harisi basa remunhu upi noupi kana kuti boka ravanhu. Panzvimbo pezvo ibasa raJehovha riri munhungamiro yeMwanakomana wake anodiwa, Ishe Jesu Kristu.

25 Kukwira kwemitengo kungada kuchinja asi hakusati kuchizopinganidza basa raJehovha, chero kuri kuda kwake kuti “evhangeri iyi youshe” iparidzwe. Pane rumwe rutivi, kupfurikidza nokurangarira kushayikwa kwemari sedenho, tiri kuedza kunangana nechokwadi ndokushandisa uchenjeri hunoshanda mukubata nechinetso chacho. (Zvir. 3:21-23) Tinodavira kuti vanhu vaShe vanofanira kurangarira nenzira yakafanana chinetso chekukwira kwemitengo chavari kusangana nacho muupenyu hwavo hwemunhu oga. Havafaniri kuitira hanya nokunyanyisa sezvinoita vanhu venyika vanoti, ‘Tichadyei? Kana kuti tichapfekei? Kana kuti tichagara kupi?’ Vanhu vaJehovha havasati vachizofanira kupemha zvokudya kana vakatanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. (Pis. 37:25; Mat. 6:31-34) Panguva imwe cheteyo, vanofanira kungwarira mari yavo. Vanofanira kuona zvavanogona kuderedza pazvinhu zvisingakoshi, nguva dzose vachidzivisa mudzimu wenyika ino inodisa pfuma, kuitira kuti vave nemari yezvinhu zvinokosha zvoupenyu pamwe chete nemari yezvinhu zvine chokuita noUmambo uye kupfuuridzirwa kwefariro dzahwo.

26 Sezvo mamiriro ezvinhu emari anopfuurira kuipa pasi rose, zvirokwazvo vanhu vaJehovha munyika yose vanofanira kurumbidzwa nokuda kworupo rwavo uye kutsigira kwavo basa roUmambo, kupfurikidza nezvose zviri zviviri zvikwereti zvavo uye mipiro yavo. Vanopa kwete bedzi nokuda kwokuvaka nokuchengetedzwa kweHoro dzoUmambo dzemunharaunda dzavo (uye mudzimwe nzvimbo horo dzemagungano edunhu) asiwo nokuda kwokuvakwa kwezvivako zvitsva zvemapazu uye kutengwa kwemichina mitsva yekudhinda nemimwe midziyo. Kupfuura izvozvo, kakawanda vanopa nokuda kwebasa rokuyamura apo ngwavaira dzakadai sekudengenyeka kwapasi nemadutu dzinorova hama dzedu mumativi akasiyana-siyana enyika.

27 Kunyange zvazvo mimwe mipiro iri miduku zvikuru, kufanana ne“tumari tuviri tuduku,” twechirikadzi yaishaya, asi mumeso aJehovha inokosha zvikuru. Inobatana pamwe chete kufanana nemadonhwe emubhakiti rinotaurwa muchirevo kusvika yarizadza ndokufashukira zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe.—Ruka 21:1-4.

28 Sezvo mamiriro ezvinhu emari munyika anoramba achiipa mu“mazuva [ano] okupedzisira” tinotarira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro inopfuurira nokutungamirirwa mubasa rekupupura richigere kupedzwa. Ngaapfuurire kugovera mari yose inodikanwa uye Ngaape vabatiri vake vakatendeka uchenjeri hunobva kumusoro mukushandisa kwavo mari imwe cheteyo.—VaEf. 3:20, 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe