Rwiyo 94
Mambo Asingagumi, Tsvenesai Zita Renyu!
1. Jehovha m’ri Mwari moga,
Ndimi nokusingagumi,
Makaratidza shiviro,
kusvikira matsveneswa.
Donzo renyu hariperi;
Moratidza njere m’zvose;
Umambo hwenyu hwasvika,
Huipi hwose ngahubve.
2. Musiki waposepose,
Muri wakare zvikuru!
Vanhu voramba vachi’pa,
pano papasi chaipo.
Makatipa Mwana wenyu;
Ushe hwake hauperi.
Vavengi vake vobviswa;
Tonyengetera bviswo’yo.
3. Vaprofita vekaresa
Voparidza ruponeso.
Mozadzika zviprofita,
Izvo tinopupurira.
Pasi redu harigumi,
Harimboguma zvachose.
Ratidzai ukuru’hwo,
M’kuunza Ushe hwaJesu.