Rwiyo 174
Rambai Makamuka, Mirai Makasimba, Ivai Nesimba
1. Mukai uye mutsige
Muhondo yakanaka.
Ngatishande tisingatyi,
Kukunda kuri pedyo.
Pasi paGidheoni M’kuru,
Tapoteredza Midhiani.
Ziviso yehondo yopiwa,
Yomhanyisa vavengi.
2. Mukai uye m’svinure,
M’chidisa kuterera.
Ariwose aterere
Zvinotaura Kristu.
Mumuenzaniso tino’na
Nzira yokufarirwa naJa.
M’humwe tobatira seuto,
Takavimbika kwazvo.
3. Mukai muchishivira;
Muchimirira Mwari.
Anodzora zvinhu zvose;
Ha’mbononoka kwete.
Savarume vaGidheoni,
She Jesu achatiraira.
Ngatinzwe mitemo yehondo.
Inoreverera Ja.
4. Mukai takabatana
Tidzivirire shoko.
Munhevedzo yoUmwari
Kunokosha kuvamo.
Tidanidze navanhu vaJa:
Ona! “M’nondo naGidheoni!”
Mukai m’tsige nokusimba!
Mupfurire kum’gumo!