RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/15 pp. 5-7
  • Mufaro Chaiwoiwo—Unowanwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Chaiwoiwo—Unowanwa Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Umudzimu Hunotungamirira Kumufaro
  • Kukwanisa Kwedu Kusarudza
  • Uchenjeri hwaMwari Nokuteerera—Ndizvo Zvinokosha
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/15 pp. 5-7

Mufaro Chaiwoiwo—Unowanwa Sei?

VANHU vakasikirwa kufara. Nei tichigona kuva nechokwadi cheizvozvo? Eya, rangarira kuvamba kwomunhu.

Jehovha Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga vachikwanisa kufara. Adhama naEvha vakaiswa muparadhiso, bindu romufaro rainzi Edheni. Musiki akavagovera zvinhu zvose zvokunyama zvaidikanwa muupenyu. Bindu raiva ne“miti yose inofadza meso.” (Genesi 2:9) Adhama naEvha vaiva noutano hwakanaka, vakasimba, uye vakaisvonaka—vakanga vakakwana uye vaifara zvechokwadi.

Chii, ipapo, chaiunza mufaro wavo? Waiva musha wavo weparadhiso kana kuti zvichida kukwana kwomuviri here? Izvi zvipo zvakabva kuna Mwari zvakaita kuti vafare muupenyu. Asi mufaro wavo waisatsamira pazvinhu zvakadaro zvaioneka. Bindu reEdheni raipfuura kungova zvaro bindu rakaisvonaka. Raiva nzvimbo tsvene, nzvimbo yokunamatira Mwari. Chaiunza mufaro wavo usingagumi aiva mano avo okutanga ndokuramba vaine ukama hworudo noMusiki. Kuti vafare, vaifanira kutanga vava vanhu vomudzimu.—Enzanisa naMateo 5:3.

Umudzimu Hunotungamirira Kumufaro

Adhama pakutanga aiva noukama hwomudzimu naMwari. Hwaiva ukama hworudo, hwoushamwari hwakafanana nehuya hwababa nomwanakomana. (Ruka 3:38) Mubindu reEdheni, Adhama naEvha vaiva nemamiriro ezvinhu aivabvumira kugutsa chishuvo chavo chokunamata. Kupfurikidza nokuteerera kwavo Jehovha kwokudisa, vaizounza rukudzo nembiri kuna Mwari kupfuura zvaigona kuita mhuka. Vaigona kurumbidza Mwari nouchenjeri nokuda kwamavara ake anoshamisa uye vaigona kutsigira uchangamire hwake. Vaigonawo kupfuurira kugamuchira tarisiro yaJehovha yorudo nomutsa.

Uku kuyanana noMusiki nokuteerera mitemo yake kwakaunza mufaro wechokwadi kuvabereki vedu vokutanga. (Ruka 11:28) Adhama naEvha vaisakarirwa kurarama makore akawanda ekumboedza vasati vawana mufaro. Vaifara kubvira panguva yavakasikwa. Kuyanana naMwari nokuzviisa pasi pechiremera chake kwakavaita kuti vafare.

Mufaro iwoyo wakaguma, zvisinei, panguva yavasina kuteerera Mwari. Kupfurikidza nokupandukira, Adhama naEvha vakakanganisa ukama hwavo hwomudzimu naJehovha. Vakanga vasisiri shamwari dzaMwari. (Genesi 3:17-19) Zvinoratidzika kuti kubvira pazuva ravakadzingwa mubindu, Jehovha akaita kuti vasakurukure naye. Vakarasikirwa nokukwana kwavo, kariro yokurarama nokusingaperi, uye musha wavo webindu. (Genesi 3:23) Asi zvinokosha zvikuru, sezvo vakarasikirwa noukama hwavo naMwari, vakarasa kiyi yomufaro.

Kukwanisa Kwedu Kusarudza

Vasati vafa, Adhama naEvha vakapfuudzira kuvana vavo mavara avanhu, hana yavo yavakasikwa vanayo, uye kukwanisa kuva noumudzimu. Mhuri yomunhu haina kuderedzwa kusvikira kumhuka. Tinogona kuyananiswa noMusiki. (2 VaKorinte 5:18) Sezvisikwa zvakangwara, vanhu vanopfuurira kuva nesimba rokusarudza kuti vateerere Mwari kana kuti kwete. Izvozvi zvakaratidzwa mazana amakore akawanda gare gare apo Jehovha akapa rudzi rwakanga ruchangobva kuvambwa rwaIsraeri chisarudzo choupenyu kana kuti rufu. Kupfurikidza nomutauriri wake Mosesi, Mwari akati: “Ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa.”—Dheuteronomio 30:15-18.

Kunyange zvino, zviuru zvamakore pashure pokunge Paradhiso yapakuvamba yarasika, isu vanhu tichiri kukwanisa kuita chisarudzo chakarurama. Tine hana inoshanda uye tinokwanisa kuteerera mitemo yaMwari. Bhaibheri rinotaura nezve“munhu womukati.” (2 VaKorinte 4:16; VaRoma 7:22) Aya mashoko anoratidza kuti takaberekwa tichikwanisa kuratidzira unhu hwaMwari, kufunga sezvaanoita, kuva vomudzimu.

Pamusoro petsika dzedu nehana, muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokuti kana vahedheni vasina murayiro vachiita pachavo zvinhu zvomurayiro, vava murayiro wavo vamene; nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.”—VaRoma 2:14, 15.

Uchenjeri hwaMwari Nokuteerera—Ndizvo Zvinokosha

Kunyange zvakadaro munhu angabvunza kuti, ‘Kana tose tichida nenzira yomuzvarirwo kunamata Mwari uye, somugumisiro, kufarikanya mufaro wechokwadi, nei kusafara kwakapararira kwazvo?’ Imhaka yokuitira kuti tifare, mumwe nomumwe wedu anofanira kukura mumudzimu. Kunyange zvazvo pakutanga takasikwa mumufananidzo waMwari, munhu avakure noMusiki wake. (VaEfeso 4:17, 18) Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anofanira kuita matanho anokosha okutanga nokuchengetedza ukama hwokumudzimu naMwari. Ukama hwakadaro hahungoerekani hwavapo.

Jesu akaronga nheyo mbiri dzinokosha mukuvandudza umudzimu. Imwe ndeyekuwana zivo yakarurama yaMwari, uye imwe ndeyekuzviisa pasi pokuda kwake nokuteerera. (Johane 17:3) Achinokora Shoko raMwari, Jesu akati: “Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” (Mateo 4:4) Pane imwe nhambo, Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Hatifaniri kupedza makumi amakore akawanda tichiedza kuwana mufaro. Ruzivo rwokuzviwanira handirwo rwunounza mufaro. Panzvimbo pezvo, kuzvipira kuna Mwari bedzi nokuteerera Musiki wedu kunogona kutungamirira kumufaro wechokwadi muupenyu.—Pisarema 19:7, 8; Muparidzi 12:13.

Nenzira yakajeka, mufaro unobva mukushandisa uchenjeri hwaMwari nokuva noukama hwakaisvonaka naMwari unogona kuwanwa. (Mabasa 17:26, 27) Kuziva Jehovha namadonzo ake kunowanikwa nomunhu wose. Namabhiriyoni amakopi mumitauro yakawanda, Bhaibheri rinopfuurira kuva bhuku rinoparadzirwa zvikurusa munyika. Bhaibheri rinogona kukubatsira kuva shamwari yaMwari ndokufarikanya mufaro wechokwadi, nokuti Magwaro anotitaurira kuti “vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.

[Bhokisi riri papeji 6]

Matanho Okuwana Nawo Mufaro

1. Nzwisisa Uye Sakurira Umudzimu. Jesu Akati: “Vakaropafadzwa Vanonzwa Shoko Ramwari, Vachirichengeta.”—Ruka 11:28.

2. Ziva Kuti Kutendera Kwamwari Kunokosha Zvikuru Kupfuura Upfumi Kana Kuti Umbozha. Pauro Akanyora Kuti: “Zvino Kunamata Mwari Pamwe Chete Nokutenda Nezvatinazvo . . . Kana Tine Zvokudya Nezvokufuka; Tichatenda Nazvo.”—1 Timotio 6:6-8.

3. Vavarira Kusakurira Uye Kuteerera Hana Yakarovedzwa Nebhaibheri.—VaRoma 2:14, 15.

4. Tsunga Kuteerera Jehovha Mwari, Nokudaro Uchikwaniriswa Kuva Mumwe Wevanhu Vake. Dhavhidhi Wakare Akanyora Kuti: “Vane Mufaro Vanhu Avo, Mwari Wavo Ari Jehovha.”—Pisarema 144:15.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Vakaropafadzwa varombo pamweya.”—Mateo 5:3

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe