RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 11/1 pp. 23-25
  • Ngwarira va“Epikuro”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira va“Epikuro”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VaEpikuro Vakanga Vari Vanaani?
  • Zvakafanana nechiKristu Here?
  • Kuipa kwechiEpikuro
  • Ngozi Inonyengera
  • ChiEpikuro Chiripo Here Nhasi?
  • Ndingaitei Kuti Ndisashamwaridzane Nevanhu Vasina Kunaka?
    Mukai!—2005
  • Sema Chose Chose Nzira Inonyadzisa Yenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • ‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Unoraramira Nhasi Kana Kuti Nguva Yemberi Isingagumi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 11/1 pp. 23-25

Ngwarira va“Epikuro”

“Akazonaka! Anorarama mukuwirirana nemipimo yakakwirira yetsika. Haasvuti, haashandisi zvinodhaka, kana kuti kutaura mutauro wakashata. Kutaura idi, akatonaka kupfuura vamwe vanotaura kuti vaKristu!”

WAKAMBONZWA vamwe vachitaura nenzira yakadaro kuti varuramise ushamwari husina kufanira hwavanosakurira here? Zvakafanana here tikaenzanisa nokunzvera kweMagwaro? Muenzaniso womuungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore unojekesa nhau iyi.

Muzana rokutanga ramakore, muapostora Pauro akanyevera ungano yeKorinte kuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Zvichida vamwe vaKristu vakanga vachisonganirana nevanhu vaipesvedzerwa neuzivi hwechiGiriki, kubatanidza hwavaEpikuro. Ndivanaani vaiva vaEpikuro? Nei vaityisidzira vaKristu vaiva muKorinte mumudzimu? Pane vanhu vakafanana navo nhasi, vatinofanira kungwarira here?—1 VaKorinte 15:33.

VaEpikuro Vakanga Vari Vanaani?

VaEpikuro vaiva vateveri vomuzivi wechiGiriki Epicurus, uyo akararama kubva muna 341 kusvikira kuna 270 B.C.E. Aidzidzisa kuti mafaro ndicho chinhu bedzi kana kuti chinokosha muupenyu. Izvozvo zvinoreva here kuti vaEpikuro vairarama zvounzenza, vasina nheyo, vachitendeukira kumiitiro yakaipa mukupfuurira kutsvaka nguva yakanaka? Nenzira inoshamisa, Epicurus haana kudzidzisa vateveri vake kuti vararame nenzira iyoyo! Panzvimbo pezvo, akadzidzisa kuti mafaro anowanwa zvakanakisisa kupfurikidza nokurarama maererano nouchenjeri, kushingirira, kuzvidzora, uye ruramisiro. Akatsigira kurondwa, kwete kwemafaro epakarepo kana kuti echinguvana, asi kwemafaro anopfuurira muupenyu hwose. Nokudaro vaEpikuro vangava vakanga vakanaka pavanoenzaniswa nevaya vaiita chivi chakakomba.—Enzanisa naTito 1:12.

Zvakafanana nechiKristu Here?

Kudai wakanga uri mutezo weungano yeKorinte yapakuvamba, ungava wakafadzwa navaEpikuro here? Vamwe vangava vakarangarira kuti nheyo dzakakwirira dzavaEpikuro sezviri pachena dzaivaita kuti vave vasonganiri vakachena vevaKristu. Vachiramba vachipa zvikonzero zvenhema, vaKorinte vangava vakaziva kufanana kunoratidzika kuva kuri pakati pemipimo yavaEpikuro neyeShoko raMwari.

Somuenzaniso, vaEpikuro vakashandisa kuva nemwero mukuronda kwavo mufaro. Vakakoshesa mifarwa yendangariro kupfuura yokunyama. Zvaidya munhu zvakanga zvisingakoshi soukama hwake nomunhu waakanga achidya naye. VaEpikuro vakatoramba kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika nokuita zvakaipa pachivande. Zvaizova nyore zvikuru kufungidzira kuti: “Vakazofanana nesu!”

Zvisinei, vaEpikuro vakanga vakafanana nevaKristu vapakuvamba zvechokwadi here? Zvechokwadi kwete. Vaya vaiva nesimba rokuziva rakarovedzwa vaigona kuziva misiyano inokosha. (VaHebheru 5:14) Iwe unogona here? Ngatinzverei dzidziso dzavaEpikuro.

Kuipa kwechiEpikuro

Kuti abetsere vanhu kuti vakurire kutya vamwari uye kutya rufu, Epicurus akadzidzisa kuti vanamwari havafariri vanhu uye kuti havapindiri munhau dzavanhu. Maererano naEpicurus, vanamwari havana kusika chisiko, uye upenyu hwakangovapo netsaona. Izvi nenzira yakajeka hazvina kupesana here nedzidziso yeBhaibheri yokuti kuna “Mwari mumwe,” Musiki, uye kuti anoitira hanya zvisikwa zvake zviri vanhu?—1 VaKorinte 8:6; VaEfeso 4:6; 1 Petro 5:6, 7.

Epicurus akadzidzisawo kuti kunogona kuva noupenyu huri nani pashure pokufa. Izvi, chokwadika, zvakanga zvichipesana nedzidziso yeBhaibheri yerumuko. Kutaura idi, muapostora Pauro paakataura ari paAreopago, sezvingabvira vaEpikuro vakanga vari pakati pevaya vasina kubvumirana naPauro pamusoro pedzidziso yorumuko.—Mabasa 17:18, 31, 32; 1 VaKorinte 15:12-14.

Zvingava kuti chinhu chine ngozi zvikurusa mukuziva kwaEpicurus ndicho chakanga chakaoma zvikuru kunzwisisa. Kuramba kwake upenyu hwapashure kwakamutungamirira kugumisa kuti munhu anofanira kurarama achifara sezvinobvira mukati menguva yake pfupi pasi pano. Sezvataona, pfungwa yake yakanga isiri chaizvoizvo yokurarama muchivi, asi panzvimbo pezvo, kufarikanya nguva ino, sezvo ino iri nguva yose yatinayo.

Nokudaro, Epicurus akadzivisa kuita chakaipa pachivande kuti adzivise kubatwa, kutyisidzira kuri pachena kwomufarwa wazvino. Akakurudzira kuva nomwero kuti adzivise migumisiro yokunyanyisa, imwe mhinganidzo yomufarwa wazvino. Akakurudzirawo ukama hwakanaka nevamwe nemhaka yokuti kudzorera kwavo kwaishanda. Chokwadika, kudzivisa kuita zvakaipa pachivande, kuva nomwero, uye kusakurira ushamwari zvinhu zvakanaka chaizvo. Naizvozvo nei uzivi hwaEpicurus hwakanga hune ngozi kumuKristu? Nemhaka yokuti zano rake raive rakavakirwa pamurangariro usina kutenda: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.”—1 VaKorinte 15:32.

Sezvinobvumwa, Bhaibheri rinoratidza vanhu mararamire avangaita vachifara zvino. Zvisinei, rinopa zano rokuti: “Muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.” (Judhasi 21) Hungu, Bhaibheri rinokoshesa nguva yemberi isingagumi, kwete nguva ino iri kupfuura. KumuKristu, kubatira Mwari ndicho chaanofarira zvikuru, uye anowana kuti paanoisa Mwari munzvimbo yokutanga, anofara uye anogutswa. Nenzira yakafanana, Jesu, panzvimbo pokuva akabatikana nezvaaifarira somunhu, akapedza simba rake achibatira Jehovha nenzira isina udyire uye achibetsera vanhu. Akadzidzisa vadzidzi vake kuitira vamwe zvakanaka, kwete achikarira kudzorerwa chimwe chinhu, asi nemhaka yokuvada kwechokwadi. Nenzira yakajeka, zvinosunda chiEpikuro nechiKristu zvakasiyana chaizvoizvo.—Marko 12:28-31; Ruka 6:32-36; VaGaratia 5:14; VaFiripi 2:2-4.

Ngozi Inonyengera

Vasingazivi, vaEpikuro vakaisa simbiso yakadaro pakuva vanofara, wavo wakanga uri mufaro wakaganhurirwa apo zvinhu zvakanga zvakanaka. Asina “mufaro waJehovha,” Epicurus akadana upenyu kuti “chipo chinorwadza.” (Nehemia 8:10) VaKristu vapakuvamba vakanga vachifara zvikuru kana tikaenzanisa! Jesu akanga asiri kurumbidza upenyu hwokusafara hwokuzvinyima. Kutaura idi, kutevera nzira yake ndiyo nzira hurusa yokuwana mufaro.—Mateo 5:3-12.

Kana mimwe mitezo yeungano yomuKorinte yaifunga kuti yaigona kusonganirana neavo vaipesvedzerwa nokufunga kwaEpicurus isingakanganisi kutenda kwayo, yakanga isina kururama. Panguva yokunyora kwaPauro tsamba yake kuvaKorinte, vamwe vavo vakanga vasingachatendi rumuko.—1 VaKorinte 15:12-19.

ChiEpikuro Chiripo Here Nhasi?

Kunyange zvazvo chiEpikuro chakanyangarika muzana ramakore rechina C.E., nhasi pane vaya vanogamuchira murangariro wokuti raramira ikozvino. Vanhu ava havana kutenda muchipikirwa chaMwari choupenyu husingagumi. Bva, vamwe vavo vanotova nemipimo yakakwirira zvikuru yomufambiro.

MuKristu angaedzwa kutanga ukama hwapedyo navakadaro, zvichida achirangarira kuti mavara avo anopembedza ushamwari hwavo. Zvisinei, kunyange zvazvo tisingazvirangariri setakakwirira, tinofanira kuyeuka kuti vasonganiri vakaipa vose—kubatanidza vaya vanopesvedzera nokunyengera zvikuru—va“noodza tsika dzakanaka.”

Ruzivo rwokuraramira zvino rwunovapo nenzira isingakarirwi mune mimwe misangano yebhizimisi, mabhuku okuzvibetsera, manovhero, mabhaisikopu, mapurogiramu eterevhizheni, uye nziyo. Nepo usingatsigiri mufambiro wokuita chivi, uyu murangariro usina kutenda ungatipesvedzera munzira dzinonyengera here? Somuenzaniso, tingava vakabatikana kwazvo nokuzvigutsa zvokuti tinorasikirwa nokuziva nhau youchangamire hwaJehovha here? Tinganyengedzwa ku‘ita zvishoma,’ panzvimbo po“kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” here? Kana kuti tinganyengedzwa kusava nechokwadi nekururama nebetsero dzemipimo yaJehovha here? Tinofanira kuramba takarinda kuti tisaratidzirwa unzenza, masimba masimba, uye kudavira midzimu uye mukupesana neavo vanopesvedzerwa nemirangariro yenyika!—1 VaKorinte 15:58, NW; VaKorose 2:8.

Naizvozvo, ngatisakurirei songaniro, zvikurukuru neavo vanotevera nhungamiro yaJehovha nomwoyo wose. (Isaya 48:17) Somugumisiro, tsika dzedu dzinobetsera dzichasimbiswa. Kutenda kwedu kuchasimbiswa. Tichararama tichifara kwete bedzi zvino asi munguva yemberi, tichirangarira upenyu husingaperi.—Pisarema 26:4, 5; Zvirevo 13:20.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Epicurus aidzidzisa kuti vamwari havafariri vanhu

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of The British Museum

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe