Apo Kutambura Kunenge Kusisikozve
KUTAMBURA kwakanga kusiri rutivi rwedonzo raMwari rapakuvamba nokuda kwemhuri yomunhu. Haana kukuronga, uyewo haakudi. ‘Kana zvakadaro,’ ungabvunza kudaro, ‘kwakavamba sei, uye nei Mwari akakubvumira kupfuurira kusvikira zvino?’—Enzanisa naJakobho 1:13.
Mhinduro yacho inowanwa muchinyorwa chapakuvamba zvikurusa chenhau yomunhu, Bhaibheri, zvikurukuru bhuku raGenesi. Rinotaura kuti vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakatevera Satani Dhiyabhorosi mukupandukira kwake Mwari. Zviito zvavo zvakamutsa nhau dzinokosha idzo dzakadenha hwaro humene hwemutemo nenhevedzano zvemuchisiko chose. Apo vakatora maruramiro okuzvisarudzira vamene chakanga chakanaka nechakanga chakashata, vakadenha uchangamire hwaMwari. Havana kuva nechokwadi nemaruramiro ake okutonga uye okuva mutongi bedzi we“zvakanaka nezvakaipa.”—Genesi 2:15-17; 3:1-5.
Akaregererei Kuita Kuti Kuda Kwake Kuitwe Pakarepo?
‘Nei, ipapoka, Mwari asina kuita kuti kuda kwake kuitwe pakarepo?’ ungabvunza kudaro. Kuvazhinji, nhau yacho inoratidzika kuva iri nyore kwazvo. ‘Mwari akanga ane simba. Anofanira kuve akarishandisa kuparadza vapanduki vacho,’ vanodaro. (Pisarema 147:5) Asi zvibvunze umene izvi, ‘Ndisingazenguriri ndinotendera vose vanoshandisa simba gurusa kuti vaite kuti kuda kwavo kuitwe here? Nenzira yomuzvarirwo handinzwi pfungwa yokuvenga apo mudzvinyiriri anoshandisa mapoka anouraya kuparadza vavengi vake here?’ Vanhu vazhinjisa vane mufungo vanoramba chinhu chakadaro.
‘A,’ unodaro, ‘asi kana Mwari akashandisa simba rakadaro, hakuna munhu aisazobvunza zviito zvake.’ Une chokwadi here? Hakusi kwechokwadi here kuti vanhu vanobvunza kushandisa kwaMwari simba? Vanobvunza chikonzero nei asina kurishandisa padzimwe nguva, somukushivirira kwake uipi. Uye vanobvunza chikonzero nei akarishandisa padzimwe nguva. Kunyange Abrahama akatendeka aive nechinetso nekushandisa kwaMwari simba mukurwisana navavengi Vake. Yeuka apo Mwari akasarudza kuparadza Sodhoma. Abrahama nenzira isina kururama aitya kuti vanhu vakanaka vaizofa nevakashata. Akadanidzira kuti: “Ngazvive kure nemi kuita kudaro, kuuraya vakarurama pamwe chete navakaipa.” (Genesi 18:25) Kunyange vanhu vane ndangariro dzakarurama vakadai saAbrahama vanoda vimbiso yokuti simba gurusa harisati richizoshandiswa zvisina kufanira.
Chokwadika, Mwari aigona kuve akaparadza pakarepo Adhama, Evha, uye Satani. Asi funga nzira iyo ikoko kungagona kuve kwakatapura nayo dzimwe ngirozi kana kuti zvisikwa zvomunguva yemberi, izvo gare gare zvingaziva zviito zvake. Ikoku kungazvisiya nemibvunzo yokunyunyuta pamusoro pemaruramiro aMwari okutonga here? Kwaisazoratidzira Mwari kupomero yokuti akanga ari, kutaura idi, rudzi rwakati rwomudzvinyiriri, seizvo Nietzsche akamurondedzera, Mwari anoparadza zvisina tsitsi upi noupi anomushora here?
Anoregererei Kuita Kuti Vaite Zvakarurama?
‘Mwari aisagona here kungoita chete kuti vanhu vaite zvakarurama?’ vamwe vangabvunza kudaro. Eya, rangarira izviwo. Munhau yose, hurumende dzakaedza kuita kuti vanhu vawirirane nemafungire adzo. Dzimwe hurumende kana kuti vatongi vamwe navamwe vakashandisa zvimiro zvakasiyana-siyana zvokudzora ndangariro, zvichida vachishandisa mirimo kana kuti kuvhiya, vachibira vanyajambwa vavo chipo chinoshamisa chorusununguko rwokuzvisarudzira. Hatikoshesi here kuva vanhu vakasununguka kuita zvavanoda, kunyange kana chipo ichocho chichigona kushandiswa zvisina kufanira? Tinofuratira kuedza kupi nekupi kwehurumende kana kuti kwomutongi kurwutora here?
Chii chaivepo, ipapoka, chokutsiva kushandisa kwaMwari kwapakarepo simba kuita kuti mutemo wake uteererwe? Jehovha Mwari akasarudza kuti kupandukira kwaizobatwa nako zvakanakisisa kupfurikidza nokubvumira nhambo yechinguvana yekusununguka pakutonga kwake nokuda kwaavo vairamba mitemo yake. Ikoku kwaizobvumira mhuri yomunhu, yakabva kuna Adhama naEvha, nguva yakaganhurirwa yokuzvidzora vamene mairi vasiri pasi pomutemo waMwari. Nei akaita ikoku? Nemhaka yokuti aiziva kuti, pashure penguva yakati, ufakazi husingapokanwi hwaizokura, huchibvumikisa kuti nzira yake yokutonga yakarurama uye yakanaka nguva dzose, kunyange apo anoshandisa simba rake risina kuganhurirwa kuita kuti kuda kwake kuitwe, uye kuti kumupandukira kupi nokupi, pane imwe nguva, kuchaguma nengwavaira.—Dheuteronomio 32:4; Jobho 34:10-12; Jeremia 10:23.
Zvakadini Nevanyajambwa Vose Vasina Mhaka?
‘Munguvayi, zvakadini navanyajambwa vose vasina mhaka?’ ungabvunza kudaro. ‘Kwakafanirwa chaizvoizvo nokurwadziwa kwavo here kubvumikisa pfundo rakati romutemo?’ Eya, Mwari haana kubvumira uipi kuvapo kuti angobvumikisa chete pfundo rakati risina kujeka romutemo. Mukupesana, kuitira kuti abvumikise zvachose kuti chokwadi chinokosha chokuti iye oga ndiye changamire uye kuti kuteerera mitemo yake kunokosha nokuda kwerugare nomufarwa zvinopfuuridzirwa zvezvisikwa zvake zvose.
Chimwe chinhu chinokosha chokuramba tichiyeuka ndechekuti Mwari anoziva kuti anogona kubvisa chose chose kuvadziko ipi neipi iyo ikoku kungaunzira mhuri yomunhu. Anoziva kuti pakupedzisira, nhambo yechinguvana yemarwadzo nekutambura ichava nemugumisiro unobetsera. Funga nezvamai vanobata mwana wavo zvakasimba apo chiremba anoisa kurwadziwa kwokubaya nhomba yokupa dziviriro kuhosha yakati iyo nezvisizvo yaizouraya mwana. Hakuna mai vanoda kuti mwana wavo arwadziwe. Hakuna chiremba anoda kuparira kurwadziwa kumurwere wake. Panguva yacho, mwana haanzwisisi chikonzero chemarwadzo, asi gare gare achanzwisisa chikonzero nei kwakabvumidzwa.
Inyaradzo Chaiyoiyo Kune Avo Vari Kutambura Here?
Vamwe vanganzwa kuti kungoziva chete zvinhu izvozvi kungave kwenyaradzo duku kune avo vari kutambura. Hans Küng anotaura kuti kutsanangurwa kune mufungo kwekuvapo kwekutambura “kunodokuva kunobetsera kumutamburi semurayiridzo wekemesitiri yezvokudya kumunhu ari kuziya nenzara.” Anobvunza kuti: “Kurangarira kwose kwakakomba kunogona here chaizvoizvo kukurudzira munhu, anodokuva akurirwa nokutambura?” Eya, “kurangarira [kwose] kwakakomba” kwavanhu vanofuratira Shoko raMwari, Bhaibheri, hakuna kukurudzira vose vari kutambura. Kurangarira kwakadaro kwavanhu kwakangowedzera bedzi chinetso kupfurikidza nokukarakadza kuti Mwari aida kuti munhu atambure uye kuti pasi rakagadzirwa semupata wemisodzi kana kuti nzvimbo yokuedzera yaavo vachawana upenyu mudenga pakupedzisira. Kumhura kwakadini!
Bva, Bhaibheri rimene rinopa nyaradzo chaiyoiyo. Haringogoveri bedzi kutsanangurwa kunowirirana kwekuvapo kwekutambura asi rinovakawo chivimbo muchipikirwa chaMwari chechokwadi chokuti achabvisa kuvadziko yose iyo uku kubvumidzwa kwechinguvana kwekutambura kwakaparira.
“Kugadzirwa Kwezvinhu Zvose”
Nokukurumidza zvino Mwari achadzorera zvinhu kunzira iyo aida kuti zvive zvakaita zvisikwa zvake zvokutanga zvaiva vanhu zvisati zvapanduka. Nguva yake yakagadzwa yokutonga kwomunhu kwokuzvimirira yodokupera. Tiri kurarama panguva apo achatuma “Jesu, . . . unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga.”—Mabasa 3:20, 21.
Jesu Kristu achaitei? Achabvisa papasi vavengi vose vaMwari. (2 VaTesaronika 1:6-10) Ikoku hakusati kuchizova kuurawa kwechimbichimbi, kwakadai sokunoitwa nevadzvinyiriri vevanhu. Ufakazi huzhinji hunobvumikisa migumisiro ine ngwavaira yekutonga zvisina kufanira kwomunhu icharatidza kuti Mwari anoruramiswa zvizere mukushandisa nokukurumidza simba rake risina muganhu mukuita kuti kuda kwake kuitwe. (Zvakazarurwa 11:17, 18) Pakutanga ikoku kuchareva “kutambudzika” kwakadai seuko pasi risina kutongova nako kare, kwakafanana asi kwakakura zvikuru kupfuura Mafashamo ezuva raNoa. (Mateo 24:21, 29-31, 36-39) Avo vanopukunyuka uku “kutambudzika kukuru” vachava ne“nguva dzokusimbiswa” apo vachaona kuzadzikwa kwezvipikirwa zvose zvaMwari zvakapiwa “nomuromo wavaporofita vake vatsvene.” (Mabasa 3:19; Zvakazarurwa 7:14-17) Mwari akapikirei?
Eya, vaporofita vaMwari vakare vanotaura kuti kutambura kunoparirwa nehondo nekudeurwa kweropa kuchaguma. Somuenzaniso, Pisarema 46:9 rinotiudza kuti: “Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” Hakuchinazve vanyajambwa vasina mhaka nevapoteri vanosiririsa, avo vanobatwa chibharo, vakaremara, uye vanourawa muhondo dzine utsinye! Muporofita Isaya anoti: “Rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
Vaporofita vanofanotaurawo mugumo wekutambura kunoparirwa neutsotsi nekusaruramisira. Zvirevo 2:21, 22 inopikira kuti “vakarurama vachagara panyika” uye kuti avo vanoparira marwadzo nekutambura “vachadzurwapo.” ‘Munhu [haasati achizo]dzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.’ (Muparidzi 8:9) Vakaipa vose vachabviswa nokusingaperi. (Pisarema 37:10, 38) Munhu ari wose achakwanisa kurarama murugare nechengeteko, akasununguka pakutambura.—Mika 4:4.
Uyezve, vaporofita vanopikirawo kuti kuchava nomugumo kukutambura kunoparirwa nezvirwere zvemumuviri nezvemundangariro. (Isaya 33:24) Isaya anopikira kuti mapofu, matsi, vakaremara, uye vose vanotambudzwa nechirwere nehosha vacharapwa. (Isaya 35:5, 6) Mwari achatochinja tapuro dzorufu. Jesu akafanotaura kuti “vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Muchiono chake che“denga idzva nenyika itsva,” muapostora Johane akaudzwa kuti “Mwari amene . . . uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.” (Zvakazarurwa 21:1-4) Fungidzira ikoko! Hakuna kutambura, hakuna misodzi, hakuna kuchema, hakuna rufu—hakuchinazve kutambura!
Ngwavaira dzipi nedzipi dzingava dzakaitika mukati mekushivirirwa kuno kwechinguvana kwouipi dzichabviswa dzose. Kunyange yeuko dzekurwadziwa kwemunhu nekutambura—zvisina kutongorongwa naMwari—zvichabviswa chose chose. “Madambudziko okutanga a[cha]kanganikwa . . . zvinhu zvakare hazvingarangarirwi,” Isaya akaporofita kudaro. (Isaya 65:16, 17) Donzo raMwari rapakuvamba remhuri yomunhu yakakwana inorarama murugare rwachose chose nemufarwa papasi riri paradhiso richazadzikwa zvizere. (Isaya 45:18) Chivimbo muuchangamire hwake chichave chakakwana. Iropafadzo yakadini kurarama panguva apo Mwari achagumisa kutambura kwose kwomunhu, nguva apo anoratidza kuti haasi rudzi rwakati rwe“mudzvinyiriri, munyengeri, mukorovheri, kana kuti muurayi,” seizvo Nietzsche akapomera, asi kuti nguva dzose ane rudo, akachenjera, uye akarurama mukushandisa kwake simba rake gurusa!
[Mufananidzo uri papeji 5]
Vamwe vatongi vakashandisa kudzora ndangariro, vachibira vanyajambwa vavo rusununguko rwokuzvisarudzira
[Kwazvakatorwa]
UPI/Bettmann
[Mufananidzo uri papeji 7]
Apo kutambura kunenge kusisikozve, vose vachafarikanya upenyu zvizere