Kunyunyuta Kwose Kwakaipa Here?
Ndezvipi zvinhu zvinoshatirisa zvinorwadza zvikuru kupfuura zviya zvatisingagoni kunyunyuta pamusoro pazvo?—Marquis De Custine, 1790-1857.
KWAMAKORE maviri akanga atsungirira kushupwa mune zvevatano nomumwe waaishanda naye. Kuramba kwake kwakaguma nokutukwa uye kufuratirwa namaune. Dzvinyiriro yaimudya mwoyo yakanga ichitapura utano hwake, asi chii chaaigona kuita? Nenzira yakafanana, mumwe mudzidzi akanga achikunda kirasi yake akadzingwa nemhaka yokuti hana yake haina kumubvumira kutora rutivi muunyanzvi hwematsimba hwaidikanwa nechikoro chacho. Vose vari vaviri vakanzwa kuti vakanga vakanganisirwa, asi vanofanira kunyunyuta here? Kana vakadaro, vangagona kukarira nyaradzo here kana kuti zvingangoita bedzi kuti zvinhu zvinyanyise kuipa?
Kunyunyuta kwakadai nokumwe kunozivikanwa navose nhasi, sezvatinorarama pakati pavanhu vasina kukwana munyika yakaipa zvikuru. Kunyunyuta kunobatanidza kuratidzira kusafara kukuru, nhamo, marwadzo, kana kuti pfundepfunde pamusoro pemamiriro ezvinhu akati kusvikira kukupomera. Vanhu vakawanda vanosarudza kudzivisa kunyunyuta nokurwisana; asi, munhu anofanira kuramba akanyarara nguva dzose here? Ndoupi uri murangariro weBhaibheri?
Tapuro Dzakaipa Kwauri uye Kuvamwe
Hapana panikiro kuti mudzimu wokunyunyuta kwakakomba unokuvadza, uye unorambwa muBhaibheri. Munyunyuti anozvikuvadza munyama uye mumudzimu uye anotambudza vaya vaanonyunyutira. Chichinongedzera kumudzimai anonyunyuta, chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji nomukadzi unokakavara, zvakafanana.” (Zvirevo 27:15) Kunyunyuta kunonangidzirwa pana Jehovha kana kuti dzimwe dzegadziriro dzake kwakaipa zvikuru. Apo rudzi rwaIsraeri rwakanyunyuta pamusoro pemana inoshamisa yaigoverwa munguva yavo yamakore 40 vari murenje, vachiiti “zvokudya izvi zvakaipa,” Jehovha akatuma nyoka dzine uturu kuti dzirange vanyunyuti vacho vasingaremekedzi, uye vakawanda vakafa.—Numeri 21:5, 6.
Uyezve, Jesu akapa zano vateveri vake, kuti vasanyunyuta pamusoro po“rubanzu” rwemhosho runooneka muvanhu biyedu, asi kuti vaone “danda” guru rezvikanganiso zvatinazvo isu pachedu. (Mateo 7:1-5) Nenzira yakafanana, Pauro akashora kutonga mumwe (chimiro chokunyunyuta) sekusina “pembedzo . . . nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo.” Nyevero idzi dzokusanyunyuta dzinofanira kutisunda kudzivisa kuva vanotsoropodza zvisiri madikanwa uye kusava nomudzimu wokunyunyuta.—VaRoma 2:1.
Kunyunyuta Kwose Kwakaipa Here?
Tinofanira kugumisa here, ipapoka, kuti zvimiro zvose zvokunyunyuta zvinofanira kudziviswa? Aiwa, hatifaniri. Bhaibheri rinoratidza kuti pane kusaruramisira kwakawanda kuri munyika yakaipa yatinorarama mairi kunoda kugadziridzwa chaizvo. Mumuenzaniso, Jesu akadudza nezvomutongi asina kururama uyo akamanikidzwa kururamisira chirikadzi yakanga ichitambura kuitira kuti “irege kuzouya pashure i[mu]rove kumeso.” (Ruka 18:1-8) Pane mamwe mativi isuwo tingafanira kupfuurira kunyunyuta kusvikira zvakaipa zvagadziriswa.
Kupfurikidza nokutikurudzira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, Jesu haana kutikurudzira kuziva kukundikana kwenyika ino yazvino uye ku‘chemera’ Mwari nokuda kwechigadziriso here? (Mateo 6:10) Apo “kudanidzira” pamusoro pouipi hweSodhoma neGomora rekare kwakasvika munzeve dzake, Jehovha akatuma nhume dzake kuti dzi“one izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo” uye kuti dzigarise. (Genesi 18:20, 21) Achizorodza avo vakanga vanyunyuta kwaari, Jehovha pakupedzisira akagadzirisa mamiriro ezvinhu zvacho kupfurikidza nokuparadza maguta maviri nevagari vawo vaiva nounzenza.
Ungano yechiKristu
Zvinofanira kusiyana pakati pehama dziri muungano yechiKristu here? Kunyange zvazvo vari varume navakadzi vasina kukwana, vaKristu vari kuedza zvakakomba kubatira Mwari murugare nechinzwano. Bva, mamiriro ezvinhu achamuka pakati pavo anoparira kunyunyuta kwakati uye anoda kugadziriswa. Muzana rokutanga ramakore, mamiriro ezvinhu akamuka muungano yevakazodzwa nokukurumidza pashure pePentekosta. VaKristu vakawanda vakanga vachangotendeuka vakaramba vari muJerusarema nokuda kwomumwe murayiridzo nekurudziro. Vakanga vachigoverana zvokudya zvaiwanikwa. Zvisinei, “vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.” Panzvimbo pokushora vanyunyuti ava sevaiparira chinetso, vaapostora vakaita chiito chokugadzirisa mamiriro ezvinhu zvacho. Hungu, kunyunyuta kwakarurama kunoitwa nokuremekedza kwakafanira uye mumudzimu wakafanira kuchateererwa nenzira yokuzvininipisa ndokuitwa navose vanotarisira ungano.—Mabasa 6:1-6; 1 Petro 5:3.
Kuchiremera Chakafanira
Wacherekedza here mumienzaniso iri pamusoro apa kuti kunyunyuta kunofanira kuitwa nomudzimu wakarurama uye kuchiremera chakafanira? Somuenzaniso, zvingava zvisina mufungo kunyunyutira mapurisa pamusoro pemutoro unorema wemitero kana kuti kumutongi pamusoro pehosha dzako. Naizvozvowo, zvingava zvisina kufanira kunyunyuta pamusoro pemamwe mamiriro ezvinhu mungava mukati kana kuti kunze kweungano kumunhu asina chiremera kana kuti mano okubetsera.
Munyika dzakawanda zvikurusa nhasi, kune matare nezvimwe zviremera zvakafanira zvinogona kusvikwa mutariro yokuwana nyaradzo yakati. Apo mudzidzi adudzwa pakuvamba kwenyaya ino akanyunyuta kudare, vatongi vakamutongera zvakanaka, akadzorerwa uye chikoro chacho chakamukumbira ruregerero. Nenzira yakafanana, mushandi wechikadzi akanetswa mune zvevatano akawana nyaradzo kupfurikidza nesangano rezvokushanda kwavakadzi. Akakumbirwa ruregerero nedare rezvikoro. Vanhu vaaishandira vakaita matanho okugumisa kushupwa mune zvevatano.
Hazvifaniri kukarirwa, zvisinei, kuti kunyunyuta kwose kuchawana mugumisiro wakafanana. Mambo akachenjera Soromoni akataura chaizvoizvo kuti: “Chakakombama hachibviri kururamiswa.” (Muparidzi 1:15) Tinoita zvakanaka kuziva kuti dzimwe nhau dzichangofanira kumirira Mwari kuti agadzirise munguva yake yakafanira.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vakuru vanoteera ndokuita chiito pamusoro pokunyunyuta kwakarurama