Rwiyo 108
Shoko raJehovha Rakatendeka
1. Semvura inobva mumatenga
Yoita pasi pabereke,
Zvakafanana neShoko raJa;
Zvokwadi dzaro ngadzionekwe.
2. Joshwa akaudza Israeri
Kuti Jehovha akanaka.
Pazvose Mwari akapikira;
Hapana zvakambokundikana.
3. Ja akambo’nesa vadyi nhaka
Kuti hasati achichinja.
“Ndinopika neni,” wodaro Ja.
Zvotipa tariro yakasimba.
4. Tinovimba nezvakataurwa.
Mhiko dzake dzinozadzika.
Munhevedzo’tsva wogadzirira,
Tim’kudze nokutendeka kwake.