RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 p. 23
  • Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Chaiwo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 p. 23

Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?

VANHU vakawanda vanofunga kuti mufaro unogona kuwanwa kupfurikidza nokuwana zvinhu zvokunyama. Zvakadini newe? Nepo zvinhu zvokunyama zvichigona zvirokwazvo kuparira mufaro wedu, hazviuvimbisi; uyewo zvinhu zvakanaka zvomuviri hazvivaki kutenda kana kuti zvinodikanwa zvomudzimu.

MuMharidzo yake paGomo, Jesu Kristu akati: “Vanofara ndeavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo.” (Mateo 5:3, NW) Jesu akatiwo: “Muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”—Ruka 12:15.

Vakawanda vanotsvaka mufaro kupfurikidza nokuita vatano isiri yepamutemo nemamwe “mabasa enyama.” (VaGaratia 5:19-21) Zvisinei, kutera kumifarwa yenyika hakuunzi mufaro wechokwadi uye unogara. Kutaura idi, avo vanoshandisa zvinhu zvakadaro havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari.—1 VaKorinte 6:9, 10.

Vamwe vanotendeukira mukati mavo vamene mukutsvaka kwavo mufaro kupfurikidza nokuvaka kuremekedzwa kwavo vamene. Maraibhurari nezvitoro zvemabhuku zvakazadzwa nemabhuku okuzvibetsera, asi zvinyorwa zvakadaro hazvina kuunzira vanhu mufaro unogara. Naizvozvo, ipapoka, ndokupi kwatinogona kuwana mufaro chaiwoiwo?

Kuti tifare zvirokwazvo, tinofanira kuziva chinodikanwa chedu chomudzimu chokuberekwa nacho. Jesu akati: “Vanofara ndeavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” Chokwadika, hakusati kuchizotibetsera kunzwisisa ichi chinodikanwa uye ipapo kukundikana kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pacho. Kuenzanisira: Chii chingaitika kumumhanyi wedaro refu anokundikana kubvuma kuda mvura kwemuviri wake pashure penhangemutange? Nokukurumidza haasati achiva anopera mvura mumuviri here nemimwe migumisiro yakakomba? Nenzira yakafanana, kana tikakundikana kuita chimwe chinhu kuchinodikanwa chedu chezvokudya zvemudzimu, pakupedzisira tichasvava mumudzimu. Ikoku kuchatungamirira kukurasikirwa nemufarwa uye mufaro.

Jesu akaziva zvizere chinodikanwa chake chomudzimu, nguva dzose achifunda uye kufungisisa Shoko raMwari. Aigona kuwana ndokurava zvikamu zveMagwaro Matsvene norusununguko, uye akadzidzisa vamwe kuita zvimwe chetezvo. (Ruka 4:16-21; enzanisa naVaEfeso 4:20, 21.) Jesu akafananidzawo kuita kuda kwaBaba vake vokudenga nezvokudya. Kuita kuda kwaMwari kwakamuunzira mufaro mukuru.—Johane 4:34.

Hungu, mufaro wechokwadi haugoni kuwanwa kupfurikidza nokuwana zvinhu zvokunyama; uyewo haubvi mukutarisira nyama inotadza. Mufaro wechokwadi chimiro chemwoyo, chakavakirwa pakutenda kwechokwadi uye ukama hwakanaka naJehovha Mwari. Nenzira yakafanira, ipapoka, wezvemapisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—Pisarema 144:15b.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kutenda uye ukama hwakanaka naMwari zvichakuunzira mufaro wechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe