RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 pp. 4-7
  • Chikonzero Nei Zvishamiso Zvoga Zvisingavaki Kutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Zvishamiso Zvoga Zvisingavaki Kutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Zvishamiso Zvisina Kuvaka Kutenda
  • Revo Yokutenda Kwechokwadi
  • Vanotenda Kunyange Zvazvo Vasingaoni
  • Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Manenji—Akaitika Chaizvoizvo Here?
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Unotenda Kuti Zvishamiso Zviri muBhaibheri Zvakaitika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 pp. 4-7

Chikonzero Nei Zvishamiso Zvoga Zvisingavaki Kutenda

TOZOTENDA maruva tadya chakata. Iwoyo ndiwo murangariro wavazhinji. Vamwe vanotaura kuti vangadavira muna Mwari kana akazviratidza amene munzira yakati inoshamisa. Zvichida ikoko kwakadaro, asi kutenda kwakadaro kungatungamirira kukutenda kwapachokwadi here?

Rangarira vaIsraeri Kora, Dhatani, uye Abhirami. Bhaibheri rinoratidza kuti vaive zvapupu zvakaona izvi zvishamiso zvinotyisa zvakabva kuna Mwari: matambudziko gumi paEgipita, kupukunyuka kwerudzi rwaIsraeri muGungwa Dzvuku, uye kuparadzwa kwaFarao weEgipita neuto rake. (Eksodho 7:19–11:10; 12:29-32; Pisarema 136:15) Kora, Dhatani, uye Abhirami vakanzwawo Jehovha achitaura ari mudenga paGomo reSinai. (Dheuteronomio 4:11, 12) Bva, isati iri nguva refu pashure pekunge zvishamiso izvozvi zvaitika, varume vatatu vakanyandura kupandukira Jehovha nevabatiri vake vakagadzwa.—Numeri 16:1-35; Pisarema 106:16-18.

Makore anenge 40 gare gare, muporofita ainzi Bharami akapupurirawo chishamiso. Kunyange kupindira kwengirozi hakuna kumudzivisa kutsigira vavengi vaMwari, vaMoabhi. Pasinei zvapo nechishamiso ichocho, Bharami akapfuurira ndokurwisana naJehovha Mwari nevanhu Vake. (Numeri 22:1-35; 2 Petro 2:15, 16) Kushaya kutenda kwaBharami, zvisinei, kuduku nekuya kwaJudhasi Iskarioti. Pasinei zvapo nokuti akanga ave ari shamwari yapedyo yaJesu uye chapupu chakaona kuratidzirwa kwechienzi kwezvishamiso, Judhasi akatengesa Kristu nokuda kwezvidimbu makumi matatu zvesirivha.—Mateo 26:14-16, 47-50; 27:3-5.

Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vaizivawo nezvezvishamiso zvizhinji zvaJesu. Pashure pokunge amutsa Razaro, vakatobvuma kuti: “Uyu unoita zviratidzo zvizhinji.” Asi kuvapo kwaRazaro akanga orarama kwakapfavisa mwoyo yavo ndokuvapa kutenda here? Aiwa, zvirokwazvo. Panzvimbo pezvo, vakarangana kuuraya vose vari vaviri Jesu naRazaro!—Johane 11:47-53; 12:10.

Kunyange kupindira kwaMwari kwakananga kwakakundikana kubudisa kutenda muvarume ivavo vakaipa. Apo Jesu akanga ari munharaunda dzetemberi pane imwe nhambo, akanyengetera zvinonzwika kuti: “Baba, kudzai zita renyu.” Jehovha akapindura nenzwi rakabva mudenga: “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.” Bva, ichi chiitiko chinoshamisa hachina kuparira kutenda mumwoyo yaavo vaivapo. Bhaibheri rinoti: “Kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari.”—Johane 12:28-30, 37; enzanisa naVaEfeso 3:17.

Chikonzero Nei Zvishamiso Zvisina Kuvaka Kutenda

Kushaya kutenda kwakadaro kunogona sei kuvapo pasinei zvapo nezvishamiso zvizhinji? Kurambwa kwaJesu nevatungamiriri vorudzidziso vechiJudha kunoratidzika kuva kunoshamisa zvikuru apo unorangarira kuti panguva imene yaakavamba ushumiri hwake, vaJudha vose zvavo vakanga “vach[i]tarira” “Kristu,” kana kuti Mesiya. (Ruka 3:15) Zvisinei, chinetso chaive mune chaive kariro idzodzo. Munyori weduramashoko W. E. Vine anonokora mashoko imwe nyanzvi yeBhaibheri inozivikanwa zvikuru seyaitaura kuti vaJudha vakanga vakazadzwa nepfungwa yaMesiya aizovapa “rukundo rwapasi” ne“ukuru mune zvokunyama.” Nokudaro, vakanga vasina kugadzirira Jesu weNazareta aizvininipisa, akanga asiri wezvematongerwe enyika, uyo akaoneka pakati pavo saMesiya wechokwadi muna 29 C.E. Vatungamiriri vorudzidziso vaityawo kuti dzidziso dzaJesu dzaizokanganisa mumiriro wezvinhu waivapo ndokuisa mungozi nzvimbo dzavo dzakatanhamara. (Johane 11:48) Pfungwa dzavo neudyire zvavaiva nazvo zvakavapofumadza kurevo yezvishamiso zvaJesu.

Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha nevamwe gare gare vakaramba chibvumikiso chinoshamisa chokuti vateveri vaJesu vaifarikanya nyasha dzaMwari. Somuenzaniso, apo vaapostora vake vakaporesa mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa, mitezo yakashatirwa yedare rapamusoro rechiJudha yakabvunza kuti: “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusarema vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichiparadzirwa pakati pavanhu.” (Mabasa 3:1-8; 4:13-17) Nenzira yakajeka, ichi chishamiso chinoshamisa chakanga chisina kuvaka kana kuti kuparira kutenda mumwoyo yavanhu ivavo.

Gwinyiro, rudado, uye makaro ndizvo zvinhu zvakasunda vazhinji kuomesa mwoyo yavo. Ikoku kunoratidzika kuve kwakanga kwakadaro kuna Kora, Dhatani, uye Abhirami, vadudzwa pakuvamba. Godo, kutya, uye zvimwe zvimiro zvendangariro zvizhinji zvinokuvadza zvakapinganidza vamwe. Tinoyeuchidzwawo nezvengirozi dzisina kuteerera, madhemoni, idzo dzaichimbove neropafadzo yokutarira chiso chimene chaMwari. (Mateo 18:10) Hadzina mubvunzo pamusoro pokuvapo kwaMwari. Zvirokwazvo, “mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera.” (Jakobho 2:19) Bva, hadzitendi muna Mwari.

Revo Yokutenda Kwechokwadi

Kutenda kunopfuura kungodavirawo zvako. Kunopfuurawo kuita kwendangariro kwechinguvana kuchishamiso chakati. VaHebheru 11:1 inoti: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” Munhu ane kutenda anopwiswa mumwoyo make kuti chinhu chiri chose Jehovha Mwari anopikira chakaita sechazadzikwa. Uyezve, chibvumikiso chisingarambiki chezvinhu chaizvoizvo zvisingaonekwi chakasimba kwazvo zvokuti kutenda kumene kunotaurwa kuva kwakaenzana neufakazi ihwohwu. Hungu, kutenda kwakavakirwa paufakazi. Uye munguva dzakapfuura, zvishamiso zvaiita basa mukukura kwokutenda kana kuti kuvakwa kwako. Zviratidzo zvakaitwa naJesu zvakabatira kupwisa vamwe kuti akanga ari Mesiya akapikirwa. (Mateo 8:16, 17; VaHebheru 2:2-4) Nenzira yakafanana, zvipo zvakadaro zvemudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, sekuporesa kunoshamisa nekutaura nendimi zvakabvumikisa kuti vaJudha vakanga vasati vachine nyasha dzaJehovha asi kuti kutendera kwake zvino kwakanga kwava paungano yechiKristu, yakavambwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu.—1 VaKorinte 12:7-11.

Pakati pezvipo zvinoshamisa zvemudzimu paiva nemano okuporofita. Apo vaisava vatendi vakacherekedza chishamiso ichochi, vamwe vakasundwa kunamata Jehovha, vachizivisa kuti: “Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.” (1 VaKorinte 14:22-25) Zvisinei, Jehovha Mwari haana kuronga kuti zvishamiso zvive chinhu chechigarire chekunamata kwechiKristu. Nenzira inowirirana, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma.” (1 VaKorinte 13:8) Zvipo izvozvi sezviri pachena zvakapera nekufa kwavaapostora uye avo vakanga vagamuchira zvipo zvakadaro kupfurikidza navo.

Vanhu ipapo vaizosiyiwa vasina hwaro hwokutenda here? Aiwa, nokuti Pauro akati: “[Mwari] haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.” (Mabasa 14:17) Zvirokwazvo, kune vane mwoyo yakatendeseka vanodisa kuzarura ndangariro dzavo nemwoyo kuufakazi hwakatipoteredza, “kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake [zvaJehovha Mwari] zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti [avo vanoramba Mwari] varege kuva nepembedzo.”—VaRoma 1:20.

Zvinopfuura kutenda kuvapo kwaMwari zvinodikanwa. Pauro akakurudzira kuti: “Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokufunda Magwaro nokushingaira neyamuro yezvinyorwa zvechiKristu, zvakadai semagazini ino. Kutenda kwakavakirwa pazivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri, hakuna kuneta kana kuti kuganhurirwa. Avo vakanzwisisa kuda kwaMwari uye vari kukuita mukutenda vari kuitira Mwari basa rinoyera.—VaRoma 12:1.

Vanotenda Kunyange Zvazvo Vasingaoni

Muapostora Tomasi akava nechinetso chokushandisa kutenda mukumutswa kwaJesu kuvakafa. “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva membambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi,” Tomasi akazivisa kudaro. Apo Jesu gare gare akapfeka muviri womunhu wairatidzira maronda ekurovererwa kwake, Tomasi akaita zvakanaka kuchishamiso ichi. Zvisinei, Jesu akati: “Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”—Johane 20:25-29.

Nhasi, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha ari ku“famba nokutenda, kwete nokuona.” (2 VaKorinte 5:7, NW) Kunyange zvazvo zvisina kuona zvishamiso zvakanyorwa muBhaibheri, zvinodavira zvakasimba kuti izvozvi zvakaitika. Zvapupu zvinoshandisa kutenda muna Mwari neShoko rake. Nebetsero yemudzimu wake, zvinokwanisa kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri nemusoro waro mukuru—kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha Mwari kupfurikidza neUmambo hwake hwokudenga. (Mateo 6:9, 10; 2 Timotio 3:16, 17) Nebetsero huru kwavari vamene, ava vaKristu vapachokwadi vanoshandisa zano reBhaibheri rokuchenjera muupenyu. (Pisarema 119:105; Isaya 48:17, 18) Vanogamuchira chibvumikiso chisingarambiki chokuti uporofita hweBhaibheri hunoratidzira nguva yedu se“mazuva okupedzisira,” uye vane kutenda kuti nyika itsva yaMwari yakapikirwa yava pedyo zvikuru. (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-14; 2 Petro 3:13) Nokuda kwavo mufaro kugoverana kuziva Mwari nevamwe. (Zvirevo 2:1-5) Vanoziva kuti kuri kupfurikidza bedzi nekufunda Magwaro kuti avo vanotsvaka Mwari vanogona kumuwana zvirokwazvo.—Mabasa 17:26, 27.

Unoyeuka Albert, adudzwa munyaya yapfuura here? Mazuva mashomanene pashure pemunyengetero wake nokuda kwechishamiso warega kupindurwa, akashanyirwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha, mumwe mukadzi akwegura uyo akamusiyira mabhuku akavakirwa paBhaibheri. Albert pashure pezvo akabvuma fundo yeBhaibheri yapamusha yepachena. Sezvaakava akarovedzana zviri nani neshoko reBhaibheri, kuora mwoyo kwake kwakava mufaro. Akavamba kuziva kuti akanga awana Mwari kunyange zvakadaro.

Magwaro anokurudzira kuti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.” (Isaya 55:6) Unogona kuita ikoku, kwete kupfurikidza nokumirira chishamiso chomuzuva razvino uno chinobva kuna Mwari, asi kupfurikidza nokuwana zivo yakarurama yeShoko rake. Ikoku kuri madikanwa, nokuti zvishamiso zvoga hazvivaki kutenda.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kunyange kumutswa kunoshamisa kwaRazaro hakuna kusunda vavengi vaJesu kushandisa kutenda

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kutenda kwakavakirwa pazivo yakarurama yeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe