Unotenda Kuti Zvishamiso Zviri muBhaibheri Zvakaitika Here?
KANA mumwe munhu akakuudza nyaya inoshamisa, zvaunoziva nezvake handizvo here zvinoita kuti ubvume kuti zvaari kutaura ichokwadi kana kuti kwete? Haungofungi nezvematauriro aaita nyaya yacho chete asi ungada kuona kuti anozivikanwa nokutaura chokwadi here. Kana anga agara achikuudza chokwadi kwemakore akawanda uye asina kumbobvira akunyepera, unogona kuvimba nezvaari kukuudza.
Ndozvazvakaitawo panyaya yezvishamiso zviri muBhaibheri. Tose takanga tisipo pazvakaitika. Asi tinogona kuongorora kana nyaya dzacho dziri dzechokwadi. Tingazviita sei? Pasi apa pane zvinhu zvinoita kuti tive nechokwadi kuti zvishamiso zviri muBhaibheri zvakanyatsoitika.
Zvishamiso zvakawanda zvaiitwa pachena. Dzimwe nguva zvaionekwa nezviuru kana kutoti mamiriyoni evanhu. (Eksodho 14:21-31; 19:16-19) Hazvina kumboitwa pachivande pasingaonekwi nevanhu.
Zvishamiso zvacho zvakanga zvisina zvakawanda-wanda. Pakanga pasina midziyo inoshamisira kana kuti zvinhu zvinopenya zvokunyengedza vanhu. Zvishamiso zvizhinji zvinotaurwa muBhaibheri hazvina kugara zvarongwa uye pamwe pacho vanhu vaitoita zvokukumbira kuti zviitwe. (Mako 5:25-29; Ruka 7:1-16) Saka hazvisi zvinhu zvaigona kufanorongwa nomunhu aiita zvishamiso zvacho.
Vaiita zvishamiso zvacho vakanga vasingazviitiri kuti vawane mukurumbira, mbiri uye pfuma. Vaizviitira kuti Mwari akudzwe. (Johani 11:1-4, 15, 40) Vaya vaiita zvishamiso vachiitira kuwana pfuma vaishorwa chaizvo.—2 Madzimambo 5:15, 16, 20, 25-27; Mabasa 8:18-23.
Kusiyana-siyana kwakaita zvishamiso zvakanyorwa muBhaibheri kunoratidza kuti hazvingambovi mabasa evanhu. Somuenzaniso, gungwa nemhepo zvakanyaradzwa, mvura yakachinjwa kuva waini, mvura yakamiswa kunaya uye yakaitwa kuti itange kunaya, vanhu vairwara vakarapwa, uye mapofu akasvinudzwa. Zvishamiso zvose izvozvo nezvimwe zvakawanda zvinoratidza kuti simba rinopfuura revanhu ndiro rinofanira kunge raiita kuti zviitike.—1 Madzimambo 17:1-7; 18:41-45; Mateu 8:24-27; Ruka 17:11-19; Johani 2:1-11; 9:1-7.
Kunyange vashori vakabvuma kuti zvishamiso zvacho zvakaitika. Jesu paakamutsa shamwari yake Razaro, vavengi vake havana kumboramba kuti Razaro akanga ambofa. Vaisakwanisa kuramba nokuti Razaro akanga ava nemazuva mana ari muguva. (Johani 11:45-48; 12:9-11) Pasinei nokuti pakanga papera mazana emakore Jesu afa, vanyori vebhuku rechitendero chechiJudha rinonzi Talmud vaibvuma kuti Jesu aiva nemasimba okuita zvishamiso. Asi vaisava nechokwadi kuti masimba ake aibva kupi. Saizvozvowo, vadzidzi vaJesu pavakaunzwa pamberi pedare rechiJudha, havana kubvunzwa kuti “Maita zvishamiso here?” Asi vakabvunzwa kuti: “Makaita izvi nesimba ripi kana kuti nezita raani?”—Mabasa 4:1-13.
Saka ungabvuma here zvatinoudzwa neBhaibheri nezvezvishamiso? Kubva pane zvatakurukura, zviri pachena kuti zvishamiso zvinorondedzerwa muBhaibheri ndezvechokwadi. Pane zvimwe zvinoita kuti tibvume kuti nhoroondo idzi ndedzechokwadi. Somuenzaniso, Bhaibheri parinotaura chimwe chinhu chakaitika rinowanzotaura kwachakaitikira, nguva yacho uye vanhu vaivapo. Kunyange vaya vanotsoropodza zviri muBhaibheri vanoshamiswa nokururama kwakaita nhoroondo dzaro. Mazana ouprofita hweBhaibheri akazadziswa, kunyange tunhu tudiki-diki. Uyezve, Bhaibheri rine mazano akawanda okuti tingagarisana sei nevamwe. Mazano aro anobatsira vanhu vemazera ose uye vane mararamiro akasiyana-siyana. Panyaya yokugarisana nevamwe, mazano ari muBhaibheri anokunda mamwe ose.
Kana usati wava kuvimba neBhaibheri zvakazara, wadii kunyatsoriongorora? Kana ukawedzera kuziva zvarinotaura, uchavimba naro. (Johani 17:17) Uchaona kuti unogona kuvimba nezvarinokuudza nezvezvishamiso zvaiitika kare. Kana ukanzwisisa kuti nhoroondo idzodzo ndedzechokwadi, uchavimba nezvinotaurwa neBhaibheri kuti zvichaitika mune remangwana.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vashori vaJesu havana kuramba kuti Razaro akanga ambofa