Rwiyo 91
Kudzidziswa naJehovha
1. Ja anotuma zvokwadi;
M’rairidzi mukuru.
Wotungamira makwai
Som’tarisiri wao.
Ndiyo nguva yokudzidza
Kuti Iye m’kurusa,
Anopa murairidzo
unonyandura vanyoro.
Mhizha yake Kristu Jesu,
Mudzidzisi mukuru.
Otaura zva’kadzidza
Kutsanangura Ushe.
Sokuunganidza nhiyo,
Woda kubatsira vose.
Anodzidzisa sakare,
Vakaita samakwai
2. Mwari anopa vafudzi
Vodisa kudzidzisa.
Rurimi rwavo rwo’nesa
Kunaka kwomumwoyo.
Vakaneta vobatsirwa.
Vamwe vopiwa zano.
Nokudzidzisa zvakanaka;
Jehovha anofadzwa.
Tinodzidziswa naMwari;
She achitungamira.
Tine ropafadzo huru
Sezvo tine zvokwadi.
Kana tikadisa kwazvo
Vari kutsvaka zvokwadi,
Tikavaudza zvokwadi,
Vachanamata Jehovha.
3. ‘Ngatidzidze nezvaMwari,’
Ndiyo kokero yedu.
Kudzidzisa kunoitwa
Kwovimbisa kupona.
Nezvinyorwa namashoko
Mashoko akanaka
Ari kuparidzwa mupasi
rose nendudzi dzose.
Savabatiri tinoda
Kufambira mberiwo
M’kuziva zvokwadi itsva,
Tichisimbisa Ushe.
Mumakore ane churu
Vakamutswa vachawana
M’raidzo kuti vasvike
Pakukwana pano pasi.