Ganhuro 28
Ndinogona Sei Kukurira Rudo Rwokuhunguka?
“NOKUDA kwavayaruki vazhinjisa,” yakanyora kudaro imwe magazini yakarerekera kupwere, “rudo rwokuhunguka rwakarovedzeka segosorwa.” Dzinenge pwere dzose dzinarwo, uye vanenge vose vanokwanisa kurarama kusvikira kuukuru, vane rudado rwavo nepfungwa yokufara zvakakwana. Zvisinei, paunobatwa mumusungo worudo rwokuhunguka, hapana chinhu chokuseka pamusoro pakwo. “Ndakavhiringidzika,” inoyeuka kudaro imwe pwere, “nokuti handati ndaigona kuita chimwe chinhu chipi nechipi pamusoro pakwo. Ndaiziva kuti iye akanga ari mukuru zvikuru kwandiri, asika ndaimuda. Ndakakangaidzika chaizvoizvo pamusoro pakwo.”
Chimiro Chorudo Rwokuhunguka
Hakuzati kuri chivi kuva nokunzwa kwakasimba nokuda kwomumwe munhu—kana bedzi kwakadarokwo kusati kuri kwoutere kana kuti kusina kufanira (kwakadai sokwomumwe munhu akaroora). (Zvirevo 5:15-18) Paunenge uri muduku, kunyange zvazvo zvakadaro, “ruchiva runongoerekana rwamuka mupwere” rwunowanzodzora mifungo yako nezviito. (2 Timotio 2:22) Ichiri kudzidza kudzora ruchiva rutsva norwune simba rwunobudiswa nokuyaruka, pwere inogona kuva nokuzadzwa nokunzwa kwokunyanduka kworudo—uye isina mumwe munhu wokukubudisira paari.
Kupfuurazve, “vasikana vanova vanogadzirira uye vanovaka ushamwari mufambidzano nyore nyore pazera rapakuvamba-vamba kupinda vakomana.” Somuuyo, “vanowanzowana vafundi biyavo vasati vakura uye vasingafadzi pakuenzanisirwa navadzidzisi” kana kuti vamwe varume vakura vasingasvikiki. (Magazini yeSeventeen) Nokudaro musikana angafungidzira kuti mudzidzisi anodiwa, muimbi wepop, kana kuti mumwe muzivikanwi akura ndiye munhu “kwaye.” Vakomana vanowanzova norudo rwokusava nomufungo rumwe cheterwo. Zvisinei, rudo runonzwiwa nokuda kwavanhu vakadaro vari kure rwakavakirwa zvikurukuru pafungidziro panzvimbo pokuva neidi.
Rudo Rwokuhunguka—Chikonzero Nei Rwuchigona Kuva Rwunokuvadza
Kunyange rudo rwokuhunguka rwuzhinji nomutoo unoshamisa rwuri rwenguva pfupi, irwo rwunogonawo kuita kuvadziko huru kupwere. Kutanga, vanhu vazhinji vanodiwa navayaruki vana makore gumi namaviri havambofanirwi noruremekedzo. Mumwe murume akachenjera akati: “Upenzi hwakaiswa munzvimbo zhinji dzakakwirira.” (Muparidzi 10:6) Nokudaro muimbi anonamatwa nemhaka yokuti ane inzwi rakanaka kana kuti chitarisiko chakanaka. Asi tsika dzake dzinofanirwa nerumbidzo here? Ko iye “ari munaShe” somuKristu akazvitsaurira here?—1 VaKorinte 7:39.
Bhaibheri rinonyeverawo, kuti: “Ushamwari nenyika ruvengano naMwari.” (Jakobho 4:4) Hakuzati kwaizoisa pangozi ushamwari hwako naMwari here kana ukagadza mwoyo wako pamunhu ane mufambiro unoshorwa naMwari? Bhaibheri rinonyeverawo kuti, “Zvirindei mumene pazvifananidzo.” (1 Johane 5:21) Waizokuidza kuti kudini kudai pwere yaizoshongedzera kamuri rayo kubva kuchidziro kusvikira kuchidziro nemifananidzo yomuimbi akakurumbira? Ko shoko rokuti “kunamata zvifananidzo” harizati raizokodzera here? Ko ikoku sezvingabvira kungafadza sei Mwari?
Dzimwe pwere dzinotobvumira fungidziro dzadzo kukurira mufungo. Imwe mhandara yakati: “Pari pose pandinomubvunza kuti anonzwa sei—iye anogaroramba kuti iye anondida. Asi kupfurikidza nenzira yaanotarira nayo nokuita nayo zvinhu ini ndinogona kuziva kuti ikoko hakuzati kuri kwechokwadi.” Jaya riri kutaurwa nezvaro rakaedza kuva rine mutsa mukuratidzira kusafarira kwaro, asi musikana haana kubvuma kurambwa.
Mumwe musikana anonyora nezvekuda kwake kusina mufungo muimbi akakurumbira, kuti: ‘Ndinoda kuti ave mukomana wangu, uye ini ndakanyengetera kuti ikoku kuitike! Ndaiwanzorara nealbum yake nokuti ndiko kwakanga kuri kuswedera pedyo zvikurusa kwandaigona kuita kwaari. Ndasvika papfundo rokuti kana ndikasagona kumuita kuti andide, ndichazviuraya ndimene.’ Ko ruchiva rwakadaro rwoupengo rwungava rwunofadza Mwari here, uyo anotiraira kumubatira ne“ndangariro yakanaka”?—VaRoma 12:3.
Bhaibheri pana Zvirevo 13:12, rinoti: “Kariro inononozetswa inoodza mwoyo.” Kukudziridza kariro dzorudo nokuda kwoukama husingabviri nokudaro rudo rusina kunaka, rusingatuswi runonokorwa mashoko navanachiremba sechisakiso cho“kupera mwoyo, funganyo, nenhamo iri yose zvayo . . . kusava nehope kana kuti kupera simba, marwadzo echipfuva kana kuti kutakwaira. (Enzanisa na 2 Samueri 13:1, 2.) Mumwe musikana aiva norudo rusina mufungo anobvuma, kuti: “Handigone kudya. . . . Handigonezve kufunda. . . . Ndinorota masikati pamusoro pake. . . . Ndine nhamo.”
Funga nezvekuvadziko yaunoparira paunobvumira kufungidzira kudzora upenyu hwako. Dr. Lawrence Bauman anotaura kuti humwe hwoufakazi hwokutanga hworudo rwokuhunguka runopera ndiko “kuderera kwenhamburiko yechikoro.” Kuzviparadzanisa neshamwari nemhuri ndimumwe muuyo unozivikanwa. Panogona kuva nokunyara. “Ndinonyara kubvuma ikoku,” anodaro munyori Gil Schwartz, “asi ini ndakazvibata sechisetso mukati morudo rwangu rwoufuza pamusoro paJudy.” Nguva refu pashure pokunge rudo rwokuhunguka rwapera, yeuko dzokutevera kwako mumwe munhu, kuzviita chionwa muvanhu, uye zvikurukuru uchizviita umene benzi dzinganonoka kupera.
Kunangana Neidi
Mambo Soromoni, mumwe wavarume vakaisvochenjera akamborarama, akadanana mukupererwa nezano rose nomumwe musikana uyo asina kumuda. Iye akadururira paari dzimwe dzenhetembwa dzinoisvonakidza dzati dzambonyorwa, achimuudza kuti akanga “akatsvinda sejena guru, akachena sezuva rinopenya”—uye haana kwaakasvika chose chose naye!—Rwiyo rwaSoromoni 6:10.
Hunyanguvezvo, Soromoni pakupedzisira akarega nhamburiko dzake dzokumuwanira kwaari. Ko iwe ungagonawo sei kuwana udzori parudo rwako? “Iye anovimba nomwoyo wake ibenzi,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 28:26) Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru apo iwe unobatwa mufungidziro yorudo. Zvisinei, “iye unofamba muuchenjeri ndiye uyo achapukunyuka.” Ikoku kunoreva kuona zvinhu nenzira yazviri.
“Unogona sei kuziva tariro yakakodzera patariro isina nheyo?” anobvunza kudaro Dr. Howard Halpern. “Kupfurikidza nokusanotarira uye chaizvoizvo pamaidi.” Rangarira: Ibanza rakakura zvakadini riripo rorudo chairwoirwo runokudziridzika pano uyu munhu? Kana munhuyo akakurumbira, mabanza ndeokuti hauzati uchizotongosangana nouyu munhu! Mabanza ako akadzimaidzika chose chose apo munhu mukuru, akadai somudzidzisi, anobatanidzwa.
Kupfuurirazve, ko munhu waunoda kusvikira zvino akamboratidzira fariro ipi neipi mauri here? Kana asina, pane chikonzero chaichoicho chipi nechipi here chokudavira kuti zvinhu zvichachinja munguva yemberi? Kana kuti uri kungofungidzira hako bedzi here fariro yorudo mumashoko nezviito zvisina chazvinoreva kwaari? Sezvineiwo, munyika zhinji muitiro wokuti varume vatange kupfimba. Musikana muduku anogona kuzvinyadzisa amene kupfurikidza nokuronda nomutoo wesimba mumwe munhu asingafariri hake bedzi.
Kunze kwezvo, chii chawaizoita kudai mumwe munhu aizokuda chaizvoizvo? Wagadzirira here mitoro yeroorano? Kana usati, ipapo “bvisa nhamo pamwoyo wako” kupfurikidza nokuramba uchizvidya mwoyo pamusoro pefungidziro. Kune “nguva yokuda,” uye ikoku kungava makore gare gare paunenge wakura.—Muparidzi 3:8; 11:10.
Kunzvera Kunzwa Kwako
Dr. Charles Zastrow anotaura, kuti: “Rudo rwokusava nomufungo runoitika apo munhu anorangarira munhu waanoda nomutoo woufuza saari ‘mudiwa wakakwana’; ndiko kuti, anotaura kuti mumwe munhu ane mavara ose anodikanwa mumukwanyina.” Zvisinei, hakuna “mudiwa akakwana” akadaro ariko. “Nokuti vose vakaita chivi nokudaro vakaperevedza pambiri yaMwari,” rinodaro Bhaibheri.—VaRoma 3:23.
Naizvozvo zvibvunze umene kuti: Ndinosanoziva sei chaizvoizvo uyu munhu wandaisa mwoyo wangu paari? Ndiri kudanana nomufananidzo here? Ko ini ndiri kuzvipofomadzira ndimene kuzvikanganiso zvouyu munhu here? Kumwe kunzvera kune donzo mudikani wako waunorota kungava kwakaringanira kukubvisa pakupengeswa kwako norudo! Nzverawo rudzi rworudo rwaunonzwa nokuda kwouyu munhu. Anodaro munyori Kathy McCoy: “Rudo rwusina kukwana runouya ndokupera muchinguvana . . . Ngwariro iri pauri, uye uri kungodanana bedzi nomufungo wokuva vanodanana. . . . Rudo rwusina kukwana runonamatira, runo udyire, uye godo. . . . Rudo rwusina kukwana runoraira kukwana.”—Enzanisa na 1 VaKorinte 13:4, 5.
Kumubvisa Mundangariro Mako
Sezvinobvumwa, kurangarira kwose kuripo hakusati kuchibvisa chose chose manzwire aunoita. Asi unogona kudzivisa kurera chinetso. Kurava mabhuku orudo anonyandura ruchiva rwevatano, kutarira nhau dzorudo paTV, kana kuti kungoteerera bedzi marudzi akati kuti enziyo kunogona kuipisa kunzwa kwako kwoushoma. Naizvozvo ramba kufungisisa pamusoro pomugarirowo. “Uko kusina huni mwoto unodzima.”—Zvirevo 26:20.
Rudo rwokufungidzira harugoni kutsiva vanhu vanokuda chaizvoizvo uye vanokuitira hanya. Rega ‘kuzviparadzanisa iwe umene.’ (Zvirevo 18:1) Zvimwe uchawana kuti vabereki vako vanogona kuva vanobetsera zvikuru. Nokuda kwenhamburiko dzako dzose dzokuvanza kunzwa kwako, zvimwe vangava vakatocherechedza kuti chimwe chinhu chiri kukupedza. Huregererei kuvasvika ndokupa mwoyo wako kwavari? (Enzanisa naZvirevo 23:26.) MuKristu akakura mumudzimu angabvumikisawo kuva anonzwisisa zvakanaka.
“Ramba wakabatikana,” anoraira kudaro munyori wenhau dzepwere dzina makore gumi namaviri Esther Davidowitz. Ita basa rokuzvivaraidza, ita rovedzo yakati kuti yomuviri, dzidzira mutauro, vamba basa rokunzvera Bhaibheri. Kuramba uchishingaira mumibato inobetsera kunogona kupfavisa zviratidzo zvamutsa mwoyo zvikuru kwazvo.
Kukurira rudo rwokuhunguka hakusi nyore. Asi nokupfuura kwenguva, marwadzo achapora. Uchave wadzidza zvakawanda pamusoro pako umene nokunzwa kwako, uye uchagadzirira zviri nani zvikuru kubata norudo chairwoirwo kana rwukauya munguva yemberi! Asika uchakwanisa sei kuziva ‘rudo chairwoirwo’?
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko rudo rwokuhunguka rwakapararira pakati pepwere?
◻ Ndivanaani vanowanzova vadikanwi vorudo rwokufungidzira rwepwere, uye nei?
◻ Neiko rudo rwokuhunguka rwuchigona kuva rwunokuvadza?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kuita pwere kukurira rudo rwokuhunguka?
◻ Pwere inogona sei kudzivisa kurera fungidziro yorudo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 223]
‘Handigone kudya. Handigonezve kufunda. Ndinorota masikati pamusoro pake. Ndine nhamo’
[Mufananidzo uri papeji 220]
Rudo rwokuhunguka pamusoro pomukuru, mitezo isingawaniki yomutezo wakasiana zvakapararira zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 221]
Kunzvera chaikoiko, kune donzo kuuyu munhu kungakuporesa pazviratidzo zvako zvorudo