Ganhuro 33
Kunwa—Huregerereiko?
‘KUNWA hakuna kururama here? Kunokuvadza zvomenemene here? Kana kuti hakuna kururama bedzi kwandiri asi kwakarurama chose nokuda kwavakuru?’ Mibvunzo iyoyi ingasanova mundangariro yako. Kunze kwezvo, vabereki vako vangava vachinwa. Vechiduku vazhinji vezera rako (pasinei hapo neganhurirwo dzezera rapamutemo) vari kunwa. Mapurogiramu eTV namabhaisikopo anokuita kuti kuratidzike kuva kunofadza.
Pazvinoshandiswa nomutoo une mwero, zvamazvirokwazvo zvinwiwa zvinodhakisa zvinogona kuva manyuko omufaro. Bhaibheri rinobvuma kuti waini inogona kuita kuti mwoyo ufare kana kuti inogona kuvandudza kunaka kwezvokudya. (Muparidzi 9:7) Zvisinei, pazvinoshandiswa nomutoo usina kufanira zvinwiwa zvinodhakisa zvinoparira zvinetso zvakakomba zvinovambira pakurwisana navabereki, vadzidzisi, uye mapurisa kusvikira kurufu rwokukurumidza. Sokureva kunoita Bhaibheri: “Waini munyombi, doro rinodhakisa mupopoti, uye munhu ari wose anotsauswa naro haana kuchenjera.” (Zvirevo 20:1) Kunokosha, ipapoka, kuti uite chisarudzo chokuvimbika pamusoro pokunwa.
Asika unoziva zvakawanda zvakadini zvomenemene pamusoro pechinwiwa chinodhakisa nemiuyo yacho? Bvunzo inotevera ichakugonesa kuwana. Ingomaka bedzi zvinotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Zvinwiwa zvinodhakisa zvinyanduro zvikurukuru․․․․․․․․ ____
2. Chinwiwa chinodhakisa muhuwandu hupi nohupi chinokuvadza muviri womunhu․․․․․․․․ ____
3. Zvinwiwa zvinodhakisa—doro, waini, hwahwa—zvinopinzwa mugadziriro yako yeropa pamwero mumwe chetewo․․․․․․․․ ____
4. Munhu anogona kupengenuka nokukurumidza kana iye akanwa kofi isina mukaka kana akageza shawa inotonhora․․․․․․․․ ____
5. Chinwiwa chinodhakisa muhuwandu humwe chetehwo chine muuyo mumwe chetewo pamunhu ari wose anonwa․․․․․․․․ ____
6. Kudhakwa kwakafanana nokupindwa muropa nechinwiwa chinokudhaka․․․․․․․․ ____
7. Chinwiwa chinodhakisa nemimwe mirimo inotirivadza (yakadai semitirivadzo) pazvinoshandiswa pamwe chetepo zvinowanziridza miuyo yomumwe nomumwe․․․․․․․․ ____
8. Kuchinja-chinja zvinwiwa kuchadzivisa munhu pakuva anodhakwa․․․․․․․․ ____
9. Muviri unoshandisa chinwiwa chinodhakisa kungofanana nezvokudya․․․․․․․․ ____
Zvino nzveranisa mhinduro dzako nedzedzo dzinopiwa papeji 270. Ko mimwe yemirangariro yako pamusoro pechinwiwa chinodhakisa yabvumikisa kuva isina kururama here? Kana zvakadaro, cherekedza kuti kusaziva pamusoro pechinwiwa chinodhakisa kunogona kuva kunouraya. Bhaibheri rinotinyevera kuti chikashandiswa nomutoo usina kukodzera, chinwiwa chinodhakisa, “chinoruma senyoka, uye chinobudisa uturu sebvumbi.”—Zvirevo 23:32.
Somuenzaniso, John akaroora ari wechiduku. Humwe usiku, pashure pokurwa nomudzimai wake muduku, iye akabuda mumba, akatsunga kunodhakwa. Pashure pokunwaira rita rose revodka, iye akava mumugariro wokusaziva. Kudai kwakanga kusati kuri nokuda kwenhamburiko dzavanachiremba navakoti, John angadai akafa. Sezvinooneka iye haana kuziva kuti kunwaira nokukurumidza uwandu hukuru hwechinwiwa chinodhakisa kunogona kunyange kuuraya. Kusaziva kwakada kumuuraira upenyu hwake.
Muuyo Wakashata
Uyu ndiwo mumwe wemiuyo inoisvonyengera zvikuru yechinwiwa chinodhakisa. Chinwiwa chinodhakisa chideredzeso, kwete chinyanduro. Unoratidzika kuva mufaro waunonzwa pashure pokunwa unoitika nokuti chinwiwa chinodhakisa chinoderedzesa, kana kuti kudzikisa, mwero wako wefunganyo. Unonzwa wakafaranuka, usingafunganyi zvikuru, usingazvidyi mwoyo kupinda usati wanwa. Chichinwiwa muuwandu hune mwero, chinwiwa chinodhakisa chinogona nenzira iyeyo, kumwero muduku, kubetsera munhu ‘kukanganwa nhamo dzake.’ (Zvirevo 31:6, 7) Imwe pwere inonzi Paul, somuenzaniso, yakanwa kuti idzivise zvinetso zvemhuri. “Ini ndakadzidza pakuvamba kuti kunwa kwakanga kuri nzira yokuderedza dzvinyiriro yandakanga ndichitambura,” iye anoyeuka kudaro. “Kwakafaranudza ndangariro yangu.”
Hapana kuvadziko yakaitika, ndizvo here? Iripo! Chinwiwa chinodhakisa chine muuyo wakashata. Pashure pamaawa akati kuti, apo muuyo unotirivadza wechinwiwa chinodhakisa unopera, mwero wako wefunganyo unodzokera panzvimbo pawo—asi kwete kudzokera mumugariro wenguva dzose. Unosvetukira pamwero wakakwirira zvikuru kupfuura usati wanwa! Unonzwa uchifunganya zvikuru uye uchinetseka zvikuru kupinda nakare kose. Mamutsamwoyo echinwiwa chinodhakisa angagara kusvika kwaanenge maawa 12. Chokwadi, kana ukanwazve, mwero wako wefunganyo unodererazve. Asi maawa akati kuti gare gare, uchakwira, nguva ino unokwira zvikuru kupfuura kare! Nokudaro kunopfuurira mudenderedzwa remifarwa isati iri chaiyo nokuora mwoyo kunoramba kuchiderera zvikuru.
Naizvozvo pakupedzisira, chinwiwa chinodhakisa hachisati chichizoderedza zvomenemene funganyo yako. Chingatosanoiwedzera zvikuru. Uye apo chinonwiwa chinodhakisa chinopera, zvinetso zvako zvichiripo.
Kuganhurirwa Mundangariro
Vamwe vanotaura kuti chinwiwa chinodhakisa chinovabetsera kushanda zviri nani zvikuru. Dennis, somuenzaniso, akanga achinyara zvikurusa uye akakuona kwakaoma kuva kunyange nekurukurirano yakareruka. Asi ipapo iye akawana chimwe chinhu. “Pashure pokunwa zvinwiwa zvishomanene ndaizosununguka,” iye akadaro.
Chinetso ndechokuti mumwe anokura muzivo, kwete kupfurikidza nokutiza migariro inotambudza, sezvakaita Dennis, asi kupfurikidza nokunangana nayo. Kudzidza kugonana nezvinetso zvaunonangana nazvo sepwere kunongova bedzi gadziriro yemiedzo yomukuru. Nokudaro Dennis akawana kuti, pakupedzisira, tapuro dzechinguvana dzechinwiwa chinodhakisa hadzina kumubetsera kukurira nyadzi dzake. “Apo chinwiwa chinodhakisa chakapera, ndakadzokera mumugariro wangu,” iye anoshuma kudaro. Zvakadiniko nazvino, pashure pamakore? Dennis anopfuurira, kuti: “Handina kutongodzidza zvomenemene mutoo wokukurukurirana nawo navanhu pamwero wangu wechokwadi ndimene. Ndinofunga kuti ndakanga ndakaganhurirwa munzira iyi.”
Ndizvo zvinoita kunwa chinwiwa chinodhakisa sebetsero mukubata nenhamo. Joan, uyo akaita kudaro sowechiduku, anobvuma, kuti: “Pamisi ichangobva kupfuura iyi, ndiri mumugariro unotambudza ndakafunga, kuti: ‘Kwaizova kuri nani zvikuru kuva nechokunwa iye zvino.’ Unofunga kuti unogona kubata nomugariro wakati kuti zviri nani zvikuru kana wakanwa.” Hakusati kuchidaro!
Imwe nyaya yakabudiswa muNew York State Journal of Medicine inoti: “Apo mirimo [kubatanidza nechinwiwa chinodhakisa] zvinova mutoo wokuderedza nawo migariro inotambudza—kufunda, kugarisana navanhu, kana wirirano pakati pavanhu—chinodikanwa chokudzidza kubata nounyanzvi hwakanaka hwokugonana nezvinetso chinobviswa. Miuyo hainganzwiwi kutozosvikira wakura, apo kusimbisa ukama chaihwoihwo hwako umene panguva iyeyo kunowanzobvumikisa kuva kwakaoma, kuchisiya munhu ari oga mupfungwa.” Kuri nani zvikuru kwazvo kunangana ndokubatana nezvinetso nemigariro yakaoma nomutoo wakananga!
“Iye Haasati Aizoinwa”
Rangarira muenzaniso waJesu Kristu. Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, Jesu akatsungirira muedzo wakakomba unotambudza. Ashambadzwa, tevere asungwa, Jesu akatsungirira nhevedzano yemibvunzo umo pomero dzenhema dzakamuitirwa. Pakupedzisira, pashure pokunge ave akasvinura usiku hwose, Jesu akagamuchidzwa kundova anorovererwa.—Marko 14:43–15:15; Ruka 22:47–23:25.
Jesu ipapo akapiwa chimwe chinhu chaizogomadza pfungwa dzake—chinwiwa chinoshandura chimiro chendangariro chaizokuita kuve nyore zvikuru kwaari kugonana nouyu mugariro unotambudza. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Ivo vakaedza kumupa waini yakavhengana nemura, asi iye haati aizoinwa.” (Marko 15:22, 23) Jesu akanga achida kuva namano ake ose. Iye aida kunangana nomugariro uyu unotambudza nomutoo wakakwana. Akanga asiri munzvengi! Gare gare, kunyange zvazvo zvakadaro, pakupiwa sezviri pachena chitsama chakati kuti chino mwero chewaini isina kuvhenganiswa kupedza nyota yake, Jesu akagamuchira.—Johane 19:28-30.
Mukuenzanisira, zvinetso zvako, dzvinyiriro, kana kuti nhamo zvinova zvidukusa. Asi unogonawo kudzidza chifundo chinokosha muchinoitika chaJesu. Panzvimbo pokushandisa chinhu chinoshandura chimiro chendangariro (chakadai sechinwiwa chinodhakisa) kugonana nezvinetso, dzvinyiriro, uye migariro isingafadzi, unokwanisa zvikuru kwazvo kana ukabata nazvo nomutoo wakananga. Zvaunowana ruzivo rwokuzviwanira rwakawanda mukunangana nezvinetso zvoupenyu, uchava anokwanisa zvikuru kuzvigadzikisa. Uchakura mukuva nechimiro chendangariro yakaisvonaka.
Paunosvika zera rapamutemo, kana uchisarudza kunwa kana kuti kwete panhambo nenhambo—uye mumwero—chichava chisarudzo chokuti iwe (uye zvimwe vabereki vako) uite. Ngachive chisarudzo choruzivo, chisarudzo chouchenjeri. Kana ukasarudza kusanwa, hapana chinhu chokuzvidemba pamusoro pacho. Asi kana wava wezera rapamutemo uye uchisarudza hako kunwa, inwa nomutoo wokuzviranga. Usatongonwa somunzvengi kana kuti nokuda kwokuwana ushingi husati huri hwenguva dzose. Pangiro yeBhaibheri yakapfava uye yakanangana, inoti: “Kunyanyonwisa kunoita kuti uve mupopoti uye fuza. Kudhakwa upenzi.”—Zvirevo 20:1, Today’s English Version.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko pwere zhinji dzichibatanidzwa mukunwa zvinwiwa zvinodhakisa?
◻ Ndeipi mimwe mifungo isina kunaka yakati kuti yavose pamusoro pechinwiwa chinodhakisa?
◻ Ndedzipi dziri ngozi mukuvhenganisa kutyaira motokari nokunwa?
◻ Ndedzipi dziri ngozi dzokushandisa chinwiwa chinodhakisa nokuda kwokunzvenga zvinetso?
◻ Pwere inofanira kuitei apo inonangana nezvinetso, uye nei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 268]
Kunwa kunogona kupinza mumusungo vechiduku mudenderedzwa rakaipa remifarwa isati iri chaiyo nokuora mwoyo kunoramba kuchiderera
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 271]
“Handina kutongodzidza zvomenemene mutoo wokukurukurirana nawo navanhu pamwero wangu ndimene wechokwadi. Ndinofunga kuti ndakanga ndakaganhurirwa munzira iyi.”—Rimwe jaya rakashandisa zvisinokufanira chinwiwa chinodhakisa sowechiduku
[Bhokisi riri papeji 264]
‘Chikonzero Nei Isu Takatanga Kunwa’
Bvunzurudzano navaichimbova vanwi vechiduku
Mubvunzurudzi: Neiko wakanwa?
Bill: Kwandiri, pakutanga rakanga riri boka randakanga ndiri mariri. Kwakanga kuri chinhu “chakakurumbira” chokuita, zvikurukuru pamakupera evhiki.
Dennis: Ini ndakatanga kunwa parinenge zera ramakore 14 kana kuti kupfuura. Baba vangu vakanga vari chirara mubhawa. Kwaigarova namapati okunwa pamba. Somwana ndakaona kuti kunwa kwakanga kuri chinhu chokuita mufambidzano. Ipapo, apo ini ndakakura, ndakapinda muboka roupengo. Ndaisinwa kuti ndive anogamuchirwa navamwe vana.
Mark: Ini ndakanga ndakabatikana mumitambo. Ndinofunga kuti ndakatanga kunwa parinenge zera ramakore 15 navakomana vechikwata che“basketball.” Zvikurukuru, ini ndinofunga kuti, kwakanga kuri kuda kuziva.
Joan: Ini ndaitapurwa zvikuru kwazvo nezvandaiona paTV. Ndaiwanzoona vatambi vachinwa. Kwakaratidzika kuva kwakaisvonaka zvikuru.
Paul: Baba vangu mupindwi muropa nokunwa. Zvino ndinogona kuona kuti chikonzero nei takanga tine zvinetso zvizhinji chakanga chiri kupindwa muropa nokunwa. Ndakanga ndichiedza kubva makuri. Nomutoo unoshamisa zvikuru, ndicho chimwe chikonzero nei ndakatendeukira kukunwa.
Joan: Vabereki vangu vakanga vasingawanzonwa zvikuru. Asi ndinoyeuka chimwe chinhu pamusoro pababa vangu, panhambo dzefambidzano ivo vaiwanzoganza pamusoro pokuti vaigona kunwa zvakadini. Ini ndinenge ndakakudziridza chimiro ichecho chendangariro—ndichifunga kuti ndakanga ndiri akasiana. Imwe nguva shamwari dzangu neni takaenda kumafaro okunwa. Takanga tichinwa kwamaawa. Hakuna kunditapura zvomenemene savamwe. Ndinoyeuka ndichifunga kuti, ‘Ini ndakafanana chaizvo nababa vangu.’ Ndinofunga kuti chimiro chavo chendangariro pamusoro pechinwiwa chinodhakisa chakanditapura zvomenemene.
Mubvunzurudzi: Asi nei vazhinji vachinwa kusvikira kupfundo rokudhakwa?
Mark: Ndicho chikonzero nei takanwa—kuti tidhakwe. Ndakanga ndisingaitire hanya chaizvoizvo kunaka kwahwo.
Mubvunzurudzi: Naizvozvo wainwira kudhakwa here?
Mark: Hungu.
Harry: Ndingataura chinhu chimwe chetecho. Kwakafanana nokukwira danho. Nguva imwe neimwe yaunonwa uri kusvasvavirira nhano iri nani zvikuru—nhano inotevera iri padanho.
[Bhokisi riri papeji 270]
Mhinduro Dzebvunzo Yokuti Chokwadi Kana Kuti Nhema (Peji 263)
1. NHEMA. Chinwiwa chinodhakisa chideredzeso chikurusa. Chinogona kukuita kuti udhakwe mukuti chinoderedza, kana chinotapudza, mwero wako wefunganyo, chichikuita kuti unzwe wakafaranuka, usina hanya zvikuru kupinda usati wanwa.
2. NHEMA. Kunwa zvitsama zvinomwero kana zvishoma zvezvinwiwa zvinodhakisa hakuzati kuchiratidzika kuva kune kuvadziko ipi neipi yakakomba kumuviri. Zvisinei, kunwa kunopfuuridzirwa uye zvikurusa kunogona kukuvadza mwoyo, uropi, chiropa, nemimwe mitezo.
3. NHEMA. Zvinwiwa zvinodhakisa kana kachasu zvinowanzopinda nokukurumidza kupfuura waini kana doro.
4. NHEMA. Kofi inogona kukupengenutsa, uye kugeza shawa inotonhora kunogona kukuita kuti unyate, asi chinwiwa chinodhakisa chinopfuurira chiri muropa kutozosvikira chashandiswa nechiropa chako pamwero waanenge mamiririta 16 echinwirwa chinodhakisa paawa.
5. NHEMA. Chiverengero chakati kuti chezvikonzero, zvakadai souremu hwomuviri wako uye kana wadya kana kuti kwete, zvinogona kupesvedzera matapurirwe aunoitwa nechinwiwa chinodhakisa.
6. NHEMA. Kudhakwa kunorondedzera muuyo wokunyanyonwa. Kupindwa muropa nokunwa kunoratidzirwa nokurashikirwa noudzori pakunwa. Zvisinei, handi munhu ari wose anodhakwa ari mupindwi muropa nokunwa, uye handi vapindwi muropa nokunwa vose vanodhakwa.
7. CHOKWADI. Painovhenganiswa nechinonwiwa chinodhakisa, mimwe mirimo inowedzera zvikuru kuita kwenguva dzose kunokarirwa kunobva muchinwiwa chinodhakisa kana kuti mumurimo woga bedzi. Somuenzaniso, kuvhenganisa chinwiwa chinodhakisa nemitirivadzo kana kuti mitindivadzo kunogona kuparira zviratidzo zvakakomba zvamamutsamwoyo, zvokudokufa, uye kunyange rufu. Nokudaro, mukombe mumwe nepiritsi rimwe zvine muuyo mukuru zvikuru kwazvo kupfuura zvaungafungidzira. Zvamazvirokwazvo, tapuro yomurimo inowanziridzwa kane katatu, kane kana, nekane gumi, kana kuti kutopfuura!
8. NHEMA. Kudhakwa muuyo wechitsama chehwahwa hwose hwanwiwa, zvisinei nokuti uri mujini here, muwisiki, vodka, kana chipi kana chipi.
9. NHEMA. Chinwiwa chinodhakisa hachizati chichifanira kuva chinogadzirwa pashoma napashoma nomutoo unofanira kuitwa nawo zvimwe zvokudya zvizhinjisa. Panzvimbo pakwo, inenge 20 muzana nokukurumidza inopfuura nomumadziro edumbu ndokupinda mugadziriro yetsinga dzeropa. Chasara chinobva mudumbu chichipinda muhura huduku, uye chichibva imomo chinopinda muropa.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 266, 267]
Kutyaira Uye Kunwa—mubatanidzwa Unouraya
“Kutyaira wakadhakwa ndicho chisakiso chikuru chorufu nokuda kwavechiduku vezera ramakore 16-24,” inodaro 1984 Report on the National Conference for Youth on Drinking and Driving. Zvamazvirokwazvo, “wechiduku ane bviro zvikuru nakane kana yokuva nebonderano ine chokuita nechinwiwa chinodhakisa kupinda mumwe mutyairi upi noupi.” (Just Along for the Ride) Kuurawa kwavanhu vazhinji kwakadaro kusiri madikanwa murutivi kuri nokuda kwokupfuurira kwengano zhinji pamusoro pezvinoitika zvechinwiwa chinodhakisa. Heyi mienzaniso mishomanene chaiyoiyo:
NGANO: Kwakakotsekana kutyaira kana uchinge wanwa doro rakati kuti.
IDI: “Simba rinodhakisa riri mumagaba maviri amamiririta 340 edoro rinonwiwa mune risingasviki awa rinogona kuderedza kuita kwomutyairi ne 2/5 yesekondi—kuchibvumira mota inofamba makiromita ane 90 paawa kufamba mamita ane 10 okuwedzera—sezvinobvira musiano uri pakati pokusaroverera nokubondera.”—Development of a Traffic Safety and Alcohol Program for Senior Adults, rakanyorwa naJames L. Malfetti, Ed.D., naDarlene J. Winter, Ph.D.
NGANO: Kwakanaka kutyaira chero bedzi uchinzwa usina kudhakwa.
IDI: Kune ngozi kuvimba namanzwire aunoita. Chinwiwa chinodhakisa chinoparira nyengedzo yegarikano, chichiita kuti munwi anzwe kuti iye ane simba roudzori, nepo kureva idi mano ake aderedzwa.
Sezvakune ngozi kuno munhu upi noupi kubatanidza kunwa nokutyaira, kunotova nengozi zvikuru kupwere. Mutoo wokutyaira nawo wepwere dzinonwa “unoipa zvikuru nokukurumidza kupinda uyo wavakuru nokuti kutyaira unyanzvi hutsva zvikuru hwomuitiro uye hwakaderera kwavari. Mukupfupikisa, vechiduku vazhinjisa vari zvose zviri zviviri vatyairi vasina ruzivo rwokuzviwanira uye vanwi vasina ruzivo rwokuzviwanira, uye vanotova vasina ruzivo rwokuzviwanira zvikuru pakubatanidza kunwa nokutyaira.”—Senior Adults, Traffic Safety and Alcohol Program Leader’s Guide, rakanyorwa naDarlene J. Winter, Ph.D.
Kunodawo zvinwiwa zvinodhakisa zvishoma kudhakisa pwere kupinda mukuru. Pwere dzinowanzorema zvishoma kupinda vakuru, uye kana munhu achirema zvishoma, mumuviri make mune mvura shoma yokushapisa zvinwiwa zvinodhakisa zvaanonwa. Kana simba rechinwiwa chinodhakisa rakakwira zvikuru mutsinga dzeropa rako, iwe unova anodhakwa zvikuru.
“Wakachenjera ndiye munhu uyo akaona ngwavaira ndokupfuurira kuzvivanza iye amene, asi asina ruzivo rwokuzviwanira wakapfuura napo uye anofanira kutambura chirango.” (Zvirevo 22:3) Waratidzirwa ngozi dzokuvhenganisa kunwa nokutyaira, “wakachenjera” kana ukazvivimbisa umene kusavhenganisa zviviri izvi. Nokudaro hausati uchizogona bedzi kuzvidzivisira umene kukuvadziko dzinoremadza—kana dzinouraya—asiwo kuratidzira ruremekedzo nokuda kwoupenyu hwavamwe.
Unofanirawo kutsunga kuti (1) usatongokwira motokari ine mutyairi ave achinwa uye (2) usatongorege shamwari ichityaira kana iyo yave ichinwa. Ikoku kungatsamwisa shamwari yako, asi iyo ingaonga zvawakaita kana iyo yapengenuka.—Enzanisa naPisarema 141:5.
[Mifananidzo]
Usatongokwira motokari ine mutyairi ave achinwa, uye usatongorege shamwari ichityaira kana iyo yave ichinwa
[Mifananidzo iri papeji 262]
Vezera rako, terevhizheni, uye dzimwe nguva kunyange vabereki vanogona kupesvedzera pwere kuvamba kunwa
[Mufananidzo uri papeji 265]
Chinwiwa chinodhakisa, apo chinoshandiswa zvisina kufanira, chinogona ‘kuruma senyoka’
[Mifananidzo iri papeji 269]
Kunwa uye kutyaira motokari kunowanzoparira izvi