RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 35 pp. 283-288
  • Chandinorava Chinoita Musianoi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chandinorava Chinoita Musianoi?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mabhuku Orudo—Kurava Kusingakuvadzi Here?
  • Rudo Rwakafanana Nenhau Dzorudo Here?
  • Gutsikano Yevatano
  • Kuva Anosarudza
  • Nei Rudo Rwechokwadi Rwakaoma Kuwana
    Mukai!—2006
  • Ndinogona Sei Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
    Mukai!—1994
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 35 pp. 283-288

Ganhuro 35

Chandinorava Chinoita Musianoi?

MAMBO Soromoni akanyevera, kuti: “Kuitwa kwamabhuku mazhinji hakuna mugumo, uye kuzvipira kwakawanda kwaari kunonetesa nyama.” (Muparidzi 12:12) Soromoni akanga asati achiedza kusakurudzira kurava; akanga achingokupangira bedzi kuva anosarudza.

Muzivi wechiFrench womuzana ramakore rechigumi namanomwe René Descartes akati: “Apo munhu anorava mabhuku akanaka kwakaita sokuva nekurukurirano navamwe vanhu vanoziva vakararama munguva yakapfuura. Tingatoiidza kuti ikurukurirano inosarudza umo munyori anoratidzira mairi mifungo yake yakaisvokwirira.” Handi vanyori vose, kunyange zvazvo zvakadaro, vanokodzerwa no‘kukurukura’ navo, kana kuti mifungo yavo yose yaka“kwirira” zvomenemene.

Naizvozvo nheyo inowanzonokorwa mashoko yeBhaibheri inoshandazve: “Songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Hungu, vanhu vaunosonganirana navo vanogona kuumba hunhu hwako. Wati wambopedza nguva yakawanda zvikuru une shamwari zvokuti iwe wakazviwana umene uchivamba kuita zvinhu, kutaura, uye kunyange kufunga seshamwari yako here? Eya, kurava bhuku kwakafanana nokupedza maawa uchikurukura nouyo akarinyora.

Nheyo yakataurwa naJesu pana Mateo 24:15 nokudaro yakakodzera: “Unorava ngaashandise nzwisiso.” Dzidza kukamuranisa ndokunzveresesa zvaunorava. Vanhu vose vanooneswa nhamo nechitsama chakati chefungira mano uye havasati nguva dzose vakatendeseka chose chose mukuratidzira kwavo maidi. Naizvozvo, usagamuchira nomutoo wokusapanikira chinhu chiri chose chaunorava kana kuti kunzwa: “Munhu upi noupi asina ruzivo rwokuzviwanira anotenda shoko riri rose, asi wakachenjera anorangarira nhano dzake.”—Zvirevo 14:15.

Unofanira kuva anongwarira zvikurukuru pamusoro pokurava chinhu chiri chose chinotsanangura zivo youpenyu. Somuenzaniso, magazini avechiduku azere nepangiro pamusoro pechinhu chiri chose chinovambira pakuronga misi yokuvhakacha kusvikira kuvatano yapamberi peroorano—zvisinei, haisati iri pangiro yenguva dzose inofanira kushandiswa nomuKristu. Asika zvakadiniko namabhuku anopinda mupanikiro dzakakomba dzouzivi?

Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Ngwarirai: zvimwe pangava nomumwe munhu achakutapai senhapwa dzake kupfurikidza nouzivi nenyengedzo dzisina maturo mukuwirirana negamuchidzanwa ravanhu . . . uye musati muri mukuwirirana naKristu.” (VaKorose 2:8) Bhaibheri, nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvakadai sechino, zvinogovera pangiro iri nani zvikuru kwazvo.—2 Timotio 3:16.

Mabhuku Orudo—Kurava Kusingakuvadzi Here?

Kurava mabhuku orudo kwazova muitiro wokupindwa muropa nokuda kwavanhu vana mamirioni 20 muUnited States moga bedzi. Chokwadi Mwari iye amene akaisa mumurume nomukadzi chishuvo chokudanana ndokuroorana. (Genesi 1:27, 28; 2:23, 24) Hakusati kuchishamisa, ipapoka, kuti rudo runoratidzirwa zvikuru mungano zhinjisa, uye ikoku hakusati hako kuchirambwa. Mamwe mabhuku orudo akatowana chimiro chamabhuku akaisvonaka. Asi sezvo aya mabhuku ekare achirangarirwa kuva ane mwero nemipimo yazvino uno, vanyori vakakuwana kuchiita mhindu pamisi ichangobva kupfuura iyi kuita rudzi rutsva rwamabhuku orudo. Mamwe achiri kushandisa zvirongwa zvenhau kana kuti zvekare kuwedzera chinoitwa nechimiro chendangariro kunhauyo. Mamwe ndeazvino uno mumunyorero nomukuronga. Hunyanguvezvo, aine musiano mishomanene miduku, aya mabhuku azvino uno orudo anotevera muitiro unoti deyei kuzivikanwa: magamba namagambakadzi achikurira mhinganidzo dzinotyisidzira rudo rwavo rwuri kukudziridzika.

Chaizvoizvo, gamba murume akasimba, kunyange anozvitutumadza azere nokuzvivimba. Zvisinei, gambakadzi rine bviro yokuva risine simba nerinotapurika, kazhinji kazhinji muduku wegamba namakore ane 10 kana kuti 15. Uye kunyange iye achimubata kazhinji kazhinji noruzvidzo, iye achiri anoyevedza nomutoo usingadzivisiki kwaari.

Kazhinji kazhinji panova nechikomba chinokwikwidza. Kunyange zvazvo ane mutsa uye achirangarira, iye anokundikana kunyandura kana kuti kufadza gambakadzi. Nokudaro iye anoshandisa yevedzo dzake dzinonyengedza kuumba gamba rake rakatsiga mukuva munhu munyoro uyo zvino anozivisa pachena rudo rwake runogara nokusingagumi. Zvishoro zvose zvekare zvabviswa ndokukanganirwa, ivo vanoroorana nomufaro ndokugara vachifara nokusingaperi pashure pako . . .

Rudo Rwakafanana Nenhau Dzorudo Here?

Ko kurava nhau dzokufungidzira dzakadaro kunogona kudzikatidza chiono chako chechokwadi here? Bonnie, uyo akatanga kurava mabhuku orudo pazera ramakore 16, anoyeuka, kuti: “Ndaitsvaka jaya rakanga riri refu, rakasviba nerakatsvinda; iro rakanga richinyandura, rine hunhu hunotyisa.” Iye akabvuma, kuti: “Kana ndikaronga musi wokuvhakacha nejaya uye iro rakanga risingadi kunditsvoda nokundibata, iro rakanga rakagomara, kunyange zvazvo iro rakanga richirangarira uye rine mutsa. Ndaida kunyandurwa kwandakanga ndarava pamusoro pako mumabhuku.”

Bonnie akapfuurira kurava mabhuku orudo pashure peroorano yake uye anoti: “Ndakanga ndine musha wakaisvonaka nemhuri, asi neimwe nzira kwakanga kusina kuringana . . . Ndaida chinoitika, chinonyandura uye mifarwa yairondedzerwa nomutoo unonyengera zvikuru mumabhuku orudo. Ndainzwa kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama muroorano yangu.” Bhaibheri, kunyange zvazvo zvakadaro, rakabetsera Bonnie kunzwisisa kuti murume anofanira kugovera mudzimai wake chinopfuura yevedzo kana “chinonyandura.” Rinoti: “Varume vanotofanira kuva vanoda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo vamene. Iye uyo anoda mudzimai wake anozvida iye amene, nokuti hakuna munhu akambovenga nyama yake amene; asi unoidyisa nokuichengeta.”—VaEfeso 5:28, 29.

Asika zvakadiniko nemisoro inozivikanwa zvikuru yamabhuku orudo, migumo inoisvofadza isingaperi uye kugadzikiswa kuri nyore kwezvinetso? Eya, iyo iri kuresa nouchokwadi. Bonnie anoyeuka, kuti: “Pandakava nokusawirirana nomurume wangu, panzvimbo pokukutaura naye, ndaizotevedzera mashoko okuruka mazano aishandiswa negambakadzi. Apo murume wangu asina kudavidza nenzira yakadavidza nayo gambarume, ndakarundumwara.” Ko zano reBhaibheri nokuda kwavakadzi harisati riri rechokwadi zvikuru kwazvo here nerinoshanda apo iro rinoti, “Imi vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu”?—VaKorose 3:18.

Gutsikano Yevatano

Nomutoo unofadza, mabhuku orudo rwevatano akajeka—anowanwa mumaraibhurari avose muna mamwe maguta—ndiwo anoisvokumbirwa navechiduku. Anogona kukukuvadza here? Karen wezera ramakore 18 anotsanangura, kuti: “Mabhuku akanyandura zvakasimba ruchiva rwevatano uye kuda kuziva mandiri. Kunzwa kwomufaro nokwomufarwa kunonzwiwa negambakadzi mukusangana kweruchiva rwevatano negamba kwakandiparira kuchiva kunzwa ikokowo. Naizvozvo apo ini ndakanga ndichironga misi yokuvhakacha,” iye anopfuurira, “ndaiedza kuparira kunzwa ikoko. Kwakandiparira kuita ufeve.” Asika chinoitika chake chakanga chakafanana nezvozvo zvamagambakadzi aakanga arava pamusoro pawo uye apengeswa nawo here? Karen akawana, kuti: “Uku kunzwa kunorangarirwa mundangariro dzavanyori. Hakusati kuri kwechokwadi.”

Kuita fungidziro dzevatano zvamazvirokwazvo ndiro donzo ravamwe vanyori. Rangarira mirairidzo inopiwa nomumwe mubudisi kuvanyori vamabhuku orudo: “Vatano inofanira kunangidzirwa pakunzwa kworuchiva norudo zvinonyandurwa nokutsvoda nokubata-bata kwegamba.” Vanyori vanopfuurirazve kupangirwa kuti nhau dzorudo “dzinofanira kuparira kunyanduka, ruomararo nokunzwa kukuru kwendangariro nokwepfungwa mumuravi.” Sezviri pachena, kurava nhau dzakadaro hakusati kungabetsera munhu kutevera pangiro yeBhaibheri yokuti “urayai, naizvozvo, mitezo yemiviri yenyu iri papasi pamusoro poufeve, kusachena, ruchiva rwevatano, ruchiva rwakashata.”—VaKorose 3:5.

Kuva Anosarudza

Kwakanakisisa, ipapoka, kudzivisa mabhuku orudo anonyandura kunzwa kwoutere kana kuti anonyandura kariro dzisiri dzechokwadi. Huregererei kusiya ndokurava mamwe marudzi amabhuku, akadai samabhuku enhau kana kuti esayenzi? Handi kuti nhau dzokufungidzira hadzina ganhuriro, nokuti kune mamwe mabhuku enhau dzokufungira asati ari okuvaraidza bedzi asiwo edzidzo. Asi kana bhuku richiratidzira vatano, masimba masimba asina mufungo, muitiro wamashiripiti, kana kuti “magamba” amadiro, ano utsinye kana kuti makaro, unofanira kupambadza nguva yako uchirirava here?

Naizvozvo shandisa ngwariro. Usati warava bhuku, nzvera butiro raro nepepa rinofukidzira bhuku; ona kana mune chinhu chipi nechipi chinoshorwa pamusoro pebhukuro. Uye kana pasinei hapo nengwariro bhukuro rikava risino kuchena, iva noushingi hwokuisa bhukuro pasi.

Mukusiana, kurava Bhaibheri nezvinyorwa zvine chokuita neBhaibheri kuchakubetsera, kwete kukukuvadza. Mumwe musikana wechiJapan, somuenzaniso, anotaura kuti kurava Bhaibheri kwakamubetsera kuita kuti ndangariro yake ibve pavatano—chinowanzova chinetso chepwere. “Ndinogaroisa Bhaibheri pedyo nohuvato hwangu ndokuita pfundo rokurirava ndisati ndarara,” iye anodaro. “Ndapaya pandinenge ndiri ndoga bedzi uye ndisina chinhu chokuita (pakadai sapanguva yokurara) apo ndangariro yangu inotendeukira kuvatano. Naizvozvo kurava Bhaibheri kunondibetsera zvomenemene!” Hungu, “kukurukura” navanhu vokutenda vakanyorwa pamusoro pavo muBhaibheri kunogona kukupa simba chairoiro retsika ndokuwedzera zvikurukuru kumufarwa wako.—VaRoma 15:4.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko uchifanira kuva anosarudza mune zvaunorava?

◻ Neiko mabhuku orudo achifadza zvikuru kupwere zhinji? Asi ndedzipi dziri ngozi dzawo?

◻ Unogona sei kusarudza mabhuku akakodzera okurava?

◻ Ndedzipi dzimwe dzebetsero dzokurava Bhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 287]

“Ndakanga ndine musha wakaisvonaka nemhuri, asi neimwe nzira kwakanga kusino kuringana . . . Ndaida chinoitika, chinonyandura uye mifarwa yairondedzerwa nomutoo unonyengera zvikuru mumabhuku orudo. Ndainzwa kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama muroorano yangu”

[Mufananidzo uri papeji 283]

Zvakune zviuru zvakawanda zvikuru zvamabhuku anowanikwa, unofanira kuva anosarudza

[Mifananidzo iri papeji 285]

Mabhuku orudo angaita kurava kwokufungisisa, asi iwo anodzidzisa murangariro wakachena worudo neroorano here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe