Ganhuro 39
Ndinogona Sei Kuswedera Pedyo naMwari?
KUSWEDERA PEDYO—naMwari here? Kuvanhu vazhinji, Mwari anoratidzika kuva munhu asingasvikiki, ari kure, ‘Muvambi Mukurusa’ asiri munhu. Nokudaro pfungwa yokuva pedyo naye ingaratidzika kuva inokatyamadza, kunyange inotyisa kwauri.
Teverewo, chinoitika chako chingava sechiya chemhandara inonzi Lynda. Lynda akarerwa navabereki vechiKristu uye anoyeuka, kuti: “Mumakore [angu ose okuyaruka], ndaisawanzopotsa musangano wechiKristu, uye handisati ndatongopotsa mwedzi womubato wokuparidzira, asika handina kutongokudziridza zvomenemene ukama hwapedyo chaizvoizvo naJehovha.”
Kunyange zvazvo zvakadaro, nguva yako yemberi imene inotsamira pakuva kwako anoswedera pedyo naMwari. Jesu Kristu akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi.” (Johane 17:3) Iyi “zivo” inopfuura mano okudzidza kana kuti kudzokorora maidi—wezvokusadavira muna Mwari anogona kudaro. Inobatanidza kukudziridza ukama naMwari, kuva shamwari yake. (Enzanisa naJakobho 2:23.) Kure nokuva asingasvikiki, Mwari anotikoka ku“mutsvaka . . . ndokumuwana zvomenemene,” nokuti “iye haasati ari kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:27.
Mutoo Waunogona Nawo Kuziva Mwari
Wati wamboringa nyeredzi dziri kure here, wamboteerera nokushamisika gungwa rinotinhira, wamboyevedzwa nefufura rakaisvotsvinda, kana kuti wamboshamiswa norutsvindo rwakaisvonaka rweshizha dukusa? Aya mabasa aMwari ose anopa bedzi rumbonera rwesimba rake guru, uchenjeri, uye rudo. “Mavara [aMwari] asingaoneki . . . anocherechedzwa kupfurikidza nezvinhu zvakaitwa, uye kunyange simba rake risingagumi nohuMwari.”—VaRoma 1:19, 20.
Zvisinei, iwe unodikanirwa kuziva zvakawanda pamusoro paMwari kupfuura zvinogona kuziviswa nechisiko choga bedzi. Naizvozvo Mwari akagovera Shoko rake rakanyorwa. Bhuku irero rinowadzanyura Mwari kuva, asati ari chinhu chakati kuti chisina zita kana kuti simba risiri munhu, asi Munhu chaiyeiye ane zita. “Ziva kuti Jehovha ndiye Mwari,” anozivisa kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 100:3) Bhaibheri rinowadzanyurawo Munhu ari seri kwezita irero: “Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere netsitsi dzorudo nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Chinyorwa charo chine mashoko ose okubata kwaMwari navanhu chinotibvumidza, kureva idi, kuona Mwari achiita basa! Nokudaro kurava Bhaibheri rutivi rwuri madikanwa rwokuswedera pedyo naMwari.
Kuita Kuti Kurava Bhaibheri Kufadze
Sezvinobvumwa, Bhaibheri ibhuku rakakura rokurava. Ukuru hwaro hukuru hunowanzodzivisa pwere kurirava. Dzimwe dzinogurukuta kuti Bhaibheri rinofinha. Kunyange zvazvo zvakadaro, Bhaibheri chizaruro chaMwari kumunhu. Rinotiudza kuti takava pano sei uye uko tiri kuenda. Rinotsanangura chaizvoizvo chatinofanira kuita kuti tirarame nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Ikoku kungagona sei kuva kunofinha? Sezvinobvumwa, Bhaibheri harisati riri kurava kwakareruka, uye mariri mune “zvinhu zvakati kuti zvakaoma kunzwisisa.” (2 Petro 3:16) Asika kurava Bhaibheri hakusati kuchidikanirwa kuva kunofinha.
Marvin muduku anopa imwe nzira inobetsera yokuita kuti kurava Bhaibheri kuve kunofadza zvikuru, achiti: “Ndinoedza kufananidzira chirongwa ndokuzviisa ndimene ipapo.” Rangarira, somuenzaniso, nhauro yaDhanieri ganhuro 6. Panzvimbo pokuirava usingaiti chinhu, edza kufungidzira kuti iwe uri Dhanieri. Wasungwa pamusoro pepomero yakakomba yokunyengetera kuna Mwari wako. Chii chiri chirango? Rufu! Varwi vePersia vanokuzvuzvurudzira nomutoo wakashata kuhwiro hwako—gomba rizerwe neshumba dzine nzara.
Kupfurikidza nokutinhira kwakaderera, ibwe hombe rinofukidza gomba rinokungurutsirwa shure. Shumba dziri pasi dzinotanga kudzvova kunoparira ruzazu. Uchidedera mukutya, unokurirwa navarwi vamambo, avo vanokukandira mugomba irero rorufu ndokukungurutsira shure dombo kuvhara pamusoro pegomba. Uye uri murima rakasviba kuti ndo-o, chinhu chine mvere chinokugunzva . . .
Kunofinha here? Nyangwe! Asika yeuka: Iwe hausati uchirava kuti uvaraidzwe. Edza kucherechedza icho nhauroyo inodzidzisa pamusoro paJehovha. Somuenzaniso, zvinoitika zvaDhanieri hazvisati here zvichienzanisira kuti Jehovha anobvumira vabatiri vake kunangana nemiedzo inotambudza?
Edzawo, kuva norudungwe rwenguva dzose rwokurava. Chokwadika, kana ukapedza maminitsi 15 bedzi pazuva uchirava Bhaibheri, ungava anokwanisa kuripedza mune rinenge gore rimwe! ‘Tenga nguva’ mune mumwe mubato usingakoshi zvikuru—wakadai sokuona TV. (VaEfeso 5:16) Sezvaunozvishandisa umene mukurava Bhaibheri, unosungirwa kunzwa uri pedyo zvikuru naMwari kupfuura nakare kose.—Zvirevo 2:1, 5.
Munyengetero Unokuswededza Pedyo Naye
Mumwe musikana wechiduku anonzi Laverne akacherechedza kuti, “Kwakaoma kutaura kuti une ukama chaihwoihwo nomumwe munhu kana iwe usingatauri naye.” So“Munzwi womunyengetero,” Jehovha anotikoka kutaura naye. (Pisarema 65:2) Kana tichinyengetera kwaari mukutenda, “pasinei hapo nokuti chii chiri chatinokumbira mukuwirirana nokuda kwake, iye anotinzwa.”—1 Johane 5:14.
Lynda (adudzwa pakuvamba-vamba) akadzidza ikoku mune chinoitika chake iye amene. Iye anoyeuka kuti pane imwe nhambo muupenyu hwake, apo zvinetso nezvitambudzo zvakanga zvichiwedzera, iye ‘akanyengetera nguva dzose kwamazuva nokuda kwemhinduro yezvinetso zvake.’ Mwari, uyo akanga aratidzika kuva ari kure zvikuru kare, akavamba kuratidzika kuva ari pedyo naye sezvaakawana simba rokugonana nezvinetso zvake. Imwe pwere, inonzi Kay, nomutoo wakafanana yakadzidza ukoshi hwomunyengetero: “Padzimwe nguva unongonzwa bedzi sounoda kuratidzira kunzwa kwako kwomukati kune mumwe munhu, uye hakuna mumwe munhu ari nani zvikuru kupinda Jehovha wokuzviratidzira kwaari nokuti Jehovha anonzwisisa, uye unoziva kuti iye ndiye uyo bedzi anogona zvomenemene kukubetsera.”
Asika munyengetero unongogovera hawo bedzi here sununguko yendangariro? Aiwa, Jakobho 1:2-5 inotisimbisira kuti patinonangana nemiedzo yakasiana-siana, tinofanira “kuramba tichikumbira Mwari, nokuti iye anopa norupo kuna vose asingazvidzi; uye chichapiwa kwaari.” Mwari angasagovera kupukunyuka mumuedzo, asi iye anotisimbisira uchenjeri hwokubata nahwo nomuedzo iwowo! Angayeuchidza ndangariro yako nheyo dzeBhaibheri dzine chokuita nenhau iyeyo. (Enzanisa naJohane 14:26.) Kana kuti iye angatarisira kuti nhau dzakati kuti dzinoziviswa kwauri kupfurikidza nefundo yako yomunhu oga yeBhaibheri kana kuti pamisangano yechiKristu. Uye usakanganwa kuti, “iye haasati achizokurega uchiedzwa kupfuura paunogona kutsungirira napo, asi . . . iye achaitawo nzira yokubuda nayo.” Hungu, haasati achizokusiya “uri mumadambudziko.” (1 VaKorinte 10:13; 2 VaKorinte 4:9) Hausati waizonzwa uri pedyo zvikuru naMwari here, uchinge wawana betsero yake mukugonana nomuedzo?
Asi usanyengetera bedzi pamusoro pezvinetso zvomunhu oga. Mumunyengetero wake womuenzaniso, Jesu akapa ukoshi hukuru hwokutsveneswa kwezita raJehovha, kuuya kwoUmambo Hwake, nokuzadzika kwokuda kwaMwari. (Mateo 6:9-13) “Mukumbiro pamwe chete nokuonga” rutivi runokoshawo mumunyengetero.—VaFiripi 4:6.
Zvakadini kana uchiona kuti munyengetero wakaoma? Nyengetera pamusoro paikoku! Kumbira Mwari kukubetsera kuzarura mwoyo wako pamberi pake. “Simbirira mumunyengetero,” uye mukufambira mberi kwenguva uchawana kuti unogona kutaura nomutoo wakasununguka kuna Jehovha sezvaunoita kune shamwari chaiyoiyo. (VaRoma 12:12) “Ndinoziva kuti panguva ipi neipi pandinova nechinetso,” anodaro Maria muduku, “ndinogona kutendeukira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro uye iye achandibetsera.”
Hakusati kuri madikanwa kutaura kuna Mwari nomutauro wokufungidzira kana kuti wokuedzesera. “Dururira mwoyo wako pamberi pake,” akadaro wezvamapisarema. (Pisarema 62:8) Muite kuti azive kunzwa kwako, zvinetso zvako. Mukumbire nokuda kwebetsero mukubata noutera hwako. Nyengeterera chikomborero chake pamhuri yako napamaKristu biyako. Mukumbire kanganwiro paunokanganisa. Muonge zuva nezuva nokuda kwechipo choupenyu. Apo munyengetero unova rutivi rwenguva dzose rwoupenyu hwako, unogona kukupinza muukama chaihwoihwo uye hunofadza naJehovha Mwari.
Kuzivisa Pamhene Ushamwari Hwako naMwari
Watanga kufarikanya ushamwari naMwari, hausati uchifanira kudisisa kubetsera vamwe kuwanawo ukama ihwoihwo hunokosha here? Zvamazvirokwazvo, ndichinodikanwa kuna avo vanoshuva kuva shamwari dzaMwari kuti ivo vaite “ziviso yapamhene nokuda kworuponeso.”—VaRoma 10:10.
Vazhinji vanovamba kupfurikidza nokugovera kutenda kwavo nomutoo wamasanga, vachitaura kuvanofunda navo kuchikoro, vavakidzani, nehama dzokunyama. Gare gare, ivo vanokumbanira Zvapupu zvaJehovha mubasa razvo rokuparidzira pa“imba neimba.” (Mabasa 5:42) Nokuda kwedzimwe pwere, kunyange zvazvo zvakadaro, iri basa rapamhene chigumbuso. “Ini ndinofunga kuti vechiduku vazhinji vanonyara kuenda paimba neimba,” anodaro mumwe muKristu wechiduku. “Vanotya kuti shamwari dzavo dzichavarangarira sei.”
Asika iwe unokoshesa zvomenemene tendero yaani—iyo yavezera rako here kana kuti yeShamwari yako yokudenga, Jehovha? Unofanira kurega rutyo kana kuti nyadzi dzichikudzivisa kuwana ruponeso here? “Ngatibatisisei ziviso yapamhene yetariro yedu isingazununguki,” anokurudzira kudaro muapostora Pauro. (VaHebheru 10:23) Uye uchawana kuti kupfurikidza nerovedzo yakaringanira negadziriro, unogona kuvamba kuwana mufaro chaiwoiwo mubasa rokuparidzira!—1 Petro 3:15.
Munguva yakafanira kunzwisisa kwako Shamwari yako yokudenga kunofanira kukusunda kuita tsauriro yachose chose kuna Mwari ndokuiratidzira kupfurikidza norubhapatidzo rwomvura. (VaRoma 12:1; Mateo 28:19, 20) Kuita ziviso yapamhene yokuva mudzidzi akabhapatidzwa waKristu hakusiri chimwe chinhu chinofanira kurangarirwa nomutoo wakareruka. Inobatanidza ‘kuzviramba kwako umene’—kurerutsa zvishuvo zvako ndokutanga kutsvaka fariro dzaJehovha Mwari. (Marko 8:34) Inobatanidzazve kuzvibatanidza iwe umene nesangano renyika yose reZvapupu zvaJehovha.
“Ini ndinofunga kuti vechiduku vazhinji vanozengurira kubhapatidzwa,” yakacherechedza kudaro imwe pwere inonzi Robert. “Vanotya kuti inhano yokupedzisira iyo ivo vasingagoni kuita nhenda shure kwayo.” Chokwadi, munhu haagoni kuita nhenda shure kwetsauriro kuna Mwari. (Enzanisa naMuparidzi 5:4.) Asika “kana munhu achiziva maitirwe echiri chakarurama asi asingachiiti, chivi kwaari”—akabhapatidzwa kana kuti asina kubhapatidzwa! (Jakobho 4:17) Nhau yacho ndeiyi, Unonzwisisa ushamwari hwaMwari here? Unosundwa kuda kumubatira nokusingaperi here? Ipapo usarega rutyo ruchikudzivisa kuzvizivisa umene kuva shamwari yaMwari!
Betsero Dzisingagumi Dzeshamwari dzaMwari!
Kusarudza ushamwari hwaMwari kuchakupesanisa nenyika yose. (Johane 15:19) Ungava chipfuro chokunyomba. Zvitambudzo, zvinetso, nemiedzo zvingakudenha. Asika usarega munhu upi noupi kana kuti chinhu chipi nechipi chichikuputsira ukama hwako naMwari. Iye anovimbisa tsigiro yake isingakundikani, achiti: “Handisati ndichizotongokusiyai uye handisati ndichizotongokuregai.”—VaHebheru 13:5.
Bhuku rino rinongova bedzi humwe ufakazi hwefariro iyo Jehovha nesangano rake vanayo mugarikano yako isingagumi. Uye kunyange kwave kusati kuchibvira kupedza mibvunzo nezvinetso zvako zvose muna aya mapeji, zvamazvirokwazvo unoonga zvikuru kupinda nakare kose kuti Bhaibheri manyuko asingaperi akadini ouchenjeri! (2 Timotio 3:16, 17) Apo zvinetso zvinokutambudza, nzvera mubhuku dzvene iroro rose. (Zvirevo 2:4, 5) Kana une vabereki vanotya Mwari, une mamwezve manyuko ouchenjeri hwomudzimu netsigiro—kana uchizozarurira bedzi mwoyo wako kwavari.
Kupfuura zvose, yeuka kuti Jehovha Mwari ane mhinduro dzose. Iye “ibetsero inowanwa nyore mukati menhamo,” uye anogona kukutungamirira nomudambudziko ripi neripi. (Pisarema 46:1) Naizvozvo ‘yeuka, zvino, Musiki wako Mukuru mumazuva oupwere hwako.’ (Muparidzi 12:1) Ndiyo nzira ichaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Uye ndiyo nzira yokuwana nayo upenyu husingagumi muParadhiso isingatongoperi—tuso iyo Mwari akachengetera avo vari shamwari dzake.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko kuchikosha kuti iwe uve noukama chaihwoihwo naMwari?
◻ Ko Bhaibheri rinowadzanyurei pamusoro paMwari?
◻ Unogona sei kuita kuti kurava Bhaibheri kuve kunofadza ndokuva kunobereka zvibereko?
◻ Ko kuita “ziviso yapamhene” yokutenda kwako kunobatanidzei? Unosundwa kuita saizvozvo here? Neiko?
◻ Ko misangano inoita rutivii mukuswedera pedyo naMwari, uye unogona sei kuwana zvizhinjisa mairi?
◻ Ndedzipi dziri betsero dzokuva shamwari yaMwari?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 311]
Kunondibvirira zvomenemene here kuva pedyo naMwari?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 312]
Bhaibheri chizaruro chaMwari kumunhu. Rinotiudza kuti takava pano sei uye uko tiri kuenda
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 316, 317]
Misangano—Yamuro Mukuva Pedyo naMwari
“Ini ndakawana kuti kusanosonganirana navamwe vanoda Jehovha kunondibetsera kugara pedyo naye.” Akadaro mumwe wechiduku weNigeria. Zvapupu zvaJehovha zvinogadzirira nhambo dzakadaro dzesonganiro paHoro dzoUmambo dzomunzvimbomo dzazvo. (VaHebheru 10:23-25) Anita wezera ramakore 16 akati: “MuHoro yoUmambo, ndakawana shamwari chaidzoidzo.”
Zvisinei, kuungana kwakadaro hakusati kuri zvinoitikawo zvazvo zvefambidzano. MaHoro oUmambo anogovera kosi yedzidzo yeBhaibheri, inoumbwa nemisangano mishanu yevhiki nevhiki. Ndaza huru yemisoro inofukidzwa: upenyu hwemhuri, uporofita hweBhaibheri, mufambiro, dzidziso, uye ushumiri hwechiKristu, kududza hedu mishomanene. Kunyange isati iri gadziriro dzamaoresa dzapachikuva, misangano yakadaro inoitwa munzira inofadza. Hurukuro nekurukurirano dzamapoka zvinowanzosianiswa nebvunzurudzo nemienzaniso inorondedzera. Chikoro Choubati Ushe hwaMwari chakatanhamara zvikurukuru mukuti chakarovedza zviuru kuva vakurukuri vanobudirira vehurukuro dzavose.
Zvakadiniko kana uri kutopinda misangano? Vavarira kuwana zvakawanda mairi. (1) Gadzirira: “Ini ndakatsaura nguva dzakagadzwa dzokufunda mabhuku atinoshandisa mumisangano,” anodaro Anita. Ikoku kuchakuitira nyore kuti (2) Utore rutivi: Sepwere, Jesu aiteerera nomutoo wokushingaira, aibvunza mibvunzo, aipa mhinduro apo nhau dzomudzimu dzaikurukurwa mutembere. (Ruka 2:46, 47) Iwewo unogona “kuteerera zvikuru kupfuura nguva dzose zvinhu zvakanzwiwa,” uchinyora zvinonyorwa kuita kuti ndangariro yako irambe ichironda. (VaHebheru 2:1) Apo kutora rutivi kwavateereri kunodikanwa, goverana mukutsinhira.
Chimwe chikarakadzo chinobetsera ndechokuti (3) Shandisa zvaunodzidza: Goverana mapfundo aunodzidza navamwe. Chinokosha zvikuru, shandisa zvaunodzidza kuupenyu hwako, uchiita chinjo padzinodikanirwa. Ratidzira kuti zvokwadi iri “kushanda mauri.”—1 VaTesaronika 2:13.
Ipa misangano nzvimbo yokutanga. Kana une mutoro unoremedza usiri wenguva dzose webasa rinoitirwa kumba, edza kuuita pamberi pomusangano. “Ini ndinoda kukurukura pashure pomusangano ndokuvapo kutozosvikira pane wokupedzisira,” inodaro imwe pwere inonzi Simeon. “Asi kana ndine basa rinoitirwa kumba rechikoro, ndinoenda nokukurumidza kundoita basa rangu.” Pasinei hapo nokuti unoronga sei nhau, ita zvaunogona kuti uve pamisangano nguva dzose. Iyo inokosha kukukura kwako kwomudzimu.
[Mufananidzo uri papeji 315]
Kurava Bhaibheri ndichinodikanwa chokukudziridza ushamwari naMwari
[Mifananidzo iri papeji 318]
“Ndinoziva kuti panguva ipi neipi pandinova nechinetso ndinogona kutendeukira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro uye iye achandibetsera”