RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 42-46
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAJOSHUA
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Anoda Kuti Tibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 42-46

Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua

Munyori: Joshua

Nzvimbo Yakanyorerwa: Kanani

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 1450 B.C.E.

Nguva Yakafukidzwa: 1473–munenge muna 1450 B.C.E.

1. Mamirirei ezvinhu anonangana naIsraeri muna 1473 B.C.E.?

GORE ndi1473 B.C.E. Chiono chinoshamisa zvikurusa nechinonyandura. VaIsraeri, vakadzika misasa paMapani eMoabhi, vakagadzirira kupinda kwavo muKanani, Nyika Yakapikirwa. Ruwa rwuri mhiri kweJoridhani rwunogarwa noumambo husingaverengeki huduku, humwe nohumwe neuto rahwo hwoga. Ihwo hwakakamukana pakati pahwo humene uye hwakaneteswa kupfurikidza namakore oudzori hwakashata hunodzorwa neEgipita. Bva, kurudzi rwaIsraeri, chishoro chinotyisa. Maguta mazhinji anorusvingo rwakasimbiswa, akadai seJeriko, Ai, Hazori, uye Rakishi, anotofanira kutorwa kana nyika ichizokurirwa. Nguva yakaoma iri mberi. Hondo dzinopedza nharo dzinofanira kurwiwa ndokuhwinwa, naJehovha amene achipindira namanenji ane simba nokuda kwavanhu vake, kuti azadzike chipikirwa chake chokuvagarisa munyika yacho. Nomutoo usingapokanidzwi, izvi zviitiko zvinonyandura, zvakatanhamara kwazvo mukubata kwaJehovha navanhu vake, zvaizotofanira kunyorwa, uye izvozvo nechapupu chakaona. Munhu kwaye akadini hake aigona kuvapo nokuda kwaikoku kunze kwaJoshua amene, uyo akagadzwa naJehovha somutevedzeri waMosesi!—Num. 27:15-23.

2. Neiko kusarudzwa kwaJoshua, kwose kuri kuviri sakaputeni uye somunyori, kwakakodzera?

2 Kusarudzwa kwaJoshua, pose pari paviri somutungamiriri uye somunyori wezviitiko zvodokuitika, kwakakodzera zvikurusa. Ave ari musonganiri wapedyo zvikuru waMosesi mumakore ose 40 akapfuura murenje. Ave ari “mushumiri waMosesi kubvira pahujaya hwake zvichienda mberi,” achimuratidzira kuva anokwaniriswa sakaputeni womudzimu pamwe chete nowehondo. (Num. 11:28, NW; Eks. 24:13; 33:11; Josh. 1:1) Mugore rakabva Israeri muEgipita, 1513 B.C.E., akanga ari kaputeni wamauto aIsraeri mukukurirwa kwavaAmareki. (Eks. 17:9-14) Seshamwari yakavimbika yaMosesi uye murayiriri weuto asingatyi, akasarudzwa kumirira ndudzi yaEfraimi apo murume mumwe akasarudzwa mundudzi imwe neimwe nokuda kwokutumwa kune ngozi kwokushora Kanani. Ushingi hwake nokutendeka panhambo iyeyo zvakavimbisa kupinda kwake muNyika Yakapikirwa. (Numeri 13:8; 14:6-9, 30, 38) Hungu, uyu murume Joshua, mwanakomana waNuni, “murume uyo ane mudzimu mukati make,” murume uyo “akatevera Jehovha nomwoyo wose,” murume “azere nomudzimu wouchenjeri.” Hakushamisi kuti “Israeri akapfuurira kubatira Jehovha mazuva ose aJoshua.”—Num. 27:18; 32:12; Dheut. 34:9; Josh. 24:31, NW.

3. Chii chinobvumikisa kuti Joshua akanga ari mubatiri chaiyeiye waJehovha, pamwe chete nomunyori webhuku rine zita rake?

3 Nemhaka yoruzivo rwake rwokuzviwanira, rovedzo, uye mavara akaedzwa somunamati wechokwadi waJehovha, Joshua zvirokwazvo akanga achikwanisa kushandiswa somumwe wavanyori va‘Magwaro akafuridzirwa naMwari.’ Joshua haasati ari munhuwo zvake wengano asi mubatiri chaiyeiye waJehovha. Anodudzwa nezita muMagwaro echiGiriki echiKristu. (Mabasa 7:45; VaH. 4:8) Kune mufungo kuti kungofanana naMosesi akashandiswa kunyora pamusoro pezviitiko zvenduramo yake, saizvozvowo mutevedzeri wake, Joshua, aizoshandiswa kunyora zviitiko izvo iye amene akaona. Kuti bhuku rakanyorwa nomumwe munhu akaona zviitiko kunoratidzwa naJoshua 6:25. Gamuchidzanwa rechiJudha rinopa mbiri kuna Joshua pakunyora, uye bhuku rimene rinoti: “Ipapo Joshua akanyora aya mashoko mubhuku romutemo waMwari.”—Josh. 24:26, NW.

4. Uchokwadi hwebhuku raJoshua hwakabvumikiswa sei pose pari paviri kupfurikidza nezadziko youporofita uye kupfurikidza nechipupuriro chavanyori veBhaibheri vapashure?

4 Panguva yoruparadziko rweJeriko, Joshua akaisa kutuka kwouporofita pakuvakwazve kwegutaro, uhwo hwakava nezadziko inoshamisa mumazuva aAhabhi mambo waIsraeri, makore 500 gare gare. (Josh. 6:26; 1 Madz. 16:33, 34) Uchokwadi hwebhuku raJoshua hunosimbiswazve nenongedzero zhinji idzo vanyori veBhaibheri vapashure vanoita kuzviitiko zvakanyorwa mariri. Mukudzokorora dzokororazve, wezvamapisarema anonongedzera kuna izvozvi (Pis. 44:1-3; 78:54, 55; 105:42-45; 135:10-12; 136:17-22), sezvinoita Nehemia (Neh. 9:22-25), Isaya (Isa. 28:21), muapostora Pauro (Mabasa 13:19; VaH. 11:30, 31), uye mudzidzi Jakobho (Jak. 2:25).

5. (a) Inhamboi inofukidzwa nebhuku raJoshua? (b) Neiko zita rokuti Joshua rakakodzera?

5 Bhuku raJoshua rinofukidza nhambo yamakore anopfuura 20, kubvira pakupinda muKanani muna 1473 B.C.E. kusvikira kunenge kuna 1450 B.C.E., muri mugore umo zvimwe Joshua akafa. Zita rimene rokuti Joshua (chiHebheru, Yehoh·shuʹaʽ), kureva kuti “Jehovha Ruponeso,” rakakodzera zvikurusa nokuda kwebasa raJoshua somutungamiriri anooneka muna Israeri mukati mokukurirwa kwenyika. Akapa mbiri yose kuna Jehovha soMununuri. MuSeptuagint bhuku racho rinonzi I·e·sousʹ (enzanirano yechiGiriki Yehoh·shuʹaʽ), uye zita rokuti Jesu rakatorwa muna irori. Mumavara ake akaisvonaka oushingi, teerero, uye perero, Joshua akanga ari mufananidzo wouporofita wakaisvonaka wa“She wedu Jesu Kristu.”—VaR. 5:1.

ZVIRI MUBHUKU RAJOSHUA

6. Bhuku raJoshua rinokamurwa kuva zvikamui chaizvo?

6 Bhuku rinokamuranisirwa muzvikamu zvina: (1) kuyambukira muNyika Yakapikirwa, (2) kukurirwa kweKanani, (3) kugoverwa kwenyika, uye (4) kurayira kwokuonekana kwaJoshua. Nhoroondo yose inotaurwa zvakajeka uye izere nomutambo unonyandura.

7. Jehovha anopa Joshua rukurudziroi nezano?

7 Kuyambukira muNyika Itsva (1:1–5:12). Achiziva nezvemiyedzo iri mberi, Jehovha anopa vimbiso nezano rakanaka kuna Joshua pakutanga: “Iva ane ushingi bedzi uye akasimba zvikuru . . . Iri bhuku romutemo harifaniri kubva pamuromo wako, uye iwe unofanira kurava mariri masikati nousiku, kuti ugongwarira kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri; nokuti ipapo uchaita kuti nzira yako ibudirire uye ipapo uchaita nomutoo wokuchenjera. Handina kukurayira here? Iva ane ushingi uye akasimba . . . nokuti Jehovha Mwari wako anewe kuri kwose kwaunoenda.” (1:7-9, NW) Joshua anopa mbiri kuna Jehovha soMutungamiriri chaiyeiye noMurayiriri uye pakarepo anotanga kugadzirira kuyambuka Joridhani sezvarayirwa. VaIsraeri vanomugamuchira somutevedzeri waMosesi, uye vanovimbisa ruvimbiko. Pamberi, ipapoka, nokukurirwa kweKanani!

8. (a) Rakabhi anoratidzira sei kutenda? (b) Jehovha anozviratidza sei amene kuva “Mwari mupenyu” pakati paIsraeri?

8 Varume vaviri vanotumwa kundoshora Jeriko. Rakabhi chifeve anoshandisa mukana wacho kuratidzira kutenda kwake Jehovha kupfurikidza nokuvanza tsori pakupinza mungozi upenyu hwake. Uyewo, tsori dzinopika kuti iye uchaponeswa apo Jeriko rinoparadzwa. Tsori dzinodzoka nomushumo wokuti vagari vose venyika vavhunduka nemhaka yavaIsraeri. Mushumo zvauri wakanaka, Joshua pakarepo anoenda kuRwizi rwaJoridhani, urwo rwuri panhano yamafashamo. Jehovha zvino anopa ufakazi hunooneka hwokuti ari kutsigira Joshua uye kuti, kungofanana nomunguva yaMosesi, kuna “Mwari mupenyu” ari pakati paIsraeri. (3:10) Apo vaprista vakatakura areka yesungano vanotsika muJoridhani, mvura dzinobva kumusoro kworwizi dzinoungana kuita murwi, dzichibvumira vaIsraeri kupfuura napaivhu rakaoma. Joshua anotora mabwe 12 pakati porwizi sechirangaridzo uye anoisa mamwe mabwe 12 murwizi, apo vaprista vamire, pashure pacho vaprista vanopfuura uye mvura dzinodzokera panhano yamafashamo.

9. Chii chinotevera kuitika paGigari?

9 Vakati vayambuka, vanhu vakadzika misasa paGigari, pakati peJoridhani neJeriko, uye pano Joshua anomisa mabwe echirangaridzo sechapupu kuzvizvarwa zvinouya uye “kuti marudzi ose apasi agoziva ruoko rwaJehovha, kuti rwakasimba; kuti imi mugotya zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu nguva dzose.” (4:24, NW) (Joshua 10:15 inoratidzira kuti pashure pacho Gigari ingave yave ichishandiswa somusasa wavaindorwa hondo vachidzokera kwenguva yakati.) Ndipo pano apo vanakomana vaIsraeri vanodzingiswa, sezvo makanga musina kudzingiswa mukati morwendo rwomurenje. Paseka inochengetwa, mana inoguma, uye pakupedzisira vaIsraeri vanovamba kudya zvibereko zvenyika.

10. Jehovha anorayiridza sei Joshua pamusoro pokutapa Jeriko, uye chiitoi chinokatyamadza chinotevera?

10 Kukundwa kweKanani (5:13–12:24). Zvino nharidzano yokutanga iri pedyo zvikuru. Asika richatorwa sei iri guta rina masvingo raka“pfigwa kwazvo” reJeriko? (6:1) Jehovha amene anorondedzera muudzame muitiro wacho, achituma “mukuru wehondo yaJehovha” kuzorayiridza Joshua. (5:14) Kamwe chete pazuva kwamazuva matanhatu, mauto aIsraeri anofanira kufora achipoterera guta, varume vehondo vachitungamirira, vachiteverwa mukufora navaprista vanoridza nyanga dzamakondohwe uye vamwe vakatakura areka yesungano. Pazuva rechinomwe, ivo vanofanira kupoterera kanomwe. Joshua nomutoo wokutendeka anoparadzira mirayiro kuna vanhu. Sezvakarayirwa chaizvoizvo, mauto anofora achipoterera Jeriko. Hakuna shoko rinotaurwa. Hakuna ruzha asi kuvivira kwetsoka nokuridzwa kwehwamanda kunoitwa navaprista. Ipapo, pazuva rokupedzisira, pashure pokupedzwa kwokutenderera kwechinomwe, Joshua anovaratidzira kuti vadanidzire. Ivo vanodanidzira, “kudanidzira kukuru kwehondo,” uye masvingo eJeriko anokoromoka! (6:20, NW) Somunhu mumwe, vanodenha guta, vanoripamba, ndokuriparadza nomwoto. Rakabhi bedzi akatendeka naveimba yake vanowana rununuro.

11. Kukurirwa kwokutanga paAi kunogadzikiswa sei?

11 Ipapo vanopfuurira kuenda kumadokero kweAi! Chivimbo munorumwe rukundo ruri nyore chinova kuora mwoyo, sezvo varume veAi vanotandanisa varwi vaIsraeri vane 3 000 vakatumwa kuzotapa guta. Chii chaitika? Jehovha akavasiya here? Joshua nomutoo weshungu anobvunza Jehovha. Mukupindura Jehovha anowadzanyura kuti mukusiyana nomurayiro wake wokuparadza chinhu chiri chose muJeriko, mumwe munhu ari mumusasa akasateerera, achiba chimwe chinhu ndokuchivanza. Uku kusachena kunofanira kubviswa mumusasa Israeri asati agona kupfuurira kubudirira nechikomborero chaJehovha. Munhungamiro youmwari, Akani, muiti wechakaipa, anowanwa, uye iye naveimba yake vanotakwa namabwe kusvikira vafa. Nenyasha dzaJehovha dzadzorerwa, vaIsraeri zvino vanorwisa Ai. Zvakare Jehovha amene anozivisa mazano anofanira kushandiswa. Varume veAi vanonyengerwa kubuda muguta ravo rine rusvingo ndokuzviwana vamene vabatwa muchivandiro. Guta rinotapwa ndokuparadzwa navagari varo vose. (8:26-28) Hapana kubvumirana pane zvisinokufanira nomuvengi!

12. Joshua anotevera kuita murayiroi woumwari?

12 Mukuteerera murayiro waJehovha wakapiwa nokuna Mosesi, Joshua anotevera kuvaka atari muGomo reEbhari ndokunyora pariri “kopi yomutemo.” (8:32, NW) Ipapo anorava mashoko oMutemo, pamwe chete nechikomborero neshurikidzo, kugungano rorudzi rwose sezvo ivo vanomira, hafu pamberi peGomo reGerizimi nehafu pamberi peGomo reEbhari.—Dheut. 11:29; 27:1-13.

13. Chii chinoparirwa nokuita chiito kwavaGibheoni no“uchenjeri”?

13 Akatyamadzwa neenderero mberi yokukurumidza yedenho, nhamba yakati kuti yamaumambo maduku eKanani inobatana munhamburiko yokumisa kuenderera mberi kwaJoshua. Zvisinei, apo ‘vaGibheoni vanonzwa izvo Joshua akaitira Jeriko neAi, vanoita nomutoo wokuchenjera.’ (Josh. 9:3, 4) Munyengedzo yokuva vabva kunyika iri kure muKanani, vanopinda musungano naJoshua “kuti vavarege vari vapenyu.” Apo nyengedzo inowanwa, vaIsraeri vanokudza sungano asi vanoita vaGibheoni “vatemi vehuni navateki vemvura,” sa‘varanda vakaderera zvikurusa,’ nenzira iyeyo ndokuzadzika murutivi kutuka kwakafuridzirwa kwaNoa pana Kanani, mwanakomana waHami.—Josh. 9:15, 27, NW; Gen. 9:25.

14. Jehovha anoratidzira sei paGibheoni kuti ari kurwira Israeri?

14 Uku kutsauka kwavaGibheoni hakusiri nhau duku, nokuti “Gibheoni rakanga riri guta guru . . . guru zvikuru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva vane simba.” (Josh. 10:2) Adhoni-zedheki, mambo weJerusarema, anoona muna ikoku tyisidziro kwaari amene noumwe umambo huri muKanani. Muenzaniso unofanira kuitwa kudzivisa kutsaukirazve kumuvengi. Naizvozvo Adhoni-zedheki namamwe madzimambo mana (ayo oumambo hwamaguta eHebroni, Jarmuti, Rakishi, uye Egroni) vanoronga uye vanorwisa vaGibheoni. Achiremekedza sungano yake navaGibheoni, Joshua anofora usiku hwose achienda kundovabetsera uye kutandanisa mauto amadzimambo mashanu. Zvakare Jehovha anopinda muhondo, achishandisa masimba nezviratidzo zvinopfuura simba rounhu, nemigumisiro inoparadzanya. Chimvuramabwe chine simba chinoburuka kudenga, chichiuraya vakawanda vomuvengi kupfuura minondo yeuto rechiIsraeri. Uye ipapo, zvishamiso zvezvishamiso, ‘zuva rinoramba rimire pakati pamatenga uye harikurimidzi kuvira kwerinenge zuva rose.’ (10:13) Nokudaro, mabasa okupedzisa anogona kupedzwa. Vachenjeri munezvenyika vangaedza kuzvidza ichi chiitiko chinoshamisa, asi vanhu vokutenda vanogamuchira chinyorwa choumwari, vachisanoziva simba raJehovha rokudzora masimba omuchisiko chose uye kuatungamirira maererano nokuda kwake. Kureva idi, “Jehovha amene akanga achirwira Israeri.”—10:14, NW.

15. Rondedzera mutoo wevhozhokero nomugumo wayo paHazori.

15 Pashure pokuuraya madzimambo mashanu, Joshua anoparadza Makedha. Achipfuurira nokukurumidza kuenda kumaodzanyemba, anoparadza chose chose Ribhina, Rakishi, Egroni, Hebroni, uye Dhebhiri—maguta ari mumakomo pakati peGungwa roMunyu neGungwa Guru. Pakazosvika nguva ino mashoko evhozhokero apararira munzvimbo refu yeKanani. Kumusoro kuchamhembe, tyisidziro inoziviswa naJabhini, mambo weHazori. Kunzvimbo iri yose, kumativi ose ari maviri aJoridhani, anotumira danidziro yokuungana nokuda kwechirwirangwe chokurwisa vaIsraeri. Zvavanodzika misasa pedyo nemvura dzeMeromi, mujinga meGomo reHemoni, mauto akaungana omuvengi “[m]azhinji sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (11:4) Zvakare Jehovha anovimbisa Joshua nezverukundo uye anorondedzera mazano ehondo. Uye chii chinova mugumisiro? Kumwe kukurirwa kukurusa kwavavengi vavanhu vaJehovha! Hazori rinopiswa nomwoto, uye maguta akabatana naro namadzimambo awo anoparadzwa. Nokukurumidza Joshua anotambanudza nharaunda youdzori hwavaIsraeri muurefu nomuupamhi hweKanani. Madzimambo ane makumi matatu akurirwa.

16. Migovei yenyika inoitwa?

16 Kugovera nyika (13:1–22:34). Pasinei hapo nourwu rukundo ruzhinji, namaguta mazhinji makuru ane rusvingo akaparadzwa uye nedziviriro yakarongwa yakaputsanywa nokuda kwenguva ino, “dzichiriko nyika dzinofanira kuva dzenyu.” (13:1) Zvisinei, Joshua zvino ava naanenge makore 90 ezera, uye kune rimwewo basa guru rinoda kuitwa—riya rokugovera nyika senhaka nokuda kwendudzi pfumbamwe dzakakwana nehafu yendudzi yaManase. Rubheni, Gadhi, uye hafu yendudzi yaManase dzatogamuchira nhaka yadzo yenyika kumabvazuva kwaJoridhani, uye ndudzi yaRevhi haina yainowana, “Jehovha Mwari waIsraeri” ndiye nhaka yavo. (13:33, NW) Kupfurikidza nebetsero yaEreazari muprista, Joshua zvino anoita migove kumadokero kwaJoridhani. Karebhi ava nezera ramakore 85, anodisa kurwisa vavengi vaJehovha kusvikira kunowokupedzisira, anokumbira uye anogoverwa nzvimbo izere vaAnaki yeHebroni. (14:12-15) Pashure pokunge ndudzi dzagamuchira nhaka dzadzo kupfurikidza nomujenya, Joshua anokumbira guta reTimnati-sera mumakomo aEfraimi, uye irori rinomupiwa “pakurayira kwaJehovha. (19:50, NW) Tendi yokusonganira inodzikwa paShiro, iriwo munzvimbo yamakomo yaEfraimi.

17. Igadziriroi inoitwa nokuda kwamaguta outiziro uye nokuda kwamaguta okugara avaRevhi?

17 Maguta matanhatu outiziro nokuda kwomuurayi asiri wamaune anotsaurwa, matatu kurutivi rumwe norumwe rweJoridhani. Awo okumadokero kweJoridhani iKedhishi muGarirea, Shekemi muEfraimi, uye Hebroni munyika yamakomo yaJudha. Awo ari kumabvazuva iBhezeri muruwa rwaRubheni, Ramoti muGireadhi, uye Gorani muBhashani. Iwawa anopiwa “chimiro chinoyera.” (20:7, NW) Maguta ana makumi masere namasere namafuro awo anogoverwa kupfurikidza nomujenya kubvira mumigove yendudzi samaguta okugara vaRevhi. Iwawa anobatanidza maguta matanhatu outiziro. Nokudaro Israeri “akapfuurira kutora uridzi hwe[nyika] uye kugara mairi.” Kungofanana nokupikira kwakanga kwaita Jehovha, naizvozvo “kwose kwakazadzika.”—21:43, 45, NW.

18. Injodzii inotanga pakati pendudzi dzokumabvazuva nedzokumadokero, asi iyoyi inogadzikiswa sei?

18 Varume vehondo vanobva mundudzi yaRubheni naGadhi uye vanobva muhafu yendudzi yaManase, avo vakapfuurira pamwe naJoshua kusvikira kunguva ino, zvino vanodzokera kunhaka dzavo mhiri kwaJoridhani, vaine zano raJoshua rokutendeka nechikomborero chake. Pakuenda, zvavanoswedera pedyo neJoridhani, vanomisa atari huru. Ikoku kunomutsa njodzi. Sezvo nzvimbo yakagadzwa yokunamatwa kwaJehovha iri patendi rokusonganira muShiro, ndudzi dzokumadokero dzinotya nyengedzo nokusavimbika, uye dzinogadzirira hondo yokurwisana navapanduki vanofungidzirwa. Zvisinei, kuteurwa kweropa kunodziviswa apo kunotsanangurwa kuti atari haisiri yechibayiro asi bedzi kuti ibatire se“chapupu pakati pedu [Israeri wokumabvazuva nokumadokero kweJoridhani] kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.”—22:34, NW.

19, 20. (a) Joshua anopa mazanoi okuoneka? (b) Inhaui yaanoisa pamberi paIsraeri, uye anosimbisa sei chisarudzo chakanaka chokuti Israeri aite?

19 Kurayira kwokuoneka kwaJoshua (23:1–24:33). ‘Uye kunoitika kuti mazuva mazhinji pashure pokunge Jehovha apa zororo Israeri pavavengi vavo vakavapoteredza, apo Joshua akwegura uye ava namazuva mazhinji,’ anodanira Israeri wose pamwe chete nokuda kwokurayira kwokuoneka kunokuchidzira. (23:1) Azvininipisa kusvikira kumugumo, anopa Jehovha mbiri yose nokuda kworukundo rukuru pamarudzi. Vose zvino ngavapfuurire kuva vakatendeka! “Simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe.” Vanofanira kuramba vamwari venhema ndoku‘va vanorinda nguva dzose nokuda kwemweya yavo kupfurikidza nokuda Jehovha Mwari wavo.’ (23:11) Hapasati pachifanira kuva nebvumirano pane zvisinokufanira navaKanani vanosara, hapana muchato kana kuti batano dzokutenda kwakavhengana navo, nokuti ikoku kuchaderedza hasha huru dzaJehovha.

20 Achiunganidza ndudzi dzose paShekemi uye achidana vamiriri vadzo pamberi paJehovha, Joshua anotevera kurondedzera nhoroondo yaJehovha amene yokubata Kwake navanhu Vake kubvira panguva yaakadana Abrahama ndokumupinza muKanani kutozosvikira pakukurirwa nokugarwa kweNyika yeChipikirwa. Zvakare Joshua anonyevera pamusoro porudzidziso rwenhema, achidana pana Israeri ku“tya Jehovha ndokumubatira mukutendeka nomuzvokwadi.” Hungu, “kubatira Jehovha”! Ipapo anotaura nhau norujeko rukurusa: “Zvisarudzirei mumene nhasi wamuchabatira, kana vamwari avo madzibaba enyu . . . akashumira kana kuti vamwari vavaAmori vane nyika yamugere mairi. Asi kana ndirini neimba yangu, tichabatira Jehovha.” Nokupwiswa kwakafanana nokwaMosesi, anoyeuchidza Israeri kuti Jehovha “ndiMwari mutsvene; ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.” Naizvozvo, pasi navamwari vokumwe! Nokudaro vanhu vanonyandurwa kuzivisa somunhu mumwe, kuti: “Tichabatira Jehovha Mwari wedu, uye tichateerera inzwi rake!” (24:14, 15. 19, 24, NW) Asati avaendesa, Joshua anoita sungano navo, anonyora aya mashoko mubhuku romutemo waMwari, uye anomisa dombo guru sechapupu. Ipapo Joshua anofa pazera rakanaka ramakore 110 uye anovigwa muTimna-sera.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

21. Izanoi riri mubhuku raJoshua riri betsero yakatanhamara nhasi?

21 Sezvaunorava kurayira kwokuoneka kwaJoshua pamusoro pebasa rokutendeka, hakuzati kuchinyandura mwoyo wako here? Hauzati uchidzokorora mashoko aJoshua ayo akataura anopfuura makore ane 3 400 akapfuura here: “Kana ndiri ini neimba yangu, tichabatira Jehovha”? Kana kuti kana muchibatira Jehovha mumamirire ezvinhu zvomuedzo kana kuti zvokuparadzaniswa navamwe vokutendeka, hauwani kuchidziro here mumashoko aJehovha okuna Joshua, akataurwa pamavambo okufora vachipinda muNyika yeChipikirwa: “Ingova bedzi ane ushingi uye akasimba zvikuru?” Uyezve, hauwani here betsero isingaenzaniswi mukutevera zano Rake ro‘kurava [Bhaibheri] nenzwi rakaderera masikati nousiku, kuti uite kuti nzira yako ibudirire’? Zvirokwazvo, vose vanotevera zano rokuchenjera rakadaro vachariwana kuva rinobetsera nomutoo wakatanhamara.—24:15; 1:7-9.

22. Mavarai anokosha okunamata kwechokwadi anosimbiswa?

22 Zviitiko zvakanyorwa nomutoo wakajeka zvikuru mubhuku raJoshua zvinopfuura kungovawo zvazvo nhau yekare. Zvinosimbisa nheyo dzoumwari—nomutoo wakatanhamara kuti kutenda nokuteerera zvisingapanikiriki kuna Jehovha zvinokosha kuchikomborero chake. Muapostora Pauro anopupurira kuti kupfurikidza nokutenda “masvingo eJeriko akakoromoka pashure pokunge apotererwa kwamazuva manomwe,” uye kuti nemhaka yokutenda “Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe chete naavo vakaita nomutoo wokusateerera.” (VaH. 11:30, 31, NW) Jakobho nenzira yakafanana anodudza Rakabhi somuenzaniso unobetsera nokuda kwavaKristu mukuratidzira mabasa okutenda.—Jak. 2:24-26.

23. Zviyeuchidzoi zvine simba zviri mubhuku raJoshua?

23 Zviitiko zvechienzi zvinopfuura simba romuzvarirwo zvakanyorwa pana Joshua 10:10-14, apo zuva rakaramba risingafambi uye mwedzi wakamira, pamwe chete namamwe manenji ayo Jehovha akaita nokuda kwavanhu vake, zviyeuchidzo zvine simba zvamano aJehovha nechinangwa chokuunza ruparadziko rwavashovori vose vakaipa vaMwari. Gibheoni, nzvimbo yehondo munguva yaJoshua nomunguva yaDhavhidhi, inobatanidzwa naIsaya nokusimuka kwaJehovha muhasha nokuda kwouru ruparadziko, “kuti agoita basa rake—basa rake nderechienzi—uye kuti agoita chiito chake—chiito chake ndechechienzi.”—Isa. 28:21, 22, NW.

24. Bhuku raJoshua rinobatanidza sei zvipikirwa zvoUmambo, uye ivimbisoi yarinopa yokuti izvozvi zvi‘chaitika’?

24 Zviitiko zvebhuku raJoshua zvinonongedzera mberi kuUmambo hwaMwari here? Zvirokwazvo zvinodaro! Kuti kukurirwa uye kugarwa kweNyika Yakapikirwa kunofanira kubatanidzwa nechimwe chinhu chikuru zvikurusa kwakaratidzirwa nomuapostora Pauro: “Nokuti kudai Joshua akanga avatungamirira kupinda munzvimbo yezororo, Mwari pashure pacho aizodai asina kutaura nezverimwe zuva. Naizvozvo kuchine zororo resabata ravanhu vaMwari.” (VaH. 4:1, 8, 9, NW) Vanosvasvavirira mberi kuti vave nechokwadi cho“kupinda [kwavo] muumambo husingaperi hwaShe wedu noMuponesi Jesu Kristu.” (2 Pet. 1:10, 11, NW) Sezvinoratidzirwa naMateo 1:5, Rakabhi akava tategurukadzi vaJesu Kristu. Bhuku raJoshua nokudaro rinogovera imwe batano inokosha muchinyorwa chinotungamirira kukubudiswa kweMbeu yoUmambo. Rinogovera vimbiso yakasimba yokuti zvipikirwa zvoUmambo hwaJehovha zvichasvika pazadziko yakati. Achitaura nezvechipikirwa chaMwari chakaitwa kuna Abrahama, Isaka, naJakobho uye chakadzokororwa kuna Isaka, vazukuru vake, chinyorwa chinotaura pamusoro pezuva raJoshua: “Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakaitika.” (Josh. 21:45; Gen. 13:14-17) Nenzira yakafanana, kupfurikidza ne“chipikirwa chakanaka” chaJehovha pamusoro poUmambo hwakarurama hwokudenga—chose chichazadzika!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe