Ganhuro 9
Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?
PAZERA ramakore 14, Karen akanga atove mushandisi zvikuru wemirimo uye aigaroita vatano. Pakuzosvika pazera ramakore 17, Jim akanga ari chiradza chinozivikanwa uye achirarama muupenyu hwoutere. Vose vari vaviri vanobvuma kuti ivo vakanga vasingadi zvomenemene upenyu hwavairarama kana kuti zvinhu zvavaiita. Neiko, ipapoka, ivo vakaita sezvavaiita? Dzvinyiriro yevezera ravo!
“Munhu ari wose wandakanga ndinaye akanga achipinda mune izvi zvinhu, uye ikoko kwakanga kune tapuro huru pandiri,” anotsanangura kudaro Karen. Jim akabvuma, achiti, “Handina kuda kurashikirwa neshamwari dzangu kupfurikidza nokuva akasiana.”
Chikonzero Nei Pwere Dzichitevera Vezera Radzo
Dzimwe pwere zvadzinokura, pesvedzero yavabereki inoderera, uye chishuvo chokuva dzinodiwa ndokuva dzinogamuchirwa navezera radzo chinowedzera zvakasimba. Dzimwe dzinongonzwa bedzi kudikanwa kwokutaura nomumwe munhu ano“nzwisisa” kana kuti achadziita kuti dzinzwe dzichidiwa kana kuti dzichidikanwa. Apo kurukurirano yakadaro inoshaikwa pamusha—sezvinowanzoitika—dzinoitsvaka pakati pevezera radzo. Kazhinji kazhinjiwo shaikwo yokuzvivimba nokunzwa kwokusachengeteka kunoparira dzimwe kuva dzinotapurika nepesvedzero yevezera radzo.
Pesvedzero yevezera radzo haizati hayo iri yakashata. Chirevo chinoti: “Simbi iyo imene inorodzwa, kupfurikidza nesimbi. Naizvozvo mumwe munhu anorodza chiso chomumwe.” (Zvirevo 27:17) Sezvo banga resimbi richigona kurodza rutivi rwakagomara rwerimwe banga, ushamwari nedzimwe pwere hunogona ‘kurodza’ hunhu hwako ndokukuita munhu kwaye—kana vezera rako ivavo vane zvimiro zvendangariro zvoukuru, zvakanaka.
Kunyange zvazvo zvakadaro, kazhinji kazhinji zvikurusa pwere dzinoshaiwa nomutoo unosuruvarisa ukuru muzivo—zvose zviri zviviri mundangariro nomumudzimu. Pwere zhinji dzine mirangariro nemifungo yadzo isina kunaka, isingavimbwi nayo, inotova isina hanya nechingaitika. Naizvozvo apo pwere nomutoo usingapanikiriki inodzorwa nevezera rayo, kungatova kunopfuura zvikuru bofu rinotungamirira bofu. (Enzanisa naMateo 15:14.) Miuyo yacho inogona kuva ine ngwavaira.
Kunyange vezera rako vasati vari kukukurudzira kupinda mukuzvibata kwokunyanyisa, pesvedzero yavo inogonawo kunzwika kuva inodzvinyirira. “Unoitira hanya zvikuru kwazvo kuva anogamuchirwa navamwe vana,” akadaro Debbie. “Apo ini ndakanga ndava nezera ramakore gumi namasere ndaitya mufungo wokuva asingagamuchirwi nokuti handizati ndaizova nomumwe wokundikoka kuenda nokuda kwenguva yakanaka. Ndaitya kuti ndaizova ndiri ndoga.” Nokudaro Debbie akashanda nesimba kuti awane kugamuchirwa nevezera rake.
Ko Ini Ndiri Kupesvedzerwa Here?
Wati wavamba kupfeka, kutaura, kana kuti kuita neimwe nzira yakati kuti ukodzere here? Susie wezera ramakore gumi namanomwe akati, “Imwe pwere haingagoni zvomenemene kukuita kuti uite chinhu chipi nechipi chausingadi kuita.” Chokwadi, asi dzvinyiriro yevezera rako inogona kuva ina manomano zvikuru zvokuti haungazivi kuti iri kukutapura zvakadini. Somuenzaniso, rangarira muapostora Petro. Munhu ane ushingi nepwiso yakasimba, Petro akanga ari mbiru yechiKristu. Mwari akawadzanyurira Petro kuti vanhu vanobva mumarudzi ose namadzinza vanogona kuwana nyasha Dzake. Nokudaro Petro akabetsera vadaviri vokutanga Vamarudzi kuva maKristu.—Mabasa 10:28.
Zvisinei, nguva yakapfuura, uye Petro akanga ari muAntioki, guta iro vasati vari vaJudha vazhinji vakanga vava maKristu mariri. Petro norusununguko aisonganirana navadaviri ivava vaVamarudzi. Rimwe zuva mamwe maKristu echiJudha anobva Jerusarema, achiri kufungira mano akaipa pana vasati vari vaJudha, akashanyira Antioki. Ko Petro zvino aizozvibata amene sei pana vezera rake vechiJudha?
Hekani waro, Petro akazviparadzanisa iye amene namaKristu aVamarudzi, achiramba kudya navo! Neiko? Iye sezvinobvira akatya kugumbura vezera rake. Iye angave akarangarira, kuti ‘Ndichangotera bedzi zvishoma apo ivo vari pano ndokupfuurira kudya naVamarudzi pashure pokunge vaenda. Huputsirei ushamwari hwangu navo pamusoro pechinhu chiduku chakadaro?’ Nokudarokwo Petro akanga achipfeka bata kumeso—achiramba nheyo dzake amene kupfurikidza nokuita chimwe chinhu chaakanga asingadaviri zvomenemene. (VaGaratia 2:11-14) Sezvinooneka, ipapoka, hapana munhu asingatapurwi nedzvinyiriro inobva kuvezera rako.
Ndaizoita Sei?
Naizvozvo kunyange kuri nyore kutaura kuti, ‘Handizati ndichitya zvinofungwa navamwe!’ kuchengeta kutsunga ikoko mukunangana nedzvinyiriro yevezera rako ndichimwe chinhu chikuru. Somuenzaniso, waizoita sei mumigariro inotevera?
Mumwe wavafundi biyako anokugovera mudzanga pamberi pedzimwe pwere. Iwe unoziva hako kuti kusvuta hakuna kururama. Asi ivo vose vari kumirira kuona zvauchaita . . .
Vasikana vokuchikoro vari kutaura pamusoro pokuvatana navakomana vavo. Mumwe wavasikana anoti kwauri: “Iwe hauzati uchiri mhandara, uchiri here?”
Iwe waida kupfeka hembe yakafanana neiya vamwe vasikana vose vari kupfeka, asi Amai vanoti yakanyanyopfupika. Hembe yavanoomerera kuti upfeke inokuita kuti unzwe uchiratidzika kuva ane makore matanhatu okukura. Vafundi biyako vanokumbonaidza. Mumwe musikana anobvunza kuti, “Huregererei kungochengeta mari yako yokudya kwamasikati ndokutenga chimwe chinhu chakafanira? Hauzati uchifanira kuita kuti amai vako vazive. Ingochengeta bedzi zvipfeko zvako zvokuchikoro muodhiropu rako.”
Migariro iri nyore yokunangana nayo here? Aiwa, asi kana iwe uchitya kuramba kuvezera rako, uchaguma wozviramba iwe umene, mipimo yako, navabereki vako. Unogona sei kuwedzera simba rokudzivisa dzvinyiriro yevezera rako?
“Mano Okufunga”
Robin wezera ramakore ane gumi namashanu akatanga kusvuta, kwete nokuti aida kudaro, asi nokuti munhu ari wose zvake aikuita. Iye anoyeuka, kuti: “Gare gare ndakatanga kufunga kuti, ‘Handisati ndichikuda. Neiko ndichiri kukuita?’ Naizvozvo handichaitizve.” Kupfurikidza nokuzvifungira amene, iye akakwanisa kudzivisa vezera rake!
Nomutoo wakakodzera, ipapoka, Bhaibheri rinokuchidzira pwere kuwedzera “zivo namano okufunga.” (Zvirevo 1:1-5) Munhu ane mano okufunga haazati achifanira kutsamira pavezera rake vasina ruzivo rwokuzviwanira nokuda kwenhungamiro. Panguva imwe cheteyo, munhu iyeyo haazati achiva anozvivimba ndokufuratira mifungo yavamwe. (Zvirevo 14:16) Iye anodisa ku“teerera zano ndokugamuchira chirango” kuti “ave akachenjera.”—Zvirevo 19:20.
Rega kukatyamadzwa, kunyange zvazvo zvakadaro, kana usingadiwi kana kunyange kunyombwa nokuda kwokushandisa mano ako okufunga. “Murume [kana kuti mukadzi] wamano okufunga anovengwa,” inodaro Zvirevo 14:17. Asi zvomenemene, ndiani ane simba rakawanda, avo vanotera kuzvishuvo zvavo nemirangariro kana avo vanogona kuramba zvishuvo zvisino kufanira? (Enzanisa naZvirevo 16:32.) Ko avo vanokunyomba vakadaro vari kunanga kupi muupenyu? Ndokwauda kuti upenyu hwako hugumirewo here? Kunogona here kuva kwokuti vanhu vakadaro vanongova bedzi negodo newe uye vari kufukidza kusachengeteka kwavo vamene kupfurikidza nokunyomba?
Kupukunyuka Musungo
“Kutya vanhu ndiko kunoteera musungo,” inodaro Zvirevo 29:25. Munguva dzeBhaibheri, musungo waigona kukurumidza kubata mhuka ipi neipi isingakariri yaibata hwambo hwawo. Nhasi, chishuvo chokuva anogamuchirwa navezera rako nomutoo wakafanana chinogona kubatira sohwambo. Chinogona kukunyengedza kupinda mumusungo wokuputsa mipimo youmwari. Ko zvino, unogona sei kupukunyuka—kana kuti kudzivisa—musungo wokutya munhu?
Kutanga, sarudza shamwari dzako nomutoo wokungwarira! (Zvirevo 13:20) Songanirana naavo vane nheyo nemipimo zvechiKristu. Chokwadi, ikoku kunoganhurira ushamwaridzani hwako. Sezvo mumwe wechiduku achiti: “Apo ini ndisina kufambidzana navamwe muchikoro, nepfungwa dzavo dziri pamusoro pemirimo nevatano, nokukurumidza vakandisiya ndiri ndoga. Kunyange zvazvo ikoku kwakabvisa dzvinyiriro huru kwandiri dzokuwirirana nadzo, kwakandiita kuti ndinzwe ndino ushoma zvikuru.” Asi kuri nani zvikuru hakwo kutambura ushoma hwakati kuti panokurega pesvedzero yevezera rako ichikuwisira pasi mumudzimu nomutsika. Songanirano mukati memhuri yako nomukati meungano yechiKristu inogona kukubetsera kuzadza nzvimbo youshoma.
Kuteerera vabereki vako kunobetserawo kudzivisa dzvinyiriro yavezera rako. (Zvirevo 23:22) Ivo sezvinobvira vari kushanda nesimba kukudzidzisa mipimo yakafanira. Mumwe musikana wechiduku akati: “Vabereki vangu vakanga vakatsiga kuneni. Padzimwe nguva ndakanga ndisingakudi, asi ndinofara nokuti ivo vakatsiga ndokuganhurira songanirano yangu.” Nokuda kwebetsero iyoyo yavabereki, iye haana kutera kudzvinyiriro yokushandisa mirimo nokupinda muvatano.
Mupangiri wavechiduku Beth Winship anopfuurirazve kucherekedza, kuti: “Vayaruki vari vakanaka pane chimwe chinhu vanonzwa vachikosha mukururama kwavo vamene. Havasati vachidikanirwa kutsamira patendero yavezera ravo nokuda kwokuzvifunga kwavo vamene.” Huregerereiko, ipapoka, kuvavarira kuva ane unyanzvi naanokwanisa pane zvaunoita muchikoro uye pamba? Zvapupu zviduku zvaJehovha zvikurukuru zvinovavarira kuva ‘vashandi vasina chinhu chokuvanyadzisa nacho, vanobata shoko rezvokwadi zvakarurama’ muushumiri hwavo hwechiKristu.—2 Timotio 2:15.
Pashure pokunyevera pamusoro po“musungo” wokutya vanhu, Zvirevo 29:25 inopfuurira, kuti: “Iye unovimba naJehovha achadzivirirwa.” Zvimwe kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho, ukama naMwari hunogona kukusimbaradza kudzivisa vezera rako. Somuenzaniso, Debbie (adudzwa pakuvamba) akanga ave ari muteveri weboka kwenguva yakati kuti, achinwa zvikuru uye achishandisa zvisinokufanira mirimo. Asika ipapo akavamba fundo yakakomba yeBhaibheri uye akavamba kuvimba naJehovha. Muuyoi wakavapo? “Ndakasarudza kuti handizati ndichizoenda kundoita zvinhu zvimwe chetezvo seboka duku iroro repwere,” akadaro Debbie. Iye akaudza shamwari dzake dzekare kuti: “Imi endai henyu nenzira yenyu uye ini ndichaenda neyangu. Kana muchida ushamwaridzani neni muchatofanira kuremekedza mipimo imwe cheteyo yandinoita. Ndino urombo asi handine hanya chaizvoizvo nezvamunofunga. Izvi ndizvo zvandichaita.” Handi shamwari dzose dzaDebbie dzakaremekedza kutenda kwake kuchangobva kuwanwa. Asi Debbie anoti, “Zvechokwadi ndakazvida ini ndimene zviri nani zvikuru pashure pokunge ndaita chisarudzo changu.”
Iwewo ucha‘zvida umene zviri nani zvikuru’ ndokuzvibvisa umene panhamo huru kana ukapukunyuka musungo wedzvinyiriro yevezera rako!
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko pwere dzichikombamira kukuva dzinopesvedzerwa nevezera radzo? Ikoku kwakashata hakwo here?
◻ Ko chinoitika chomuapostora Petro chinodzidzisei pamusoro pedzvinyiriro yevezera rimwe?
◻ Ndimimwe migariroi (zvimwe kubatanidza mimwe inobva muruzivo rwokuzviwanira rwako umene) ingaedza mano ako okuramba?
◻ Zvinhui zvaungarangarira kana ukakuchidzirwa kupinda mungozi?
◻ Ndizvimwe zvinhui zvinogona kukubetsera kupukunyuka musungo wokutya munhu?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 74]
“Anoitira hanya zvikuru kwazvo kuva anogamuchirwa navamwe vana,” akadaro Debbie. “Ndaitya mufungo wokuva asingagamuchirwi . . . Ndaitya kuti ndaizova ndiri ndoga”
[Bhokisi riri papeji 75]
‘Ndinokukuchidzira!’
“Pfuurira,” vafundi biyake vaLisa vakaomerera kudaro. “Udza mudzidzisi kuti chifemo chake chinonhuwa!” Aiwa, rucheno rwomukanwa rwakanga rwusati ruchitongova nhau. Lisa akanga achisungirwa kupinda mungozi—uye ngozi yakati kurei pana ikoko! Hungu, dzimwe pwere dzinoratidzika kuwana mufaro wakashata nokuda kwokukuchidzira vamwe kuita zviito zvinovambira pamisakanzwa ino musoro kusvikira pakuzviuraya kwakatevera.
Asi paunokuchidzirwa kuita chimwe chinhu choupenzi, chisati chiri chomutsa, kana chine ngozi chaizvoizvo, inguva yokufunga kaviri. Akadaro mumwe murume akachenjera: “Nhunzi dzakafa ndidzo dzinosakisa mafuta omuiti wezvizoro kunhuwa, kuora. Ndozvinoitawo upenzi huduku kumunhu anokosha nokuda kwouchenjeri nembiri.” (Muparidzi 10:1) Munguva dzekare, chizoro chinokosha kana mafuta anonhuwira aigona kushatswa kupfurikidza nechimwe chinhu chidukusa chakadai senhunzi yakafa. Nomutoo wakafanana, mukurumbira wako wakawanwa nenzira yakaoma unogona kushatiswa bedzi no“upenzi huduku.”
Miitiro youhwana inowanzoguma namamakisi akaderera, nyumwiro inobva pachikoro, uye kunyange kusungwa! Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadini kana uchifunga kuti haugoni kubatwa? Zvibvunze umene kuti, Ko chandiri kukumbirwa kuita chino mufungo here? Kuda here? Kuchaputsa mipimo yeBhaibheri kana iyo yakadzidziswa navabereki vangu here? Kana zvakadaro, ndinoda zvomenemene here pwere dzinotsvaka mufaro kudzora upenyu hwangu? Ko pwere dzinondikumbira kuisa upenyu hwangu nomukurumbira wangu pamutanhiko ishamwari chaidzoidzo here?—Zvirevo 18:24.
Edza, ipapoka, kurangarira nepwere iri kuita kuchidziro. Terry wezera ramakore gumi namasere anoda ku“wana mufaro makuri” kupfurikidza nokubvunza kuti, ‘Neiko ndichifanira kukuita? Kwaizobvumikisei kana ndikakuita?’ Uyewo ngakuzivikanwe kuti une mipimo chaiyoiyo yaunorangarira kurarama mukuwirirana nayo. Mumwe musikana muduku akaedza kukuchidzira mukomana muduku kupinda muutere, achiti, “Hauzati uchiziva chauri kushaiwa.” “Hungu, ndinoziva,” mukomanayo akapindura kudaro. “Chirwere chorukanda, chinzonono, njovhera . . . ”
Hungu, kupfurikidza nokuva noushingi hwokutaura kuti handidi kune vezera rako, unogona kudzivisa kuita chimwe chinhu chaungazvidemba gare gare!
[Mufananidzo uri papeji 76]
Pwere dzinowanzonamatirana nokuda kwetsigiro
[Mufananidzo uri papeji 77]
Wati wambodzvinyirirwa nevezera rako kupesana nezvaunoziva kuti zvakarurama here?
[Mufananidzo uri papeji 78]
Iva nesimba rokudzivisa dzvinyiriro yevezera rako!