Ganhuro 11
Zvipfeko Zvangu Zvinoratidzira Ini Chaiyeiye Here?
“HARINA kunyanyopfupika,” Peggy akachemera vabereki vake. “Imi muri kungova bedzi vechinyakare!” Iye akamhanyira kukamuri rake—kwakava mugumo mukuru waro kwokukakavadzana pamusoro perokwe raaida kupfeka. Uye zvimwe iwe wave uri chisakiso chekakavadzano imwe cheteyo apo mubereki, mudzidzisi, kana mubatirwi akatsoropodza chipfeko chawaida. Iwe wakachiti ndechenguva dzose; ivo vakachiti ndechoupfende. Iwe wakachiti ndochiri mufashoni; ivo vakachiti ndechokupfeka kunoratidzira muviri kana kunokarakadzira utere.
Sezvinobvumwa, zvinodikanwa zvinosiana, uye unamaruramiro emifungo yako. Asi ikoku kunofanira kureva kuti ‘chinhu chipi nechipi chinoitika’ pakunouya kumapfekero ako here?
Ishoko Rakanaka Here?
“Chaunopfeka,” anodaro mumwe musikana anonzi Pam, “ndicho chaizvoizvo chauri uye manzwire aunoita pamusoro pako umene.” Hungu, chipfeko chinobudisa shoko, kutaura kuna vamwe pamusoro pako. Chipfeko chinogona kuzivisa kungwarira, dzikamo, mipimo yakakwirira yetsika. Kana kuti chinogona kudanidzira rupanduko nokusagutsikana. Chinogona kunyange kubatira sechimiro chezivikanwo. Dzimwe pwere dzinoshandisa zvipfeko zvakabvaruka, mipfekero yechipangi, kana kuti zvipfeko zvinodhura zvomurongedzeri sorudzi rwechiratidziro. Dzimwe dzinoshandisa zvipfeko zvokuyevedza ane mutezo wakasiana kana kuti kuzviita vamene kuti varatidzike kuva vakura kupfuura zvavari chaizvoizvo.
Nokudaro kuri nyore kuona chikonzero nei zvipfeko zvichikosha zvikuru kupwere. Zvisinei, John T. Molloy, munyori weDress for Success, anonyevera, kuti: “Mapfekero atinoita ane simba rakatanhamara pavanhu vatinosangana navo uye anotapura zvikurukuru mabatire avanotiita.”
Hakuzati kuchishamisawo kuti vabereki vako vanoitira hanya zvikuru kwazvo pamusoro pemapfekero aunoita! Kwavari anopfuura nhau yechisarudzo chomunhu oga. Ivo vanoda kuti ubudise shoko rakarurama, iro rinokuchachamarisa somunhu akadzikama, anovimbwa naye. Zvisinei, ko mapfekero aunoita anoita ikoku here? Chii chinotungamirira kukusarudza kwako zvipfeko?
“Ini Ndinoita Chipi Kana Chipi Icho Shamwari Dzangu Dzinoda Kuita”
Kupwere zhinji, zvipfeko ndiko kutaura kwokuzvimirira kwadzo nohunhu. Asika sepwere, hunhu hwako huchiri mumugariro wenhevedzano inochinja—huchiri kukura, huchiri kuchinja. Naizvozvo uchingunoveri kuda kuita kutaura pamusoro pako umene, ungave usinganyanyova nechokwadi cheicho kutaura ikoko kunofanira kureva kana kuti mataurirwe akwo. Nokudaro dzimwe pwere dzinopfeka zvipfeko zvinoshamisira, zvokunyanyisa. Zvisinei, panzvimbo pokutsigisa ‘hunhu’ hwadzo, dziri kungorereudzira bedzi ngwariro kukusakura kwadzo muzivo—tisingadudzi hedu kunyadzisa vabereki vadzo.
Dzimwe pwere dzinongosarudza hadzo kupfeka savezera radzo; kunoratidzika kuva kunodzipa mufungo wechengeteko nohunhu kubokaro. Chokwadi, hakuzati hakwo kwakashata kuda kubatana navanhu. (Enzanisa na 1 VaKorinte 9:22.) Asi muKristu aizoda zvomenemene kuva anobatanidzwa nepwere dzisingatendi here? Uye kuchenjera here kutsvaka tendero yevezera radzo parashikirwo ipi neipi? Mumwe musikana muduku akabvuma, kuti: “Ini ndinoita chipi kana chipi shamwari dzangu dzinoda kuita kuti idzo dzigorega bedzi kutaura chimwe chinhu.” Asika unotumidza kutii mumwe munhu anogadzirira kuteerera chishuvo chomumwe munhuwo zvake, uyo anotera kumufungowo zvawo nomurangariro zvomumwe munhu? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Hamuzivi here kuti kana imi mukaramba muchizvipa mumene kuno munhu upi noupi . . . kuti mumuteerere, muri varanda vake nokuti imi munomuteerera?”—VaRoma 6:16.
Pakati pevechiduku “kusimbisa pamusoro pokubvumirana kunogona kuva kwakasimba zvikuru zvokuti mitezo yeboka inenge inoratidzika kuva vasungwa vemipimo yeboka, kuchitsamira pavari [vezera radzo] nokuda kwokupiwa zano pamusoro pomupfekero, mataurire, zvokuita, uye kunyange zvokufunga nokudavira.”—Adolescence: Transition From Childhood to Maturity.
Asika shamwari dzako dzinokwaniriswa zvakadini kuti dzipe pangiro yakadaro? (Enzanisa naMateo 15:14.) Ko idzo hadzisati dziri kutambura kurwadziwa kumwe cheteko kunowedzera kwepfungwa kwaunotambura here? Huchenjera here, ipapoka, kudzirega nomutoo wounyoro dzichigadza mipimo yako—kunyange apo yakadaro inorwisana nechisarudzo chako umene chakanaka kana kuti nemipimo nezvishuvo zvavabereki vako?
“Zviri Mufashoni” Nhasi—Mangwana “Zvava Zvechinyakare”
Dzimwe pwere dzinotungamirirwa nemigariro yokuchinja yefashoni. Asika haiwa migariro iyeyo yokuchinja haitani kuchinja sei! Isu tinoyeuchidzwa nezvemashoko eBhaibheri, anoti: “Chiono cheiyi nyika chiri kuchinja.” (1 VaKorinte 7:31) Icho chiri “mufashoni” nhasi nokudaro chinogona kuva chechinyakare mangwana nekurumidziro inoshamisa (tisingadudzi hedu kudya mari yakawanda). Mipendero inokwira uye inodzika, makumbo emidhebhe anova bheribhotomu uye pombi, zvose kukubetserekana kwavagadziri navarongedzeri vezvipfeko vanocheka mhindu dzakawanda kuna vanhu vasingatani kutapurwa.
Somuenzaniso, rangarira fashoni yejini inoratidzira murongedzeri yamakore mashomanene akapfuura. Majini akakurumidza kuva fashoni yakakwirira. Vanhu vakaripira mitengo yakakurisa kuti ivo vave zvikwangwani zvinofamba zvina mazita akadai saCalvin Klein naGloria Vanderbilt. “Vanhu vanoda zita,” akatsanangura kudaro Eli Kaplan, purezidhendi wekambani inogadzira majini anonzi “Sergio Valente.” Ndiani, kunyange zvazvo zvakadaro, ari ava VaValente, vane zita rine mukurumbira rinosonerwa nomutoo unooneka pahomwe yamajini? “Haazati ariko,” yakashuma kudaro Newsweek. Uye mutsananguro Kaplan iye amene akabvunza, kuti: “Ndiani aizotenga majini aEli Kaplan?”
‘Asi kwakaipa here kuva mufashoni?’ ungabvunza kudaro. Hakuna hakwo kudaro. Vabatiri vaMwari vomunguva dzeBhaibheri vaipfeka mukuwirirana nezvinodikanwa zvomunzvimbomo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoreva kuti Tamari akapfeka nguvo ine mitsetse, “nokuti vanasikana vamambo, mhandara, vaiwanzopfeka nenzira iyeyo” mumazuva iwawo.—2 Samueri 13:18.
Asika munhu anofanira kuva muranda kuchitaera here? Mumwe musikana wechiduku akachema, achiti: “Unoona mune chimwe chitoro mudhebhe wakaisvonaka une munhu ari wose ndokuti, ‘Amai, nditengerei mudhebhe uyu,’ ivo vanoti: ‘Aiwa, ndinogona kuuita kumba.’ Ndinoti, ‘Asika hamuziri kunzwisisa. Ini ndinoda uyu mudhebhe.’” Zvomenemene, kunyange zvazvo zvakadaro, kuva kwako mujeredzerwi wavarongedzeri vefashoni hakuzati kuchipfekenura hunhu hwako ndokudzimaidza iwe chaiyeiye here? Neiko uchifanira kudzorwa nezviziviso, zviratidzo zvinonyandura, uye mazita avarongedzeri?
Bhaibheri rinotiudza pana VaRoma 12:2, kuti: “Musaenzaniswa netsika ino yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti mugozvibvumikisira mumene kuda kwakanaka nokunogamuchirika nokwakakwana kwaMwari.” Chii chiri ‘kuda kwaMwari kunogamuchirika’ pakureva nezvokusarudza kwako zvokupfeka?
‘Kuva Nomwero Nokufanira’
Timotio Wokutanga 2:9 inokurudzira maKristu ku“pfeka nguvo dzakafanira, dzinomwero nokunaka kwendangariro.” “Nguvo dzakafanira” nomutoo womuzvarirwo dzaizova dzakachena nedzakatsvinda. “Kuva nomwero” kunorangarira migariro. Sutu yakasanosonwa ingava yakafanira nokuda kwebasa, asi ingava isina kukodzera kumahombekombe egungwa! Nomutoo wakasiana, chipfeko chokushambira nacho chaizorangarirwa kuva chinosetsa muhofisi.
Zvapupu zviduku zvaJehovha nokudaro zvaizova zvinoitira hanya kuti zvazvinopfeka pamisangano yechiKristu kana kuti mubasa rokuparidzira kuna vamwe hazvizati zvichinyanyova zvisiri zvomupfekero asi zvinozviratidzira savashumiri vaduku vaMwari. Yeuka mashoko aPauro ari pana 2 VaKorinte 6:3, 4 anoti: “Isu hatitongopi chisakiso chipi nechipi nokuda kwokugumbura, kuti ushumiri hwedu hugorega kuva hunowanirwa mhaka; asi munzira iri yose tinozvirumbidza timene savashumiri vaMwari.”
Kuva nomwero kunorangarirawo kunzwa kwavamwe. Sokutaura kunoita muapostora Pauro, zviito zvomuKristu zvinofanira kurangarira isati ichingova bedzi hana yake amene “asi iyo yomumwe munhu.” (1 VaKorinte 10:29) Iwe hauzati uchifanira kuva anoitira hanya zvikuru hana yavabereki vako here?
Betsero Dzokupfeka Nomutoo Wakakodzera
Bhaibheri rinozivisa nezvenguva apo Mambokadzi Estere aidikanirwa kundooneka pamberi pomurume wake, mambo. Zvisinei, kuoneka kwakadaro kusina kurairwa kwakanga kuri mhaka yokuuraiwa! Pasina panikiro Estere akanyengetera nesimba nokuda kwebetsero yaMwari. Asi akatarisirawo chitarisiko chake kupfurikidza no“kupfeka nomutoo wouhosi”—nomutoo wakakodzera nhamboyo! Uye “nokukurumidza apo mambo akaona Estere mambokadzi amire muruvazhe, akawana nyasha mumeso ake.”—Estere 5:1, 2.
Kuva kwako akapfeka nomutoo unoyevedza asi unomwero kungakubetsera kuita kuorora kwakanaka pabvunzurudzo yebasa. Vicki L. Baum, mukuru mukuru weCareer Development Center, anoti: “Vamwe vakadzi vanovhiringidzika apo vanoenda kundobvunzurudzwa. Vanofunga havo kuti kwakafanana nokuenda kumusi wakarongwa wokuvhakacha, nokudaro vanoratidzika kuva vanoyevedza muutere.” Chii chinova miuyo? “Kunobvisa unyanzvi hwako hwebasa.” Iye anopangira kudzivisa kupfeka “zvinhu zvinobata kana kuti zvinokarakadzira utere.”
Majayawo anofanira kuvavarira kupfeka zvipfeko zvakakodzera zvakanaka pakutsvaka basa. John T. Molloy anoti vanamuzvinabhizimisi “vanofetura bvudzi ravo uye shangu dzavo dzinopukutwa. Nokudaro vanokarira zvimwe chetezvo kuna vamwe varume.”
Chipfeko chisina mwero, kunyange zvazvo zvakadaro, chinogona kukuvadza ukama hwako navamwe. Psychology Today yakanongedzera kunzvero yakaitwa pakati pavayaruki yakaratidzira kuti “zvipika zvine huro dzakadzikira, zvikabudura, majini anobata muviri, kana kuti kusapfeka mabhodhi” sezvingabvira zvaizodudzirwa navarume sekokero youtere. Rimwe jaya rakabvuma, kuti: “Ini pachangu ndinokuona kwakaoma zvikuru kufunga mifungo yakanaka bedzi pamusoro pemhandara pandinoona mapfekero adzinoita.” Chipfeko chine mwero chinobvumira vanhu kunzwisisa mavara ako omukatikati. Kana usati une chokwadi chokuti chipfeko chakati kuti chine mwero, bvunza vabereki vako nokuda kwepangiro.
Kupfekedza “Munhu Womukatikati”
Muapostora Petro akakurudzira maKristu kuita kuti chipfeko chao chive “munhu akavanzika womwoyo ari muchipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara nomunyoro, icho chiri choukoshi hukuru mumeso aMwari”—hungu, nomumeso avamwe! (1 Petro 3:4) Zvipfeko zvezvitaera zvingaorora vamwe vezera rako. Asika zvipfeko hazviwani mwoyo kana kuti kuita shamwari chaidzoidzo. Ikoku kunoitwa kupfurikidza nokupfekedza “mwoyo womukatikati”—kushandira pamunhu wauri mukati. (2 VaKorinte 4:16, The Jerusalem Bible) Munhu akatsvinda mukati nguva dzose achava anoyevedza kuna vamwe, kunyange kana zvipfeko zvake zvisati zviri zvitaera zvazvino uno kana kuti “zvakasonerwa manyerekete” ane zviratidzo zvoufuza zvavarongedzeri.
Ndianiko anoziva kuti ndeipi fashoni ichatevera kuendesa pwere nechimbi-chimbi kuzvitoro. Zvisinei, iwe unogona kuzvifungira umene. Omerera kumipimo yakakwirira yemipfekero. Dzivisa chipfeko nezvitaera zvefashoni zvinosimbisa vatano. Iva murutivi runomwero, usava wokutanga—kana kuti nomutoo uri madikanwa usavawo wokupedzisira—kukumbanira vamwe mufashoni ndokuita zvinhu zvimwe chetezvo. Tsvaka zvipfeko zvinoruvara rwakanaka zvichagarisa—kwete zvinokurumidza kubva mufashoni. Iva nechokwadi chokuti zvipfeko zvako zvinobudisa shoko rakarurama, zvichiratidzira, kwete mufananidzo unorangarirwa namanyuko enhau kana kuti vezera rako venyika, asi iwe chaiyeiye!
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Chipfeko chinobudisa sei shoko?
◻ Neiko dzimwe pwere dzichikombamira kune zvinoshamisira muchisarudzo chadzo chezvipfeko?
◻ Ko iwe unopesvedzerwa zvakadini nevezera rako pakureva nezvechisarudzo chezvipfeko?
◻ Ndezvipi zvimwe zvisati zviri zvimuko zvokugaroedza kuva muzvitaera?
◻ Chii chinotema kana chitaera chiri ‘chine mwero uye chakakodzera’?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 94]
“Chaunopfeka ndochauri chaizvoizvo namanzwire aunoita pamusoro pako umene”
[Mufananidzo uri papeji 91]
Vabereki vanowanzobonderana navana vavo pamusoro pechavanopfeka. Vabereki vanongova bedzi vechinyakare here?
[Mufananidzo uri papeji 92]
Vechiduku vazhinji vanoedza kuzivisa hunhu hwavo kupfurikidza nezvipfeko zvechienzi
[Mifananidzo iri papeji 93]
Pfeka nomutoo wakakodzera migariro. Zvipfeko zvinobudisa shoko pamusoro pako!