RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 12 pp. 98-103
  • Neiko Ndisingazvidi Ini Ndimene?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndisingazvidi Ini Ndimene?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Handigoni Kuita Chinhu Chipi Nechipi Zvakarurama!’
  • Kuvaka Kuzviremekedza
  • Magumo Anorwadza
  • Shoko Renyevero
  • Ndinoita Sei Kuti Ushoma Hwangu Hupere?
    Mukai!—1988
  • Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?
    Mukai!—2024
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwedzere Kuva Nechivimbo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Tsika Dzakaendepi?
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 12 pp. 98-103

Ganhuro 12

Neiko Ndisingazvidi Ini Ndimene?

“HANDIZATI ndichinzwa ndichitongokosha zvikuru,” akachema kudaro Louise. Ko iwewo, panhambo nenhambo unonzwa zvisina kunaka pamusoro pako umene here?

Zvamazvirokwazvo, munhu ari wose anoda mwero wakati kuti wokuzvikoshesa. Wakanzi “muvhenganiswa unopa chiremera kukuvapo kwomunhu.” Kupfuurirazve, Bhaibheri rinoti: “Iwe unofanira kuda muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita iwe umene.” (Mateo 19:19) Uye kana iwe uchinzwa zvisina kunaka pamusoro pako umene, sezvinobvira uchanzwa zvisina kunaka pamusoro pavamwewo.

‘Handigoni Kuita Chinhu Chipi Nechipi Zvakarurama!’

Neiko ungava nouku kunzwa kwakashata pamusoro pako umene? Kutanga, ganhuriro dzako dzingakukangaidza. Uri kukura, uye kazhinji kazhinji pane nhambo dzevhiringidziko umo kudonhedza zvinhu kana kuti kubondera pazviri kuri kangaidziko yezuva nezuva mairi. Ipapowo iwe hautomborina ruzivo rwokuzviwanira rwomukuru rwokubva mukuora mwoyo. Uye nokuti “masimba okufunga” ako haana kurovedzwa nomutoo wakaringanira “kupfurikidza neshandiswo,” nguva dzose ungave usati uchigaroita zvisarudzo zvokuisvochenjera. (VaHebheru 5:14) Padzimwe nguva unganzwa kuti haungagoni kuita chinhu chipi nechipi zvakarurama!

Kukundikana kusvitsa kariro dzavabereki vako kunogona kuva chimwe chisakiso chokunyara. “Kana ndikaita ‘pasi paA’ muchikoro,” imwe pwere inodaro, “vabereki vangu vanoda kuziva chikonzero nei anga asati ari ‘A’ ndokundiudza kuti ndiri dofo.” Chokwadi, ndokwomuzvarirwo kuvabereki kukuchidzira vana vavo kuita unani hwavo zvikuru. Uye apo iwe unoperevedza pane zvavanokarira zvakati kuti, unogona kuva nechokwadi chokuti uchanzwa pamusoro pazvo. Zano reBhaibheri ndeiri: “Teerera, mwanakomana wangu [kana mwanasikana], kuchirango chababa vako, uye usarasha mutemo waamai vako.” (Zvirevo 1:8, 9) Panzvimbo pokuodzwa mwoyo, gamuchira tsoropodzo usingaori mwoyo zvikuru ndokudzidza mairi.

Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, kana vabereki vako vachiita enzanisiro dzisina kunaka? (“Nei usingagoni kuva samukoma wako, Paul? Iye aigarova mudzidzi anoramba ari pamberi.”) Enzanisiro dzakadaro, kunyange zvazvo idzo dzingaratidzika kuva dzinokuvadza, dzinowanzoita rutivi runoshanda. Vabereki vako vanongoda bedzi zvakanakisisa kwauri. Uye kana iwe uchinzwa kuti vari kunyanyokukuomesera, huregererei kukurukura nhau dzacho navo nomutoo wakaterama?

Kuvaka Kuzviremekedza

Unogona sei kutsigira kuzvikoshesa kuri kuwa? Kutanga, nzvera mavara ako akanaka uye utera. Uchawana kuti huzhinji hwohunonzi utera hwako huduku zvikuru. Zvakadiniko nezvikanganiso zvakakomba, zvakadai sokusatana kushatirwa kana kuti udyire? Nomutoo wokuitira hanya shandira pazvinetso izvozvi uye kuzviremekedza kwako umene kune chokwadi chokuwedzera.

Kupfuurirazve, usazvipofumadzira iwe umene kuidi rokuti unotova namavara akanaka! Ungave usingafungi kuti kuva anokwanisa kubika kana kuti kunama taya rakaponja kunokosha zvakadaro. Asika munhu ane nzara kana kuti mutyairi wemotokari apererwa nezano rose achakuyemura nokuda kwokuva nounyanzvi hwakadaro! Fungawo nezvamavara ako. Unoda kudzidza here? Unoshivira here? Unonzwira tsitsi here? Une rupo here? Une mutsa here? Mavara aya anopfuura zvikuru kwazvo zvikanganiso zviduku.

Kungabetserawo kurangarira iyi ndaza pfupi yokunzvera:

Gadza nharidzano chaidzoidzo: Kana nguva dzose uchigadza nharidzano dzisingasvikiki, unogona kutambura kuora mwoyo kukuru kwazvo. Gadza nharidzano dzinosvikika. Zvakadiniko nokudzidza unyanzvi hwakadai sokutaipa? Dzidza kuridza marimba enziyo kana kutaura mumwe mutauro. Vandudza kana tanga kuita mumwe mubato mukurava kwako. Kuzviremekedza chibereko chinobetsera chezvinhu chinopedzwa.

Ita basa rakanaka: Kana uchiita basa risina kutsarukana, hauzati uchizonzwa zvakanaka pamusoro pako umene. Mwari akafarira mabasa ake okusika ndokuzivisa nhambo dzokusika kuva “dzakanaka” pakupera kwadzo. (Genesi 1:3-31) Iwewo unogona kufarira basa ripi kana ripi raunoita pamusha kana kuti muchikoro kupfurikidza nokuriita nounyanzvi uye nomutoo wokungwarira.—Ona Zvirevo 22:29.

Itira vamwe zvinhu: Kuzviremekedza hakuzati kuchiwanwa kupfurikidza nokugara hako pasi kuti dedede ndokurega vamwe vachikuitira zvinhu zvose. Jesu akataura kuti “upi kana upi anoda kuva mukuru . . . anofanira kuva mushumiri,” kana kuti muranda, nokuda kwavamwe.—Marko 10:43-45.

Somuenzaniso, Kim wezera ramakore 17 akaronga maawa 60 mwedzi mumwe nomumwe wezororo ramadziya kubetsera vamwe kudzidza zvokwadi dzeBhaibheri. Iye anoti: “Kwakandiswededza pedyo naJehovha. Kwakandibetserawo kukudziridza rudo chairwoirwo nokuda kwavanhu.” Hakuzati kuchibvira kuti iyi mhandara inofara ichazove ichishaiwa kuzviremekedza!

Sarudza shamwari dzako nokungwarira: “Manzwire andinoita haazati ari aya anofadza zvikuru,” akadaro Barbara wezera ramakore 17. “Apo ini ndinenge ndinavanhu vanondivimba, ndinoita basa rakanaka. Kana ndina avo vanondibata somukutsirani womuchina, ndinovafuza.”

Vanhu vanozvikudza kana kuti vanovirima zvamazvirokwazvo vanogona kukuita kuti unzwe zvakashata pamusoro pako umene. Naizvozvo sarudza shamwari dzinofarira zvechokwadi garikano yako, shamwari dzinokuvaka.—Zvirevo 13:20.

Ita kuti Mwari ave shamwari yako chaiyoiyo: “Jehovha ndiye dombo rangu nenhare yangu,” akazivisa kudaro Dhavhidhi wezvamapisarema. (Pisarema 18:2) Chivimbo chake chakanga chisati chiri mumano ake amene asi muushamwaridzani hwake chaihwoihwo naJehovha. Nokudaro, apo ngwavaira gare gare yakamuwira, iye aigona kukurira kutsoropodzwa kwakakomba pasina kurashikirwa nokuterama kwendangariro yake. (2 Samueri 16:7, 10) Iwewo unogona “kuswedera pedyo naMwari” uye nokudaro ndoku“ganza,” kwete mauri umene, asi muna Jehovha!—Jakobho 2:21-23; 4:8; 1 VaKorinte 1:31.

Magumo Anorwadza

Mumwe munyori akati: “Dzimwe nguva muyaruki ane hunhu husina kutsarukana nokuzvikoshesa kwakaderera anoedza kuvandudza bata kumeso kana chipameso chokunangana nacho nenyika.” Hunhu hunopfekwa navamwe hwakarovedzeka: “Mukomana akaoma kubata naye,” musonganiri wamadiro, mutambi werock anoita zvechipangi zvokunyanyisa womunhu asiri kwaye. Asi pasi pezvipameso, pwere dzakadaro dzichiri kurwisana nokunzwa kwokuderera.—Zvirevo 14:13.

Somuenzaniso, rangarira avo vanopinda mumadiro “kupedza kunzwa kwokuora mwoyo, kuwedzera kuzvikoshesa [kupfurikidza nokunzwa kwokuva vanodikanwa], kuwana ushamwari chaihwoihwo uye, kupfurikidza nenhumbu, kuwana rudo uye kugamuchirwa kusingapanikirwi kwomumwe munhu—mwana.” (Coping With Teenage Depression) Mumwe mukadzi muduku akaodzwa mwoyo akanyora, kuti: “Ini ndakaedza kutsiva nevatano senyaradzo, panzvimbo pokuedza kuvaka ukama hwakasimba noMusiki wangu. Zvose zvandakavaka zvaingova bedzi kusava namaturo, ushoma nokuodzwa mwoyo kukuru.” Ipapoka, unangwarira migumo inorwadza yakadaro.

Shoko Renyevero

Nenzira inofadza Magwaro anonyevera pamusoro pokunyanyozvifunga zvikuru! Neiko ikoku? Sezvinooneka nokuti vazhinji vedu, munhamburiko dzedu dzokuwana kuzvivimba, tinokombamira kukunyanyonyanyisa. Vazhinji vanova vanozvirangarira navanotutsira zvikurusa unyanzvi hwavo namano avo. Vamwe vanozvisimudzira vamene kupfurikidza nokuderedza vamwe.

Shure muzana rokutanga ramakore, kunzwa kwamapitse pakati pavaJudha naVamarudzi (vasati vari vaJudha) kwakatambudza ungano yechiKristu muRoma. Muapostora Pauro nokudaro akayeuchidza Vamarudzi kuti kupfurikidza bedzi ne“tsitsi” dzaMwari ivo vakanga va“batanidzwa” munzvimbo yenyasha dzaMwari. (VaRoma 11:17-36) VaJudha vaizviruramisawo, vaitofanira kunangana nokusakwana kwavo. “Nokuti vose vakatadza uye vanoperevedza pambiri yaMwari,” akadaro Pauro.—VaRoma 3:23.

Pauro haana kuvakurudzira kuzvikoshesa asi akati: “Kupfurikidza netsitsi dzakakomba dzandakapiwa ini ndinoudza munhu ari wose . . . kusazvifunga iye amene kupfuura kufunga kuri madikanwa.” (VaRoma 12:3) Naizvozvo kunyange “kuri madikanwa” kuva nomwero kwokuzviremekedza, munhu haazati achifanira kunyanyisa muna ikoku.

Sokucherekedza kwakaita Dr. Allan Fromme, kuti: “Munhu anozvifunga amene zvakaringanira haazati achisuruvara, asika haazati achifanira kuva anofara zviya zvokufarisisa. . . . Iye haazati ari asina tariro, asika kuva netariro kwake hakuzati kuri kusingadzorwi. Iye haazati akapererwa nezano rose kana kuti asitongorina kutya chaikoiko . . . Iye anoziva kuti haazati ari mubudiriri akatanhamara wenguva yose, kana kuti iye anokundikana nokusingaperi [kunopfuurira].”

Naizvozvo iva ano mwero. “Mwari anoshora vanhu vanozvikudza, asi iye anopa tsitsi dzakakomba kuna vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Bvuma mano ako, asi usakanganwa zvikanganiso zvako. Panzvimbo pakwo, shandira pazviri. Uchazvipanikira umene panguva nenguva. Asi hauzati uchitongodikanirwa kuramba uchipanikirazve kufanira kwako kana kuti Mwari anokutarisira. Nokuti “kana munhu upi noupi achida Mwari, iye anozivikanwa naye.”—1 VaKorinte 8:3.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko dzimwe pwere dzine kunzwa kwakashata pamusoro padzo dzimene? Unogona here kuenzanisira manzwire anoita pwere dzakadaro?

◻ Ungabata sei nezvinorairwa zvavabereki vako?

◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzokuvaka nadzo kuzviremekedza?

◻ Ndeipi mimwe migumo inorwadza yokuvaka kuzvikoshesa?

◻ Nei uchifanira kuva anongwarira kusanyanyozvifunga umene zvikurukuru?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 98]

Kuzvikoshesa kwakanzi “muvhenganiswa unobatanidza chiremera kukuvapo kwomunhu”

[Mufananidzo uri papeji 99]

Unonzwa wakapera mwoyo, wakaderera here? Pane chigadzikiso

[Mufananidzo uri papeji 101]

Kuva muganzi kana anozvitutumadza hakuzati kuri mushonga wokuva nokuzvikoshesa kwakaderera

[Mufananidzo uri papeji 102]

Padzimwe nguva unonzwa usingagoni kuita chinhu chipi nechipi zvakarurama here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe