Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinoita Sei Kuti Ushoma Hwangu Hupere?
UNONETSEKANA here paunova nedzihwa? Zvimwe haunetsekani. Unoziva kuti uchanaya. Asika zvakadini kana zviratidzo zvedzihwa rako zvikapfuurira? Ipapo ungava nechimwe chinhu chakakomba zvikuru chinopfuura dzihwa rinopfuura, uye unoita zvakanaka kuva anoitira hanya.
Kumwe chetekwo ndozvakunoitawo paunova noushoma. Nhambo zhinjisa dzoushoma ndedzechinguvana.a Asika dzimwe nguva kurwadza kunotambudza kwoushoma kunopfuurira. Panoratidzika kuva pasina nzira yokubuda nayo.
Ronny, mudzidziswa wapachikoro chapamusoro, anorondedzera, kuti: “Ndave ndichienda kuchikoro muruwa rwuno kwamakore masere, asi munguva iyoyi yose handina kutongokwanisa kuita shamwari imwe chete! . . . Hapana munhu anoziva chandinorangarira uye hapana munhu anoitira hanya. Dzimwe nguva ndinofunga kuti handigoni chaizvoizvo kukukurirazve!”—Preparing for Adolescence.
SaRonny, vechiduku vazhinji vanotambura inowanzonzi ushoma hunopfuurira. Zvimwe iwe unonzwa uku kusava nechinhu kunorwadza. Kana zvakadaro, rega kupererwa nezano rose zvaro. Chokwadi, ushoma hunopfuurira hahuzati huri chinetso chiduku. Hwakakomba zvikuru kupfuura ushoma hwechinguvana. Chokwadika, vanodaro vanzveri, zvivirizvo “zvakasiana sedzihwawo zvaro nechibayo.” Asi chibayowo zvacho chinogona kurapwa, ushoma hunopfuurira hunogona kukurirwawo. Asika seiko?
Kunyange kuva noushoma kuri chinhu chapanhambo nenhambo kana kuti nzira inosuruvarisa youpenyu nokuda kwako, nhanho yokutanga mukuwana mushonga ndeyokunzwisisa chisakiso chahwo. Soromoni Mambo wekare akacherekedza, kuti: “Munhu wokunzwisisa ndiye uyo anowana nhungamiro younyanzvi.”—Zvirevo 1:5.
Rhonda wezera ramakore ane gumi namatanhatu anoratidzira chisakiso chikurusa chinozivikanwa noushoma hunopfuurira mukutaura, kuti: “Ndinofunga kuti chikonzero nei ndichinzwa ndine ushoma zvikuru ndechokuti—chokwadi haugoni kuva neshamwari kana uchirangarira zvakashata pamsoro pako umene. Uye ndinofunga kuti handizvidi ini ndimene zvikuru kwazvo.”—Lonely in America.
Ushoma hwaRhonda hunobva mukati. Kuzvirangarira kwake kwakaderera kunoumba mhinganidzo inomudzivisa kutanga ndokuita shamwari. Unova nemifungo yake here? Anodaro mumwe munzveri: “Mifungo yakadai seyokuti ‘Ini handisati ndichiyevedza,’ ‘Ini handisati ndichifadza,’ ‘Ini handina maturo,’ misoro inozivikanwa pakati poushoma hunopfuurira.”
Kuzvirangarira kwakaderera, kunoparirawo kutya kwokuva anorambwa. Anoyeuka kudaro Steven: “Ndakanga ndichida kutaura pamsoro pokunzwa kwangu kwoushoma, asika handina kuziva chaizvoizvo mashoko okukutaura nawo. Ndakanga ndichitya kuti vanhu vaizondiseka kana kuti vaisazondirangarira zvakakomba. Kwakanga kwakaoma chaizvoizvo kutaura.” Nokudaro, vechiduku vamwe vanonyarara, ndokutambura kunyarara. Ko ikoku kungashandurwa sei?
Vaka Kuzviremekedza Kwako
Chinhu chikuru chokukurira ushoma chiri mukuvaka kuzviremekedza kwako. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti kupfurikidza netsitsi dzakakomba dzandakapiwa ndinozivisa munhu ari wose ari pakati penyu kusazvifunga zvikuru iye amene kupfuura kufunga kuri madikanwa.” (VaRoma 12:3; enzanisa naMateo 19:19.) Ikoku kunoratidzira kuti mwero wokuzviremekedza uri madikanwa. Bhaibheri, nokuda kweichi chikonzero, rinonyevera pamsoro pokusanyanyozvifunga zvikuru bedzi asiwo kunyanyozvifunga zviduku kwako umene.
Kunze kwezvo, Jehovha akapa munhu mavara akafanana naaMwari. (Genesi 1:26) Naizvozvo kusvikira kutambanuko yakati kuti iwe una mavara iwawo anoyevedza mauri. Unozvininipisa, uno mwero, unodzidzisika here? Kana kuti une rupo, unonzwira ngoni, uno mutsa here? Rega kuzvipofumadzira iwe umene kumavara iwawo. Zvimwe iwe unogonawo kukudziridza humwe hunyanzvi hunobetsera namavara. Chokwadi, pangava nezvimwe zvinhu pamsoro pako zvausingadi, somuenzaniso zvitarisiko zvako. Huzvipirei mhaka iwe umene nokuda kwechimwe chinhu chausingagoni kuchinja? Panzvimbo pakwo, shandira mavara asina kunaka aunogona kuchinja, akadai sechinya, hasha dzakashata, kana kuti udyire. Wana nguva yokukudziridza icho Bhaibheri rinoidza kuti “hunhu hutsva,” hunoratidzirwa nomutsa, kuzvininipisa kwendangariro, nounyoro. (VaKorose 3:9-12) Kuzviremekedza kwako umene kuchawedzera!
Kupfuurirazve, zvaunodzidza kuzvida iwe umene, vamwe vachakweverwa kumavara ako anofadza. Asika sezvaunogona kuona bedzi mavara azere eruva pashure pokunge rabumbunuka, naizvozvo vamwe vanogona bedzi kuona zvizere mavara ako kana ukataura kwavari. ‘Asika ndinogona sei kuita izvozvo?’ ungabvunza kudaro.
“Pamhamha” Kusvikira Kuna Vamwe
‘Zano rakanakisisa nokuda kwomunhu ane ushoma,’ chinodaro chinyorwa chazvino uno chokuU.S. National Institute of Mental Health, ndero‘kubatanidzwa navamwe vanhu.’ Iri zano rinotsinhirana nezano reBhaibheri roku“pamhamha” ndokuratidzira “kunzwirana urombo,” kana kuti kunzwa kwokuzvipinza munzvimbo yomumwe. (2 VaKorinte 6:11-13; 1 Petro 3:8) Kunoshanda. Imwe fundo, yakabudiswa mumagazini yeAdolescence, inoratidzira kuti ‘vechiduku vanoratidzira kuitira hanya mugarikano yavamwe havazati vane ushoma savechiduku vasingaitiri hanya.’ Neiko? Kutarisira vamwe hakuzati kuchingoita kuti ndangariro yako ibve paushoma hwako bedzi asi kunokuchidzira vamwe kufarira mauri. Vanhu vachawanzodavidza kupfurikidza nokukuitirawo mutsa. (Zvirevo 11:25) Ko zvino, unogona sei kutanga?
Kutanga Kutaura
Natalie wezera ramakore gumi namapfumbamwe akasarudza kuti iye aizoita zvakawanda zvinopfuura kunyarara ndokumirira vanhu kutanga kuti mhoro. ‘Ndinotofanira kuva ane ushamwariwo,’ iye anodaro. ‘Neimwe nzira vanhu vachafunga kuti ndakanyarara.’ Naizvozvo tanga nokunyemwerera. Mumwe munhu anganyemwererawo.
Nhanho inotevera, kutanga kurukurirano kwakaoma zvikuru. Lillian, wezera ramakore 15, anobvuma, kuti: “Kusvika vaeni kwenguva yokutanga kwakanga kuchityisa zvomenemene. Ndakanga ndichitya kuti ivo havasati vaizondigamuchira.” Ko Lillian anotanga sei kurukurirano? “Ndinobvunza mibvunzo yakapfava,” iye anodaro, “yakadai sokuti, ‘Munobva kupiko?’ ‘Munoziva nyakuti here?’ Isu tose tiri vaviri tingave tichiziva mumwe munhu, uye isati iri nguva refu tave kutaura.” Zvinoitika zvinogoveranwa zvinogonawo kubatira sezvokutanga kutaura. Anne wezera ramakore gumi namasere anowedzera, kuti: “Handisati ndichitanga nokutaura pamsoro pechimwe chinhu chapedyo pedyo nokuti mumwe munhu anovhiringidzwa kana kuti kutyiswa uye achandidzivisa.” Hungu, hakuzati kuri kuchenjera kupinda mukurukurirano yakadzama pakarepo.
Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko kana padzimwe nguva usingatongozivi hako chokutaura? Eya, panogarova nezvinhu zvaunogona kuita. Bhaibheri rinotiudza nezvomukadzi ainzi Dhorkasi wai“shingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo” nokuda kwechirikadzi dzinoshaiwa. Paakafa, chirikadzi dzakachema nokuda kworusuruvaro. (Mabasa 9:36-39) Zviito zvaDhorkasi zvomutsa zvakanga zvamuita kuti adiwe nadzo. Mabasa omutsa nomudzimu worupo nenzira yakafanana zvichakubetsera kuvaka ushamwari hunokosha.
Asika iva wechokwadi. Dzidza kubvuma kuti vamwe vanhu havasati vachizodavidza kunyemwerero yako namhoro woushamwari. Kana zvakadaro, ivo vane chinetso—kwete iwe.
Kugadzikisa Migariro Yakashata
Zvakare, vechiduku vazhinji vanotambura ushoma padzimwe nguva. Yeuka kuti kungava kwechinguvana uye kuchiparirwa nemigariro yausingagoni kudzora. Kupfuura kwenguva kuchawanzokubetsera kugadzikisa migariro yakashata. Ushoma huchapfuura.
Ushoma hunopfuurira, zvisinei hazvo, hunobva mukati uye hunogona kuparirwa nokuzvirangarira kwakaderera. Kana zvakadaro, ita chiito! ‘Shandura ndangariro yako’ uye ‘pfeka hunhu hutsva,’ rinodaro Shoko raMwari. (VaRoma 12:2; VaEfeso 4:23, 24) Hungu, vaka kuzviremekedza kwako umene kupfurikidza nokukudziridza mavara anofadza aunawo mauri. Ita zvinhu nokuda kwavamwe vanhu, uye ivo vachawanzodavidza kwauri.
Zvisinei, pasinei zvapo nokuti vanhu vanoita sei, unogona kuva neshamwari isingatongokurambi. Ndianiko iyeyo? Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Imi muchandisiya ndiri ndoga; asi ini handisati ndiri ndoga bedzi, nokuti Baba vaneni.” (Johane 16:32) Uhu hushamwaridzani chaihwoihwo naJehovha hwakasimbaradza Jesu mukati menhambo dzokuva oga. Jehovha anogona kuvawo shamwari yako chaiyoiyo zvikuru. Ziva hunhu hwake kupfurikidza nokurava Bhaibheri nokucherekedza chisiko chake. Simbaradza ushamwari hwako naye kupfurikidza nomunyengetero. Nokukurumidza uchawana kuti ushamwaridzani naJehovha Mwari ndiyo mhinduro yakaisvonakisisa youshoma hwako.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Young People Ask . . . ‘What Makes Me Feel So Lonely’” muna June 22, 1987 chinyorwa chaMukai! chechiNgezi.