RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 2 pp. 18-25
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Simba” Rinopesana No“musoro Wachena”
  • Vabereki Vanhuwo
  • Iva “Anofarira Iwe Umene”
  • Kurarama Upenyu Huviri
  • Wana Nguva Yokutaura
  • Kurukura Kunzwa Kwako
  • Kubata Nokusabvumirana
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanirireiko ‘Kukudza Baba Vangu Naamai Vangu’?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingaratidzi Fariro Huru Mandiri?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 2 pp. 18-25

Ganhuro 2

Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?

KUDA kuva anonzwisiswa ndokwohunhu bedzi. Uye kana vabereki vako vachitsoropodza—kana kuti vasingafarire—zvinhu zvaunoda kana kuti zvaunofunga kuva zvinokosha, unogona kunzwa wakangaidzika zvikuru.

Robert ane zera ramakore gumi namatanhatu anorangarira kuti baba vake havazati vachinzwisisa chisarudzo chake chenziyo dzamarimba. Robert akati: “Zvavanongoita bedzi ndezvokukarara ndokuti, ‘Idzimwe!’ Naizvozvo ndinoidzima uye naivo.” Pwere zhinji nomutoo wakafanana dzinobva mumurangariro ndokupinda munyika yadzo dzimene iri yoga apo nzwisiso yomubereki inoshaikwa. Mune imwe fundo huru yepwere, 26 muzana yepwere dzakanzverwa yakabvuma kuti, “Ndinoedza kuramba ndiri kure nomusha nguva zhinjisa.”

Mukaha mukuru, kana kuti gaha, pakati pepwere navabereki nokudaro unovapo mumisha mizhinji. Chii chinouparira?

“Simba” Rinopesana No“musoro Wachena”

Zvirevo 20:29 inoti: “Runako rwamajaya [kana kuti rwemhandara] ndiro simba rawo.” Uhwu umhare, kana kuti “simba,” kunyange zvazvo zvakadaro, rinogona kuvanzarika hwaro nokuda kwamarudzi ose erwisano pakati penyu navabereki venyu. Zvirevo inopfuurira, kuti: “Uye ukombi hwavatana ndiwo musoro wavo wakachena.” Vabereki venyu vangava vasina ‘musoro wakachena’ chaizvoizvo, asi ivo vakura uye vanokombamira kukurangarira upenyu nenzira yakasiana. Ivo vanoziva kuti hauzati uri mugariro uri wose muupenyu hune mugumo unofadza. Ruzivo rwokuzviwanira rwakakomba rwomunhu oga kazhinji kazhinji rwakadzora pfungwa yavaichimbova nayo sepwere. Nokuda kwouhwu uchenjeri hunotsigirwa noruzivo rwokuzviwanira—“musoro wakachena” sokunge zvakadaro—ivo vangava vasati vachigoverana chaizvoizvo mbavarira yenyu pamusoro penhau dzakati kuti.

Jim muduku anoti: “Vabereki vangu (vana vezera rokupera mwoyo) vanofunga kuti mari inofanira kuchengetwa kuti itenge kana kuti ishandiswe pazvinhu zvoukoshi. Asi ndiri kuraramawo zvino chaiye. . . . Ndinoda kufamba kakawanda.” Hungu, pakati pe“simba” rako roupwere no“musoro wakachena” wavabereki vako pangava nomukaha mukuru. Nokudaro mhuri zhinji dzakakamukana nomutoo unorwadza pamusoro penhau dzakadai sezvipfeko nokushambidzika, kuzvibata pane mutezo wakasiana, shandiswo yemirimo nezvinwiwa zvinoraradzisa, nguva dzokuva pamba, songaniro, namabasa. Mukaha unogona kuvharwa. Asi usati wogona kukarira vabereki vako kukunzwisisa, unofanira kuedza kuvanzwisisa.

Vabereki Vanhuwo

John anoti, “Apo ndakanga ndiri pwere, nomuzvarirwo ndairangarira kuti Amai vakanga ‘vakakwana’ uye vakanga vasina hupi nohupi hwoutera nokunzwa zvandaiva nazvo.” Ipapo vabereki vake vakachatanura, kuchisiira amai vake kutarisira vana vanomwe voga. Hanzvadzi yaJohn April inoyeuka, kuti: “Ndinoyeuka ndichivaona vachichema nokuda kwokukangaidzika kwokuedza kuramba vachiwirirana nechinhu chiri chose. Ipapo ndakaziva kuti isu takanga tine murangariro wakaipa. Ivo havangagoni kuita chinhu chiri chose nguva dzose panguva yakafanira uye nenzira yakafanira. Takaona kuti ivo vanokunzwa uye vaivawo munhu.”

Kuziva kuti vabereki vako vanongovawo zvavo vanhu vanokunzwa kwakaita sokwako inhano huru yokuvanzwisisa kwako. Somuenzaniso, vanganzwa vasina kukotsekana zvikuru pamusoro pamano avo okukurerai nomutoo wakafanira. Kana kuti, vanganzwa vachiremedzwa nengozi dzose dzokuzvibata nemiedzo yamunonangana nayo, ivo vangada kuva namanyemwe pazvinhu padzimwe nguva. Vangavewo vachirwisana nezvitambudzo zvokunyama, zvemari, kana kuti zvepfungwa. Somuenzaniso, baba vangavenga basa ravo ndokusatongonyunyuta. Asi apo mwana wavo anoti, “Ini ndinovenga chikoro,” hakushamisiwo kuti panzvimbo pokudavidza nomutoo wokunzwira tsitsi, vanopindura kuti, “Waita seiko? Imi vana zvakakupfavirai!”

Iva “Anofarira Iwe Umene”

Ko zvino, unogona sei kuwana kuti vabereki vako vanonzwa sei? Kupfurikidza no“kusvinurira, isati iri fariro yako umene pamusoro pezvinhu zvako umene bedzi, asiwo mukufarira kwako umene pamusoro pezvozvo zvavamwe.” (VaFiripi 2:4) Edza kubvunza amai vako zvavakanga vakaita sowechiduku. Chii chaiva kunzwa kwavo, nharidzano dzavo? Magazini ye’Teen inoti: “Bviro ndedzokuti, kana vachirangarira kuti unofarira, uye uchiziva nezvezvimwe zvikonzero zvokunzwa kwavo, ivo vachaedza kuva vanoziva zvikuru zvako.” Pasina panikiro kumwe cheteko kunodarowo kuna baba vako.

Kana rwisano dzikamuka, usakurumidze kupomera vabereki vako nezvokuva vasingatapurike. Zvibvunze umene, kuti: ‘Ko mubereki wangu angaasinganzwi zvakanaka here kana kuti zvimwe ainetseka pamusoro pechimwe chinhu? Ko ivo zvichida vakakuvadzwa pamusoro pechimwe chiito chokusava nomufungo kana kuti shoko rangu here? Vanosangonzwisisa havo zvandinoreva here?’ (Zvirevo 12:18) Kuratidzira kuzvipinza munzvimbo yomumwe kwakadaro mavambo akanaka okuvhara mukaha iwowo wechizvarwa. Zvino unogona kushandira pakuita kuti vabereki vako vakunzwisise! Kunyange zvazvo zvakadaro, pwere zhinji dzinoita kuti iko kuve kwakaoma zvikurukuru. Seiko?

Kurarama Upenyu Huviri

Vickie ane zera ramakore ane gumi namanomwe akanga achiita ikoko kupfurikidza nokuronga muvhakacho nomukomana muchivande mukurwisana nezvishuvo zvavabereki vake. Iye aiva nechokwadi chokuti vabereki vake havazati vaizonzwisisa kunzwa kwake nokuda kweshamwarikomana yake. Nomuzvarirwo, mukaha uri pakati pake naivo wakapamhama. Vickie anoti: “Taiodzana mwoyo. Ini ndakavenga kuuya kumba.” Nokudaro iye akasarudza hake kuti aizoroorwa—chimwe chinhu chokuita kuti abve pamusha!

Pwere zhinji nomutoo wakafanana dzinorarama upenyu huviri—dzichiita zvinhu zvisingazivikanwi uye zvinorambidzwa navabereki vadzo—uye ipapo dzinochemera idi rokuti vabereki vadzo ha‘vadzinzwisise’! Sezvineiwo, Vickie akabetserwa nomukadzi akura wechiKristu uyo akamuudza, kuti: “Vickie, chimbofunga hako pamusoro pavabereki vako . . . Vakakurera. Kana usingagoni kubata nouhwu ukama, unogona sei kubata nomumwe wezera rako umene asina kumbokuda kwamakore 17?”

Vickie akazvinzvera iye amene mukutendeseka. Nokukurumidza akaziva kuti vabereki vake vakanga vakarurama uye kuti mwoyo wake amene wakanga wakaipa. Akagura songaniro yake neshamwarikomana yake ndokuvamba kuvhara mukaha uri pakati pake navabereki vake. Kana iwe nomutoo wakafanana wakaita kuti rutivi runokosha rwoupenyu hwako rurambe rwakavanzika kuna vabereki vako, haizati iri nguva here yokuva akatendeseka kwavari?—Ona wedzero inoti “Ndinogona Sei Kuudza Vabereki Vangu?”

Wana Nguva Yokutaura

‘Yakanga iri nguva yakanakisisa yandati ndambova nayo nababa vangu!’ anodaro John nezvorwendo urwo iye nababa vake vakaenda pamwe chete. “Handina kumbopedza maawa matanhatu ndiri ndoga navo muupenyu hwangu hwose. Maawa matanhatu pakuenda, maawa matanhatu pakudzoka. Pasina nhepfenyuro yemotokari. Takataura zvomenemene. Kwakaita sokunge kuti takawanana. Kune zvakawanda kwavari kupfuura zvandaifunga. Kwakatiita shamwari.” Huregererei kuedza nomutoo wakafanana kuva nokutaura kwakanaka naamai vako kana kuti baba—nguva dzose?

Kunobetsera kuita shamwari navamwe vakura. Anoyeuka kudaro Vickie, achiti: “Ini ndakanga ndisina chose chose ukama navanhu vakura. Asi ndakaita pfundo rokusanobatana navabereki vangu apo ivo vaisonganirana navamwe vakura. Munguva yakafanira ndakaita ukama naivava vaiva vezera ravabereki vangu, uye ikoko kwakandipa mufungo wakakwana zvikuru. Kwakanga kuri nyore zvikuru kuita kurukurirano navabereki vangu. Mugariro wapamusha wakavandudzika nomutoo unokatyamadza.”

Kusonganirana naavo vakawana uchenjeri kwamakore kuchakudzivisa pakugamuchira murangariro wakamanikana, wakaganhurirwa pamusoro poupenyu, uwo unogona kuitika kana ukaramba uchiita ushamwari nepwere dzezera rako bedzi.—Zvirevo 13:20.

Kurukura Kunzwa Kwako

“Ndinotaura zvakanaka zvinobva pamwoyo wangu uye ndinotaura zvapachokwadi zivo inobuda pamiromo yangu,” akadaro Erihu muduku. (Jobho 33:3, The Holy Bible in the Language of Today, rakanyorwa naWilliam Beck) Ndiwo mataurire aunoita navabereki vako here pamunosawirirana pamusoro penhau dzakadai sezvipfeko, maawa okuva pamba, kana kuti nziyo dzamarimba?

Gregory muduku akarangarira kuti amai vake vakanga vasina chose chose mufungo. Akagonana nerwisano yakakomba pakati pavo kupfurikidza nokusagara pamba kazhinji sekaaigona. Asi ipapo iye akabatira papangiro yavamwe vakuru vechiKristu. Iye anoti, “Ini ndakavamba kuudza Amai manzwire andaiita. Ndakavaudza chikonzero nei ndaida kuita zvinhu uye handina kufunga chaizvo kuti ivo vaiziva. Kazhinji kazhinji ndaidurura mwoyo wangu ndokutsanangura kuti ndakanga ndisiri kuedza kuita chinhu chipi nechipi chakaipa uye kuti ndainzwa sei nomutoo wakashata nokuti ivo vaindibata sakamwana kaduku. Ipapo ivo vakavamba kunzwisisa uye pashoma napashoma zvinhu zvakavamba kuva zviri nani zvikuru kwazvo zvose.”

Nomutoo wakafanana iwe ungawana kuti kutaura ‘zvakananga zvinobva pamwoyo’ kunogona kubetsera kugadzikisa kusabvumirana kuzhinji.

Kubata Nokusabvumirana

Zvisinei, ikoku hakuzati kuchireva hako kuti vabereki vako vacharangarira zvinhu nenzira yaunorangarira nayo. Naizvozvo unofanira kudzora mifungo yako. “Benzi rinobudisa mudzimu [kunzwa] waro wose, asi akachenjera anoita kuti urambe wakaterama kusvikira pakupedzisira.” (Zvirevo 29:11) Nomutoo wakaterama kurukura maruramiro omurangariro wako. Omerera panhau panzvimbo pokupokanidza kuti “munhu ari wose zvake anokuita!”

Dzimwe nguva vabereki vako vachati aiwa. Ikoko hakuzati kuchireva kuti ivo havazati vachikunzwisisa. Vangangoda bedzi kudeya kudzivisa ngwavaira. “Amai vangu vanorumano neni,” anobvuma kudaro mumwe musikana wezera ramakore 16. “Kunondinetsa kuti ivo vanondiudza kuti handigoni kuita chimwe chinhu, kana kuti [kuti ini ndinofanira] kupinda mumba panguva yakati kuti. Asi mumwoyo chaimo, vanoitira hanya zvomenemene. . . . vanonditarisira.”

Chengeteko noushamwari izvo kunzwisisana kunovigira kumhuri hazvitauriki mumashoko. Kunoita musha utiziro munguva dzenhamo. Asi nhamburiko chaiyo inodikanwa kuno munhu ari wose anobatanidzwa.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko pwere navabereki vachiwanzorwisana?

◻ Ko kunzwisiswa kuri nani zvikuru kwavabereki vako kungatapura sei kuvarangarira kwako?

◻ Unganzwisisa sei vabereki vako zviri nani zvikuru?

◻ Neiko kurarama upenyu huviri kuchidzamisa mukaha pakati pako navabereki vako?

◻ Neiko kwakanakisisa kuita kuti vabereki vako vazive pauri kuva nezvinetso zvakakomba? Unogona sei kuvaudza?

◻ Unogona sei kubetsera vabereki vako kukunzwisisa zviri nani zvikuru?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

“Kana [amai vako] vachirangarira kuti unofarira, uye unoziva nezvezvimwe zvikonzero zvokunzwa kwavo, ivo vachaedza kuva vanoziva zvikuru nezvako.”—Magazini ye’Teen

[Bhokisi/Bhokisi riri papeji 20, 21]

Ndinogona Sei Kuudza Vabereki Vangu?

Basa rokubvuma chakashata kuvabereki vako harizati richifadza. Vince muduku anoti: “Ndaigarofunga kuti vabereki vangu vangavachivimba neni zvikuru kwazvo uye ikoko kwakaita kuti kundiomere kuvasvika nemhaka yokuti ini handina kuda kuvakuvadza.”

Pwere dzinotendeukira kukuvanza dzinowanzotambura marwadzo ehana yakakuvadzika. (VaRoma 2:15) Zvikanganiso zvadzo zvinogona kuva “mutoro unorema,” unonyanyorema zvokusagona kutakurika. (Pisarema 38:4) Nomutoo unenge usingadzivisiki, dzinogombedzerwa kunyengedza vabereki vadzo nokureva nhema, kupfurikidza nakwo dzichiita zvimwe zvakaipa. Nokudaro ukama hwadzo naMwari hunokuvadzika.

Bhaibheri rinoti: “Iye unofukidzira kudarika kwake haazati achizobudirira, asi unoreurura ndokukusiya uchawana nyasha.” (Zvirevo 28:13) Sokutaura kunoita Betty wezera ramakore 19: “Zvisinei Jehovha anoona chinhu chiri chose.”

Kana nhau yacho ichibatanidza chiito chakaipa chakakomba, tsvaka kanganwiro yaJehovha, uchareurura chakaipa chako mumunyengetero. (Pisarema 62:8) Tevere, udza vabereki vako. (Zvirevo 23:26) Vane ruzivo rwokuzviwanira muupenyu uye vanogona kukubetsera kazhinji kazhinji kusiya mhosho dzako ndokudzivisa kudzidzokorora. “Kutaura pamusoro pakwo kunogona zvomenemene kukubetsera,” anoshuma kudaro Chris wezera ramakore 18. “Pakupedzisira isununguko kukubvisa mundangariro mako.” Chinetso chacho ndeichi, unoudza sei vabereki vako?

Bhaibheri rinoreva nezve“shoko rinotaurwa panguva yakafanira nokuda kwaro.” (Zvirevo 25:11; enzanisa naMuparidzi 3:1, 7.) Ikoko kungava riniko? Chris anopfuurira, kuti: “Ndinomirira kutozosvikira panguva yokudya kwamadekwana dzokonokei ndoudza Baba kuti ndinoda kutaura kwavari.” Mwanakomana womubereki mumwe akaedza pane imwe nguva: “Ndaiwanzotaura kuna Amai pamberi chaipo penguva yokurara; vangava vakafaranuka zvikuru panguvayo. Pavaisvika pamba kubva kubasa, vaiva vakaneta zvikuru kwazvo.”

Zvimwe iwe ungataura chimwe chinhu chakadai, “Amai naBaba, chimwe chinhu chiri kundinetsa.” Uye zvakadini kana vabereki vako vachiratidzika kuva vakanyanyobatikana zvokusagona kutarisira? Iwe ungati, “Ini ndinoziva kuti makabatikana, asika chimwe chinhu chiri kundinetsa zvomenemene. Tinogona kutaura here?” Ipapo ungabvunza, kuti: “Ko imi makamboita chimwe chinhu chamainyara zvikuru kwazvo kutaura pamusoro pacho here?”

Zvino kunouya rutivi rwakaoma: kuudza vabereki vako pamusoro pechakaipa icho chimene. Iva anozvininipisa uye “taura zvokwadi,” usingaderedzi kubvisa ukombi hwechikanganiso chako kana kuti kuedza kusataura zvimwe zvamashoko ose oudzame zvakawanda zvisingafadzi. (VaEfeso 4:25; enzanisa naRuka 15:21.) Shandisa mashoko achanzwisiswa navabereki vako, kwete mashoko ane revo chaiyo kuna vechiduku bedzi.

Nomutoo womuzvarirwo, vabereki vako vangakuvadzika ndokuodzwa mwoyo pakutanga. Naizvozvo rega kukatyamadzwa kana kushatirwa kana ukarovanywa nedirano izere neshungu yamashoko! Kudai wakanga watetekera nyevero dzavo dzapakuvamba, zvimwe iwe waizodai usina kuva muno uyu mugariro. Ramba wakaterama. (Zvirevo 17:27) Teerera vabereki vako uye pindura mibvunzo yavo, pasinei hapo kuti ivo vanoibvunza sei.

Pasina panikiro kudisisa kwako pamusoro pokururamisa nhau kuchaita mufungo mukuru pavari. (Enzanisa na 2 VaKorinte 7:11.) Kunyanguvezvo, iva anogadzirira kugamuchira chirango chakati kuti chinosanofanira. “Chokwadi, hapana chirango chinoratidzika kwenguva iyi kuva chinofadza, asi chinochemedza; asi pashure pacho kuna avo vakarovedzwa nacho chinobereka chibereko chorugare, ndiko kuti, kururama.” (VaHebheru 12:11) Yeukawo kuti iyoyi haizati ichizova nguva yokupedzisira yauchada betsero yavabereki vako nepangiro youkuru mumudzimu. Pinda mumuitiro wokuvimba nawo pamusoro pezvinetso zviduku kuti apo zvinetso zvikuru zvinomuka, hauzati uchizotya kuvazivisa zviri mundangariro mako.

[Mufananidzo]

Sarudza nguva apo vabereki vako vangava muchimiro chendangariro chinogamuchira zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe