RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/15 pp. 20-23
  • Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mubetseri Ane Rupo
  • MuAntiokia
  • Mugove Chaiwo Woufundisi
  • Nhau Yokudzingiswa
  • “Kutsamwirana Ku[no]vapo”
  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Kutaura “Neushingi Nesimba raJehovha”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Vanhu vaJehovha Vanosimbiswa Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Muenzaniso Wakafuridzirwa Webasa Roufundisi rechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/15 pp. 20-23

Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”

NDIRINI pawakapedzisira kugamuchira nyaradzo inobva kushamwari? Unoyeuka pawakapedzisira kuigovera mumwe munhu here? Panguva nenguva, tose zvedu tinoda kurudziro, uye tinoonga zvikuru sei avo vanoigovera norudo! Kunyaradza kunoreva kuwana nguva yokuteerera, yokunzwisisa, uye yokubetsera. Wakagadzirira kuita izvozvo here?

Mumwe munhu akaratidzira kudisa kwakadaro nomutoo womuenzaniso akanga ari Bharnabhasi, uyo “waiva murume wakanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda.” (Mabasa 11:24) Nei izvozvo zvaigona kutaurwa pamusoro paBharnabhasi? Akanga aitei kuti afanirwe nerondedzero iyi?

Mubetseri Ane Rupo

Zita rake chairoiro rainzi Josefa, asi vaapostora vakamupa zita rairondedzera raiwirirana zvikuru zvakafanira vara reunhu hwake—Bharnabhasi, zvinoreva kuti “Mwanakomana Wokunyaradza.”a (Mabasa 4:36) Ungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa. Vamwe vanofungidzira kuti pakuvamba Bharnabhasi akanga ambova mumwe wavadzidzi vaJesu. (Ruka 10:1, 2) Zvingave zvakanga zvakadaro kana kuti kwete, murume uyu akanga azviwanira zita rakanaka.

Nokukurumidza pashure pePendekosti ya33 C.E., Bharnabhasi, uyo akanga ari muRevhi aibva kuKupro, akatengesa nokuzvidira imwe nzvimbo ndokupa mari yacho kuvaapostora. Nei akaita izvozvo? Nhoroondo iri muna Mabasa inotiudza kuti pakati pevaKristu vaiva muJerusarema panguva iyoyo, “mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.” Sezviri pachena Bharnabhasi akaona kuti pakanga pane kushayiwa, uye akaita chimwe chinhu pamusoro pacho nomwoyo unofara. (Mabasa 4:34-37) Angava akanga ari murume akapfuma, asi haana kuzengurira kupa zvingava zvinhu zvake zvokunyama kana kuti kuzvipa iye nokuda kwokufambisira mberi fariro dzoUmambo.b “Kwose kwose uko Bharnabhasi aiwana vanhu kana kuti mamiriro ezvinhu aida kurudziro, aipa kurudziro yose yaaikwanisa,” inodaro nyanzvi F. F. Bruce. Izvi zvinooneka munhoroondo yechipiri maanooneka.

Munenge muna 36 C.E., Sauro weTarso (muapostora Pauro womunguva yemberi), pari zvino muKristu, akanga achiedza kuonana neungano yeJerusarema, “asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti wava mudzidzi.” Aigona sei kupwisa ungano yacho kuti kutendeuka kwake kwakanga kuri kwechokwadi uye kwete kwokungonyepedzerawo zvako kuti aiparadzezve? “Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvaapostora.”—Mabasa 9:26, 27; VaGaratia 1:13, 18, 19.

Chikonzero nei Bharnabhasi akavimba naSauro hachitaurwi. Muchiitiko chipi nechipi, “Mwanakomana Wokunyaradza” akararama maererano nezita rake kupfurikidza nokuteerera Sauro uye kumubetsera kubuda mumamiriro ezvinhu airatidzika seasina tariro. Kunyange zvazvo panguva iyoyo Sauro akadzokera kunyika yaakaberekerwa yeTarso, ushamwari hwakanga hwavambwa pakati pavarume vaviri. Mumakore aizotevera, izvozvo zvaifanira kuva nemigumisiro inokosha.—Mabasa 9:30.

MuAntiokia

Munenge muna 45 C.E., mashoko akasvika Jerusarema ezviitiko zvisiri zvenguva dzose muAntiokia yeSiria—vagari veguta iroro vakawanda vaitaura chiGiriki vakanga vari kuva vatendi. Ungano yacho yakatuma Bharnabhasi kuti anzvere ndokuronga basa ikoko. Vaisagona kuva vakaita chisarudzo chokuchenjera kupfuura ichocho. Ruka anoti: “Wakati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba; nokuti waiva murume wakanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji zhinji vakawedzerwa kunaShe.”—Mabasa 11:22-24.

Hazvisi izvo zvoga zvaakaita. Maererano nenyanzvi Giuseppe Ricciotti, “Bharnabhasi akanga ari munhu anoshanda, uye akakurumidza kunzwisisa kudikanwa kwokushanda kuitira kuti ave nechokwadi chokuti kubudirira kwakadaro kuteverwe nekukohwa kwakakura. Chinodikanwa chikuru, naizvozvo, chakanga chiri chavashandi vokukohwa.” Achibva kuKupro, zvimwe Bharnabhasi akanga arovedzana nokushanda naVamamwe Marudzi. Angava akanzwa akakwaniriswa zvikuru kuparidza kuvahedheni. Asi akanga akagadzirira kubatanidza vamwe mumubato uyu unofadza uye unokurudzira.

Bharnabhasi akafunga nezvaSauro. Sezvinobvira zvikuru, Bharnabhasi akanga achiziva kuziviswa kwouporofita kuna Ananiasi panguva yokutendeuka kwaSauro, kuti aimbova mutambudzi akanga ava ‘mudziyo wakasarudzwa, kuti aendese zita raJesu kumarudzi.’ (Mabasa 9:15) Naizvozvo Bharnabhasi akatanga rwendo rwokuTarso—kuenda chete makiromita anopfuura 200—kunotsvaka Sauro. Vaviri vacho vakashanda pamwe chete seshamwari kwegore rose, uye munhambo iyi “paAntiokia vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu.”—Mabasa 11:25, 26.

Mukati mokutonga kwaKraudhio, nzara huru yakava pamativi akasiyana-siyana oUmambo hweRoma. Maererano nowezvenhau wechiJudha Josephus, muJerusarema “vanhu vakawanda vakafa nokushayiwa zvakanga zvichidikanwa kuti vawane zvokudya.” Nokudaro, vadzidzi vomuAntiokia “vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea; vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.” Pashure pokuita basa iroro zvizere, vaviri vacho vakadzokera naJohane Marko kuAntiokia, kwavakaverengwa pakati pavaporofita navadzidzisi veungano.—Mabasa 11:29, 30; 12:25; 13:1.

Mugove Chaiwo Woufundisi

Ipapo chiitiko chinoshamisa chakaitika. “Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bharnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” Imbofunga zvako! Mudzimu waJehovha wakarayira kuti vaviri vacho vapiwe mugove chaiwo. “Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo, vakaenda Kupro nechikepe.” Nenzira yakarurama Bharnabhasi aigonawo kunzi muapostora, kana kuti akatumwa.—Mabasa 13:2, 4; 14:14.

Pashure pokufamba nomuKupro ndokutendeutsa Sergio Pauro, gavhuna weruwa rweRoma wechitsuwa chacho, vakapfuurira kuPerga, pamhenderekedzo yokumaodzanyemba yeAsia Minor, uko Johane Marko akarega ndokudzokera kuJerusarema. (Mabasa 13:13) Zvinoratidzika sokuti kusvikira ipapo Bharnabhasi aiva nebasa rokutungamirira, zvichida seshamwari ine ruzivo rwokuzviwanira zvikuru. Kubva panguva ino zvichienda mberi, ndiSauro (zvino anonongedzerwa kwaari saPauro) uyo anotungamirira. (Enzanisa naMabasa 13:7, 13, 16; 15:2.) Bharnabhasi akarwadziwa nechiitiko ichi here? Aiwa, akanga ari muKristu akakura mumudzimu uyo akaziva nenzira yokuzvininipisa kuti Jehovha akanga ari kushandisawo shamwari yake nenzira yakasimba. Kupfurikidza navo, Jehovha akanga achiri kuda kuti dzimwe ndima dzinzwe mashoko akanaka.

Kutaura idi, vaviri vacho vasati vadzingwa muAntiokia muPisidhia, nharaunda yose yakanzwa shoko raMwari kuna Pauro naBharnabhasi, uye vakati wandei vakagamuchira shoko racho. (Mabasa 13:43, 48-52) MuIkonio, “vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.” Izvi zvakasunda Pauro naBharnabhasi kuti vapedze nguva yakati variko, ‘vachitaura noushingi nechiremera chaJehovha, uyo akapa zviratidzo nezvishamiso kuti zviitike kupfurikidza navo.’ Pakunzwa kuti rangano yakanga yarongwa yokuvataka namabwe, vaviri vacho vakatiza nokuchenjera ndokupfuurira nebasa ravo muRikaonia, Ristra, uye Dherbe. Pasinei zvapo nezviitiko zvinotyisidzira zvomuRistra, vose vari vaviri Bharnabhasi naPauro vakaramba “vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda muushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.”—Mabasa 14:1-7, 19-22.

Ava vaparidzi vaviri vanoshingaira vakanga vasingazozvibvumiri kutyisidzirwa. Mukupesana, vakadzokera kunovaka vaKristu vatsva munzvimbo mavakanga vatosangana nechishoro chinotyisa, sezvingabvira vachibetsera varume vakakwaniriswa kuti vatungamirire muungano itsva.

Nhau Yokudzingiswa

Makore 16 pashure pePendekosti ya33 C.E., Bharnabhasi akabatanidzwa muchiitiko chinokosha pamusoro penhau yokudzingiswa. “Zvino vamwe vakaburuka [kuAntiokia yeSiria vachibva] Judhea, vakadzidzisa hama vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.” Bharnabhasi naPauro vakaziva kuti izvi zvakanga zvisina kudaro, uye vakaramba mufungo wacho. Panzvimbo pokutaura chiremera chavo, vakafanoona kuti uyu wakanga uri mubvunzo waifanira kupedziswa nokuda kwesangano rose rehama. Naizvozvo vakanongedzera mubvunzo wacho kumutumbi unodzora muJerusarema, uko mishumo yavo yakabetsera kupedza nhau yacho. Pashure pezvo, Pauro naBharnabhasi, vanorondedzerwa se“vadikanwa . . . vakazvidza upenyu hwavo nokuda kwezita raShe wedu, Jesu Kristu,” vakanga vari pakati paavo vakagoverwa kuti vaendese chisarudzo chacho kuhama dzomuAntiokia. Apo tsamba yaibva kumutumbi unodzora yakaraviwa uye hurukuro dzakapiwa, ungano yacho ya“kafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa” uye yaka“simbis[w]a.”—Mabasa 15:1, 2, 4, 25-32.

“Kutsamwirana Ku[no]vapo”

Pashure penhoroondo dzakanaka dzakawanda kwazvo pamusoro pake, tingafunga kuti hatimbofi takakwanisa kurarama maererano nomuenzaniso waBharnabhasi. Asi, “Mwanakomana Wokunyaradza” akanga asina kukwana sezvatakangoita tose. Apo iye naPauro vakanga vachironga rwendo rwoufundisi rwechipiri rwokushanyira ungano, kusabvumirana kwakamuka. Bharnabhasi akanga akatsunga kuenda nehama yake Johane Marko, asi Pauro haana kufunga kuti zvakafanira, sezvo Johane Marko akavasiya parwendo rwoufundisi rwokutanga. Ikoko “kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe,” nepo “Pauro wakasanangura Sirasi; akaenda” neimwe nzira.—Mabasa 15:36-40.

Zvinosuruvarisa sei! Kunyange zvakadaro, chiitiko chacho chinotiudza chimwe chinhu pamusoro pounhu hwaBharnabhasi. “Bharnabhasi anofanira kurumbidzwa kuti akanga akagadzirira migumisiro ine ngozi uye kuvimba naMarko kechipiri,” inodaro imwe nyanzvi. Sokukarakadza kunoita munyori iyeye, zvingava kuti “chivimbo chaiiswa maari naBharnabhasi chakabetsera kudzorera chivimbo chake pachake uye chakashanda sechinonyandura kuzvipira kwakamutsidzirwa.” Sokuitika kwakaita zvinhu, chivimbo ichocho chakaruramiswa zvizere, nokuti pakasvika zuva apo kunyange Pauro akabvuma kubetsera kwaMarko mubasa rechiKristu.—2 Timotio 4:11; enzanisa naVaKorose 4:10.

Muenzaniso waBharnabhasi unogona kutinyandura kuti tiwane nguva yokuteerera, yokunzwisisa, uye yokukurudzira vakaodzwa mwoyo ndokugovera yamuro inoshanda pose nguva ipi neipi patinoona kudikanwa kwacho. Chinyorwa chokudisa kwake kushandira hama dzake nounyoro noushingi, pamwe chete nemigumisiro yakaisvonaka iyo izvi zvakabudisa, ikurudziro pachayo. Chikomborero chakadini kuva navanhu vakafanana naBharnabhasi muungano dzedu nhasi!

[Mashoko Omuzasi]

a Kudana mumwe munhu kuti “mwanakomana we”vara rakati kwaisimbisa vara rakatanhamara. (Ona Dheuteronomio 3:18, (NW) mashoko omuzasi.) Muzana rokutanga ramakore, zvakanga zvakarovedzeka kushandisa mazita kuti vape ngwariro kumavara omunhu. (Enzanisa naMarko 3:17.) Zvakanga zviri rudzi rwakati rwokuzivikanwa navanhu vose.

b Vachirangarira zvakanga zvatangwa noMutemo waMosesi, vamwe vakabvunza kuti Bharnabhasi, muRevhi, akasvika sei pakuva nomunda. (Numeri 18:20) Zvinofanira kucherekedzwa, zvisinei, kuti hazvina kujeka kana munda wacho wakanga uri muParestina kana kuti muKupro. Uyezve, zvinobvira kuti iyi yakanga ichingova nzvimbo yokuviga iyo Bharnabhasi akanga awana munharaunda yeJerusarema. Chipi kana chipi chingava chiitiko chacho, Bharnabhasi akarega munda wake kuti abetsere vamwe.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Bharnabhasi “waiva murume wakanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe