Ganhuro 22
Ibasai Randinofanira Kusarudza?
‘CHII chandichaita noupenyu hwangu hwasara?’ Nokukurumidza uchanangana nouyu mubvunzo unodenha. Nhevedzano inonzwisa dzungu yezvisarudzo zvinozvipa izvo zvimene—kurapa, bhizimisi, unyanzvi, dzidzo, sayenzi yekomupiyuta, kuita uinjinia, mabasa amaoko. Uye iwe unganzwa sepwere iyo yakati: “Chandinorangarira kuva rubudiriro . . . ndiko kuchengeta mwero unonyaradza wawakakura nawo.” Kana kuti kufanana navamwe, ungafungidzira nezvokuvandudza mugove wako wezvemari muupenyu.
Asika murubudiriro mune zvakawanda zvinopfuura mhindu yezvinhu zvokunyama here? Ko basa ripi neripi rokunyika rinogona kukuvigira gutsikano chaiyoiyo here?
‘Harina Kureva Chinhu’
Rinoyemurika, rinofadza, rinobhadhara! Ndiyo nzira iyo mabhaisikopo, TV, namabhuku anowanzoratidza nayo mabasa okunyika. Asi kuwana runonzi rubudiriro, vanotsvaka nzvimbo dzakakwirira dzebasa vanofanira kazhinji kazhinji kukwikwidzana mukuparapatika kwoupenyu norufu nokuda kwokuzivikanwa. Dr. Douglas LaBier anozivisa nezvokuti vechiduku, vazhinji vane mabasa “okuita zvinhu nokukurumidza, oruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwakakwirira, vanoshuma kunzwa kwokusagutsikana, kwefunganyo, kwokupera mwoyo, kwokusava namaturo, kwokupengereka, uyewo mwero wose wezvirwere zvokunyama.”
Kare kare, Mambo Soromoni akaratidzira kusava namaturo kworubudirirowo zvarwo rwenyika. Achitsigirwa neinenge pfuma isina ganhuriro, Soromoni akaronga ndaza inokatyamadza yezviitwa zvamabasa. (Rava Muparidzi 2:4-10.) Bva, Soromoni akataura, kuti: “Ini, kunyange ini, ndakatendeukira kumabasa angu ose ayo maoko angu akanga aita nokubasa resimba randakanga ndashanda nesimba kuti ndipedze, uye, tarira! chinhu chiri chose chakanga chisina maturo [“ndakaziva kuti harina kureva chinhu,” Today’s English Version] uye kudzingana nemhepo.”—Muparidzi 2:11.
Basa ringasanounza pfuma nokuzivikanwa, asi harigoni kugutsa ‘zvinodikanwa zvomudzimu’ zvomumwe. (Mateo 5:3) Nokudaro gutsikano inonzvenga avo vanovakira upenyu hwavo chose chose pabasa rokunyika.
Basa Rinogutsa
Mambo Soromoni anopangira, kuti: “Mhedziso yenhau, chinhu chiri chose zvachanzwiwa, ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi ndokuchengeta mirairo yake. Nokuti uyu ndiwo musengwa wose womunhu.” (Muparidzi 12:13) Musengwa mukuru wamaKristu nhasi ndowokuparidzira shoko roUmambo. (Mateo 24:14) Uye pwere dzinofungisisa musengwa wadzo pamberi paMwari dzinonzwa dzichigombedzerwa kuva nomugove uzere mune iri basa sezvinobvira—kunyange zvazvo idzo dzisati dzakarerekera nomutoo womuzvarirwo kukuparidzira. (Enzanisa 2 VaKorinte 5:14.) Panzvimbo pokuronda mabasa enguva yakazara okunyika, zviuru zvakasarudza kubatira savaevhangeri mapiona enguva yakazara. Vamwe vanobatira savafundisi vokumwe kana kuti pamahofisi amapazu eWatch Tower Society.
Emily, uyo akarega basa somunyori mukuru kuti ave piona, anoti: “Ini ndakakudziridza rudo rukuru nokuda kweiri basa.” Hungu, ushumiri hwenguva yakazara ibasa rinoisvogutsa, rinofadza rinofungidzirika! Uye iropafadzo huru zvikuru yakadini iyo munhu anogona kuva nayo inopfuura kuva mumwe wa“vabatiri biyamwe vaMwari”?—1 VaKorinte 3:9.
Dzidzo yeYunivhesiti—Ine Chimuko Here?
Vashumiri mapiona vazhinji vanozvitsigira vamene nebasa renguva isina kuzara. Asi zvakadiniko kana gare gare ukadikanirwa kutsigira mhuri? Zvamazvirokwazvo munhu haangatongozvidembi kuti wakapira makore ake oupwere kubasa raMwari! Zvakare, hakuzati kwaizoita mufungo here kuti pwere itange kuwana dhigirii rapayunivhesiti uye zvimwe ndokuronda ushumiri gare gare?
Chokwadika, Bhaibheri harizati richitsanangura chaizvoizvo kuti makore mangani okudzidza ayo pwere yechiKristu inofanira kuwana. Uye harizati richishora dzidzo. Jehovha, “Murairidzi Mukuru,” anokurudzira vanhu vake kurava zvakanaka nokutaura ivo vamene zvakajeka. (Isaya 30:20; Pisarema 1:2; VaHebheru 5:12) Zvakare, dzidzo inogona kupamhamisa kunzwisisa kwedu vanhu nenyika yatinorarama mairi.
Hunyanguvezvo, dhigirii rapayunivhesiti nguva dzose rinokodzera kupirwa kukuru kwenguva nemari zvarinoda here?a Kunyange zviverengero zvichiratidzira kuti vakundi vapayunivhesiti vanowana miripo yakakwirira zvikuru uye vanotambura zvishoma kusava nebasa kupfuura vakundi vapachikoro chapamusoro, bhuku rinonzi Planning Your College Education rinotiyeuchidza kuti izvi zviverengero zvinongova hazvo avhareji. Vorushomanene bedzi vavakundi vapayunivhesiti vanotambira chaizvoizvo miripo yakakwirira zvikuru; vamwe vasara vanoripirwa miripo yakaderera zvikuru kwazvo. Kunze kwezvo, miripo yakakwirira inopiwa vakundi vapayunivhesiti ingaparirwawo nezvinhu zvakadai sa“mano echienzi, sundo, mabanza enzvimbo dzokuwana basa, . . . zvipiwa chaizvo”—kwete bedzi ukuru hwedzidzo yavowo zvayo.
“Dhigirii rapa[yunivhesiti] harisati richasimbisirazve rubudiriro munyika yamabasa,” rinodaro Bato reZvamabasa reU.S. “Mwero [wavakundi vapayunivhesiti] wakapinzwa basa mumabasa ounyanzvi akadzidzirwa, oruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu, uye oumenija . . . wakaderera nokuti aya mabasa haana kufutunuka nokukurumidza zvakaringanira kutora mugove unowedzera wavakundi. Somuuyo, anenge 1 muvakundi 5 vapa[yunivhesiti] akapinda munyika yamabasa pakati pa 1970 na 1984 vakapinda basa risati richiwanzoda dhigirii. Uyu mugove wakanyanyisa wavakundi une bviro yokupfuurira nomuma 1990.”
Mamwe Maidi Okufungisisa
Dhigirii rapayunivhesiti ringavandudza kana kuti ringasavandudza kariro dzako dzebasa. Asi idi rimwe haripanikirwe: “Nguva yasara yatapudzika”! (1 VaKorinte 7:29) Nokuda kwebetsero dzaro dzose dzinofungidzirwa, makore mana kana kuti anopfuura okuva muyunivhesiti angava shandiswo yakanakisisa yenguva iyeyo yasara here?—VaEfeso 5:16.
Ko dzidzo yapayunivhesiti ingakunangidzira kana kuti kukubvisa panharidzano dzako dzomudzimu here? Yeuka, muripo wakakwirira hausati uri chinhu chokutanga chomuKristu. (1 Timotio 6:7, 8) Bva, nzvero yavakuru vapayunivhesiti yeU.S. yakarondedzera vadzidzi vanhasi sa‘vane murangariro webasa, vanoitira hanya rubudiriro rwezvinhu zvokunyama, vanozviitira hanya ivo vamene.’ Rimwe boka ravadzidzi rakati: “Mari. Kunoratidza sokunge kuti zvose zvatinotaura pamusoro pazvo imari.” Ko kuva akanyura mumugariro wamakwikwi makuru nokudisa zvenyika kwoudyire zvingakutapura sei?
Mayunivhesiti angasavazve nezvinoitika zvenjonga-njonga zvomuma 1960. Asika derero mumhirizhonga yapayunivhesiti haisati ichitongoreva kuti mhoteredzo yapayunivhesiti yakanaka. Kumwe kunzverwa kwoupenyu hwapayunivhesiti, kwakati: “Vadzidzi vachine runenge rusununguko rusine kuganhurirwa mumunhu oga nenhau dzefambidzano.” Mirimo nezvinwiwa zvinodhakisa zvinoshandiswa norusununguko, uye madiro chinhu chenguva dzose—kwete chapanhambo nenhambo. Kana ikoku kuchiitika mumayunivhesiti omunyika yokwenyu, ko kurarama ikoko kungadzivisa nhamburiko dzako dzokuramba wakachena mutsika here?—1 VaKorinte 6:18.
Imwe itiro hanya isonganiro yakasanorondedzerwa yokutayayika kudzidzo yakakwirira ine “namatiro [yakaderera] kurevo yenheyo dzorudzidziso.” (The Sacred in a Secular Age) Dzvinyiriro yokuchengeta magiredhi akakwirira yakaparira dzimwe pwere dzechiKristu kuregerera mibato yomudzimu nokudaro ndokuva dzinotapurwa nedenho yokufunga kwokunyika kunosimudzirwa namayunivhesiti. Dzimwe dzakatambura kuputsika pamusoro pokutenda kwadzo.—VaKorose 2:8.
Zvingaitwa Panzvimbo Yedzidzo Yapayunivhesiti
Nokuda kwaaya maidi, pwere zhinji dzechiKristu dzakasarudza kurega dzidzo yapayunivhesiti. Zhinji dzakawana kuti rovedzo inogoverwa neungano dzeZvapupu zvaJehovha—Chikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari chevhiki nevhiki zvikurukuru—yakadzipa chinhu chaichoicho mukuwana basa. Kunyange zvazvo dzisati dzine dhigirii rapayunivhesiti, pwere dzakadaro dzinodzidza kuva dzinozvivimba, unyanzvi hwokuzvitaurira idzo dzimene, uye dzinokwanisa zvikuru kutarisira mutoro. Kupfuurirazve, dzichingunoveri muchikoro chesekondari, dzimwe dzinoita makosi okutaipa, uye kuita mapurogiramu ekomupiyuta, kugadzira motokari, basa remichina yomushopu zvichingodaro. Unyanzvi hwakadaro hunozvipa ihwo humene kubasa renguva isina kuzara uye hunowanzova hunodikanwa zvikuru. Uye kunyange zvazvo pwere zhinji dzichizvidza ‘kushanda namaoko adzo,’ Bhaibheri rinoremekedza kuita “basa resimba.” (VaEfeso 4:28; enzanisa naZvirevo 22:29.) Chokwadika, Jesu Kristu iye amene akadzidza basa zvakanaka zvikuru zvokuti iye akasvika pakunzi “muvezi”!—Marko 6:3.
Chokwadi, mune dzimwe nyika vakundi vapayunivhesiti vakadirana zvikuru munyika yamabasa zvokuti kwakaoma kuwana kunyange mabasa enhando pasina rovedzo yewedzero yebasa. Asi kazhinji kazhinji kune mapurogiramu okudzidziswa mabasa, zvikoro zvokudzidzira mabasa kana kuti kugadzirwa kwezvinhu, namakosi enhambo pfupi apayunivhesiti anodzidzisa unyanzvi hwokutengesa hune kuchengetedzwa kuduku kwenguva nemari. Usatongokanganwawo kuti pane chitemeso icho zviverengero zvebasa zvisati zvichirangarira: Chipikirwa chaMwari chokugovera avo vanoisa pakutanga fariro dzomudzimu.—Mateo 6:33.
Kariro dzebasa negadziriro dzedzidzo zvinosiana munzvimbo nenzvimbo. Pwere dzine mano akasiana-siana nendangariro. Uye kunyange basa muushumiri hwechiKristu richirumbidzwa seriya rinobetsera, ichiri nhau yechisarudzo chako umene. Iwe navabereki vako nokudaro munofanira kusanorangarira zvakakomba zvitemeso zvose zvinobatanidzwa mukusarudza kuti idzidzo yakadini iri yakakufanira. ‘Munhu mumwe nomumwe anofanira kutakura mutwaro wake amene’ mukuita zvisarudzo zvakadaro.—VaGaratia 6:5.
Kana, somuenzaniso, vabereki vako vachiomerera kuti iwe upinde kuyunivhesiti, hauna chisarudzo kunze kwokuvateerera chero bedzi iwe uchirarama mukutarisira kwavo.b (VaEfeso 6:1-3) Zvimwe unogona kupfuurira kugara pamusha uchidzivisa kubatwa muchinoitika payunivhesiti. Iva anosarudza mukusarudza kwako makosi, somuenzaniso, kunangidzira ngwariro pakudzidza unyanzvi hwamabasa panzvimbo pouzivi hwenyika. Rinda songaniro dzako. (1 VaKorinte 15:33) Zviite kuti urambe wakasimba mumudzimu kupfurikidza nokupinda misangano, mubasa romumunda, nomufundo yomunhu oga. Dzimwe pwere dzakagombedzerwa kupinda yunivhesiti dzaitokwanisa kuita upiona kupfurikidza nokusarudza rudungwe rwamakosi rwaiita kuti ikoko kubvire.
Sanosarudza basa rako uye mumunyengetero, kuti risangokuvigira bedzi mufaro wako umene asi richakugonesa ku‘chengeta pfuma mudenga.’—Mateo 6:20.
[Mashoko Omuzasi]
a MuUnited States, ndyiko dzapayunivhesiti dzinoita avhareji inopfuura $10 000 pagore! Kazhinji kazhinji kunowanzotorera vadzidzi makore kuti vapedze kuripira mungava wavo.
b Kungava kusiri madikanwa kuwana dhigirii ramakore mana kugutsa vabereki vako. MuUnited States, dhigirii rakaderera, somuenzaniso, rinogamuchirwa navabatirwi munzvimbo zhinji dzamabasa nedzine chokuita namabasa uye rinogona kuwanwa mumakore maviri.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko mabasa okunyika achiwanzokundikana kuvigira mufaro wako umene?
◻ Neiko pwere dzose dzinotya Mwari dzichifanira kurangarira basa muushumiri hwenguva yakazara?
◻ Ndedzipi betsero dzinotaurwa dzedzidzo yakakwirira, uye kutaura kwakadaro kunowanzova kwechokwadi here?
◻ Ko dzidzo yapayunivhesiti ingaparira ngozii?
◻ Ndizvingaitwai panzvimbo yedzidzo yapayunivhesiti zvinogona kurangarirwa nepwere?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 175]
Basa ringasanounza pfuma nokuzivikanwa, asi harigoni kugutsa ‘zvinodikanwa zvomudzimu’ zvomumwe
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 177]
“Dhigirii rapa[yunivhesiti] harisati richasimbisirazve rubudiriro munyika yamabasa”