Ganhuro 23
Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?
‘KANA imi muchidanana, yakarurama here? Kana kuti munofanira kumirira kutozosvikira maroorana here?’ ‘Ini ndichiri mhandara. Pane chimwe chinhu chakashata pandiri here?’ Mibvunzo yakaita seiyi inowanda pakati pepwere.
Hunyanguvezvo, “Ndowechiduku anoshamisa asina kumbova nevatano achiri kuyaruka,” rakadaro Sangano reAlan Guttmacher mumushumo waro wa 1981. “Vanhurume vasere mune vane 10 uye vanhukadzi vanomwe mune vane 10 vanoshuma kuva vakava nevatano vachiri mumakore avo okuyaruka.”
‘Asi inokona nei?’ ungabvunza kudaro. Pashure pokurangarira zvose, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuda kunzwa uchidiwa. Uye paunenge uri muduku, zvishuvo zvako zvinogona kuva zvine simba kusvikira kupfundo rokukangaidzika. Kupfuurirazve, pane pesvedzero yave zera rako. Ivo vangakuudza kuti vatano yapamberi peroorano inofadza uye kuti apo iwe unoda zvomenemene mumwe munhu, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuda kuva makatsvamirana. Vamwe vangatotaura havo kuti kuvatana kunobvumikisa kuva kwako murume kana kuti mukadzi. Usati uchida kuva anorangarirwa kuva akasiana, nokudaro unganzwa uchidzvinyirirwa kupinda muvatano.
Mukusiana nomurangariro unodikanwa, handi pwere dzose dzinokurumidzira kurashikirwa noumhandara hwadzo. Somuenzaniso, rangarira mhandara isati yaroorwa yainzi Esther. Iyo yakanga ichinzverwa mukurapwa apo chiremba wayo akabvunza muuchokwadi, kuti: “Mutooi wokudzivirira wauri kushandisa?” Apo Esther akapindura kuti, “Handizi kushandisa upi noupi,” chiremba wake akapfuurira, achiti: “Watii! Unoda kuva nemimba here? Unokarira sei kusava nemimba kana usati uri kushandisa chinhu chipi nechipi?” Esther akapindura, kuti: “Nokuti ini handisi kuva nevatano!”
Chiremba wake akamutuzurira mukusadavira. “Ikoku hakudaviriki,” iye akadaro. “Pwere dzinouya pano dzine zera ramakore 13, uye idzo hadzisichirizve mhandara. Uri munhu akasiana.”
Chii chakaita Esther “akasiana”? Iye aiteerera pangiro yeBhaibheri, inoti: “Zvino muviri hauzi woufeve [kubatanidza nevatano yapamberi peroorano] . . . Tizai ufeve.” (1 VaKorinte 6:13, 18) Hungu, iye aiziva vatano yapamberi peroorano sechivi chakakomba mukurwisana naMwari! “Ikoku ndiko kunoda Mwari,” inodaro 1 VaTesaronika 4:3, “kuti imi murege ufeve.” Neiko, kunyange zvazvo zvakadaro, Bhaibheri richirambidza vatano yapamberi peroorano?
Miuyo Yapashure
Kunyange munguva dzeBhaibheri, vamwe vaipinda muvatano yapamberi peroorano. Mukadzi woutere angakoka jaya kuzozvigutsa, achiti: “Uya, ngatizvigutse norudo kusvikira mangwanani; ngatifadzanei nezviito zvorudo.” (Zvirevo 7:18) Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti mifaro inofarikanywa nhasi inogona kuparira marwadzo mangwana. “Nokuti sezvinoita zinga rouchi miromo yomukadzi wokumwe inoramba ichidonha, uye muromo wake unotsvedza kupinda mafuta,” akadaro Soromoni. “Asi,” iye akapfuurira kuti, “muuyo wapashure unobva kwaari unovava segavakava; wakapinza somunondo unocheka kunhivi mbiri.”—Zvirevo 5:3, 4.
Mumwe muuyo wapashure unobvira ndiko kubatira hosha inopomeranwa muvatano. Fungidzira kurwadziwa mwoyo kana makore apashure iye akaziva kuti vatano yakaparira kuvadziko isingarapiki, zvimwe kusabereka kana kuti chinetso chakakomba choutano! Sokunyevera kunoita Zvirevo 5:11, kuti: “Iwe uchatofanira kuchema munguva yako yemberi apo nyama yako nomuviri wako zvinosvika pakuguma.” Vatano yapamberi peroorano inoparira mubvandiripo (ona mapeji 184-5), kubvisa nhumbu, uye roorano yenguva isati yasvika—chimwe nechimwe nemiuyo yacho inorwadza. Hungu, munhu anopinda muvatano yapamberi peroorano zvamazvirokwazvo ano‘tadzira muviri wake amene.’—1 VaKorinte 6:18.
Achiziva ngozi dzakadaro, Dr. Richard Lee akanyora muYale Journal of Biology and Medicine: “Isu tinoganza kuna vechiduku vedu pamusoro pebudiriro dzedu huru mukudzivisa kunamba nhumbu nokurapa hosha dzechihure mukusarangarira kudziviswa kunoisvovimbika uye chaikwoikwo, kusingadyi mari nokusingakuvadzi, kwezvose zviri zviviri kunamba nhumbu nehosha yechihure—mugariro wekare, unoremekedzeka, uye kunyange woumhandara.”
Kuva Nemhaka Nokuora Mwoyo
Pwere zhinji dzakawanazve vatano yepamberi peroorano kuva inoodza mwoyo nomutoo unorwadza. Chii chiri muuyo? Kunzwa kwokuva nemhaka nokuderera kwokuzviremekedza. Dennis ane zera ramakore ana makumi maviri namatatu akabvuma, achiti: “Kwakanga kuri kuodzwa mwoyo kukuru—pasina kunzwa kworunako kana kuti ushamwari hworudo sezvakwakanga kuchifungidzirwa kuva. Panzvimbo pakwo kuziva zvizere nezvamaipire akanga akaita chiito chacho kwakandirovanya. Ndakanyara chose chose nokushaiwa kwangu kuzvidzora.” Yakabvuma kudaro imwe mhandara: “Ndakapengenuka nokurovanya kunorwadza. . . . Mutambo wakanga wapera uye ndakanzwa ndichirwara, ndisina maturo, uye ndasviba. Hakuna kundiita ndinzwe ndiri nani zvikuru kumunzwa achiti, ‘Neiko usina kutidzivisa tisati taita izvozvi?’”
Kuita kwakadaro hakuwanzoitika, mukuwirirana naDr. Jay Segal. Pashure pokunzvera nhau dzevatano dzavadzidzi vapakoreji vane 2 436, iye akataura, kuti: “Zvinoitika zvisingagutsi nezvinoodza mwoyo zvokutanga [zvevatano] zvakapfuura zviya zvakanga zvichigutsa nokufadza nomwero wokunenge kumwe kukaviri. Vose vari vaviri vanhurume navanhukadzi vakayeuka kuti ivo vakaodzwa mwoyo zvikurukuru.” Sezvinobvumwa, kunyange vananyakuroorana padzimwe nguva vangave nezvinetso zvavo pakureva nezvevatano. Asi muroorano, apo pane rudo chairwoirwo uye kuzvipa, zvinetso zvakadaro kazhinji kazhinji zvinogona kupedzwa.
Mubairo Wamadiro
Dzimwe pwere hadzinzwi dzine mhaka kana zvodini pamusoro pokuva nevatano, nokudaro dzinondotsvaka gutsikano yokunyama, dzichitsvaka vatano nemhatsa yakati kuti yeshamwari. Munzveri Robert Sorensen, mufundo yake yevatano yavechiduku, akacherechedza kuti pwere dzakadaro dzinobhadhara muripo nokuda kwamadiro adzo. Anonyora kudaro Sorensen: “Mubvunzurudzo dzedu timene, [pwere dzamadiro] zhinji dzinowadzanyura . . . kuti dzinodavira kuti dzinokuita dzisina donzo uye dzisingagutsikane.” Vana makumi mana navatanhatu muzana vaivava vakabvuma nokutaura kuti, “Nzira yandiri kurarama nayo zvino, mano angu mazhinjisa achashata.” Sorensen akawanazve kuti idzi pwere dzamadiro dzakashuma “kuzvivimba nokuzviremekedza” kwakaderera.
Kwakangofanana sezvinoreva Zvirevo 5:9, kuti: Avo vanoita utere “vanongopa vamwe mbiri [yavo].”
Mangwanani Apashure Pacho
Kana vaviri vangovatana bedzi, vanowanzotarirana nenzira yakasiana. Mukomana angawana kuti kunzwa kwake nokuda kwomusikana hakuchisiri kukurusa pane kare; iye angatomuwana kuva anoyevedza zvishoma. Musikana, kune rumwe rutivi, anganzwa kuva achinywa. Yeuka nhauro yeBhaibheri yejaya rainzi Amnoni uye madire arakanga richiita mhandara Tamari. Bva, pashure pokuvatana naye, “Amnoni akavamba kumuvenga nokuvenga kukuru kwazvo.”—2 Samueri 13:15.
Mumwe musikana anonzi Maria akava nechinoitika chimwe chetecho. Pashure pevatano, iye akabvuma, kuti: “Ndakazvivenga ini ndimene (nokuda kwoutera hwangu), uye ndakavenga mukomana wangu. Chokwadi, vatano yataifunga kuti yaizotiswededza pamwe chete zvikuru yakagumisa ukama hwedu. Handina kutozongoda kumuona zvakare.” Hungu, kupfurikidza nokuva nevatano yapamberi peroorano, vaviri vanodarika mutsetse wavasingazotongogoni kudzokera shure kwawo!
Paul H. Landis, munzveri anoremekedzwa mune zvoupenyu hwemhuri, anoti: “Muuyo wechinguvana [wevatano yapamberi peroorano] ungava wokusimbisa ukama, asi miuyo yenhambo refu ingava yakasiana.” Zvamazvirokwazvo, vaviri vanopinda muvatano vane bviro yokuparadzana kupfuura avo vanorega! Chii chiri chikonzero? Vatano isiri yapamutemo inoparira godo nokusavimba. Inobvuma kudaro imwe pwere: “Vamwe vakomana, pashure pokunge vave nevatano, vanofunga pashure pacho kuti, ‘kana iye akavatana neni zvimwe iye akavatana nomumwe munhuwo zvake.’ Zvechokwadi, ndakarangarira nenzira iyeyo. . . . Ndakanga ndine godo rakanyanyisa nepanikiro, uyewo kunyumwira.”
Ikoku kwakasiana zvikuru kwazvo norudo chairwoirwo, urwo “rusine godo, . . . rusati ruchizvibata nomutoo usina kufanira, rusati ruchitsvaka fariro dzarwo rwumene.” (1 VaKorinte 13:4, 5) Rudo runovaka ukama husingagumi haruna kuvakirwa pachishuvo choupofu.
Betsero Dzorucheno—Rugare Nokuzviremekedza
Zvisinei, kugara wakachena kunoita zvakawanda zvinopfuura kubetsera pwere kudzivisa miuyo ine ngozi. Bhaibheri rinotiudza nezvemhandara yakaramba yakachena pasinei zvapo norudo rukuru nokuda kwomukomana wayo. Somuuyo, iyo yaigona nomutoo wokuzvitutumadza, kuti: “Ini ndiri rusvingo, uye mazamu angu akafanana neshongwe.” Iyo yakanga isati iri ‘suo rinovheya’ risingatani ku‘zarukira’ dzvinyiriro youtere. Mutsika, iyo yakamira sorusvingo rusingakwiriki rwenhare ine shongwe dzisingasvikiki! Iyo yaifanirwa nokuva inonzi “yakachena” uye yaigona kutaura nezvomurume wayo anokarirwa kuti, “Mumeso ake ini ndakava seanowana rugare.” Rugare rwake amene rwomufungo rwakabetsera kugutsikana pakati pavo vari vaviri.—Rwiyo rwaSoromoni 6:9, 10; 8:9, 10.
Esther, musikana wakachena adudzwa pakutanga, akanga aine rugare rwomukati rumwe cheterwo nokuzviremekedza. Iye akati: “Ndainzwa zvakanaka pamusoro pangu ndimene. Kunyange apo vashandi biyangu vaizondiseka, ndaiona umhandara hwangu sedhaimana, inokosha nokuti haiwanzowanika zvikuru.” Mukuwedzera, pwere dzakafanana naEsther hadzisati dzichitapurwa nehana ine mhaka. “Hapana chinhu chakanaka zvikuru chinopfuura kuva nehana yakanaka kuna Jehovha Mwari,” akataura kudaro Stefan, muKristu wezera ramakore 19.
‘Asika vaviri vanogona sei kuzivana zvakanaka kana vasingavatani?’ dzinobvunza kudaro dzimwe pwere.
Kuvaka Ukama Husingagumi
Vatano iyo yoga haigoni kuvaka ukama hwechigarire; uyewo zviito zvechidakadaka, zvakadai sokutsvodana hazvigoniwo. Imwe mhandara yainzi Ann yakanyevera, kuti: “Ini ndakadzidza muchinoitika kuti padzimwe nguva munogona kunyanyoswedera pedyo mumuviri nokunyanyokurumidza.” Apo vaviri vanopedza nguva yavo vachiratidzirana chidakadaka, kurukurirano ine revo inoguma. Nokudaro ivo vangafukidza misiano yakakomba inogona kubudazve pachena pashure peroorano. Apo Ann gare gare akavamba kuronga misi yomuvhakacho nomumwe mukomana—waakazoroorwa naye pakupedzisira—iye akanga ongwarira kudzivisa kuva anonyanyokwamirana mumuviri. Anotsanangura kudaro Ann: “Taipedza nguva yedu tichigadzikisa zvinetso nokukurukura nharidzano dzedu muupenyu. Ndakaziva ruri rudzi rwomunhu aizondiroora. Pashure peroorano, paingova bedzi nekatyamadzo dzinofadza.”
Kwakanga kwakaomera Ann nomukomana wake here kuratidzira kuzvidzora kwakadaro? “Hungu, kwakanga kwakaoma!” anobvuma kudaro Ann. “Nomutoo womuzvarirwo ini ndinongova bedzi munhu ane chidakadaka. Asi takataura pamusoro pengozi ndokubetserana. Isu tose tiri vaviri taida zvikuru kwazvo kufadza Mwari ndokusashatsa roorano yedu yakanga yosvika.”
Asika hakuzati kuchibetsera here kumurume mutsva kana kuti mudzimai kuva nevatano pakutanga? Kwete, mukupesana, kunowanzokangaidza ukama hweroorano! Muvatano yapamberi peroorano, simbiso iri pakuzvigutsa, mumativi omuviri evatano. Kuremekedzana kunoneteswa nechishuvo chisingadzoreki. Kana iyi mitoo yakadaro youdyire yatovambwa, yakaoma kuiputsa uye inogona pakupedzisira kuparira kuvadziko paukama.
Zvisinei, muroorano ukama hwakanaka hwapedyo hunoda ganhuriro, kuzvidzora. Kuitira hanya kunofanira kuva pakupa, ‘kupa chakafanira chevatano chako,’ pano kuwana. (1 VaKorinte 7:3, 4) Kuramba wakachena kunokubetsera kukudziridza kuzvidzora kwakadaro. Kunokudzidzisa kudisa kuitira hanya kusino udyire nokuda kwegarikano yavamwe mberi kwezvishuvo zvako umene. Yeukawo kuti gutsikano yeroorano haizati iri nokuda chose chose kwezvitemeso zvokunyama. Nyanzvi yezvamagariro avanhu Seymour Fisher anotaura kuti kuita kwomukadzi muvatano kunotsamirawo pakuva kwake ane “kunzwa kwetsvamirano, kwokuva pedyo, nokuvimbika” napa“mano omurume wake okuzvisonganisa nomudzimai wake, uye . . . kuti anovimba naye zvikuru zvakadini.”
Nomutoo unofadza, mukunzverwa kwavakadzi vakaroorwa vane 177, zvikamu zvitatu zvezvina zvaavo vakanga vapinda muvatano yapamberi peroorano vakashuma zvinetso zvevatano mukati mamavhiki maviri okutanga eroorano. Kupfuurirazve, vose avo vakashuma zvinetso zvevatano zvenguva refu “vakanga vane nhau dzevatano dzapamberi peroorano.” Kunzvera kwakaratidzirazve kuti avo vakapinda muvatano yapamberi peroorano vane bviro yekaviri yokuita upombwe pashure peroorano! Mashoko eBhaibheri ndeechokwadi zvikuru kwazvo, anoti: “Ufeve . . . hunobvisa sundo yakanaka.”—Hosea 4:11.
Naizvozvo, ‘uchacheka chawakadyara.’ (VaGaratia 6:7, 8) Dyara ruchiva ugocheka zvibereko zvakawandisa zvepanikiro nokusachengeteka. Asi kana ukadyara kuzvidzora, uchakohwa kutendeseka nokuchengeteka. Esther, uya adudzwa pakuvamba-vamba, anguve akaroorwa nomutoo unofadza kwamakore anoverengeka zvino. Murume wake anoti, “Mufaro usingarondedzereki kusvika pamusha kumudzimai wangu uye kuziva kuti tiri vomumwe nomumwe bedzi. Hapana chinhu chingatsiva uku kunzwa kwechivimbo.”
Avo vanomirira kutozosvikira roorano vanofarikanyawo rugare rwendangariro, vachiziva kuti vanofadza Mwari. Zvakare, kuramba wakachena mazuva ano hakuzati kuchitongova nyore. Chii chingakubetsera kuita kudaro?
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ko vatano yapamberi peroorano yakapararira sei pakati pepwere dzaunoziva? Ko ikoko kunoparira zvinetso zvipi nezvipi kana kuti dzvinyiriro kwauri here?
◻ Ndeipi mimwe yemiuyo yapashure yakashata yevatano yapamberi peroorano? Unoziva nezvepwere dzipi nedzipi dzakatambura munzira idzodzi here?
◻ Ko kudzora kubereka ndiyo mhinduro yechinetso chokunamba mimba kwavari kuyaruka here?
◻ Neiko vamwe vachinzwa mhaka nokuora mwoyo pashure pokupinda muvatano isati iri yapamutemo?
◻ Ko unorangarira kuti vatano ichabetsera vaviri vasina kuroorana kuswederana pedyo zvikuru here? Neiko uchipindura kudaro?
◻ Ko vaviri vanogona sei kusvika pakuzivana vachingunoronga misi yomuvhakacho?
◻ Ndedzipi dzaunofunga kuva betsero dzokuramba wakachena kutozosvikira paroorano?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 182]
“Ndowechiduku anoshamisa asina kumbova nevatano achiri kuyaruka.”—Sangano reAlan Guttmacher
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 187]
“Kwakanga kuri kuodzwa mwoyo kukuru—pasina kunzwa kworunako kana ushamwari hworudo sezvakwanga kuchifungidzirwa kuva”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 190]
Kupfurikidza nokuva nevatano yapamberi peroorano, vaviri vanodarika mutsetse wavasingazotongogoni kudzokera shure kwawo!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 184, 185]
‘Hakungagoni Kuitika Kwandiri!’—Chinetso Chemimba Chavari Kuyaruka
“Vanopfuura mumwe muna vechiduku vane 10 vanonamba mimba gore rimwe nerimwe, uye mwero wacho uri kuwedzera. Kana miitiro isingachinji, vana mumhandara 10 vachanamba mimba kanenge kamwe dzichingunoveri mumakore adzo ane gumi namaviri.” Inoshuma kudaro Teenage Pregnancy: The Problem That Hasn’t Gone Away. Uye rudzii rwavasikana vanonamba mimba? Bhukwana rinonzi Adolescence, rakati: “Vasikana vezera rechikoro vanova napamuviri vanobva mumapoka ose enzanga nomugariro wemari . . . Marudzi ose, kutenda kwose, uye mativi ose enyika, mumaruwa nomumadhorobha.”
Vasikana vashomanene vanoda chaizvo kuva nemimba. Munzvero yake isingatongokanganwiki yevanopfuura vechiduku vane 400 vane mimba, Frank Furstenberg, Jr., akacherechedza kuti “vazhinjisa vakataura vataurazve mubvunzurudzo kuti, ‘Handina kutongofunga kuti kwaizoitika kwandiri.’”
Asi vachicherechedza kuti dzimwe dzeshamwari dzavo dzakanga dzafarikanya hadzo vatano pasina kuva nemimba, vamwe vasikana vakarangarira kuti vaigona kudarowo. Furstenberg anotaurawo, kuti: “Chiverengero chakadudza kuti havana kufunga kuti kwakanga kuchibvira kuva nemimba ‘pakarepo.’ Vamwe vakafunga kuti kana ivo vakava nevatano bedzi ‘kamwe kari kose muchinguvana’ havazati vaizova nemimba . . . Kana ivo vakagara nguva refu vasinganambi mimba, sezvinobvira ivo vaizopinda mungozi huru zvikuru.”
Zvisinei, zvokwadi ndeyokuti apo munhu upi kana upi anopinda muvatano pane ngozi yokunamba mimba. (Paboka rimwe ravasikana vane 544, ‘chinenge chikamu chimwe chezvishanu chakava nemimba mukati memwedzi mitanhatu pashure pokuvamba vatano.’) Vazhinji, saamai vasina kuchata vainzi Robin, noune vakasarudza havo kusashandisa kudzora kubereka. Robin aitya—sezvinoita pwere zhinji—kuti kushandisa piritsi rokudzora kubereka kwaizokuvadza utano hwake. Iye anobvumazve, kuti: “Kuti ini ndiwane kudzora kubereka ndaizotongofanira kubvuma kwandiri ndimene kuti ndakanga ndichiita chimwe chinhu chisina kururama. Handati ndaigona kuita izvozvo. Naizvozvo ndakangodzivirira bedzi zvandakanga ndichiita kunze kwendangariro yangu ndokukarira kuti hapana chinhu chaizoitika.”
Kurangarira kwakadaro kwakapararira pakati pavanaamai vasina kuchata. Munzvero yaFurstenberg, “inenge hafu yavechiduku yakataura kuti kwakanga kuchikosha zvikuru kuti mukadzi amirire kutozosvikira roorano kuti avambe kuva nevatano . . . Nomutoo usingarambiki, kwakanga kune musiano uri pachena pakati pamashoko nezviito . . . Ivo vakanga vawana chimwe chirongwa chemipimo uye vakanga vadzidza kurarama mukuwirirana nechimwe.” Iyi rwisano yendangariro “yakakuita kuti kuve kwakaomera zvikurukuru ava vakadzi kubata chaizvoizvo nemiuyo yokuzvibata kwavo kwevatano.”
Kunyange kushandisa kudzora kubereka hakusi simbisiro yokuti musikana achadzivisa umai hwokusachata. Bhuku rinonzi Kids Having Kids rinotiyeuchidza, kuti: “Mutoo uri wose une mwero wekundikano. . . . Kunyange kana vechiduku vari kuyaruka vasina kuroorwa vachipfuurira kushandisa mitoo yokudzora kubereka . . . vane 500 000 [muU.S.] vaizongova nemimba gore rimwe nerimwe.” Mumwe amai asina kuchata wezera ramakore 16 anonzi Pat ipapo anonokorwa mashoko seanochema, achiti: “Ndaishandisa [mapiritsi okudzora kubereka] mukutendeka. Mukutendeseka handina kutongopotsa zuva.”
“Musanyengerwa,” Bhaibheri rinonyevera kudaro. “Mwari haazati ari uyo wokuva anosekwa. Nokuti chipi kana chipi chinodyara munhu, iye achachekawo ichocho.” (VaGaratia 6:7) Nhumbu inongova bedzi imwe yenzira iyo munhu anogona kucheka nayo zvikohwa zvisingafadzi zvoufeve. Sezvineiwo, vanaamai vasina kuchata, savamwe vose vakabatwa mumusungo woutere, vanogona kutenderuka ndokuuya kuna Mwari nechimiro chendangariro chokupfidza chaMambo Dhavhidhi, uyo akanyengetera kuti, “Ndisukei kwazvo pachikanganiso changu, ndichenurei kunyange pachivi changu.” (Pisarema 51:2) Mwari achakomborera nhamburiko dzavanopfidza vakadaro kurera vana vavo “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.
Kunyange zvazvo zvakadaro, kuri nani zvikuru kudzivisa vatano yapamberi peroorano! Usanyengerwa naavo vanoti unogona kukuita usinganambi mimba.
[Mufananidzo uri papeji 183]
Pashure pevatano youtere, pwere inowanzonzwa yachinywa kana kuti kunyange kunyadziswa
[Mufananidzo uri papeji 186]
Hosha dzinopomeranwa muvatano dzinowanzoparirwa nevatano yapamberi peroorano
[Mufananidzo uri papeji 188]
Kunyanyoratidzirwa kworudo kunogona kupinza vaviri mungozi youtere uye kunodzivisa kurukurirano ine revo
[Mufananidzo uri papeji 189]
Mufaro weroorano unotsamira pachinopfuura tsvamirano yavaviri