RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 25 pp. 198-204
  • Bonhora—Rakakomba Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bonhora—Rakakomba Sei?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Pwere Dzichitapurika
  • ‘Simba Rendangariro’
  • “Mutirivadzo”
  • Bhaibheri Rinoti Kudii?
  • Kunyandura “Ruchiva Rwevatano”
  • Rinosvibisa Ndangariro Nomufungo
  • Murangariro Wakadzikama Wokuva Nemhaka
  • Ndingakurira Sei Tsika Yokuita Bonhora?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kukurira Tsika Yokuita Bonhora
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Ndingakurira Sei Tsika Iyi?
    Mukai!—2007
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Zvebonde?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 25 pp. 198-204

Ganhuro 25

Bonhora—Rakakomba Sei?

“Handizivi kana bonhora risina kunaka mumeso aMwari. Richatapura muviri wangu uye/kana kuti utano hwendangariro munguva yemberi uye kana ndichizotomboroorwa here?”—Melissa wezera ramakore ane gumi namashanu.

IYI mifungo yakatapura pwere zhinji. Chii chiri chikonzero? Bonhora rakapararira. Sezvinoshumwa, vane 97 muzana yavanhurume navanopfuura 90 muzana yavanhukadzi vakanga vaita bonhora pakuzosvika pazera ramakore 21. Kupfuurirazve, uyu muitiro wave uchishorwa nokuda kworudzi rwose rwezvirwere—kubvira pamhopo nefugiro tsvuku kusvikira rupfavi nechirwere chendangariro.

Vanzveri vezvokurapa vomuzana ramakore rechimakumi maviri havazati vachaitazve kutaura kwakadaro kunokatyamadza. Zvamazvirokwazvo, vanachiremba nhasi vanodavira kuti hapana chirwere chomuviri chinoparirwa nebonhora. Vanzveri William Masters naVirginia Johnson vanowedzera kuti “hapana ufakazi hwezvokurapa hwakasimbiswa hwokuti bonhora, pasinei zvapo nokuti rakaitwa kazhinji kakadini, rinoparira chirwere chendangariro.” Hunyanguvezvo, kune dzimwe tapuro dzakashata! Uye pwere zhinji dzechiKristu dzinoitira hanya nomutoo wakarurama pamusoro pomuitirowo. “Apo ini ndaikurirwa ne[bonhora], ndainzwa sokunge kuti ndakanga ndichiodza mwoyo Jehovha Mwari,” yakanyora kudaro imwe pwere. “Ndaipera mwoyo zvakakomba padzimwe nguva.”

Asi bonhora chii chaizvoizvo? Rakakomba sei, uye neiko pwere zhinji kudaro dzichikuwana kuva muitiro uri wakaoma kurega?

Chikonzero Nei Pwere Dzichitapurika

Bonhora nderekuzvimutsira umene noune ruchiva rwevatano. Mukati mokuyaruka kwepwere, ruchiva rwevatano rwunova rwakasimba. Mahormone ane simba anobudiswa anotapura mitezo yokubereka nayo. Pwere inova inoziva kuti iyi mitezo yokwanisa kuparira kunzwa kunonakidza. Uye padzimwe nguva pwere ingava inonyandurwa muvatano isingambofungi pamusoro pevatano.

Somuenzaniso, kusafaranuka kunoparirwa nokuzvidya mwoyo kwakasiana-siana, kutya, kana kuti kukangaidzika zvinogona kutapura gadziriro yetsinga yokunzwa yomukomana ndokuparira nyanduko yevatano. Wedzero yourume ingamuparirawo kumuka akanyanduka muvatano. Kana kuti kungaparira kubuda kwourume usiku, kunowanzova pamwe chete nokuzvirotera. Nomutoo wakafanana, mhandara dzingazviwana dzimene dzakanyanduka dzisingazivi. Zhinji dzine ruchiva rwevatano rwakakwirira pamberi chaipo kana kuti pashure penhambo yadzo yokuenda kumwedzi.

Naizvozvo kana wakava nenyanduko yakadaro, hapana chinhu chakashata kwauri. Ikoku ndiko kuita kwomuzvarirwo kwomuviri wepwere. Kunzwa kwakadaro, kunyange kana kwakakura zvikuru, hakuna kufanana nebonhora, sezvo iko kuchingozviitikira hako kwoga zvikurukuru. Uye sezvaunopfuurira kukura, ukuru hwouku kunzwa kutsva huchaterema.

Kuda kuziva uye hutsva hwouku kunzwa kutsva, kunyange zvazvo zvakadaro, zvinoparira pwere noune kubata-bata, kana kuti kutamba, nemitezo yadzo yevatano.

‘Simba Rendangariro’

Bhaibheri rinorondedzera rimwe jaya rinosangana nomukadzi wamadiro. Iye anoritsvoda ndokuti: “Uya, . . . ngatifadzanei nezviito zvorudo.” Ipapo chii chinoitika? “Pakarepo iro rinomutevera, senzombe inouya kunyange kukuuraiwa.” (Zvirevo 7:7-22) Nomutoo uri pachena, kunzwa kweiyi pwere kwakanyandurwa neisati ichingova bedzi mhaka yokuti mahormone ake akanga achishanda asi nemhaka yeizvo iyo yakaona uye yakanzwa.

Nomutoo wakafanana, rimwe jaya rinobvuma, kuti: ‘Chisakiso chechinetso changu chose nebonhora muuyo weizvo ndinopinza mundangariro mangu. Ndaiona mapurogiramu eTV aibatanidza utere uye mune zvimwe zvinoitika ndaiona mapurogiramu eTV yecable yaizoratidzira vanhu vasina kupfeka. Mifananidzo yakadaro inokatyamadza zvikuru zvokuti inoramba iri mauri. Yaizoonekazve mundangariro mangu, ichigovera simba rendangariro rinodikanwa kuita bonhora.’

Hungu, kazhinji kazhinji ndizvo zvaunorava, zvaunoona, kana kuti zvaunoteerera kwazviri, uyewo izvo munhu anotaura pamusoro pazvo kana kuti zvaunofungisisa pamusoro pazvo, zvinonyandura bonhora. Kwakafanana nokubvuma kwakaita mukadzi wezera ramakore 25, kuti: “Ndairatidzika kuva asingagoni chaizvo kurega uyu muitiro. Zvisinei, ndaisirava mabhuku orudo, uye ikoku kwakawedzera chinetso.”

“Mutirivadzo”

Chinoitika chouyu mukadzi muduku chinoratidzira chiri chikonzero chikurusa chisingapanikirwi nei muitirowo uchigona kuva wakaoma kurega. Iye anopfuurira, kuti: “Ndaiwanzoita bonhora kusunungura dzvinyiriro, kusafaranuka, kana kuti funganyo. Mufarwa iwowo wechinguvana wakanga wakaita sechinwiwa chaunonwa chinonwiwa nechidhakwa kuti chiteramise tsinga dzacho.”

Vanzveri Suzanne naIrving Sarnoff vakanyora, kuti: “Kuna vamwe vanhu bonhora ringava muitiro uyo ivo vanotendeukira kwauri nokuda kwenyaradzo pari pose apo ivo vanenge vakadzvinyiririka kana kuti vachinzwa rutyo pamusoro pechimwe chinhu. Zvisinei, vamwe vangatendeukira kune uyu muitiro bedzi panhambo nenhambo, apo ivo vanooneswa nhamo zvikurusa noruchiva.” Sezvinooneka, vamwe nomutoo wakafanana vanotendeukira kuno uyu muitiro pavanenge vakashatirwa, vakapera mwoyo, vari voga, kana kuti vane nhamo hurusa; unova “mutirivadzo” wokubvisa nawo nhamo dzavo.

Bhaibheri Rinoti Kudii?

Imwe pwere yakabvunza, kuti: “Bonhora chivi chisingakanganwirwi here?” Bonhora harizati richitongodudzwa muBhaibheri.a Muitiro wacho wakanga wakapararira munyika inotaura chiGiriki munguva dzeBhaibheri, uye mashoko anoverengeka echiGiriki aishandiswa kurondedzera muitirowo. Asi hapana rimwe ramashoko aya rinoshandiswa muBhaibheri.

Bonhora zvarisati richishorwa nomutoo wakananga muBhaibheri, kunoreva here kuti iro harizati richikuvadza? Nyangwe napaduku pose! Kunyange zvazvo risati richibatanidzwa nezvivi zvakakomba zvakadai soufeve, bonhora zvamazvirokwazvo muitiro usina kuchena. (VaEfeso 4:19) Nokudaro nheyo dzeShoko raMwari dzinoratidzira kuti iwe “uzvibetsere iwe umene” kupfurikidza nokudzivisa zvakasimba uyu muitiro usina kuchena.—Isaya 48:17.

Kunyandura “Ruchiva Rwevatano”

“Naizvozvo, urayai mitezo yemiviri yenyu,” rinokuchidzira kudaro Bhaibheri, “pamusoro . . . poruchiva rwevatano.” (VaKorose 3:5) “Ruchiva rwevatano” harunongedzeri kukunzwa kwenguva dzose kwevatano asi kuruchiva rusingadzoreki. “Ruchiva rwevatano” rwakadaro runogona kuparira kupinda kwomunhu muzviito zvakakomba, sezvinorondedzerwa naPauro pana VaRoma 1:26, 27.

Asika bonhora harizati richi“uraya” ruchiva irworwo here? Nyangwe, mukupesana, sokubvuma kwakaita imwe pwere: “Paunoita bonhora, unofungisisa mundangariro pamusoro pezvishuvo zvakashata, uye zvinoitwa naikoku kose ndiko kuwedzera ruchiva rwako nokuda kwazvo.” Kazhinji kazhinji mufungo woutere unoshandiswa kuwedzera mufarwa wevatano. (Mateo 5:27, 28) Naizvozvo, kana wapiwa migariro yakanaka, unogona kusatana kupinda muutere. Ikoku kwakaitika kune imwe pwere, inobvuma, kuti: “Pane imwe nguva, ndakafunga kuti bonhora raigona kusunungura kangaidziko pasina kubatanidzwa kwangu nomunhukadzi. Bva ini ndakakudziridza chishuvo chine simba zvikuru chokuita kudaro.” Yakaita ufeve. Nomutoo usingashamisi, nzvero yorudzi rwose yakawadzanyura kuti voruzhinji vavayaruki avo vaiita bonhora vakanga vachiitawo ufeve. Ivo vakapfuura avo vaiva mhandara ne 50 muzana!

Rinosvibisa Ndangariro Nomufungo

Bonhora rinopinzawo zvimiro zvendangariro zvakati kuti zvinoshatisa ndangariro. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:3.) Pakuita bonhora, munhu anonyura mukunzwa kwake amene kwomuviri—anova noudyire chose chose. Vatano inova yakaparadzana norudo uye inoiswa munzvimbo yokunzwa kwomuviri kunogutsa chishuvo chevatano. Asi Mwari akarongedzera kuti zvishuvo zvevatano zvive zvinogutswa muvatano—ratidzirwo yorudo pakati pomurume nomudzimai wake.—Zvirevo 5:15-19.

Muiti webonhora angarerekerawo mukurangarira vemitezo yakasiana savananyajambwa vevatano—midziyo yokugutsa vatano. Zvimiro zvendangariro zvakashata zvinodzidziswa nebonhora nokudaro zvinosvibisa “mudzimu,” womunhu kana kuti murangariro unodzora wendangariro. Mune zvimwe zvinoitika, zvinetso zvinoparirwa nebonhora zvinopfuurira kunyange pashure peroorano! Nokuda kwechikonzero chakanaka, Shoko raMwari rinokuchidzira, kuti: “Vadikanwa, ngatizvichenurei pasvibiso iri yose yenyama nomudzimu.”—2 VaKorinte 7:1.

Murangariro Wakadzikama Wokuva Nemhaka

Pwere zhinji, kunyange zvazvo dzichiwanzobudirira mukukurira uyu muitiro wakashata, panhambo nenhambo dzinokurirwa nawo. Sezvineiwo, Mwari ane ngoni zvikuru. “Nokuti imi, Haiwa Jehovha, makanaka uye makagadzirira kukanganwira,” anodaro wezvamapisarema. (Pisarema 86:5) Apo muKristu anokurirwa nebonhora, mwoyo wake unowanzozvishora. Bva, Bhaibheri rinoreva kuti “Mwari mukuru zvikuru kupinda mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johane 3:20) Mwari anoona zvinopfuura zvivi zvedu. Ukuru hwezivo yake hunomugonesa kunzwa nokunzwira ngoni mikumbiro yedu yapachokwadi nokuda kwekanganwiro. Sokunyora kwakaita imwe mhandara, kuti: “Ini ndakanzwa ndine mhaka kuukuru hwakati kuti, asi kuziva kuti Jehovha ndiMwari ane rudo zvakadini uye kuti iye anogona kuziva zviri mumwoyo wangu uye achiziva nhamburiko dzangu dzose nemirangariro yangu kunondidzivisa kunyanyonzwa ndakapera mwoyo pandinokundikana pane imwe nhambo.” Kana uchirwisa chishuvo chokuita bonhora, hakuzati kuri kunobvira kuti uite chivi chakakomba choufeve.

Chinyorwa cheNharireyomurindi chaSeptember 1, 1959 chechiNgezi, chakati: “Isu ti[nga]zviwana timene tichigumburika nokuwa kazhinji pamusoro pomuitiro wakashata wakapinda zvikuru kwazvo mumuraramire wedu wakare kupfuura zvatakaziva. . . . Rega kupererwa nezano rose zvaro. Rega kutaura kuti iwe wakaita chivi chisingakanganwirwi. Iyeyo ndiyo nzira chaiyo iyo Satani aizoda kuti urangarire nayo. Idi rokuti unozvinzwa iwe umene uchirwadziwa uye uchizvitambudza iwe umene chibvumikiso machiri icho chimene chokuti hauzati wanyanyoenda kure. Rega kupererwa nesimba rokutendeukira nomutoo wokuzvininipisa uye nomwoyo wapachokwadi kuna Mwari, uchitsvaka kanganwiro yake nechenuro nebetsero. Enda kwaari somwana anoenda kuna baba vake paanenge ari munhamo, pasinei zvapo nokuti kazhinji kakadini pamusoro poutera humwe chetehwo, uye Jehovha nengoni achakupa betsero nokuda kwetsitsi dzake dzakakomba uye, kana uri wapachokwadi, iye achakupa mawanirwe ehana yakachena.”

“Hana yakachena” iyeyo inogona sei kuwanwa?

[Mashoko Omuzasi]

a Mwari akauraya Onani nokuda kwo‘kurashira mbeu yake pasi.’ Zvisinei, dzongonyedzo yevatano, kwete bonhora, yakabatanidzwa. Kupfuurirazve, Onani akaurawa nokuda kwokuti nomutoo woudyire akakundikana kuita roorano yababamudiki kuti apfuuridzire mutsara wemhuri yomukoma wake akafa. (Genesi 38:1-10) “Zvakadiniko nokubuda kwembeu” kunodudzwa pana Revhitiko 15:16-18? Sezvinooneka ikoku kunonongedzera, kusati kuri kubonhora, asi kubuda kunoitika usiku kwembeu uyewo kuvatano yeroorano.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Ko bonhora chiiko, uye ndeipi mimwe mifungo isina kururama yakapararira pamusoro paro?

◻ Neiko pwere dzichiwanzonzwa chishuvo chakasimba zvikuru chevatano? Unofunga kuti ikoku hakuna kururama here?

◻ Zvinhui zvinogona kukuchidzira chishuvo chokuita bonhora?

◻ Ko bonhora rinoita kuvadziko ipi neipi kupwere here?

◻ Ko unofunga kuti bonhora chivi chakakomba zvakadini? Ko Jehovha anorangarira sei pwere iri kurwisa kuridzivisa, kunyange zvazvo ichiva nezvinetso mukurikurira?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 200]

Vamwe vanonzwa kuchidziro yokuita bonhora apo vanodzvinyirirwa kana vanosafaranuka, vari voga, kana vakapera mwoyo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 202]

‘Chisakiso chechinetso changu chose nebonhora muuyo weizvo ndinopinza mundangariro mangu’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 204]

“Pandaikurirwa ne[bonhora], ndainzwa sokunge kuti ndaigumbura Jehovha Mwari”

[Mufananidzo uri papeji 198]

Kunyange zvazvo bonhora ringaparira kunzwa kwakasimba kwokuva nemhaka, munyengetero wapachokwadi nokuda kwekanganwiro yaMwari nebasa rakaoma rokudzivisa muitirowo zvinogona kupa munhu hana yakanaka

[Mufananidzo uri papeji 203]

Mabhaisikopo enhau dzorudo, mabhuku, uye mifananidzo yeTV zvinowanzova ‘simba rendangariro’ nokuda kwebonhora

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe