RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 49 p. 255-p. 257 ndim. 4
  • Zvikonzero Zvinogutsa Zvataurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikonzero Zvinogutsa Zvataurwa
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Pwisa Vateereri Vako, Rangarira Navo
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Inodzidzisa Vateereri Vako
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 49 p. 255-p. 257 ndim. 4

CHIDZIDZO 49

Zvikonzero Zvinogutsa Zvataurwa

Unofanira kuitei?

Taura uchapupu hunogutsa hwokutsigira mashoko aunotaura.

Nei zvichikosha?

Vateereri vako havazotendi kana kuti kuita zvaunotaura kunze kwokunge vagutsikana kuti ndezvechokwadi.

KANA ukataura mashoko, vateereri vako vane kodzero yakazara yokubvunza kuti: “Nei zviri zvechokwadi? Uchapupu hupi hunoratidza kuti zviri kutaura mukurukuri zvinofanira kugamuchirwa?” Une basa rokupindura mibvunzo yakadaro kana kuti rokubatsira vateereri vako kuwana mhinduro dzacho somudzidzisi. Kana mashoko acho achikosha pane zvauri kutaura, iva nechokwadi chokuti unopa vateereri vako zvikonzero zvakasimba kuti vaabvume. Izvi zvichaita kuti kukurukura kwako kunyengetedze.

Muapostora Pauro ainyengetedza. Akaedza kuita kuti pfungwa dzevaaitaura navo dzichinje nokupa zvikonzero zvinogutsa, kufunga kunonzwisisika, uye kuteterera nomwoyo wose. Akatisiyira muenzaniso wakanaka kwazvo. (Mab. 18:4; 19:8) Ichokwadi kuti dzimwe nyanzvi dzokutaura dzinoshandisa kunyengetedza kuti dzitsause vanhu. (Mat. 27:20; Mab. 14:19; VaK. 2:4) Dzingatanga nokutaura zvinhu zvisiri zvechokwadi, dzichivimba nemashoko akarerekera divi rimwe chete, dzichipa zvikonzero zvisina musoro, dzichisiya mashoko asingawirirani nezvadzinofunga, kana kuti kuda kuzvifadza pane kufunga zvine musoro. Ngatichenjererei kuti tirege kumboshandisa chero chimwe chaizvozvo.

Zvinobva paShoko raMwari Chete Chete. Hatifaniri kudzidzisa zvomumusoro medu. Tinoedza kuudza vamwe zvatakadzidza muBhaibheri. Mukuita izvi, takabatsirwa zvikuru nemabhuku eboka romuranda akatendeka, akangwara. Mabhuku aya anotikurudzira kunyatsoongorora Magwaro. Zvadaro, tinovaratidza muBhaibheri, kwete nechinangwa chokuratidza kuti ndisu tiri kutaura zvakarurama, asi nechido chomwoyo wose chokuti vazvionere voga zvarinotaura. Tinobvuma zvakataurwa naJesu Kristu, uyo akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Joh. 17:17) Hapana rimwe simba rinopfuura Jehovha Mwari, Musiki wedenga nepasi. Kugutsa kwezvikonzero zvedu kunobva pakutorwa kwazvo muShoko rake.

Pane dzimwe nguva ungataura nevanhu vasingazivi Bhaibheri kana kuti vasingabvumi kuti iShoko raMwari. Unofanira kunzwisisa kuti ndirini uye sei paunofanira kutaura nezvemashoko omuBhaibheri. Asi unofanira kuedza kuvaudza nezvesimba rekwabva mashoko acho nokukurumidza pazvinogoneka.

Unofanira here kufunga kuti kungotaura mashoko orugwaro akakodzera kunopa chikonzero chisingarambiki? Kwete hazvo. Ungada kuratidza zvaiitika pakataurwa mashoko orugwaro irworwo kuratidza kuti rugwaro rwacho runotsigira zvechokwadi zvauri kutaura. Kana uri kungotora mashoko anobatsira orugwaro asi zviri kutaurwa zvisinei nenyaya iyoyo, humwe uchapupu hungadiwa. Ungafanira kushandisa mamwe magwaro anotsigira nyaya yacho kuti ugutse vateereri kuti zvauri kutaura zvinobva muMagwaro chaimo.

Usataure kupfuura zvinoratidza rugwaro. Nyatsoruverenga. Rugwaro rungataura nyaya yako asi rusinganyatsonanga panyaya yauri kutaura nezvayo. Asi kuti zvikonzero zvako zvinyengetedze, muteereri wako anofanira kukwanisa kuona murugwaro rwacho zvaunoti ruri kutsigira.

Kutsigirwa Nouchapupu Hwokuwedzera. Pane dzimwe nguva, zvingabatsira kushandisa uchapupu hunovimbwa nahwo husiri muBhaibheri kubatsira vanhu kuona kunaka kweMagwaro.

Somuenzaniso, ungataura nezvezvinhu zvatinoona zvakasikwa souchapupu hwokuti kune Musiki. Ungataura nezvemitemo isiri yevanhu yakadai sesimba rinodzosera zvinhu pasi (giravhiti), wotaura kuti kuvapo kwemitemo yakadaro kunoratidza kuti pane Mupi Wemitemo. Kufunga kwako kuchava kwakarurama kana kuchipindirana nezvinotaurwa muShoko raMwari. (Job. 38:31-33; Pis. 19:1; 104:24; VaR. 1:20) Uchapupu hwakadaro hunobatsira nokuti hunoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinopindirana nezvinhu zvinoonekwa.

Uri kuedza kubatsira mumwe munhu kuti azive kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari here? Ungadzokorora mashoko evamwe vanamazvikokota vanobvuma kudaro, asi izvozvo zvinoratidza kudaro here? Mashoko akadaro anongobatsira vanhu vanoremekedza vanamazvikokota ivavo. Unogona kushandisa sayenzi kuratidza kuti Bhaibheri nderechokwadi here? Kudai waizoshandisa kufunga kwemasayendisiti, vanhu vasina kukwana sepaunovakira, unenge uchivakira panheyo isina kusimba. Asi, kana ukatanga nairo Shoko raMwari wozotaura nezvezvakawanikwa nesayenzi zvinoratidza kururama kweBhaibheri, zvikonzero zvako zvinenge zvakavakirwa panheyo yakasimba.

Ipa uchapupu hwakakwana pane chose chauri kuda kuratidza. Uchasarudza kuwanda kwouchapupu hunodiwa zvichienderana nevateereri vako. Somunzaniso, kana uri kukurukura nezvemazuva okupedzisira sezvinotaurwa pana 2 Timoti 3:1-5, ungaratidza vateereri vako nhau dzakataurwa dzinozivikanwa zvikuru dzinoratidza kuti vanhu havana “rudo kwazvo.” Muenzaniso mumwe chete iwoyo ungava wakakwana kuratidza kuti chimwe ichi chezviratidzo zvemazuva okupedzisira chiri kuzadzika zvino.

Kuenzanisa—kuenzanisa zvinhu zviviri zvine zvimwe zvinhu zvikuru zvakafanana—kazhinji kunobatsira. Kuenzanisa kwacho kwoga hakuratidzi kuti nyaya yakati ndeyechokwadi; kushanda kwayo kunofanira kuedzwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Asi kuenzanisa kwacho kungabatsira munhu kuona kuva nomusoro kwepfungwa yacho. Kuenzanisa kwakadaro kungashandiswa, somuenzaniso, pakutaura kuti Umambo hwaMwari ihurumende. Ungataura kuti Umambo hwaMwari hune vatongi, vadzorwi, mitemo, matare uye dzidzo, sezvakangoita hurumende dzevanhu.

Zvakaitika chaizvo muupenyu zvinogona kushandiswa kuratidza uchenjeri hwokushandisa zano reBhaibheri. Zvakaitika kwauri zvinogona kushandiswawo kutsigira mashoko anotaurwa. Somuenzaniso, paunoudza munhu nezvokukosha kwokuverenga nokudzidza Bhaibheri, ungatsanangura kuti kuita kudaro kwakachinja sei upenyu hwako kuti huve nani. Muapostora Petro akataura nezvokushanduka chitarisiko, uko iye akapupurira, achiitira kuti asimbise hama dzake. (2 Pet. 1:16-18) Pauro akataurawo nezvezvakaitika kwaari. (2 VaK. 1:8-10; 12:7-9) Ichokwadi kuti haufaniri kunyanyoshandisa zvakaitika kwauri kuti urege kuzviwanira mbiri.

Uchapupu hunoita kuti mumwe munhu abvume hungasagutsa mumwe, nokuti vanhu vakasiyana kwavakakurira uye kufunga kwavo. Saka funga nezvemaonero evateereri vako pakusarudza kuti zvikonzero zvipi zvauchashandisa uye matauriro auchazviita. Zvirevo 16:23 inoti: “Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, uchiwedzera [“kunyengetedza,” NW] pamiromo yake.”

MAITIRWO AZVO

  • Taura uchapupu hunogutsa kuti utsigire pfungwa dzinokosha, pane kungoita zvinhu zvokufungidzira.

  • Zvikonzero zvako ngazvibve muMagwaro.

  • Ipa uchapupu hunotsigira hunokodzera zvinangwa zvako uye zvinodiwa nevateereri vako.

BASA ROKUITA: (1) Enda kumusoro mukuru unoti: “Jesu Kristu” muna Kurangarira muMagwaro. Ona kuti mibvunzo inopindurwa sei Bhaibheri riri iro rinoshandiswa zvikuru. (2) Ongorora nyaya dzokutanga dzinotevedzana muNharireyomurindi kana kuti Mukai! Sarudza pfungwa huru dzakati wandei dzinokurukurwa. Tara magwaro anokosha, uye maka uchapupu hunotsigira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe