CHIDZIDZO 42
Inodzidzisa Vateereri Vako
KUTI hurukuro yako idzidzise vateereri vako, hazvirevi kungokurukura hurukuro ine nyaya inokosha. Zvibvunze kuti: ‘Nei vateereri ava vachifanira kunzwa hurukuro iyi? Ndichataurei zvichaita kuti vateereri vanzwe kuti vanyatsobatsirwa nehurukuro yacho?’
Muchikoro, kana wanzi uenzanisire kupupurira mumwe munhu, saimba wako ndiye muteereri wako. Pane dzimwe nguva, unenge uchitaura neungano yose.
Zvinozivikanwa Nevateereri Vako. Zvibvunze kuti, ‘Vateereri vanozivei nezvenyaya iyi?’ Izvozvo zvinofanira kukubatsira kuziva pokutangira. Kana uri kutaura neungano ine vaKristu vakawanda vava noruzivo, usangodzokorora dzidziso dzepakutanga, dzinotozivikanwa nevakawanda. Tangira pachokwadi ichocho chinozivikanwa uchienda mberi. Ichokwadiwo kuti kana pane vatsva vanofarira vakawanda, unofanira kufunga nezvezvinodikanwa neaya mapoka maviri.
Chinja makurukuriro ako maererano nezvinozivikanwa nevateereri vako. Kana ukataura zvinhu zvinenge zvinozivikanwa navo vose, iti kurumidzei paunozvitaura. Asi nonokera paunenge uchitaura zvinhu zvingave zviri zvitsva kuvazhinji vevateereri vako kuitira kuti vazvibate zvakajeka.
Zvichaita Kuti Vadzidze. Kudzidzisa chimwe chinhu hakurevi zvakwo kuti nguva dzose unofanira kuva nezvinhu zvitsva zvokutaura. Vamwe vakurukuri vane nzira yokutaura chokwadi chagara chichizivikanwa nenzira iri nyore zvokuti vazhinji vanenge vachiteerera vachanyatsozvinzwisisa kokutanga.
Muushumiri hwomumunda, unenge usina kupedza kana ukangotaura imwe nyaya yakabuda munhau kuti uratidze kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Shandisa Bhaibheri kuti uratidze zvinorehwa nechinhu chacho. Zvechokwadi izvi zvichaita kuti saimba adzidze chimwe chinhu. Saizvozvowo, pakutaura nezvezvinhu zvinongoitika zvoga kana kuti upenyu hwezvinomera kana kuti mhuka, chinangwa chako hachisi chokutaura zvinhu zvinonakidza zvesayenzi zvisina kumbonzwiwa nasaimba. Asi chinangwa chako chinofanira kuva chokubatanidza uchapupu hwezvinhu zvakasikwa nemashoko ari muBhaibheri kuratidza kuti kune Musiki anotida. Izvi zvichabatsira saimba kuona zvinhu nenzira itsva.
Kutaura hurukuro kuvanhu vakamboinzwa kakawanda kunonetsa. Asi kuti uve mudzidzisi anobudirira, unofanira kudzidzira kuzviita nenzira inobudirira. Zvingaitwa sei?
Kutsvakurudza mashoko kuchabatsira. Muhurukuro yako pane kungotaura mashoko anongoerekana auya mumusoro mako, shandisa zvokutsvakurudzisa mashoko zvinotaurwa papeji 33 kusvika ku38. Funga nezvemazano anotaurwa ipapo pazvinhu zvaunofanira kuvavarira kuita. Pakutsvakurudza mashoko kwako, ungawana kuti imwe nyaya yakaitika asi isinganyanyi kuzivikanwa inokodzera chaizvo hurukuro yako. Kana kuti ungawana mashoko azvino uno munhau achabudisa pachena pfungwa yauri kuda kuzotaura nezvayo.
Sezvaunoongorora mashoko acho, mutsa pfungwa dzako nokufunga mibvunzo yakadai sokuti chii? nei? rini? kupi? ani? sei? Somuenzaniso: Nei izvi zviri zvechokwadi? Ndingaratidza kuti ndezvechokwadi sei? Ndezvipi zvakakurumbira zvinotendwa zvinoita kuti zviomere vazhinji kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri ichi? Nei zvichikosha? Zvinofanira kuchinja upenyu hwomunhu sei? Muenzaniso upi unoratidza kubatsira kwokushandisa izvi? Chokwadi cheBhaibheri ichi chinoratidzei pamusoro pounhu hwaJehovha? Zvichienderana nemashoko auri kukurukura, ungabvunza kuti: Izvi zvakaitika rini? Tingashandisa sei mashoko aya zvinobatsira nhasi? Ungatoita kuti kukurukura kwako kuve noupenyu nokubvunza wopindura mimwe yemibvunzo yakadaro paunenge uchikurukura.
Hurukuro yako ingada kuti ushandise magwaro anozivikanwa nevateereri vako. Ungaitei kuti kuashandisa kwako kudzidzise? Usangoaverenga; atsanangure.
Kukurukura rugwaro runozivikanwa kungava kunodzidzisa kana ukaruita zvikamu zvikamu, uchitsaura zvikamu zvine chokuita nomusoro wehurukuro yako wotsanangura izvozvo. Chimbofunga zvingagona kutsanangurwa parugwaro rwakadai saMika 6:8 muShanduro yeNyika Itsva. “Zvakarurama” chii? Kururama kwaani kuri kutaurwa? Ungaenzanisira sei zvinorehwa nokuti “kururama”? Kana kuti “uve nomutsa”? Kuva nomwero kuita sei? Ungashandisa sei mashoko acho kumunhu akura? Chinofanira kukubatsira kusarudza mashoko auchashandisa, zvinhu zvakadai somusoro wako, chinangwa chako, vateereri vako, uye nguva iripo.
Kutsanangurwa kuri nyore kwemashoko kunowanzobatsira. Kune vamwe vanhu, zvinopengenutsa kudzidza zvinorehwa no“umambo” hunotaurwa pana Mateu 6:10. Kuyeuchidzwa zvinorehwa neshoko kunogona kutobatsira munhu ave ari muKristu kwenguva refu kunzwisisa zvakarurama zviri kurehwa norugwaro. Izvi zvakajeka patinoverenga 2 Petro 1:5-8 tobva tatsanangura zvinhu zvakasiyana-siyana zvinotaurwa mundima idzodzo: kutenda, kunaka, zivo, kuzvidzora, kutsungirira, kuzvipira kuna Mwari, kuda hama, norudo. Kana mashoko anoreva zvakada kufanana akashandiswa pane zvauri kutaura, kuatsanangura kwako kungagona kuasiyanisa. Izvi ndezvechokwadi nemashoko anoshandiswa pana Zvirevo 2:1-6 akadai souchenjeri, zivo, kuona zvinhu nepfungwa uye kunzwisisa.
Vateereri vako vangatowana zvichidzidzisa kana ukatsanangura rugwaro. Vanhu vazhinji vanoshamisika pavanotanga kuziva kuti pana Genesi 2:7 mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri, Adhamu anonzi Mweya mupenyu uye kuti maererano naEzekieri 18:4, mweya inofa. Pane imwe nguva, Jesu akashamisa vaSadhusi nokutaura nezvaEksodho 3:6, yavaiti vaitenda, achibva aishandisa pakumuka kwevakafa.—Ruka 20:37, 38.
Pane imwe nguva zvinobatsira kutaura mashandisirwo akaitwa rugwaro, zvaiitika parwakazonyorwa uye kuti ndiani aitaura kana kutaurirwa. VaFarisi vainyatsoziva Pisarema 110. Kunyange zvakadaro, Jesu akavaratidza chimwe chinhu chinokosha chiri mundima yokutanga. Akabvunza kuti: “‘Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani?’ Vakati kwaari: ‘WaDhavhidhi.’ Akati kwavari: ‘Zvino, Dhavhidhi pakufuridzirwa anomuti “Ishe,” sei achiti, “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako’”? Naizvozvo, kana Dhavhidhi achimuti “Ishe,” iye mwanakomana wake sei?’” (Mat. 22:41-45) Paunotsanangura Magwaro sezvakaita Jesu, uchabatsira vanhu kuverenga Shoko raMwari vakachenjerera.
Mukurukuri paanotaura nguva yakanyorwa bhuku reBhaibheri kana kuti nguva yakaitika chimwe chinhu, anofanirawo kutsanangura zvaiitika panguva iyoyo. Kana akadaro, vateereri vachabatsirwa zvikuru kujekerwa nokukosha kwebhuku iroro kana kuti chiitiko ichocho.
Kuenzanisa kunogona kuyamura kuita kuti zvaunotaura zvidzidzise zvikuru. Ungasiyanisa maonero evazhinji nhau yakati nezvinotaurwa neBhaibheri nezvayo. Kana kuti ungaenzanisa nhau mbiri dzeBhaibheri dzakafanana. Pane padzakasiyana here? Nei? Chii chatinodzidza pakusiyana kwacho? Kuita kwako izvi kunogona kupa vateereri vako maonero matsva nyaya yacho.
Kana ukapiwa kuti ukurukure zvimwe zvinhu zvoushumiri hwechiKristu, kukurukura kwako kungava kunonakidza kana ukatanga nepfupiso. Kurukura zvinofanira kuitwa, nei zvichifanira kuitwa, uye zvakabatana sei nezvinangwa zvedu zvose seZvapupu zvaJehovha. Ipapo tsanangura kuti basa racho rinoitwa kupi, rini, uye sei.
Zvakadini kana hurukuro yako ichida kuti utaure nezve“zvinhu zvakadzika zvaMwari”? (1 VaK. 2:10) Kana ukatanga nokuratidza uye kutsanangura zvinhu zvinokosha zvenyaya yacho, mashoko anotevera achanzwisiswa zviri nyore. Uye kana ukagumisa nepfupiso yemashoko ako, sezvingabvira vateereri vako vachasara vagutsikana kuti chaizvoizvo vadzidza chimwe chinhu.
Mazano Pakurarama kwechiKristu. Vateereri vako vachabatsirwa zvikuru kana ukavayamura kuona kuti mashoko ari muhurukuro yako anoshanda sei muupenyu hwavo. Sezvaunoongorora magwaro ari muhurukuro yako, zvibvunze kuti, ‘Nei mashoko aya akachengetedzwa ari muMagwaro kusvikira muzuva redu?’ (VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11) Chimbofunga nezvemamiriro ezvinhu muupenyu ari kutarisana nevateereri vako. Funga nezvemamiriro acho ezvinhu uchifunga nezvemazano nenhungamiro iri muMagwaro. Muhurukuro yako, kurukura uchishandisa Magwaro kuonesa kubatsira kwaangaita munhu kutarisana nemamiriro ezvinhu akadaro nouchenjeri. Rega kungotaura zvisina kunanga. Taura nezvepfungwa uye zviito zvakananga.
Kutanga, pamazano ari pamusoro apa, shandisa rimwe chete kana kuti maviri pahurukuro yauri kugadzirira. Ruzivo zvarunowedzera, wedzera mamwe. Pakupedzisira uchaona kuti vateereri vachatarisira kuhurukuro dzako, vachivimba kuti vachanzwa chimwe chinhu chichavabatsira chaizvoizvo.