‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’
1. Mashoko api akanaka atinofanira kuudza vamwe?
1 Munyika isinganyanyi kutaurwa mashoko akanaka, tine ropafadzo ‘yokupupurira kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.’ (Mab. 20:24) Izvi zvinosanganisira kuita kuti vanhu vazive kuti “mazuva okupedzisira” achakurumidza kutsiviwa nenyika itsva yakarurama yaJehovha, umo “zvinhu zvokutanga [zvichange] zvapfuura.” (2 Tim. 3:1-5; Zvak. 21:4) Panguva iyoyo pachange pasisina zvirwere. (Isa. 33:24) Vadiwa vedu vakafa vachabuda mumakuva uye vachabatanidzwa nemhuri neshamwari dzavo. (Joh. 5:28, 29) Nyika ichava paradhiso yakanaka zvikuru. (Isa. 65:21-23) Iyi inongova mienzaniso mishomanana yemashoko akanaka atinofanira kuudza vamwe!
2. Nei nguva yeChirangaridzo ichitipa mikana yakanaka zvikuru yokuparidza mashoko akanaka?
2 Mwedzi yaMarch, April, naMay ichatipa mikana yakanaka zvikuru yokuti tizivise mashoko akanaka akadaro. Mumwedzi iyi mamiriro okunze anenge akanaka uye zuva rinenge richinonoka kuvira munyika dzakawanda dzepasi rose zvichiita kuti tikwanise kupedza nguva yakawanda muushumiri. Uyezve Chirangaridzo, chiitiko chinokosha kupfuura zvose pagore, chichachengetwa pasi pose zuva ranyura musi woMugovera, March 22. Iye zvino inguva yokuti titange kugadzirira kuwedzera zvatichaita muushumiri.
3. Chii chichatibatsira kuti tiwedzere basa redu semhuri?
3 Ita Upiyona Hwebetsero: Ungaronga here papurogiramu yako kuti uite upiyona hwebetsero kwomwedzi mumwe chete, miviri, kana kuti yose iri mitatu? Madii kuwana nguva yokuzvikurukura pamuchadzidza semhuri? Kana mukatsigirana zvakanaka, munhu mumwe chete mumhuri kana kupfuura angakwanisa kuita upiyona hwebetsero. (Zvir. 15:22) Nyengetererai nyaya iyi muone kukomborerwa kwamuchaitwa naJehovha. (Zvir. 16:3) Kunyange kana mumhuri musina anogona kuita upiyona hwebetsero, vose vomumhuri vanogona kuronga kuwedzera nguva yavanopedzera muushumiri pavanenge vachishanda nevaya vanokwanisa kupayona.
4. Tingaronga sei nguva yedu kuti tikwanise kuita upiyona hwebetsero kana tichiswera kubasa mazuva ose?
4 Kana uchiswera kubasa mazuva ose, ukaronga zvakanaka ungakwanisa kuita upiyona hwebetsero. Zvichida ungaparidzira paunenge wakambozorora masikati. Kana kuti ungapiwa ndima iri pedyo nokumba kwako kana kuti nokubasa kwako woita ushumiri kweawa imwe chete kana kupfuura usati watanga basa kana kuti wapedza. Ungakwanisa kuwedzera imwe nguva yako papurogiramu yako nokuzoita zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha mune mumwe mwedzi uye nokupedza zuva rose uri muushumiri pakupera kwevhiki. Vamwe vakakwanisa kutora zuva rimwe chete kana kuti maviri ezororo kuti vaite ushumiri.
5. Ungabatsira sei vakwegura kana ndonda kuti vaite upiyona hwebetsero?
5 Kana wakwegura, uri ndonda kana kuti usina simba rakawanda, ungaita upiyona hwebetsero nokushanda nguva shomanana zuva roga roga muushumiri. Kumbira Jehovha kuti akupe “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaK. 4:7) Imwe hanzvadzi yakaita upiyona hwebetsero iine makore 106! Ichibatsirwa nehama dzechiKristu nevamwe vomuungano, yakaparidza paimba neimba, ikadzokerazve kune vanofarira, ikaenda kunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye ikaita mamwe mabasa oushumiri. Yakabatsira vanhu gumi kuti vatange kudzidza Bhaibheri. Inoti: “Pandinofunga nezveropafadzo iyoyo yakanaka pandaiva piyona webetsero, mwoyo wangu unofashukira nokuonga uye kuda Jehovha, Mwanakomana wake, uye sangano rake rine rudo. Chokwadi ‘ndinokutendai Jehovha!’”
6. Vaduku vakabhabhatidzwa vachiri kuchikoro vanogona sei kuita upiyona hwebetsero?
6 Kana uri wechiduku akabhabhatidzwa achiri kuenda kuchikoro, unokwanisawo kuita upiyona hwebetsero. Kufanana nevaya vanoswera kubasa mazuva ose, ungangoshandisa mazuva okupera kwevhiki mupurogiramu yako youshumiri. Zvichida mamwe mazuva ungabudawo kweawa imwe chete kana kupfuura wabva kuchikoro. Pane zororo rechikoro raungashandisa kuita ushumiri here? Kana uchida kuita upiyona hwebetsero, taura nevabereki vako.
7. Vakuru vangaitei kuti pave nechido chokuita ushumiri mumwaka weChirangaridzo?
7 Itai Kuti Pave Nechido Chokupayona: Vakuru vanogona kuita zvakawanda kuti ungano ive nechido chokupayona nezvavanoita. (1 Pet. 5:2, 3) Vangaronga misangano yokuwedzera yebasa romumunda kuitira vaya vachange vachiita ushumiri mangwanani-ngwanani, vabva kuchikoro, kana kuti kubasa. Mutariri webasa anofanira kuva nechokwadi chokuti vaparidzi vakakodzera vaitisa misangano iyi uye kuti pane ndima yakakwana uye magazini nemabhuku okushandisa mumwedzi iyi inokosha.
8. Tinodzidzei pane zvakaitwa neimwe ungano?
8 Mune imwe ungano, vakuru vakatanga kukurudzira kuti vaparidzi vaite upiyona hwebetsero pachine mwedzi yakawanda. Vairamba vachizivisa ungano vhiki yoga yoga kuti vaparidzi vangani vaiva vatenderwa kuita upiyona hwebetsero. Izvi zvaiita kuti vaya vaida kuwedzera basa ravo muushumiri vave nechokwadi chokuti vaizotsigirwa. Misangano yebasa romumunda yokuwedzera yakarongwa kuitwa mangwanani-ngwanani uye munguva yemanheru. Izvi zvakaita kuti vaparidzi 53, inenge hafu yeungano yose, vaite upiyona hwebetsero muna April!
9. Nei mwaka weChirangaridzo iri nguva yakanaka zvikuru yokuti vanokodzera vatange kuparidza mashoko akanaka?
9 Batsira Vamwe Kuti Vaparidze: Kana vatsva nevaduku vakodzera kuti vatange basa rokuparidza, vangakokwa kushanda muushumiri nevaparidzi vane ruzivo. Mukana wakadaro ungamuka mumwaka weChirangaridzo vakawanda vomuungano pavanenge vachiwedzera basa ravo. Une munhu waunodzidzisa Bhaibheri ari kuita zvakanaka ari kurarama maererano nemitemo yaJehovha yakarurama here? Une vana vane tsika dzakanaka vari kuita zvakanaka asi vasati vava vaparidzi here? Kana vakadaro vakataura kuti vanoda kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa uye uchiona kuti vanokodzera, ibva waudza mumwe wevakuru. Mutariri anotungamirira acharonga kuti vakuru vaviri vakurukure nyaya yacho newe pamwe chete nomwana wako kana kuti newaunodzidza naye Bhaibheri.
10. Vakuru vangaitei kuti vabatsire vaya vasingachaiti basa?
10 Mwedzi inotevera ichavawo nguva yakanaka yokuti vasingachaiti basa vatangezve kuita basa neungano. Vatariri veZvidzidzo Zvebhuku Zveungano nevamwe vakuru vanofanira kuedza zvikuru kushanyira vanhu vakadaro vovakoka noushamwari kuti vashande navo muushumiri. Kana vanga vasingachaiti basa kwenguva refu, vakuru vaviri vanofanira kutanga vataura navo kuti vaone kuti vachiri kukodzera here.—km-CA 11/00 p. 3.
11. Ndoupi ‘mutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa wakaratidzwa naMwari’?
11 Gadzirira Chirangaridzo: Rudzikinuro kuratidzwa kukuru kwo“mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (Mab. 20:24) Mamiriyoni evanhu vanoonga pasi pose vachaungana musi woMugovera, March 22, zuva ranyura, kuti vachengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Tinoda kukoka uye kubatsira vose vane mwoyo yakatendeseka kuti vavepo pachiitiko ichi chinokosha chinopupurira mutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa waakaratidza vanhu.
12. Ndivanaani vatinofanira kukoka kuChirangaridzo?
12 Nyora vose vaunoda kukoka. Hapana mubvunzo kuti pane vauchanyora pachava nehama dzako, vavakidzani, vaunozivana navo kubasa kana kuti kuchikoro, vawakambodzidza navo kana kuti vauri kudzidza navo Bhaibheri, nevamwe vose vaunogara uchishanyira. Kana vamwe vaunokoka vaine mibvunzo ine chokuita neChirangaridzo, ungavabatsira uchishandisa mashoko okuwedzera anotaura nezvoKudya kwaShe Kwemanheru ari pamapeji 206-8 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Izvi zvingaita kuti pave nomukana wokutanga chidzidzo cheBhaibheri, sezvo zvichikupa mukana wokusuma bhuku ratinoshandisa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.
13. Jehovha akakomborera sei zvakaitwa nevaparidzi vaviri vakasarudza kukoka vamwe kuChirangaridzo?
13 Imwe hanzvadzi yakanyora pasi mhuri 48 dzayaizokoka. Payaivakoka, yaibva yakanzura mazita avo yonyora pasi musi wayakavakoka. Yakafara zvikuru vanhu 26 vayakakoka pavakauya kuChirangaridzo! Imwe hama ine chitoro yakakoka mushandi wayo aimbova mupristi. Murume wacho akauya kuChirangaridzo uye chapera akabva ati, “Ndadzidza zvakawanda muBhaibheri muawa imwe chete bedzi kupfuura zvandakaita kwemakore 30 ndiri muChechi yeRoma.” Chirangaridzo chichangopera, akabvuma kudzidziswa Bhaibheri pachishandiswa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?
14. Mushandirapamwe upi uchaitwa pasi pose kutanga nomusi waMarch 1?
14 Mushandirapamwe: Kutanga musi woMugovera, March 1, kusvika musi waMarch 22, pepa rinokosha rokukokera vanhu kuChirangaridzo richaparadzirwa pasi pose. Tose tingada kuita zvose zvatinogona mumushandirapamwe uyu unokosha. Zvakanaka kutambidza saimba pepa rokumukoka pane kuita zvokurisiya pasi pedhoo. Zvisinei, kana muine ndima yakakura, vakuru vangaona kana mapepa acho achifanira kusiyirwa vanenge vasiri pamba asi zvichiitwa nokungwarira. Pakupera kwevhiki tichange tichigoverawo magazini anenge achigoverwa panguva iyoyo.
15. Tingagovera sei mapepa okukokera Chirangaridzo?
15 Sezvo tiine nguva shoma yokuparadzira mapepa aya, zvakanaka kutaura mharidzo pfupi pakuagovera. Iva noushamwari nechido. Ungataura seizvi: “Imi nemhuri yenyu neshamwari dzenyu tiri kukukokai kuchiitiko chinokosha chichaitwa musi waMarch 22. Tambirai henyu pepa renyu iri. Mashoko akawanda ari papepa racho.” Saimba angava nemibvunzo. Kana kuti angagamuchira pepa racho uye angatotaura kuti achavapo. Cherechedza kufarira kunenge kwaratidzwa, uye ronga kuzoshanyazve.
16. Ndechipi chimwe chakaitika chinoratidza kukosha kwomushandirapamwe wokukoka vanhu vari mundima yedu kuChirangaridzo?
16 Gore rakapera mumwe musoja akaona pepa raimukoka kuChirangaridzo riri pasi pedhoo rake. Akasarudza kuenda asi aifanira kukumbira mvumo kune mukuru mukuru wake. Paakamuratidza pepa racho, mukuru mukuru wacho akamboti zii ndokuzoti vabereki vake Zvapupu uye aimbopinda misangano navo. Haana kungobvumira musoja uyu kuenda asi vakaenda vose kuChirangaridzo!
17. Tinoratidza sei kuti hatisi kutadza kunzwisisa chinangwa chomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?
17 Ratidza Kuti Unoonga: Mwaka weChirangaridzo cha2008 zvaunosvika, mumwe nomumwe wedu ngaafungisise mutsa usina kukodzera kuwanwa watakaitirwa naJehovha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinokutetereraiwo kuti murege kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari motadza kunzwisisa chinangwa chawo.” (2 VaK. 6:1) Tinoratidza sei kuti hatisi kutadza kunzwisisa chinangwa chomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari? Pauro akanyora kuti: “Asi munzira dzose tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari.” (2 VaK. 6:4) Saka tinoratidza kuonga kwedu chipo chaJehovha netsika dzedu dzakanaka uye nokuparidza mashoko akanaka tichishingaira. Mumwaka uno weChirangaridzo tine mukana wakanaka wokuwedzera basa redu, tichipupura kwazvo mashoko akanaka.
[Bhokisi riri papeji 3]
Ndivanaani Vangakwanisa Kuita Upiyona Hwebetsero?
◼ Mhuri
◼ Vaya vanoswera kubasa mazuva ose
◼ Vakwegura nendonda
◼ Vana vechikoro
[Bhokisi riri papeji 4]
Pakugovera Mapepa eChirangaridzo:
◼ Taura muchidimbu; nechido
◼ Cherechedza vanofarira uye dzokazve
◼ Govera magazini pakupera kwevhiki