Mwaka weChirangaridzo—Mukana Webasa Rakawedzerwa!
1. Nei tichifanira kufunga nezvokuwedzera basa redu mumwedzi yaMarch, April, naMay?
1 Unogona here kuwedzera basa rako roushumiri mumwaka uri kuuya weChirangaridzo? Kazhinji mamiriro okunze anenge akanaka chaizvo panguva iyi yegore. Vamwe vaparidzi vanenge vari pazororo rekubasa kana kuti rekuchikoro zvokuti vanogona kurishandisa muushumiri. Kutanga musi waApril 2, tichanakidzwa nemushandirapamwe wokukoka vanofarira kuti vazopinda nesu Chirangaridzo musi waApril 17. Pashure pacho, tichaedza nepatinogona kuita kuti vaya vanenge vapinda chirangaridzo varambe vachifarira tovakoka kuti vazonzwa hurukuro inokosha ichapiwa muvhiki yaApril 25. Kutaura zvazviri, pane zvikonzero zvakawanda zvingaita kuti tifunge nezvokuwedzera basa redu mumwedzi yaMarch, April, naMay.
2. Ndeipi imwe nzira yakanyatsonaka yokuita zvakawanda muushumiri hwedu?
2 Upiyona Hwebetsero: Imwe nzira yakanyatsonaka yokuwedzera basa ndeyokuita upiyona hwebetsero. Sezvo tose zvedu takabatikana, izvi zvinongoda kuti tironge pachine nguva uye kuti tigadzirise purogiramu yedu. (Zvir. 21:5) Zvichida mungagona kumbomira kuita zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha pane zvamagara muchiita. (VaF. 1:9-11) Wadii kutaura nevamwe vari muungano nezvechido chauinacho chokupayona kuti uone kana vachizokwanisa kutorawo upiyona hwebetsero?
3. Mhuri dzingaronga sei kuti dziwedzere basa radzo?
3 Pamanheru enyu Okunamata Kwemhuri, zvingava zvakanaka kuti mukurukure zvinangwa zvenyu semhuri. (Zvi 15:22) Kana munhu wose ari mumhuri akava nezvaachaita, zvimwe vamwe vari mumhuri vanogona kutora upiyona kwemwedzi mumwe kana kuti inopfuura. Ko kana mukaona kuti izvi hazvishandi kwamuri? Mhuri inogonawo kuita urongwa hwokuwedzera basa rayo nokuita ushumiri pamamwe manheru kana kuti kupedza nguva yakawanda muushumiri mukupera kwevhiki.
4. Zvikomborero zvipi zvatichawana nokuwedzera basa redu muushumiri mwaka uno weChirangaridzo?
4 Jehovha anocherechedza zvose zvatinoita kuti timushumire uye anoonga kuzvipira kwedu. (VaH. 6:10) Mufaro unobva pakupa Jehovha uye vamwe. (1 Mak. 29:9; Mab. 20:35) Ungawedzera here basa rako mwaka uno weChirangaridzo wowana mufaro nezvikomborero?