Batsira Vaunodzidzisa Bhaibheri Kuti Vave Vaparidzi Vemashoko Akanaka oUmambo
1 Basa iro Jesu akapa vadzidzi vake rinotaurwa pana Mateu 28:19, 20 rakanga rakakura zvikuru. Vadzidzi vaKristu vakarayirwa kuti vaite vamwe vadzidzi vaizoenderera mberi nebasa rokudzidzisa vamwe. Fandesheni yebasa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kokupedzisira munyika yose yaizovapo munguva inokosha yomugumo yatiri kurarama iye zvino.—Mat. 24:14.
2 Tingadzidza Bhaibheri nevana vedu kana kuti nevamwe vanhu vanoda kudzidza. Tinoda kubatsira nomwoyo wose vanhu vakadaro kuti vazive kuti vane basa ravanofanira kuita rokubatsira vamwe kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu.—Ruka 6:40.
3 Vabatsire Kuti Vaparidzirewo: Kurudzira vaya vaunodzidza navo kuti vaudze vamwe zvavanenge vachidzidza. Vaudze zvinhu zvinonakidza zvinoitika muushumiri. Dzidzisa vana vako kubvira vachiri vaduku kuitawo basa rokuparidzira nenzira inobudirira maererano nezvavanokwanisa kuita. (Pis. 148:12, 13) Ratidza nezvaunotaura uye nezvaunoita kuti unokoshesa ushumiri zvikuru.—1 Tim. 1:12.
4 Jehovha anoshandisa vaya vanobvuma uye vanorarama maererano nemitemo yake yakarurama. Ichokwadi kuti vaparidzi vatsva havazivi zvakawanda sezvinoita vaparidzi voUmambo vagara nebasa, vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa, asi vatsva vanofanira kunge vachigona kutsanangura dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. (Ona Takarongwa, map. 79-82.) Zvavanenge vabuda zvachose mu“Bhabhironi Guru,” uye vasiya zvachose zvematongerwo enyika, vanofanira kunge vachipinda misangano nguva dzose.—Zvak. 18:2, 4; Joh. 17:16; VaH. 10:24, 25.
5 Wangova nechokwadi chokuti mumwe wevaunodzidzisa Bhaibheri ava kukodzera kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, unofanira kuudza mutariri anotungamirira. Acharonga kuti vakuru vaviri vaonane newe newaunodzidza naye Bhaibheri kuti vaone kana achikodzera kushanda neungano somuparidzi wemashoko akanaka oUmambo. Zvino uchange wava nebasa rinokosha rokuramba uchidzidzisa mudzidzi wako sezvaunobuda naye muushumiri.