Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
Vanodiwa Hama Dzedu Zvapupu zvaJehovha:
Muapostora Pauro akashandisa mikana yose kuti aratidze kuda uye kuonga kwaaiita vaainamata navo. Akanyorera vaKristu vaiva kuRoma kuti: “Ndinoonga Mwari wangu nokuna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kuri kutaurwa nezvakwo munyika yose.” (VaR. 1:8) Chokwadi, muUmambo hwose hweRoma, vaKristu ivavo vomuzana remakore rokutanga vaizivikanwa nokutenda kwavo kwakasimba, uyewo kushingaira kwavaiita mubasa rokuparidza. (1 VaT. 1:8) Ndosaka Pauro aida chaizvo hama dzake!
Kufanana naPauro, tinoonga Jehovha pose patinokufungai. Mose tinokudai zvikuru! Uye ivai nechokwadi chokuti Jehovha anoda mumwe nomumwe wenyu. Vamwe venyu muri kushorwa zvakanyanya, asi munongoramba muchiparidza. Kushinga uye kusatya kwamunoita kunofanira kunge kuchifadza mwoyo waJehovha!—Zvir. 27:11.
Sezvamunonyatsoverenga uye kufungisisa nezvenyaya dziri pasi pomusoro unoti, “Mabasa eZvapupu zvaJehovha Mazuva Ano” uri muYearbook inonakidza uye inosimbisa kutenda, muchaona uchapupu hwakawanda hwokuti Ishe Jesu Kristu ari kubuda “achikunda kuti apedzise kukunda kwake” uye kuti chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kurwisa vateveri vaKristu hachizobudiriri.—Zvak. 6:2; Isa. 54:17.
Pauro akanyorera vaKristu vokuFiripi kuti: ‘Ndinoonga Mwari wangu nokuda kwezvamakaita pamusoro pemashoko akanaka.’ (VaF. 1:3-5) Isu nhengo dzeDare Rinodzora tinonzwawo saizvozvo pamusoro penyu. Mugore rebasa ra2007, vaparidzi 6 691 790 vakapedza maawa 1 431 761 554 vachiparidzira mashoko akanaka munyika 236 mupasi rose. Izvi zvinoratidza kushanda nesimba kwamuri kuita pakuparadzira mashoko akanaka! Chimbofungai nezvemazana ezviuru zvevanhu vakabatsirwa nokushanda kwedu takabatana, zvose zvichiita kuti Jehovha akudzwe!
Pane imwe nguva, Pauro akaratidza kuti ainzwira hama dzake tsitsi zvikuru. Akanyorera vaiva muTesaronika kuti: ‘Tinoramba tichifunga nezvokutsungirira kwenyu nokuda kwetariro yenyu yamuinayo munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu.’ (1 VaT. 1:2, 3) Chokwadi, upenyu hwagara hune zvinetso. Zvinetso zvinombovapo, asi zvinokosha kuti titsungirire. Zvinetso zvipi zvauri kusangana nazvo? Wakaora mwoyo here nokuti une chirwere chakakomba chiri kukutadzisa kushumira Jehovha zvizere? Muvengi asingaguti, Sheori, akakutorera mudiwa wako wawakanga wagara naye kwemakore here? (Zvir. 30:15, 16) Uri kutsvaka uchishaya wokuroorana naye anoda Jehovha sezvaunoita here asi uchiramba wakatendeka uchiteerera zano reMagwaro rokuroorana munaShe bedzi? (1 VaK. 7:39) Uri kuedza kurera vana vako munyika ine zvinetso zvemari zvakakomba here? Chero angava mamiriro ako ezvinhu, kana ukaramba uchiisa Umambo pakutanga, uchava nechokwadi chokuti Jehovha ‘haazokanganwi basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’ Tapota, hama nehanzvadzi, ‘musarega kuita zvakanaka’!—VaH. 6:10; VaG. 6:9.
Chii chichakubatsirai kuti mutsungirire? Sezvaingoita vaTesaronika, kuva ‘netariro munaShe wedu Jesu Kristu’ ndiko kuchatibatsira. Ndokusaka Pauro akazoenzanisa “tariro yoruponeso” nengowani inogona kudzivirira muKristu kuti asava nemafungiro akaipa uye kuti atendiswe.—1 VaT. 5:8.
Chokwadi, kana mukaramba muchitsungirira muchifara, munenge muchipindura kushora kunoita Satani munyaya huru youchangamire muzvinhu zvose. Satani anoti vashumiri vaMwari vagara vane udyire uye kuti kunyange vachida kushumira Mwari kwenguva yakati, vacharega zvavo kana miedzo yawanda kana kuti mamiriro ezvinhu epanguva ino akaramba achienderera mberi kupfuura zvavaifungidzira. Une basa rokufumura Dhiyabhorosi kuti ndiye murevi wenhema! Zuva rimwe nerimwe roupenyu hwako rinokuswededza pedyo nokuwana zvikomborero zvaunotarisira.
Sokushandisa kwakaita Pauro mikana yokuonga hama dzake nezvokutenda kwadzo kwakasimba, kushingaira kwadzo mubasa rokuparidza, uye kutsungirira kwadzo, tinotorawo mukana uyu kukuongai uye kukuratidzai kuti tinokudai. Rambai makadaro!
Gore rino ngarive nezvikomborero zvakawanda zvokunamata. Tinoshuva kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha