Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMarch 10
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMarch 1 uye Awake! yaMarch pamwe chete nemapepa okukokera Chirangaridzo.
20 min: Nei Tichifanira Kuungana? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaMay 15, 2007, pamapeji 11-13. Kumbira vateereri vataure kuti kupinda misangano yeungano kwakavabatsira sei uye kuti vakakurira sei zvipingamupinyi kuti vapinde misangano nguva dzose.
15 min: “Tinogona Kupa Jehovha Chimwe Chinhu.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo.
Vhiki Inotanga naMarch 17
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vateereri kuti vauye neNharireyomurindi yaApril 1 neAwake! yaApril paMusangano Webasa wevhiki inouya uye vagadzirire kukurukura mharidzo dzakakodzera ndima yenyu. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: Bhokisi Remibvunzo. Rinofanira kukurukurwa nomukuru. Verenga uye kurukura nyaya yacho yose.
20 min: “Tingabatsira Sei Vanhu Vanouya kuChirangaridzo?”b Pakukurukura ndima 5, iva nomuenzaniso mupfupi wokutanga kungaitwa kudzidza Bhaibheri nomunhu anenge apinda Chirangaridzo.
Vhiki Inotanga naMarch 24
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa.
15 min: Gadzirira Kugovera Magazini Matsva. Kukurukurirana nevateereri. Wakurukura muchidimbu Nharireyomurindi yaApril 1 uye Awake! yaApril, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa nevanhu vari mundima uye kuti nei. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dziri munyaya yacho dzavanoda kuzoshandisa. Mubvunzo upi ungashandiswa pakutanga kukurukura? Rugwaro rupi rwuri munyaya yacho rungaverengwa? Uchishandisa mharidzo dzinoenderana nendima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 1 uye Awake! yaApril.
20 min: Tinouya Nemashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka. Ataura mashoko okusuma kweisingasviki miniti imwe chete, mukuru anopa hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJuly 1, 2005, pamapeji 18-19, ndima 10-14. Kumbira vateereri vataure kuti mashoko oUmambo akavanyaradza uye akavapa tariro sei pavakatanga kuanzwa.
Vhiki Inotanga naMarch 31
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMarch.
20 min: Shandisa Zvakanaka 2008 Yearbook. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kurukura “Tsamba Inobva Kudare Rinodzora,” iri pamapeji 3 ne4. Ita kuti vaviri kana vatatu vari muvateereri vataure zvakaitika zviri muYearbook zvakavakurudzira zvikuru. Fanoronga kuti muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vataure kuti vanoronga sei kuverenga Yearbook vari voga. Gumisa nokukurudzira vanhu vose kuverenga bhuku racho rose.
15 min: “Kukurudzirana Muushumiri.”c
Vhiki Inotanga naApril 7
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Nei Uri Kuverengera Kubhabhatidzwa. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaJuly 1, 2006, pamapeji 29-30, ndima 14-17. Bvunzurudzawo kwenguva pfupi muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vakabhabhatidzwa vachiri kuyaruka. Chii chakaita kuti vatore danho iri rinokosha vachiri vaduku? Kubhabhatidzwa kwavakaitwa kwakavabatsira sei kuti vakure pakunamata, kuri chinhu chinodzivirira?
15 min: Wakamboedza Here Kusvika Zvakananga? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002, peji 6. Kurukura mharidzo dzomuenzaniso uye kuti dzingachinjwa sei kuti dzishandiswe pakutanga kudzidza Bhaibheri nomunhu mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Zvadaro, iva nomuenzaniso mumwe chete kana kuti miviri. Kurudzira vateereri kuti vaedze kutanga chidzidzo cheBhaibheri mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kamwe chete zvako muvhiki inotevera vachisvika zvakananga.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.