RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 85-p. 93
  • Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • A4 Zita raMwari muMagwaro echiHebheru
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Jehovha Ndiani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zita raMwari ne“Testamente Itsva”
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Zita raMwari Navashanduri veBhaibheri
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 85-p. 93

Jehovha

Tsanangudzo: Zita raMwari wechokwadi chete. Iri izita raakazvipa pachake. Jehovha ndiye Musiki, uye ane kodzero yokunzi Changamire Anotonga zvinhu zvose. Zita rokuti “Jehovha” rinoshandurwa kubva mumabhii mana echiHebheru, יהוה, anoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Mumitauro mizhinji, mabhii mana aya echiHebheru anomiririrwa nemabhii anoti JHVH kana kuti YHWH.

Mushanduro dzeBhaibheri dzinowanzoshandiswa mazuva ano, zita raMwari rinowanika papi?

Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona: Zita rokuti Jehovha rinoshandiswa zvakanyanya muMagwaro echiHebheru mushanduro iyi, kutanga pana Genesisi 2:4.

The Holy Bible in NDAU: Shanduro iyi inoshandisa zita rokuti Jehovha zvakanyanya muMagwaro echiHebheru, kutanga pana Genesisi 2:4. Uyewo muMagwaro echiHebheru munoshandiswa mashoko okuti “Hareruya,” kana kuti “Rumbidzai Jah,” nedzimwe shanduro, iyo inoshandisa mashoko okuti “Kudzai Jehova.”

The New English Bible: Zita rokuti Jehovha rinowanika pana Eksodho 3:15; 6:3. Onawo Genesisi 22:14; Eksodho 17:15; Vatongi 6:24; Ezekieri 48:35. (Zvino kana shanduro idzi nedzimwe dzichishandisa “Jehovha” munzvimbo dzakati kuti, chii chinotadzisa kurishandisa pose pane mabhii mana echiHebheru anomiririra zita racho?)

Bhaibheri Rinoera: Mumashoko Okuwedzera, shanduro iyi inoti, “Muuku kushandura kwatakaita, ‘TENZI’ anoreva izwi rechiHebheru rinoti Yahwe (vamwe vakambodurira vachiti Jehovha).”

Revised Standard Version: Mashoko omuzasi ari pana Eksodho 3:15 anoti: “Shoko rokuti ISHE parinopereterwa nemabhii makuru, rinomiririra zita raMwari, YHWH.”

Today’s English Version: Mashoko omuzasi ari pana Eksodho 6:3 anoti: “ISHE: . . . Mashoko echiHebheru paanoshandisa Yahweh, rakagara richidudzirwa saJehovha, shanduro ino inoshandisa ISHE nemabhii makuru, ichitevedzera mashandisirwo arinoita mushanduro dzakawanda dzeChirungu.”

King James Version: Zita rokuti Jehovha rinowanika pana Eksodho 6:3; Pisarema 83:18; Isaya 12:2; 26:4. Onawo Genesisi 22:14; Eksodho 17:15; Vatongi 6:24.

American Standard Version: Zita rokuti Jehovha rinoshandiswa pose pane mabhii mana echiHebheru muMagwaro echiHebheru mushanduro iyi, kutanga pana Genesisi 2:4.

Douay Version: Mashoko omuzasi ari pana Eksodho 6:3 anoti: “Zita rangu rokuti Adonai. Zita racho, rakanyorwa nechiHebheru, ndiro zita rakanyanya kukodzera raMwari, rinomiririra kuvapo kwake nokusingaperi, (Eksod. 3, 14,Eks 3:14) iro vaJudha vaisambotaura pamusana pokuremekedza; asi, pose parinowanika muBhaibheri, vaiverenga kuti Adonai, iro rinomiririra Ishe; saka vaiwedzera mavhawero ezita rokuti Adonai, kana kuti nyora dzinoratidza maaifanira kuiswa, pamabhii mana ezita iroro risingatauriki, rokuti Jod, He, Vau, He. Saka vamwe vemazuva ano vakatsvaka nzira yokutaura nayo zita rokuti Jehovha, raisazivikanwa nevanhu vekare vangave vaJudha kana kuti vaKristu; nokuti mataurirwo chaiwo ezita racho, rakanyorwa nechiHebheru iye zvino haachambozivikanwi pamusana pokusashandiswa kwenguva refu.” (Zvinofadza kuti The Catholic Encyclopedia [1913, Vol. VIII, peji 329] inoti: “Jehovha, ndiro zita chairo raMwari muTestamende Yekare; saka vaJudha vaitaura nezvezita iri vachiriremekedza, vachiti iguru, ndiro roga.”)

The Holy Bible rakashandurwa naRonald A. Knox: Zita rokuti Yahweh rinowanika mumashoko omuzasi pana Eksodho 3:14 uye 6:3.

The New American Bible: Mashoko omuzasi ari pana Eksodho 3:14 ane zita rokuti “Yahweh,” asi zita racho harimo mumavhesi eshanduro yacho. Mushanduro yaSaint Joseph, onawo mashoko okuwedzera anoti, Duramazwi reBhaibheri pasi pa“Ishe” uye “Yahweh.”

The Jerusalem Bible: Mabhii mana echiHebheru anoshandurwa kuti Yahweh anotanga kuwanika pana Genesisi 2:4.

Shanduro yeNyika Itsva: Mushanduro iyi, zita rokuti Jehovha rinoshandiswa muMagwaro echiHebheru neechiGiriki, richiwanika ka7 210.

An American Translation: Pana Eksodho 3:15 uye 6:3 zita rokuti Yahweh rinoshandiswa richiteverwa nerokuti “ISHE” riri mumabhuraketi.

The Bible in Living English, S. T. Byington: Zita rokuti Jehovha rinoshandiswa muMagwaro echiHebheru ose.

The ‘Holy Scriptures’ rakashandurwa naJ. N. Darby: Zita rokuti Jehovha rinowanika muMagwaro echiHebheru ose, uyewo mumashoko omuzasi akawanda endima dzeMagwaro echiKristu echiGiriki, kutanga pana Mateu 1:20.

The Emphatic Diaglott, yaBenjamin Wilson: Zita rokuti Jehovha rinowanika pana Mateu 21:9 uye mune dzimwe nzvimbo 17 dzeiyi shanduro yeMagwaro echiKristu echiGiriki.

The Holy Scriptures According to the Masoretic Text—A New Translation, Jewish Publication Society of America, mupepeti mukuru, Max Margolis: Pana Eksodho 6:3 mabhii mana echiHebheru ezita raMwari akanyorwa neChirungu.

The Holy Bible rakashandurwa naRobert Young: Zita rokuti Jehovha rinowanika muMagwaro echiHebheru ose mushanduro iyi yeshoko neshoko.

Nei shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzisingashandisi zita raMwari kana kuti dzichingorishandisa munzvimbo shoma chete?

Mashoko okusuma eRevised Standard Version anotsanangura kuti: “Dare racho rakatangazve kushandisa zita raMwari sezvagara zvichiitwa muKing James Version nokuda kwezvikonzero zviviri, zvinoti: (1) shoko rokuti ‘Jehovha’ harimbomiririri Zita racho zvakarurama sokushandiswa kwaraiitwa muchiHebheru; uye (2) kushandiswa kwezita chairo chero ripi zvaro nokuda kwaMwari mumwe chete, zvichiita sokuti kune vamwe vanamwari vaanofanira kusiyaniswa navo, kwakaregwa muchiJudha chiKristu chisati chatanga uye hakuna kumbokodzera nokuda kwokutenda kwose kweChechi yechiKristu.” (Saka vakabvisa zita raMwari pachake, muBhaibheri rake Dzvene pamusana pemaonero avo ezvakakodzera. Zita rake iroro riri muchiHebheru chepakutanga kakawanda kupfuura chero rimwe zita ripi zvaro kana kuti zita rokuremekedza. Zvechokwadi vanotevera muenzaniso wevaya vaiomerera kuchiJudha, avo vakanzi naJesu: “Makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nokuda kwetsika yenyu.”—Mat. 15:6.)

Vashanduri vakanzwa vachifanira kunyora zita raMwari pachake kamwe chete kana kuti kanoverengeka mundima dzeBhaibheri, kunyange zvazvo vasina kuita izvozvo pose parinowanika muchiHebheru, zviri pachena kuti vakatevedzera muenzaniso waWilliam Tyndale, uyo akashandisa zita raMwari mushanduro yake yePentateuch yakabudiswa muna 1530, achirega katsika kekubvisa zvachose zita racho.

Zita rokuti Jehovha rakashandiswa nevanyori vakafuridzirwa veMagwaro echiKristu echiGiriki here?

Jerome, akanyora muzana remakore rechina kuti: “Mateu, anonziwo Revhi, uyo akava muapostora asiya kuva muteresi, akatanga kunyora Evhangeri yaKristu muJudhiya achishandisa mutauro nemabhii zvechiHebheru kuti abatsire vaya vakadzingiswa vakanga vatenda.” (De viris inlustribus, chits. III) Evhangeri iyi inotora mashoko zvakananga ka11 mundima dzeMagwaro echiHebheru dzine mabhii mana ezita raMwari muchiHebheru. Hapana chikonzero chokudavira kuti Mateu haana kutora mashoko mundima dzacho sokunyorwa kwaakanga akaitwa nechiHebheru.

Vamwe vanyori vakafuridzirwa vane zvavakanyorawo zviri muMagwaro echiKristu echiGiriki vakatora mashoko mundima dzakawanda muSeptuagint, Magwaro echiHebheru akashandurirwa muchiGiriki. Zhinji dzendima idzi dzaiva nemabhii mana ezita raMwari muchiHebheru mumashoko echiGiriki acho chaiwo eSeptuagint yepakutangatanga. Vadzidzi vaJesu vangave vakasiya zita iroro riripo mumashoko avakatora muSeptuagint, vachitevedzera maonero aiita Jesu zita raBaba vake.—Enzanisa naJohani 17:6, 26.

MuJournal of Biblical Literature, George Howard wepaYunivhesiti yeGeorgia akanyora kuti: “Zvechokwadi tinoziva kuti vaJudha vaitaura chiGiriki vakaramba vachinyora יהוה muMagwaro avo echiGiriki. Uyezve, zvingangova kuti vaKristu vechiJudha vaiomerera pakutaura chiGiriki havana kuita zvakasiyana neizvi. Kunyange zvazvo pazvaisanyanya kukosha pavaitaura nezvaMwari vangangove vaishandisa mashoko okuti [Mwari] uye [Ishe], zvingave zvaishamisa zvikuru kuti vasiye mabhii mana ezita raMwari muchiHebheru mumashoko eBhaibheri pachawo. . . . Mabhii mana ezita raMwari muchiHebheru zvaakanga achiri kunyorwa mumaBhaibheri echiGiriki aiumba Magwaro echechi yepakutanga, zvine musoro kudavira kuti vanyori ve[Testamende Itsva] pavaitora mashoko muRugwaro, vaisabvisa mabhii mana acho ezita raMwari mumashoko ebhaibheri. . . . Asi paakabviswa mu[Testamende Yekare] yakanga yakanyorwa nechiGiriki, akabviswawo mumashoko akatorwa mu[Testamende Yekare] iyoyo aiva mu[Testamende Itsva]. Saka panenge pakutanga kwezana remakore rechipiri kushandiswa kwemazita aitsiva mabhii mana ezita raMwari kwakaita kuti mabhii acho abviswe muTestamende dzose dziri mbiri.”—Vol. 96, No. 1, March 1977, mapeji 76, 77.

Nderipi zita raMwari rakarurama—rokuti Jehovha kana kuti rokuti Yahweh?

Hapana munhu mazuva ano angava nechokwadi chokuti zita raMwari raitaurwa sei pakutanga muchiHebheru. Nei? ChiHebheru chakashandiswa pakunyora Bhaibheri pakutanga chaingova nemabhii emakonzonendi chete, pasina mavhawero. Mutauro wacho pawaishandiswa zuva nezuva, vaverengi vaiwedzera zviri nyore mavhawero akakodzera. Zvisinei, pave paya, vaJudha vakasvika pakuva nepfungwa yokutenda mashura yokuti zvakanga zvisina kururama kutaura zvinonzwika zita raMwari, saka vaishandisa mamwewo mashoko. Kwapera mazana emakore, nyanzvi dzechiJudha dzakatanga kushandisa nyora dzairatidza mavhawero aifanira kushandiswa pakuverenga chiHebheru chekare, asi dzaiisira mavhawero emamwe mazita aitsiva zita raMwari mumakonzonendi aimiririra zita racho chairo. Saka kududzwa kwezita raMwari kwepakutangatanga hakuchazivikanwi.

Nyanzvi dzakawanda dzinofarira chiperengo chokuti “Yahweh,” asi vamwe havana chokwadi nacho uye nyanzvi dzacho hadzibvumirani. Asi, “Jehovha” ndicho chiperengo chinonyanya kuzivikanwa, nokuti chave chichishandiswa kwemazana emakore muChirungu uye icho pamwe nezvimwe zviperengo zvinochengetedza makonzonendi mana emabhii anomiririra zita raMwari.

J. B. Rotherham, muThe Emphasised Bible, akashandisa Yahweh muMagwaro echiHebheru ose. Asi pave paya, mubhuku rake rinonzi Studies in the Psalms akashandisa “Jehovha.” Akatsanangura kuti: “JEHOVHA—Kushandiswa kwezita Raanoyeukwa naro muChirungu . . . mubhuku rino reMapisarema hakubvi chero pakusava nechokwadi kupi zvako panyaya yokuti madudzirwo akanyanya kururama ndeokuti Yahwéh; asi pauchapupu hunobatsira hwandakasarudza hwokuti ndinyore zvinonzwika uye zvinoonekwa zvakanaka nevanhu panyaya yakadai, chinhu chikuru chiri chokuti zita raMwari riri kuda kutaurwa rikurumidze kuzivikanwa.”—(London, 1911), peji 29.

Akurukura madudzirwo ezita raMwari akasiyana-siyana, muzvinadzidzo wokuGermany anonzi Gustav Friedrich Oehler akapedzisa nokuti: “Kubvira iye zvino ndava kushandisa shoko rokuti Jehovha, nokuti, chokwadi zita iri iye zvino rava kushandiswa zvakajairika chaizvo pakutaura kwedu, uye hazviite kuribvisa.”—Bhuku rechipiri rinonzi Theologie des Alten Testaments, (Stuttgart, 1882), peji 143.

Imwe nyanzvi inoona nezveupristi hweRoma Katurike inonzi Paul Joüon yakati: “Mushanduro dzedu, pane kushandisa zita rokuti Yahweh (rinongoita zvokufungidzirwa), takashandisa rokuti Jéhovah . . . manyorero anonyanya kushandiswa muchiFrench.”—Grammaire de l’hébreu biblique (Rome, 1923), mashoko omuzasi ari papeji 49.

Mazita akawanda anoti chinjei paanoendeswa mune mumwe mutauro. Jesu akaberekwa ari muJudha, uye zita rake muchiHebheru zvichida raidudzwa saYe·shuʹa‛, asi vanyori vakafuridzirwa veMagwaro echiKristu havana kuzeza kushandisa zita racho mumanyorero echiGiriki okuti, I·e·sousʹ. Mune mimwe mitauro yakawanda madudzirwo acho akati siyanei, asi tinongoshandisa takasununguka zita rinonyanya kushandiswa mumutauro wedu. Ndizvo zvazvakaitawo nemamwe mazita omuBhaibheri. Saka, tingaratidza sei kuremekedza Uyo ane zita rinokosha kupfuura mamwe ose? Tingaita izvozvo nokusambotaura kana kunyora zita rake pamusana pokuti hatizivi madudzirwo chaiwo araiitwa pakutanga here? Kana kuti, hatingaiti izvozvo here nokushandisa madudzirwo uye chiperengo chinonyanya kushandiswa mumutauro wedu, tichitaura zvakanaka nezveMuridzi waro uye tichizvibata sevanamati vake nenzira inomukudza?

Nei zvichikosha kuziva uye kushandisa zita raMwari pachake?

Une ukama hwepedyo here nemumwe munhu wausingazivi zita rake? Kuvanhu vasingazivi zita raMwari, iye akangoita sesimba risitombori munhu chaiye, haasi munhu wavanoziva, wavanoda uye wavangataura naye zvinobva pamwoyo vachinyengetera. Kana vakanyengetera, minyengetero yavo ndeyokungoitawo, kungodzokorora mashoko anenge akaiswa mumusoro.

VaKristu vechokwadi vane basa ravakapiwa naJesu Kristu rokuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi. Pakudzidzisa vanhu ava, Mwari wechokwadi aizoratidzwa sei seakasiyana nevamwe vanamwari venhema vemamwe marudzi? Aizongoratidzwa seakasiyana nevamwe nokushandisa zita Rake pachake, sezvinoitwa neBhaibheri.—Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 8:5, 6.

Eks. 3:15: “Mwari akabva atizve kuna Mosesi: ‘Uti kuvanakomana vaIsraeri, “Jehovha, Mwari wemadzitateguru enyu, . . . andituma kwamuri.” Iri ndiro zita rangu nokusingagumi, uye ndiro randichayeukwa naro kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.’”

Isa. 12:4: “Ongai Jehovha! Danai zita rake. Zivisai zvaakaita pakati pemarudzi. Taurai kuti zita rake rikwidziridzwe.”

Ezek. 38:17, 23: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘ . . . Ndichazviita mukuru, ndozvitsvenesa, ndoita kuti ndizivikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

Mar. 3:16: “Vaya vaitya Jehovha vakataurirana, mumwe nomumwe neshamwari yake, Jehovha akaramba akateerera uye achinzwa. Bhuku rokuyeuchidza rakatanga kunyorwa pamberi pake nokuda kwevaya vanotya Jehovha nevaya vanofunga nezvezita rake.”

Joh. 17:26: “[Jesu akanyengetera kuna Baba vake kuti:] Ndakavazivisa [kureva vateveri vake] zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”

Mab. 15:14: “Simiyone akarondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.”

Jehovha ari mu“Testamende Yekare” ndiye Jesu Kristu mu“Testamende Itsva” here?

Mat. 4:10: “Jesu akabva ati kwaari: ‘Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, “Jehovha [“Ishe,” KJ nemamwe maBhaibheri] Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.”’” (Zviri pachena kuti Jesu akanga asiri kutaura kuti iye pachake ndiye aifanira kunamatwa.)

Joh. 8:54: “Jesu akapindura [vaJudha] kuti: ‘Kana ndikazvikudza, kuzvikudza kwangu hakusi chinhu. Baba vangu ndivo vanondikudza, ivo vamunoti ndiMwari wenyu.’” (Magwaro echiHebheru anoratidza pachena Jehovha saMwari uyo vaJudha vaiti vainamata. Jesu haana kutaura kuti ndiye aiva Jehovha, asi kuti Jehovha aiva Baba vake. Pano Jesu akanyatsoratidza kuti iye naBaba vake vaiva vanhu vaviri vakasiyana.)

Pis. 110:1: “Jehovha akati kunaShe wangu [Ishe waDhavhidhi]: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’” (Pana Mateu 22:41-45, Jesu akatsanangura kuti iye ndiye aiva ‘Ishe’ waDhavhidhi anotaurwa nezvake mupisarema iri. Saka Jesu haasi Jehovha asi ndiye aiudzwa mashoko ari pano naJehovha.)

VaF. 2:9-11: “Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza [kureva Jesu] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe. [Dy inoti: “ . . . rurimi rwose runofanira kubvuma kuti Ishe Jesu Kristu ndiye anoita kuti Mwari Baba varumbidzwe.” Bhaibheri reKx nereCC anotaura zvakafanana, asi mashoko omuzasi ari muKx anobvuma kuti: “ . . . zvichida chiGiriki chinonyatsoshandurwa kuti ‘kuti varumbidzwe.’” uye NAB neJB akashandurwa saizvozvo.]” (Ona kuti pano Jesu Kristu anoratidzwa kuti akasiyana naMwari Baba uye ari pasi pavo.)

Munhu angada sei Jehovha kana achifanirawo kumutya?

Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kuda Jehovha (Ruka 10:27) uye kuti tinofanira kumutyawo. (1 Pet. 2:17; Zvir. 1:7; 2:1-5; 16:6) Kutya Mwari zvakakodzera kuchaita kuti tingwarire chaizvo kusaita zvinhu zvinoita kuti atigumbukire. Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tide kuita zvinhu zvinomufadza, tionge zvinhu zvakawanda zvinoratidza rudo rwake uye mutsa wake watisina kukodzera kuwana.

Mienzaniso: Mwanakomana anotya zvakakodzera kusagumbura baba vake, asi kuonga zvose zvaanoitirwa nababa vake kunofanira kuita kuti ade baba vake zvechokwadi. Munhu anoita chamunyurududu mumvura aine tangi remweya wokufema angataura kuti anofarira gungwa, asi kuritya zvakakodzera kunoita kuti azive kuti pane zvimwe zvinhu zvaasingafaniri kuita. Saizvozvowo, kuda kwatinoita Mwari kunofanira kubatana nokutya kwakakodzera kuita chero chinhu chipi zvacho chichaita kuti atigumbukire.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe