Kukurudzira
Tsanangudzo: Kupa ushingi kana kuti tariro. Munhu wose anoda kukurudzirwa. Kukurudzira kungada kuti ubatsire kana kuonga. Kakawanda kungasanganisira kubatsira mumwe munhu kuti aone kuti angatsungirira sei mamiriro ezvinhu akaoma kana kuti kukurukura zvikonzero zvokuva nechivimbo mune ramangwana riri nani. MuBhaibheri ndimo matinowana mashoko akanaka zvikuru atingashandisa pakukurudzira kwakadaro, uye magwaro anotevera akatorwa mashoko anogona kubatsira pakukurudzira vanhu vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Dzimwe nguva kungoratidza kunzwira tsitsi kunobatsira zvikuru.—VaR. 12:15.
Kune vaya vari mumiedzo pamusana POURWERE—
Zvak. 21:4, 5: “‘[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’ Uya akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, akati: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’”
Mat. 9:35: “Jesu akatanga kushanyira maguta ose nemisha achidzidzisa . . . nokuparidza mashoko akanaka oumambo achirapa hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.” (Paaiporesa zvakadaro achiparidza nezvoUmambo, Jesu akaratidza zvaachazoitira vanhu zvinoshamisa mukutonga kwake kwemakore ane chiuru.)
2 VaK. 4:13, 16: “Isuwo tinotenda . . . Naizvozvo hatineti, asi kunyange munhu watiri nechokunze [miviri yedu] ari kupera, chokwadi munhu watiri nechomukati ari kuitwa mutsva [kana kuti kupiwa simba idzva] zuva nezuva.” (Tingave tichipera munyama. Asi mune zvokunamata tiri kuitwa vatsva sezvatinoramba tichidzidza pamusoro pezvipikirwa zvaMwari zvinokosha.
Onawo Ruka 7:20-23.
Kuvanhu vakarasikirwa nevanhu vavanoda MURUFU—
Isa. 25:8, 9: “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose. . . . Pazuva iroro mumwe munhu achati: ‘Tarirai! Uyu ndiye Mwari wedu. Takatarisira kwaari, uye iye achatiponesa. Uyu ndiye Jehovha. Takatarisira kwaari. Ngatifarei, tifarire kuponesa kwake.’”
Joh. 5:28, 29: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.”
Joh. 11:25, 26: “Jesu akati kwaari: ‘Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu; uye munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi. Unotenda izvi here?’”
Pis. 146:5, 9: “Anofara munhu . . . anotarira kuna Jehovha Mwari wake. . . . Anobatsira nherera nechirikadzi.” (Iye zvino Mwari ane hanya nevanhu vakafirwa.)
Onawo Ruka 7:11-16; 8:49-56.
Kuvanhu vanenge VACHITAMBUDZWA nokuti vanoita kuda kwaMwari—
Pis. 27:10: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.”
1 Pet. 4:16: “Kana iye achitambura nokuti muKristu, ngaarege kunyara, asi ngaarambe achikudza Mwari nezita iri.”
Zvir. 27:11: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Tikava vakatendeka, tinopindura kupomera kwaSatani kwokuti hapana munhu anotambura zvakaoma acharamba achishumira Mwari.)
Mat. 5:10-12: “Vanofara vaya vakatambudzwa nokuda kwokururama, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo. Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.”
Mab. 5:41, 42: “Naizvozvo, [vaapostora] ava vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake. Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”
VaF. 1:27-29: “Ingozvibatai nenzira yakakodzera mashoko akanaka pamusoro paKristu, . . . musingambotyiswi nevanopikisana nemi. Chinhu ichochi uchapupu hwokuparadzwa kwavari, asi hwokuponeswa kwamuri; uye chiratidzo ichi chinobva kuna Mwari, nokuti imi makapiwa ropafadzo nokuda kwaKristu, kwete kuti mutende maari chete, asiwo kuti mutambure nokuda kwake.”
Kune vaya vakaora mwoyo pamusana POKUSARURAMISIRWA—
Pis. 37:10, 11: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”
Isa. 9:6, 7: “Takaberekerwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. Achanzi Mupi weZano Anoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vasingagumi, Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi, pachigaro choumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake kuti ahusimbise kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.”
Dhan. 2:44: “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”
Onawo Isaya 32:1, 2; 2 Petro 3:13.
Kune vaya vari kuona chitsvuku NENHAMO YEMARI—
Isa. 65:21, 22: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. . . . Vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”
Pis. 72:8, 16: “[Mambo Mesiya] achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika. Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”
Mat. 6:33: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvinodiwa muupenyu] zvichawedzerwa kwamuri.”
VaR. 8:35, 38, 39: “Ndiani achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambura kana nhamo kana kutambudzwa kana nzara kana kushaya zvokupfeka kana ngozi kana bakatwa here? Nokuti ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”
Onawo VaHebheru 13:5, 6.
Kune vanhu vakaora mwoyo pamusana PEZVIKANGANISO zvavo—
Pis. 34:18: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”
Pis. 103:13, 14: “Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”
Neh. 9:17: “Imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha neane ngoni, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo.”
2 Pet. 3:9, 15: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza. Onaiwo kushivirira kwaShe wedu soruponeso.”