RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/10 pp. 3-4
  • Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro−Chikamu 3

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro−Chikamu 3
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Misoro Midiki
  • Tsika Dzinoitwa Munhu Avigwa
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 2/10 pp. 3-4

Kutsigira Zvinotaurwa neMagwaro Nezvemariro−Chikamu 3

1, 2. Zvii zvinoitwa pamariro evanhu vasingatendi?

1 Vaya vasinganzwisisi chaizvoizvo zvinoitika kana munhu afa vanofunga kuti vanofanira kuita mariro makuru emaoresa kuti vafadze mufi uye kuti vasagumbura hama dzinenge dzasara. Kuvanhu vasingatendi, zvinokosha ‘kushamisira’ neupfumi nechinzvimbo zvemufi kana zvemhuri yake. (1 Joh. 2:16) Kazhinji mafungiro asiri echiKristu emakwikwi anovapo, vakawanda pavanoedza kuti mariro avo akunde evamwe. Izvi zvinonyanyokosheswa zvokuti kunyange mhuri dzinotambura zvikuru dzingazvipinza muchikwereti kuti dziite “mariro makuru” anogutsa zvinodiwa neveukama uye vemunharaunda.

2 Kusiyana naizvozvo, vanhu vaMwari vanonyatsonzwisisa kuti vakafa havana chavanoziva uye nokudaro havatombozivi kuti vamwe vari kuvakudza uye kuvarumbidza. VaKristu vechokwadi havaiti mariro ekushamisira kuti vaonekwe nevanhu. Kana tikatevedzera izvozvo, zvatinotenda zvingaoneka here kuti zvakasiyana nezvenyika? (Joh. 17:16) Hatizoiti here kuti vamwe vafunge kuti isuwo tinotya vanhu vakafa? Kuziva kuti vanhu vanorarama upenyu hwokutya vakafa kunoita kuti tingwarire toona kuti kuchenjera kuita mariro ane mwero asina twakawanda-wanda. (Zvir. 11:2) Izvi zvingaitwa sei?

3, 4. Ndiani chaizvoizvo anofanira kubvisa mari inoshandiswa pamariro?

3 Mari yokushandisa pamariro: Mune dzimwe nzvimbo, vamwe vanoungana munhu asati avigwa kuti vaunganidze mari yemariro. Dzimwe hama dzechiKristu dzakatoronga ‘bheriya’ kuti dziwane mari yemariro. Mabhokisi anoiswa senzira yokuunganidza mari kubva kuvanhu vanenge varipo. Izvi zvinofanira kuonekwa sei?

4 Mhuri yechiKristu inofanira kuziva kuti ndiyo inofanira kubvisa mari inoshandiswa pamariro.a Kana mhuri yacho yapererwa zvechokwadi uye isingakwanisi kuwana chero mari shoma yekuita mariro, ipapo veukama vepedyo vangabatsira.b (1 Tim. 5:3; Ona od-CA peji 132, ndima 1) Kana yaperevedza, vamwe vanhu kana kuti ungano vangada kubatsira. (1 Joh. 3:17, 18) Zvisinei, panoda kungwarira. Kana vemumhuri vasingatendi vakakumbirwa kuti vabatsirewo pamariro, ipapo vangafunga kuti vane kodzero yokutaura kuti zvinhu zvinofanira kurongwa uye kuitwa sei. Izvi zvingamutsa dambudziko rakakura pakuedza kuronga kuti mariro asave netsika dzisina kuchena. Izvi hazvirevi kuti muKristu anofanira kuramba mari inobviswa neveukama vasina kukumbirwa. Asi kana mumwe akafunga kuti kugamuchira mari yacho kungaita kuti vasingatendi vapindire kana kuti vade kudzora zvimwe zvinoitwa pamariro, ipapo mari yacho ingarambwa nokuchenjera.—Zvir. 27:12.

5. Nei vaKristu vachifanira kusarudza kuronga mariro asina twakawanda-wanda?

5 Kunyatsonzwisisa kwatinoita zvinoitika kana munhu afa kunofanira kutishingisa kuita mariro asina zvinhu zvenyika zvinoitwa nevanhu vasinganyatsonzwisisi Bhaibheri. (VaEf. 4:17-19) Kunyange zvazvo tisingadi kugumbura vamwe nokuita zvakanyanya kuita zvepasipasi, hatidi kuti nyika itimanikidze kuti titevedzere vaya vari murima mune zvokunamata. (VaR. 12:2) Tingayeuka kuti Jesu ndiye munhu mukuru kupfuura vose vakararama; asi akavigwa pasina twakawanda-wanda uye zvine ruremekedzo. (Joh. 19:40-42) Vaya vane “pfungwa dzaKristu” havanyari kuita izvi. (1 VaK. 2:15, 16) Nokudaro, kuti mhuri yechiKristu isakumbira vamwe vanhu mari, kana kuti isaita chikwereti, inofanira kungwarira kuronga mariro asina twakawanda-wanda uye ane mwero maererano nezvainokwanisa.—Ruka 14:28; enzanisa na2 VaKorinde 8:12.

6. (a) Rufu runofanira kuziviswa pamisangano yeungano here? (b) Maererano naMateu 6:33, 34, nei zvaizova zvakaipa kurega kuita misangano yeungano kana kuichinja? (c) Unofunga kuti chii chingaitwa nemhuri yemufi pakuronga mariro kuitira kuti asakanganisa misangano yeungano?

6 Maitirwo emariro: Mashoko erufu anofamba nokukurumidza, saka kazhinji hatifaniri hedu kuzivisa nezverufu kana kuti urongwa hwemariro pachikuva mune dzimwe ungano kunze kweungano yaipinda nemufi wacho. Uye hatifaniri kutumira tsamba kune dzimwe ungano nokuda kwechinangwa ichi. Chokwadi zvaisazova zvakakodzera kurega kuita misangano yeungano kana kuichinja pamusana pemariro. Nokuisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga, tinobatsirwa kuramba tiine maonero ari pakati nepakati emariro uye kuramba tichiisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu.—Mat. 6:33, 34.

7, 8. (a) Tsanangura kuti mukurukuri anenge asarudzwa nemhuri yafirwa anopa sei hurukuro yemariro. (b) Ndezvipi zvimwe zvinofanira kungwarirwa?

7 Kana vakuru veungano vabvuma, hurukuro yeBhaibheri ingapiwa kuImba yoUmambo uye kana mhuri yacho ichida, hurukuro yacho ingapiwa kumba kwemufi kana kune imwe nzvimbo. Nguva dzose mukurukuri anenge asarudzwa nemhuri yafirwa anofanira kushandisa pepa rehurukuro yemariro yakagadzirwa nesangano raJehovha. Hurukuro yemariro inofanira kunge ichinyaradza, ichikurudzira uye ichivaka mune zvokunamata. Mukurukuri wacho anofanira kutaura pfungwa dzose dziri papepa racho uye haafaniri kutaura chero mashoko anobva padzidziso dzenhema. Anofanirawo kungwarira kuti zvaanotaura muhurukuro kana mumunyengetero hazviiti sokuti ari kutaura nemufi sokunge kuti achiri mupenyu. (Mup. 9:5, 10) Panofa mushumiri waJehovha akatendeka, mukurukuri angataura nhoroondo pfupi yezvaiitwa nemunhu wacho pakunamata. (VaH. 6:12) Zvisinei, zvaisazova zvakarurama kubvumira vanhu kuti vasimuke panenge pachipiwa hurukuro yemariro uye kuti varumbidze mufi, purogiramu yemariro painenge ichiitwa kana kuti yapera.

8 Kazhinji hurukuro yemariro haipfuuri maminitsi 30 uye inofanira kutanga nenguva. Vamwe vangasarudza kutanga hurukuro yemariro nemunyengetero kana kurega. Hapafaniri hapo kuva nasachigaro anosuma mukurukuri uye anopedzisa chiitiko chacho. Zvisinei, kana pakava nasachigaro, mashoko ake anofanira kuva mapfupi uye akananga. Haafaniri hake kudzokorora pfungwa dzinenge dzakurukurwa nemukurukuri kana ‘kutenda’ vanhu vanenge varipo. Mutumbi usati wadzikiswa, pangataurwa mashoko mapfupi poitwa munyengetero paguva kupedzisa purogiramu yacho. Sechiyeuchidzo, munhu asingatendi haana zvaanofanira kuita kana kutaura papurogiramu yacho paImba yoUmambo kana paguva.—2 VaK. 6:14-18.

9. Nei zvichikosha kuti vanhu vauye nemaBhaibheri avo kuhurukuro yemariro?

9 Kuva nemafungiro akarurama: Tinofanira kuva nemafungiro api patinoenda kumariro? Kunyange zvazvo tingave takasuruvara, tinoda kunyaradzwa neMagwaro. Nokudaro, nguva dzose vanopinda purogiramu yemariro vanofanira kuyeuka kuuya nemaBhaibheri avo. Kufambirana nemukurukuri sezvaanoverenga uye kushandisa Bhaibheri kunosimbisa kutenda kwedu murumuko rwemunguva yemberi rwakavimbiswa, ‘rufu paruchange rusisipo.’ (Zvak. 21:4) Tinewo mukana wakanaka wokukurukura mashoko anonyaradza kumhuri yafirwa uye vamwe vanenge varipo. Patinova nemafungiro aya akanaka, hatingokwanisi kunyaradza vamwe chete asiwo tinozvinyaradza nokufunga nezvetariro inofadza yeramangwana rufu paruchaparadzwa nokusingaperi.—Isa. 25:8.

10. Nei vanhu vaMwari vasingapfuuri mwero pakuratidza kurwadziwa kwavo?

10 Vamwe vanofunga kuti kuchema zvakanyanya kunoratidza kukudza, kuremekedza uye kuda mufi wacho. Nokudaro, pakuona mutumbi, pahurukuro yemariro, kana kuti paguva, vamwe vangatanga kuridza mhere zvisingadzorwi, vachiumburuka pasi, kana kutaura kubhokisi racho sokunge kuti mufi mupenyu. Kunyange zvazvo rufu iri nguva yokusuruvara zvikuru kwatiri tose, vanhu vaMwari havapfuuri mwero pakuratidza kurwadziwa kwavo. Nei? Nokuti hatisi vanhu ‘vasingazivi pamusoro pevaya vari kurara murufu.’ Isu tinoziva zvinoitika kana munhu afa. Tine tariro yechokwadi yerumuko. (Joh. 5:28, 29) Tinonyaradzwa nezvakavimbiswa izvi uye nokudaro ‘hatisuruvari sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.’—1 VaT. 4:13.

Tsika Dzinoitwa Munhu Avigwa

11, 12. Tose tingaratidza sei rudo nemutsa kumhuri inenge yafirwa pashure pokunge munhu avigwa?

11 Kana mutumbi wangovigwa chete, mariro anenge apera. Hapana zvimwe zvingaitirwa munhu wacho anenge afa. Pashure pemariro vanhu vangada kushanyira mhuri yakafirwa kuti vanobata maoko uye kuinyaradza. Panguva yakadaro, tine mukana wokufungisisa chinyararire nezvekupfupika kweupenyu uye kuti “zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Mup. 7:1) Kwaizova kuva nomutsa kuti vari kunyaradza vasawedzere mutoro kumhuri inenge yafirwa nokuita kuti ivape zvokudya, zvokunwa uye zvimwe pokurara. Vanhu vaJehovha vanodavira kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Nokudaro, zvakanaka kufunga nezvezvatinogona kupa kumhuri inenge yafirwa nokuinyaradza neMagwaro uye kuibatsira nezvinhu zvokushandisa pane kufunga nezvezvatingawana zvingava zvokudya, zvokunwa uye varaidzo. Patinoita zvinhu tichiratidza kufunga vamwe tisingawedzeri mutoro wemhuri yacho, tinoratidza rudo nemutsa zvechiKristu.—VaG. 6:2.

12 Pashure pokuviga, veukama vashomanana vepedyo vangasarudza kuungana pavo vega kuti vakurukure nezvemari yakashandiswa pamariro uye nyaya dzine chokuita nemutemo dzinovapo nemhaka yerufu. Kuwedzera pane izvi, kana mariro apera vamwe vangada kupa mhuri inenge yafirwa zvinhu zvokushandisa, kuinyaradza uye kuitsigira mune zvokunamata. Zvisinei, kazhinji vanoita izvi voga zvisingabatanidzi hazvo ungano yose.

[Mashoko Omuzasi]

a Pano tiri kutaura vemumhuri vepedyo zvikuru, kureva vabereki nevana vavo.

b Pano tiri kutaura veukama, vakadai savanatete, vanamainini, vanababamukuru, nevana vavo, nedzimwe hama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe