Purogiramu Yevhiki yaFebruary 22
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 22
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 19-21
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Bhuku richagoverwa muna March. Bvunzurudzai vaparidzi vaviri, movakumbira kuti vatsanangure zvinhu zvinobatsira zviri mubhuku richagoverwa mumwedzi wacho uye mharidzo dzavakaona dzichibudirira mundima. Itai kuti mumwe nomumwe wavo aenzanisire mharidzo kana kuti adzokorore zvakaitika semaitikiro azvakaita achiratidza mashandisirwe angaitwa bhuku racho pakutanga chidzidzo cheBhaibheri.
10 min: Kukurukura Nemunhu Uchiita Kuti Afunge Kunokurudzira Vanhu Kuteerera. Hurukuro inobva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 251 kusvika kupeji 253, ndima 1.
10 min: “Kutungamirira Vanofarira kuSangano raJehovha.” Kukurukurirana nevateereri ndima nhatu pasi pemusoro muduku uri papeji 99 yebhuku raTakarongwa. Bvunzai vateereri kuti vakashandisa nzira dzipi pakutungamirira vanhu vanofarira kusangano raJehovha. Bvunzurudzai muparidzi akabatsirwa nokuti mudzidzisi wake akashandisa nzira idzi.