RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/10 p. 2
  • ‘Uya Uve Muteveri Wangu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Uya Uve Muteveri Wangu’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Uya Uve Muteveri Wangu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Ndakuitirai Muenzaniso”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Nyatsotevera Tsoka Dzake”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 2/10 p. 2

‘Uya Uve Muteveri Wangu’

1. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano chichatipa mukana wei mumwedzi iri kutevera?

1 Nhoroondo ina dzoupenyu hwaJesu ari pasi pano dziri muEvhangeri, dzinotaura zvakawanda nezveMwanakomana waMwari. Sezvo vaKristu vachifanira ku“nyatsotevera tsoka dzake,” tichada kunyatsogadzirira uye kunyatsoteerera patichadzidza bhuku rinonzi ‘Uya Uve Muteveri Wangu’ paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano kutanga nevhiki yaMarch 1. (1 Pet. 2:21; Mako 10:21) Zvinokosha kuti tinyatsofungisisa zvaiitwa naJesu muupenyu hwake zvinotikurudzira muushumiri.

2. Muenzaniso waJesu wokutsungirira ungatibatsira sei?

2 Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu: Wakambosangana nevanhu vasingafariri here uchiparidzira paimba neimba? Patinosangana nevanhu vakadaro, tinobva taona kukosha kwemashoko aJesu okuti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Ichokwadi kuti kusafarirwa kwose hakusi kutambudzwa. Zvisinei, mufaro wakaiswa pamberi pake ndiwo wakaita kuti Jesu akwanise kutsungirira miedzo yose. Isuwo tinogona kufunga nezvokufarirwa naJehovha uye mubayiro wokutendeka kwedu. Izvi zvichatibatsira kuti ‘tirege kuneta nokupera simba pamweya yedu.’ (VaH. 12:2, 3; Zvir. 27:11) Sezvatinoramba tichiita ushumiri, tinogonawo kuva nechivimbo chokuti Jesu Kristu anotitsigira.—Mat. 28:20.

3. Tingatevedzera sei maonero aiita Jesu ushumiri?

3 “Ndakatumirwa Izvozvi”: Basa rokuparidza Umambo ndiro raiva pokutanga muupenyu hwaJesu. (Ruka 4:43) Aizvipira zvikuru muushumiri. Airiona sebasa raifanira kukurumidza kuitwa, achigarotsvaka mikana yokutaura nezvoUmambo. Sezvo tiri vateveri vaJesu, muenzaniso wake unoita kuti tiite sei? Pakurarama kwedu kwezuva nezuva, pane here vanhu vatinogona kuudza mashoko akanaka? Rudo runa Kristu ngarutigombedzere kuparadzira zvikuru mashoko akanaka sezvatingakwanisa!—2 VaK. 5:14.

4. Tinganatsiridza sei ushumiri hwedu?

4 “Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Saizvozvi”: Madzidzisire aiita Jesu akashamisa vaimuteerera. (Joh. 7:46; Mat. 7:28, 29) Chii chaimusiyanisa nevamwe vadzidzisi? Aida chokwadi chaaidzidzisa, aida vanhu vaaidzidzisa, uye aishandisa nzira dzakasiyana-siyana dzokudzidzisa. Tinogona kunatsiridza ushumiri hwedu nokutevedzera Mudzidzisi Mukuru.—Ruka 6:40.

5. Chii chatinofanira kuvavarira patichadzidza bhuku rinonzi ‘Uya Uve Muteveri Wangu’?

5 Izvi zvinongova zvinhu zvishoma zvinokosha zvinoratidzwa muupenyu hwaJesu. Ndezvipi zvimwe zvinokosha zvaungawana? Sezvauchaongorora upenyu hwaJesu paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano, vavarira kuti “uzive rudo rwaKristu” nokutevedzera zvaakataura uye zvaaiita.—VaEf. 3:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe